RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 3/1 pp. 30-31
  • Jesu Anotuma Vadzidzi 70

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Anotuma Vadzidzi 70
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vashumiri Vasingatsauswi
  • Zvidzidzo Kwatiri
  • “Mashoko Akanaka Anofanira Kutanga Kuparidzirwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Ivai Vashandi Vanokohwa Vachifara!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Jesu Anoparidza Mashoko eUmambo
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Kuparidza muGarireya Uye Kudzidzisa Vaapostora Kuparidza
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 3/1 pp. 30-31

Vakaita Kuda kwaJehovha

Jesu Anotuma Vadzidzi 70

MAKANGA muri muchirimo cha32 C.E. Mwedzi mitanhatu bedzi yakanga yasara rufu rwaJesu rwusati rwaitika. Nokudaro, kuti akurumidzise basa rekuparidza ndokuwedzera kurovedzwa kwevamwe vevadzidzi vake, akasarudza vadzidzi 70 ndoku“vatuma vaviri vaviri pamberi pake mumaguta ose, uye kwose kwaakanga achida kuenda.”—Ruka 10:1.a

Jesu akatuma vadzidzi vake “pamberi pake” kuitira kuti vanhu vakwanise kusarudza nokukurumidza zvikuru kana vaitsigira kana kuti kusatsigira Mesiya apo Jesu pachake aizosvika gare gare. Asi nei akavatuma “vaviri vaviri”? Sezviri pachena, kuitira kuti vakurudzirane pavaisangana nokushorwa.

Achisimbisa kukurumidzira kwebasa ravo rekuparidza, Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Kucheka kukuru, asi vabati vashoma; naizvozvo kumbirai kunaShe wokucheka kuti abudise vabati pakucheka kwake.” (Ruka 10:2) Kufananidza nokukohwa kwakanga kwakafanira, nokuti kunonoka kupi nokupi panguva yekukohwa kwaigona kuguma nokupambadzwa kwezvirimwa zvinokosha. Nenzira yakafanana, kana vadzidzi vaizoregeredza mugove wavo wokuparidza, upenyu hunokosha hwaizogona kuraswa!—Ezekieri 33:6.

Vashumiri Vasingatsauswi

Jesu akarayirazve vadzidzi vake: “Musatora chikwama, kana hombodo, kana shangu; musakwazisa munhu panzira.” (Ruka 10:4) Yakanga iri tsika kuti mufambi atakure kwete hombodo nezvokudya asiwo dzimwe shangu dzokuwedzera, nokuti pasi peshangu paigona kupera uye tambo dzaigona kudambuka. Asi vadzidzi vaJesu vaisafanira kunetseka pamusoro pezvinhu zvakadaro. Panzvimbo pezvo, vaifanira kuvimba kuti Jehovha aizovatarisira kupfurikidza nevaIsraeri biyavo, avo vakanga vane tsika yokuita mutsa.

Asi nei Jesu akaudza vadzidzi vake kusakwazisa munhu wose? Vaifanira kusava noushamwari here, kunyange kuvirima? Nyangwe! Shoko rechiGiriki a·spaʹzo·mai, rinoreva kuti kukwazisa, rinogona kureva zvinopfuura “kwaziwai” woushamwari kana kuti “masikati.” Ringabatanidzawo kutsvoda kwetsika, kumbundira, uye kurukurirano refu ingatevera apo vazivikani vaviri vaisangana. Mumwe mutsinhiri akati: “Kukwazisa pakati pevokuMabvazuva kwakanga kusingabatanidzi, sezvakunoita pakati pedu, kutyora muzura, kana kuti kutambanudza ruoko, asi kwaiitwa nokumbundirana kwakawanda, kupfugama, uye kunyange kuzvambarara pasi. Zvose izvi zvaida nguva yakawanda.” (Enzanisa na2 Madzimambo 4:29.) Nokudaro Jesu akabetsera vadzidzi vake kudzivisa kutevera zvinotsausa zvisiri madikanwa, kunyange zvazvo zvaiva tsika.

Pakupedzisira, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti pavaipinda mumba uye vachigamuchirwa, vaifanira ku“[gara] muimba iyo, [va]chidya nokunwa zvava[iva] nazvo.” Asi kudai vaipinda muguta uye vaisagamuchirwa zvakanaka, vaifanira ku“[budira] munzira dzaro [vachi]ti kwavari: Kunyange neguruva reguta renyu rakanamatira patsoka dzedu, tinorikumurira kwamuri.” (Ruka 10:7, 10, 11) Kubvisa kana kuti kuzunza guruva patsoka dzomunhu kwaizoreva kuti vadzidzi vaisiyira norugare imba isingagamuchiri kana kuti guta migumisiro yaizobva kuna Mwari pakupedzisira. Asi avo vaigamuchira vadzidzi vaJesu nomutsa vaizowana zvikomborero. Jesu akaudza vaapostora vake pane imwe nhambo kuti: “Unokugamuchirai, unondigamuchireni; nounogamuchireni, unogamuchira wakandituma. Ani naani unopa muzita romudzidzi mumwe wavaduku ava mukombe bedzi wemvura kuti anwe, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haangatongorasikirwi nomubayiro wake.”—Mateo 10:40, 42.

Zvidzidzo Kwatiri

Basa rekuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari uye kuita vadzidzi zvino riri kuitwa neZvapupu zvaJehovha zvinopfuura 5 000 000 munyika yose. (Mateo 24:14; 28:19, 20) Vanoziva kuti shoko ravo nderokukurumidzira. Naizvozvo, vanoshandisa nguva yavo zvakanakisisa, vachidzivisa zvinotsausa zvingavadzivisa kungwarira zvizere mugove wavo unokosha.

Zvapupu zvaJehovha zvinovavarira kuva noushamwari navose vanosangana nazvo. Kunyange zvakadaro, havangobatanidzwi havo mukutaura kusingabetseri, uyewo kubatanidzwa muhurukuro dzenzanga kana kuti dzokuedza kunokundikana kwenyika ino kururamisa kusaruramisira. (Johane 17:16) Panzvimbo pezvo, vanoisa kurukurirano yavo pachichapedza bedzi kwenguva refu zvinetso zvavanhu—Umambo hwaMwari.

Kakawanda zvikuru, Zvapupu zvaJehovha zvinoonekwa zvichishanda zviri vaviri vaviri. Zvakawanda zvaisagona kuitwa here kudai mumwe nomumwe wazvo aishanda ari oga? Zvimwe. Kunyange zvakadaro, vaKristu nhasi vanoziva betsero dzokushanda nomumwe mutendi. Zvinopa mwero wakati wedziviriro pakupupura munzvimbo dzine ngozi. Kushanda nomumwe kunogonesawo kuti vatsva vabetserwe nounyanzvi hwevaparidzi vemashoko akanaka vane ruzivo rwokuzviwanira rukuru. Chaizvoizvo, vose vari vaviri vanogona kubetsera kutsinhana kukurudzirana.—Zvirevo 27:17.

Pasina mubvunzo, basa rekuparidza ndiro basa rekukurumidzira zvikuru riri kuitwa mu“mazuva [ano] okupedzisira.” (2 Timotio 3:1) Zvapupu zvaJehovha zvinofara kutsigirwa noukama hwemunyika yose mazvinoshanda “nomwoyo mumwe, [zvi]chirwira kutenda kweEvhangeri.”—VaFiripi 1:27.

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe maBhaibheri uye manyoro echiGiriki ekare anotaura kuti Jesu akatuma vadzidzi “makumi manomwe navaviri.” Zvisinei, kune ufakazi hwakawanda hwemanyoro hunotsigira kurava kwokuti “makumi manomwe.” Uku kusiyana kwenhamba hakufaniri kutibvisa pamufungo mukuru, wokuti Jesu akatuma boka guru revadzidzi vake kunoparidza.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe