RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 4/1 pp. 15-20
  • Bhuku Rinobva Kuna Mwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhuku Rinobva Kuna Mwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Bhuku Rinobvumirana Nesayenzi
  • Bhuku Rinoshanda Mukurarama Kwazvino Uno
  • Bhuku Rouporofita Hwechokwadi
  • Bhaibheri—Bhuku Rinobva Kuna Mwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Bhaibheri—Bhuku Rakabva Kuna Mwari
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Bhuku Rinozivisa Kuziva Mwari
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Jehovha Anoninipisa Guta Rinozvikudza
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 4/1 pp. 15-20

Bhuku Rinobva Kuna Mwari

“Hakuna uporofita hwakatongouya nokuda kwomunhu, asi vanhu vaMwari vakataura, vachimutswa noMweya Mutsvene.”—2 PETRO 1:21.

1, 2. (a) Nei vamwe vasina chivimbo chokukosha kweBhaibheri mukurarama kwazvino uno? (b) Ufakazii hutatu hwatinogona kushandisa kuratidzira kuti Bhaibheri rinobva kuna Mwari?

BHAIBHERI rinokosha kuvanhu vari kurarama mukusvika kwezana remakore rechi21 here? Vamwe havafungi kudaro. “Hakuna munhu angatsigira kushandiswa kwechinyorwa cha1924 chebhuku rokudzidzisa chemistry mukirasi yechemistry yazvino uno—zvakawanda zvikuru zvakadzidzwa pamusoro pechemistry kubva panguva iyoyo,” akanyora kudaro Dr. Eli S. Chesen, achitsanangura kuti nei aifunga kuti Bhaibheri hariwirirani nomusi. Kukarangarirwa sezvakuri, kutaura uku kunoratidza sokune mufungo. Pashure pezvose, munhu akadzidza zvakawanda pamusoro pesayenzi, utano hwendangariro, uye kuita kwevanhu kubva munguva dzeBhaibheri. Naizvozvo, vamwe vanoshamisika kuti: ‘Bhuku rekare rakadaro rinogona sei kuva risina zvikanganiso zvesayenzi? Ringagona sei kuva nezano rinoshanda mukurarama kwazvino uno?’

2 Bhaibheri pacharo rinopa mhinduro. Pana 2 Petro 1:21, tinoudzwa kuti vaporofita veBhaibheri “vakataura, vachimutswa noMweya Mutsvene.” Nokudaro Bhaibheri rinoratidza kuti ibhuku rinobva kuna Mwari. Tinogona sei, kunyange zvakadaro, kupwisa vamwe kuti izvi ichokwadi? Ngatirangarirei ufakazi hutatu hwokuti Bhaibheri iShoko raMwari: (1) Rakarurama mune zvesayenzi, (2) rine nheyo dzisinei nenguva dzinoshanda mukurarama kwazvino uno, uye (3) rine uporofita hwakananga hwakazadzika, sezvinobvumikiswa nemaidi enhau.

Bhuku Rinobvumirana Nesayenzi

3. Nei Bhaibheri risina kutyisidzirwa nezvakawanwa nesayenzi?

3 Bhaibheri harisi bhuku rinodzidzisa sayenzi. Zvisinei, ibhuku rechokwadi, uye chokwadi chinogona kukurira muedzo wenguva. (Johane 17:17) Bhaibheri harina kupinzwa mungozi nezvakawanwa nesayenzi. Parinotaura nezvenhau dzine chokuita nesayenzi, harina chose chose nhoroondo dzekare dze“sayenzi” idzo dzakabvumikisa kungova ngano bedzi. Kutaura idi, rine kutaura kusati kuchingova kwakarurama bedzi mune zvesayenzi asiwo kunopokana zvakananga nemirangariro inogamuchirwa yanhasi. Rangarira, somuenzaniso, kubvumirana kuri pakati peBhaibheri nesayenzi yokurapa.

4, 5. (a) Varapi vekare havana kunzwisisa chii pamusoro pezvirwere? (b) Pasina mubvunzo nei Mosesi akanga akarovedzana nemiitiro yokurapa yen’anga dzeEgipita?

4 Varapi vekare vakanga vasinganzwisisi zvizere kuti zvirwere zvinopararira sei, kana kuziva ukoshi hwoutsanana mukudzivirira kurwara. Miitiro yekare yokurapa yaizorangarirwa seyakaderera maererano nezvinoitwa nhasi. Rimwe ramagwaro ekaresa rinowanika rinonzi Ebers Papyrus, mubatanidzwa weruzivo rwezvokurapa rweEgipita, rinovambira munenge muna 1550 B.C.E. Rine mishonga yezvirwere 700 zvakasiyana-siyana, “kubva pane yokurumwa negarwe kusvika pakurwadza kwenzara dzechigunwe chikuru chetsoka.” Mizhinjisa yemishonga yacho yakanga isingashandi hayo, asi mimwe yayo yakanga ine ngozi zvikurusa. Nokuda kwokurapa ronda, mumwe wemishonga waida kushandisa kwetsvina yavanhu yakasanganiswa nezvimwe zvinhu.

5 Iri gwaro remishonga yokurapa yeEgipita rakanyorwa panenge panguva imwe cheteyo yakanyorwa mabhuku okutanga eBhaibheri, aibatanidza Mutemo waMosesi. Mosesi, uyo akaberekwa muna 1593 B.C.E., akakurira muEgipita. (Eksodho 2:1-10) Arererwa muimba yaFarao, Mosesi “akadzidziswa uchenjeri hwose hwavaEgipita.” (Mabasa 7:22) Akanga akarovedzana ne“n’anga” dzeEgipita. (Genesi 50:1-3) Miitiro yadzo isingashandi uye ine ngozi yezvokurapa yakapesvedzera zvaakanyora here?

6. Mirayiroi youtsanana yakanga iri muMutemo waMosesi ingarangarirwa seine mufungo nesayenzi yezvokurapa yazvino uno?

6 Mukupesana, Mutemo waMosesi waibatanidza mirayiro youtsanana yaizorangarirwa kuva ine mufungo nesayenzi yezvokurapa yazvino uno. Somuenzaniso, mutemo wemisasa yemauto waida kuti tsvina ifushirwe kunze kwomusasa. (Dheuteronomio 23:13) Iyi yakanga iri nhano inokosha zvikuru yokudzivirira. Yakabetsera kuchengeta manyuko emvura asina kutapukirwa uye yakavadzivirira pazvirwere zvinoparirwa noutachiona hwomumhepo uye zvimwe zvirwere zvomudumbu zvichiri kuuraya mamiriyoni evanhu gore rimwe nerimwe, zvikurukuru munyika dzichiri kubudirira.

7. Mirayiroi youtsanana yakanga iri muMutemo waMosesi yakabetsera kudzivisa kupararira kwezvirwere zvinotapukira?

7 Mutemo waMosesi wakanga une mimwe mirayiro youtsanana yaibetsera kudzivirira kupararira kwezvirwere zvinotapukira. Munhu akanga ane kana kuti aifungidzira kuva ane chirwere chinotapukira aigariswa kwake oga. (Revhitiko 13:1-5) Zvipfeko kana kuti midziyo zvaibatana nemhuka yakanga yafa yoga (zvimwe nechirwere) zvaifanira kucheneswa zvisati zvashandiswa kana kuti kuparadzwa. (Revhitiko 11:27, 28, 32, 33) Munhu upi noupi aibata chitunha airangarirwa seasina kuchena uye aifanira kuita muitiro wokuchenesa waibatanidza kugeza mbatya dzake uye kuzvishambidza. Munhambo yemazuva manomwe okusachena, aifanira kudzivisa kubatana kwomuviri nevamwe.—Numeri 19:1-13.

8, 9. Nei zvichigona kutaurwa kuti bumbiro romutemo youtsanana yakanga iri muMutemo waMosesi yakanga iri mberi zvikuru kwenguva yayo?

8 Iri bumbiro romutemo routsanana rinoratidzira uchenjeri hwakanga huri mberi zvikuru kwenguva yahwo. Sayenzi yezvokurapa yazvino uno yakaziva zvakawanda pamusoro pokupararira uye kudzivirirwa kwezvirwere. Somuenzaniso, kufambira mberi kwezvokurapa muzana remakore rechi19 kwakatungamirira kukutangwa kwekudzivisa utachiona—rucheno runoderedza utachiona. Mugumisiro wacho wakanga uri kuderedzwa kukuru kwoutachiona uye nzufu dzenguva isati yakwana. Mugore ra1900, makore okurarama aikarirwa panguva yokuberekwa munyika dzakawanda muEurope uye muUnited States akanga ari pasi pe50. Kubva panguva iyoyo, akawedzera zvinoshamisa, kwete bedzi nemhaka yokufambira mberi mukudzora zvirwere asiwo nemhaka youtsanana huri nani uye magariro ari nani.

9 Asi, zviuru zvemakore sayenzi yezvokurapa isati yaziva kuti zvirwere zvinopararira sei, Bhaibheri rairayira matanho ane mufungo okuzvidzivirira sechitaviridzo pachirwere. Hazvingashamisi, kuti Mosesi aigona kutaura nezvevaIsraeri vose zvavo vomuzuva rake sevairarama makore 70 kana kuti 80. (Pisarema 90:10) Mosesi aigona sei kuziva nezvemirayiro yakadaro youtsanana? Bhaibheri pacharo rinotsanangura kuti: Bumbiro roMutemo “wakarayirwa navatumwa.” (VaGaratia 3:19) Hungu, Bhaibheri harisi bhuku rouchenjeri hwavanhu; ibhuku rakabva kuna Mwari.

Bhuku Rinoshanda Mukurarama Kwazvino Uno

10. Kunyange zvazvo Bhaibheri rakapedzwa anoda kusvika makore 2 000 apfuura, chii chiri chechokwadi pamusoro pezano raro?

10 Mabhuku anopa mazano anowanzova asingawirirani nomusi uye anokurumidza kuhwirudzurwa kana kuti kutsiviwa. Asi Bhaibheri zvirokwazvo rakatanhamara. “Zvipupuriro zvenyu ndezv[e]zvokwadi kwazvo,” rinodaro Pisarema 93:5. Kunyange zvazvo Bhaibheri rakapedzwa anoda kusvika makore 2 000 akapfuura, mashoko aro achiri kushanda. Uye anoshanda nenzira yakafanana pasinei zvapo noruvara rweganda redu kana kuti nyika yatinogara mairi. Rangarira mimwe mienzaniso isinei nenguva yeBhaibheri, zano re“zvokwadi kwazvo.”

11. Makumi emakore apfuura, vabereki vakawanda vakaitwa kuti vadavirei pamusoro pokurangwa kwevana?

11 Makumi emakore anoverengeka akapfuura vabereki vakawanda—vakurudzirwa ne“pfungwa itsva” dzokurera vana—vakafunga kuti “vaisafanira kuranga.” Vaityira kuti, kuisira vana miganhu, kungaparira dambudziko uye kuora mwoyo. Vapi vezano vane vavariro dzakanaka vaiomerera kuti vabereki vadzivise chinhu chipi nechipi chinopfuura kungotsiura vana vavo zvishoma. Nyanzvi dzakawanda dzakadaro zvino dziri “kukurudzira vabereki kuva norumano zvishoma, kuranga vana vavo zvekare,” inoshuma kudaro The New York Times.

12. Zita rechiGiriki rinoshandurwa kuti “chirango” rinorevei, uye nei vana vachida chirango chakadaro?

12 Munguva yose iyi, zvisinei, Bhaibheri rakapa zano rakananga, rakadzikama panhau yokurovedza vana. Rinorayira kuti: “Madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu; asi varerei pakuranga nokurayira kwaShe.” (VaEfeso 6:4) Zita rechiGiriki rinoshandurwa kuti “chirango” rinoreva kuti “kurera, kurovedza, murayiridzo.” Bhaibheri rinotaura kuti chirango, kana kuti murayiridzo, ufakazi hworudo rwomubereki. (Zvirevo 13:24) Vana vanobudirira munhungamiro dzakajeka dzetsika dzinovabetsera kutanga pfungwa yechakarurama nechisina kururama. Chirango chinopiwa nenzira yakafanira chinovabetsera kuti vanzwe vakachengeteka; chinovaudza kuti vabereki vavo vanovaitira hanya uye rudzi rwevanhu rwavari kuva.—Enzanisa naZvirevo 4:10-13.

13. (a) Pamusoro pechirango, Bhaibheri rinopa nyeveroi kuvabereki? (b) Rudzii rwechirango chinorumbidzwa neBhaibheri?

13 Asi Bhaibheri rinonyevera vabereki munhau iyi yechirango. Chiremera chevabereki hachifaniri kumboshandiswa nenzira isina kufanira. (Zvirevo 22:15) Hapana mwana anofanira kumboshandisirwa kuranga kwoutsinye. Masimba masimba haana nzvimbo mumhuri inoshandisa Bhaibheri. (Pisarema 11:5) Uyewo masimba masimba emirangariro—mashoko ehasha, kutsoropodza nguva dzose, uye kutaura kunorwadza kwokutuka, zvose zvinogona kuodza mwoyo wemwana. (Enzanisa naZvirevo 12:18.) Nokuchenjera, Bhaibheri rinonyevera vabereki: “Regai kunetsa vana venyu, kuti varege kuora mwoyo [kana kuti, “nokuti mungavashayisa tariro,” Phillips].” (VaKorose 3:21) Bhaibheri rinorumbidza matanho okudzivirira. Pana Dheuteronomio 11:19, vabereki vanokurudzirwa kushandisa mukana wenguva dzenhandaro kuti varoverere mavara etsika uye omudzimu muvana vavo. Zano rakajeka kudaro, rine mufungo pamusoro pokurera vana rinoshanda nhasi sezvaraiita munguva dzeBhaibheri.

14, 15. (a) Bhaibheri rinogovera rinopfuura zano rokuchenjera munzirai? (b) Idzidzisoi dzeBhaibheri dzinogona kubetsera varume nevakadzi vemarudzi akasiyana-siyana nenyika kurangarirana sevakaenzana?

14 Bhaibheri rinopa zvinopfuura zano rokuchenjera. Shoko raro rinofadza mwoyo. VaHebheru 4:12 inoti: “Shoko raMwari ibenyu, rine simba, rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomwongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.” Rangarira muenzaniso wesimba rinosunda reBhaibheri.

15 Nhasi vanhu vakaparadzaniswa nemhinganidzo dzorudzi, nyika, uye dzedzinza. Mhinganidzo dzakadaro dzinoiswa nevanhu dzakaparira kuurawa kukuru kwevanhu vasina mhaka muhondo munyika yose. Bhaibheri, pane rumwe rutivi, rine dzidziso dzinobetsera varume nevakadzi vemarudzi akasiyana-siyana nenyika kurangarirana sevakaenzana. Somuenzaniso, Mabasa 17:26 inotaura kuti Mwari “wakaita marudzi ose avanhu, achibva kuno mumwe.” Izvi zvinoratidza kuti chaizvoizvo kune rudzi rumwe bedzi—rudzi rwavanhu! Bhaibheri rinotikurudzirazve kuti tive “vateveri vaMwari,” warinoti nezvake: “Haasi mutsauri wavanhu; asi parudzi rudzi rupi norupi, munhu, unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.” (VaEfeso 5:1; Mabasa 10:34, 35) Kuavo vanotsvaka zvechokwadi kurarama maererano nedzidziso dzeBhaibheri, zivo iyi inobatanidza. Inoshanda pamwero wakadzama zvikurusa—mumwoyo—ichinyungudutsa mhinganidzo dzakaitwa nevanhu dzinoparadzanisa vanhu. Rinoshanda chaizvoizvo munyika yanhasi here?

16. Rondedzera chakaitika chinoratidza kuti Zvapupu zvaJehovha zvine ukama hwechokwadi hwemarudzi akawanda.

16 Zvirokwazvo rinodaro! Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa zvikuru nokuda kwoukama hwazvo hwemarudzi akawanda, hunobatanidza vanhu vanobva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana vanowanzosava norugare. Mukuurayana kwemadzinza muRwanda, somuenzaniso, Zvapupu zvaJehovha zvorudzi rumwe norumwe zvaidzivirira hama dzazvo dzechiKristu nehanzvadzi dzorumwe rudzi, zvichiisa upenyu hwazvo mungozi pazvaidaro. Muchimwe chiitiko, Chapupu chechiHutu chakavanza mumusha wacho mhuri yechiTutsi yevanhu vatanhatu vomuungano yacho. Nenzira inosuruvarisa, pakupedzisira mhuri yechiTutsi yakawanwa ndokuurawa. Hama yechiHutu nemhuri yayo zvino vakanangana nehasha dzavaurayi uye vaitofanira kutizira kuTanzania. Mienzaniso yakafanana yakadaro yakashumwa. Zvapupu zvaJehovha zvinobvuma nokudisa kuti kubatana kwakadaro kunobvira nemhaka yokuti mwoyo yazvo yakaororwa zvikuru nesimba rinosunda reshoko raMwari. Kuti Bhaibheri rinogona kubatanidza vanhu munyika ino yakazadzwa noruvengo chibvumikiso chakasimba chokuti rinobva kuna Mwari.

Bhuku Rouporofita Hwechokwadi

17. Uporofita hweBhaibheri hwakasiyana sei nokufanotaura kwevanhu?

17 “Hakuna uporofita hworugwaro hunongodudzirwa nomunhu,” rinodaro bhuku ra2 Petro 1:20. Vaporofita veBhaibheri havana kunzvera kombamiro dzenhau dzenyika dzakanga dziripo ndokufembera vachishandisa kududzira kwavo kwomunhu oga kwezviitiko izvi. Uyewo havana kufanotaura zvinhu zvisina kujeka zvaigona kuitwa kuti zvikodzere zviitiko zvipi nezvipi zvemunguva yemberi. Ngatirangarirei, somuenzaniso, uporofita hweBhaibheri hwakanga hwakananga nenzira isiri yenguva dzose uye hwakafanotaura zvakasiyana chaizvo nezvingave zvakakarirwa nevanhu vairarama munguva iyoyo.

18. Nei vagari vomuBhabhironi rekare vainzwa vakakotsekana zvikuru, asi chii chakafanotaura muporofita Isaya pamusoro peBhabhironi?

18 Pakasvika zana remakore rechinomwe B.C.E., rairatidzika sedzimbahwe risingakundwi roUmambo hweBhabhironi. Guta racho rakanga rakagara mumvura dzeRwizi rwaYufuratesi, uye mvura dzerwizi rwacho dzaishandiswa kuumba mugero wakapamhamha, wakadzama uye nzizi dzakawanda. Guta racho rakanga rakadzivirirwawo negadziriro huru yemadziro akavakwa kaviri, aisimbiswa neshongwe dzokudzivirira. Pasina mubvunzo vagari vomuBhabhironi vainzwa vakachengeteka zvikuru. Asi, muzana remakore rechisere B.C.E., kunyange apo Bhabhironi rakanga risati rasvika pakubwinya kwaro kukuru, muporofita Isaya akafanotaura kuti: “Bhabhironi . . . richaita sapanguva yakaparadza Mwari Sodhoma neGomora. Haringatongogarwi navanhu, hakuna vangatongogaramo kusvikira kumarudzi namarudzi; kunyange nomuArabhia haangadziki tende rakemo, navafudzi havangavatisi makwai avopo.” (Isaya 13:19, 20) Cherekedza kuti uporofita hwacho hahuna kungotaura bedzi kuti Bhabhironi raizoparadzwa asi kuti raisazogarwa nokusingaperi. Kufanotaura kwoushingi kwakadini! Isaya aigona kuve akanyora uporofita hwake pashure pokunge acherekedza Bhabhironi rava dongo here? Nhau inopindura ichiti aiwa!

19. Nei uporofita hwaIsaya husina kuzadzika zvakakwana musi waOctober 5, 539 B.C.E.?

19 Muusiku hwaOctober 5, 539 B.C.E., Bhabhironi rakakundwa nemauto evaMedhia nePersia aitungamirirwa naSirasi Mukuru. Zvisinei, uporofita hwaIsaya hahuna kuzadzika hwose panguva iyoyo. Pashure pokukurira kwaSirasi, Bhabhironi raigarwa—kunyange zvazvo rakanga risina simba—rakapfuurira kuvapo kwemazana emakore. Muzana remakore rechipiri B.C.E., inenge nguva yakakopwa Mupumburu wemuGungwa Rakafa waIsaya, vaParthia vakakurira Bhabhironi, panguva iyoyo rairangarirwa semubayiro wairwirwa nemarudzi akanga akapoteredza. Wezvenhau wechiJudha Josephus akashuma kuti “nhamba huru” yevaJudha vaigara imomo muzana rokutanga remakore B.C.E. Maererano neThe Cambridge Ancient History, vatengesi vePalmyra vakawana vanhu vanobudirira vokutengeserana navo muBhabhironi muna 24 C.E. Naizvozvo, shure zvikuru muzana remakore rokutanga C.E., Bhabhironi rakanga risati rava dongo chose chose; asi, bhuku raIsaya rakanga rapedzwa kare nguva iyoyo isati yasvika.—1 Petro 5:13.

20. Ufakazii huripo hwokuti Bhabhironi pakupedzisira rakava “mirwi yamabwe”?

20 Isaya haana kumborarama kuti aone Bhabhironi richirega kugarwa. Asi mukuzadzika kwouporofita, pakupedzisira Bhabhironi rakava “mirwi yamabwe.” (Jeremia 51:37) Maererano nenyanzvi yechiHebheru Jerome (akaberekwa muzana remakore rechina C.E.), munguva yake Bhabhironi rakanga riri nzvimbo yokuvhima maifamba “marudzi ose emhuka,” uye richiri dongo kusvikira kunguva ino. Kudzorerwazve kweBhabhironi senzvimbo yokushanya kungakwezva vashanyi, asi “zita navakasara” zveBhabhironi zvakapera nokusingaperi, sezvakafanotaura Isaya.—Isaya 14:22.

21. Nei vaporofita vakatendeka vaikwanisa kufanotaura nguva yemberi nokururama kwakakwana?

21 Muporofita Isaya haana kufembera. Uyewo haana kunyorazve nhau achiita kuti ive souporofita. Isaya akanga ari muporofita wechokwadi. Ndizvo zvakanga zvakaitawo vamwe vaporofita vose veBhaibheri. Nei ava varume vakagona kuita zvaisagona kuitwa nevamwe vanhu—kufanotaura nguva yemberi nokururama kwakakwana? Mhinduro yacho yakajeka. Uporofita hwacho hwakabva kuna Mwari wouporofita, Jehovha, “Iye unoparidza kubva pakutanga zvichaitika pakupedzisira.”—Isaya 46:10.

22. Nei tichifanira kuita zvose zvatinogona kuti tikurudzire vanhu vakatendeseka kuti vazvinzverere Bhaibheri?

22 Naizvozvo Bhaibheri rinofanira kunzverwa here? Tinoziva kuti rinofanira! Asi vanhu vakawanda havapwiswi. Vakaumba mirangariro pamusoro peBhaibheri kunyange zvazvo vangave vasati vamborirava. Yeuka purofesa akadudzwa pakutanga kwenyaya yakapfuura. Akabvuma kufunda Bhaibheri, uye pashure pokunzvera Bhaibheri nokungwarira, akagumisa kuti ibhuku rinobva kuna Mwari. Pakupedzisira akabhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha, uye nhasi ari kubatira somukuru! Ngatiitei zvose zvatinogona kuti tikurudzire vane mwoyo yakatendeseka kuti vazvinzverere Bhaibheri uye ipapo ndokuumba mirangariro pamusoro paro. Tinovimba kuti kana vakanzvera zvakananga nokutendeseka, vachasvika pakuziva kuti bhuku iri rakatanhamara, Bhaibheri, zvirokwazvo ibhuku revanhu vose!

Unogona Kutsanangura Here?

◻ Ungagona sei kushandisa Mutemo waMosesi kuratidza kuti Bhaibheri harisi bhuku rakavambwa nevanhu?

◻ Inheyoi dzisinei nenguva dziri muBhaibheri dzinoshanda mukurarama kwazvino uno?

◻ Nei uporofita huri pana Isaya 13:19, 20 hwaisagona kuve hwakanyorwa pashure pechiitiko chacho?

◻ Chii chatinofanira kukurudzira vanhu vakatendeseka kuita, uye nei?

[Bhokisi riri papeji 19]

Zvakadini Nezvisingagoni Kubvumikiswa?

Bhaibheri rine kutaura kwakasiyana-siyana kusina ufakazi hunooneka. Somuenzaniso, zvarinotaura pamusoro penzvimbo isingaoneki inogara zvisikwa zvomudzimu hazvigoni kubvumikiswa—kana kuti kurambwa—nesayenzi. Kutaura kwakadaro kusingagoni kubvumikiswa kunobonderanisa Bhaibheri nesayenzi here?

Uyu ndiwo mubvunzo wakabvunzwa nemusayendisiti anoongorora mabwe emitumbi yomuchadenga uyo akatanga kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha makore akati akapfuura. “Ndinofanira kubvuma kuti kugamuchira kwakanga kwakaoma kwandiri pakutanga nemhaka yokuti ndakanga ndisingagoni kubvumikisa nesayenzi kumwe kutaura kweBhaibheri,” anoyeuka kudaro. Uyu murume akatendeseka akapfuurira kufunda Bhaibheri uye pakupedzisira akapwiswa kuti ufakazi hunoratidza kuti iShoko raMwari. “Izvi zvakaderedza kupanga kwokuda kuti maidi ose eBhaibheri abvumikiswe,” anotsanangura kudaro. “Munhu anofunga zvesayenzi anofanira kudisa kunzvera Bhaibheri nomurangariro womudzimu, kana kuti haasati achizombogamuchira chokwadi. Sayenzi haigoni kukarirwa kubvumikisa ufakazi hwokutaura kwose kunoitwa muBhaibheri. Asi nemhaka chete yokuti kumwe kutaura hakubvumikiswi, izvozvo hazvirevi kuti hakusi kwechokwadi. Chinhu chinokosha ndechokuti pose panogona kubvumikiswa kururama kweBhaibheri kunosimbiswa.”

[Mufananidzo uri papeji 17]

Mosesi akanyora mitemo youtsanana yakanga isingazivikanwi munguva yake

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe