Upenyu Hwangu Seane Maperembudzi—Hunofadza uye Hwakakomborerwa Mumudzimu
YAKATAURWA NAISAIAH ADAGBONA
Ndakakurira muAkure, Nigeria. Mhuri yangu yairima mayam, mabhanana, mujumbura, uye koko. Baba vangu vakanga vasingadi kuti ndiende kuchikoro. Vakati kwandiri: “Uri murimi. Hapana munhu achazombokukumbira kuti urave mayam.”
ZVISINEI, ndaida kudzidza kurava. Mumanheru, ndaimira ndokuteerera ndiri pahwindo romusha une vamwe vana vaidzidziswa nomudzidzisi aiita zvokuuya kumba. Makanga muri muna 1940 pandakanga ndava nemakore anenge 12 okukura. Apo baba vevana vacho vaindiona, vaipopota ndokundidzinga. Asi ndairamba ndichidzoka. Pane dzimwe nguva mudzidzisi akanga asingauyi, uye ndaiverevedza ndokutarira mabhuku evana vacho navo. Pane dzimwe nguva vaindibvumira kukwereta mabhuku avo. Ndiwo madzidzire andakaita kurava.
Ndinokumbanira Vanhu vaMwari
Pashure penguva yakati ndakawana Bhaibheri ndokurirava nguva dzose ndisati ndaenda kunorara. Mamwe manheru ndakarava Mateo ganhuro 10, inoratidza kuti vadzidzi vaJesu vaizovengwa nokutambudzwa navanhu.
Ndakayeuka kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvauya kumba kwangu uye zvaibatwa zvakaipa. Zvakandifundisa kuti ava vangava vanhu avo Jesu akanga ataura nezvavo. Nguva yakatevera yakashanya Zvapupu, ndakawana magazini kubva kwazviri. Sezvandakavamba kusonganirana nazvo, ndakava nyajambwa wokusekwa. Asi, sezvo vanhu vaiedza kundiodza mwoyo zvikuru, ndakapwiswa zvikuru uye ndakafara kuti ndakanga ndawana rudzidziso rwechokwadi.
Chakandiorora zvikuru pamusoro peZvapupu chakanga chiri chokuti, kusafanana nemamwe mapoka orudzidziso akanga ari munharaunda mangu, zvakanga zvisingasanganisi kunamata kwazvo netsika nemagamuchidzanwa erudzidziso rwenhema rwomunzvimbomo. Somuenzaniso, kunyange zvazvo mhuri yangu yaienda kuchechi yeAnglican, baba vangu vaichengeta nzvimbo yokunamatira yaOgun mwari wevaYoruba.
Pashure pokunge baba vangu vafa, ndakanga ndichifanira kugara nhaka nzvimbo yacho yokunamatira. Ndakanga ndisingaidi, sezvandaiziva kuti Bhaibheri rinoshora kunamata zvidhori. Ndakafambira mberi mumudzimu nebetsero yaJehovha, uye muna December 1954, ndakabhabhatidzwa.
Maperembudzi Anorovanya
Kutanga kwegore iroro, ndakacherekedza kuzvimba uye kusanzwa marwadzo mumakumbo angu. Pandaitsika marasha anopisa, ndakanga ndisingarwadziwi. Pashure penguva yakati, zvironda zvitsvuku zvakabuda pahuma yangu nepamiromo. Ini nemhuri yangu takanga tisingazivi chakanga chakanganisika; taifunga kuti yakanga iri eczema. Ndakaenda kuvarapi 12 ndichitsvaka mushonga. Pakupedzisira mumwe wavo akatiudza kuti akanga ari maperembudzi.
Zvakanga zvichivhundutsa sei! Ndakatsamwa uye handina kurara zvakanaka. Ndakaita madzikirira. Asi kuziva kwangu chokwadi cheBhaibheri nokutsamira pana Jehovha zvakandibetsera kukarira nguva yemberi nechivimbo.
Vanhu vakaudza mai vangu kuti kana ndikaenda kusvikiro kunopira zvibayiro, ndaizova nani. Ndakaramba kuenda, ndichiziva kuti chiito chakadaro chaizotsamwisa Jehovha. Dzichicherekedza kuti ndakanga ndaita chisarudzo pamusoro penhau yacho, shamwari dzamai vangu dzakakarakadza kuti vatore kola nut ndokugunzvisa pahuma yangu. Ipapo vaigona kuzopa svikiro kola nut yacho kuti riishandise mukupira nokuda kwangu. Ndakanga ndisingadi kutora rutivi muna izvozvo uye ndakavaudza kudaro. Pakupedzisira vakarega nhamburiko dzavo dzokundibatanidza murudzidziso rwenhema.
Pandakazoenda kuchipatara, maperembudzi akanga atokomba zvikuru. Ndakanga ndava namaronda mumuviri wangu wose. Kuchipatara, vakandipa mishonga, uye zvishoma nezvishoma ganda rangu rakanaka.
Vakafunga Kuti Ndakanga Ndafa
Asi zvinetso zvangu zvakanga zvisina kumbopera. Gumbo rangu rokurudyi rakazadzwa nemaronda zvakaipa, uye muna 1962 raifanira kugurwa. Pashure pokuvhiya, pakava nezvinetso zvokurapa. Vanachiremba havana kundikarira kuti ndichararama. Mumwe muprista wechichena aiva mufundisi akauya kuti aiite zvirango zvokupedzisira. Ndakanga ndisina simba rokutaura, asi mumwe mukoti akamuudza kuti ndakanga ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha.
Mupristi wacho akati kwandiri: “Unoda kuchinja ndokuva muKaturike kuti ugoenda kudenga here?” Izvozvo zvakandiita kuti ndiseke nechomumwoyo. Ndakanyengetera kuna Jehovha nokuda kwesimba rokupindura. Nenhamburiko huru ndakakwanisa kuti, “Aiwa!” Mupristi akatendeuka ndokufamba achienda.
Utano hwangu hwakaipisisa kusvikira vashandi vomuchipatara vafunga kuti ndakanga ndafa. Vakafukidza chiso changu neshitibhedha. Kunyange zvakadaro, havana kundiendesa kumochari, sezvo chiremba kana kuti mukoti aifanira kutanga abvumikisa kuti ndakanga ndafa. Pakanga pasina chiremba aishanda, uye vanamukoti vose vakanga vaenda kupati. Naizvozvo vakandisiya ndiri muwadhi usiku hwose. Apo chiremba akashanyira varwere mangwanani akatevera acho, hapana akauya kumubhedha wangu nokuti ndakanga ndichakafukidzwa uye ndichifungidzirwa kuti ndafa. Pakupedzisira, mumwe munhu akaona kuti “chitunha” chakanga chakafukidzwa nemashitibhedha chakanga chichipfakanyika!
Zvisinei, ndakapora, uye muna December 1963 vakandichinjira kuAbeokuta Leprosy Hospital Settlement kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweNigeria. Ndakagara ikoko kubvira ipapo.
Kushorwa Mukuparidza Kwangu
Pakanga pane vane maperembudzi vanenge 400 munzvimbo mandaigara pandakasvika, uye ndini ndakanga ndichingova Chapupu ndoga. Ndakanyorera Sosaiti, uye yakakurumidza kupindura kupfurikidza nokuita kuti Ungano yeAkomoje inditsvake. Naizvozvo handina kumbofa ndakarasana nehama.
Pandakangosvika kunzvimbo yacho, ndakavamba kuparidza. Mufundisi womunzvimbomo haana kufara pamusoro paizvozvo, uye akandirevera kumukuru mukuru wepataigara akanga achitarisira musasa wacho. Mukuru mukuru wepataigara akanga ari murume ati kurei aibva kuGermany. Akandiudza kuti ndakanga ndisina kodzero yokudzidzisa Bhaibheri nokuti ndakanga ndisina kudzidza kana kuti chitupa chokuita kudaro; sezvandakanga ndisina kukwaniriswa, ndaizodzidzisa vanhu nenzira isina kururama. Kudai ndakaomerera, ndaigona kudzingwa panzvimbo yandaigara ndokurambidzwa kurapwa. Haana kundibvumidza kuti nditaure chinhu chipi nechipi mukupindura.
Pashure pezvo akarayira kuti hapana munhu anofanira kufunda Bhaibheri neni. Somugumisiro, avo vakanga varatidza fariro vakarega kuuya kwandiri.
Ndakanyengeterera nhau yacho kuna Jehovha, ndichikumbira uchenjeri nenhungamiro. Svondo yakatevera yacho, ndakaenda kuchechi yeBaptist yaiva panzvimbo yacho, kunyange zvazvo ndisina kutora rutivi muminamato yorudzidziso. Pakanga pane nhambo mukati momunamato wacho apo avo vaivapo vaigona kubvunza mibvunzo. Ndakasimudza ruoko rwangu ndokubvunza kuti: “Kana vanhu vose vakanaka vachienda kudenga uye vanhu vose vakaipa vachienda kune imwe nzvimbo, nei Isaya 45:18 ichitaura kuti Mwari akaita nyika kuti igarwe?”
Pakanga pane kunyunyuta kwakawanda pakati peungano. Pakupedzisira, mufundisi akataura kuti hatigoni kuziva nzira dzaMwari. Naizvozvo, ndakapindura mubvunzo wangu pachangu kupfurikidza nokurava Magwaro anoratidza kuti vane 144 000 vachaenda kudenga, kuti vakaipa vachaparadzwa, uye kuti vanhu vakarurama vachagara pasi pano nokusingaperi.—Pisarema 37:10, 11; Zvakazarurwa 14:1, 4.
Vanhu vose vakaombera maoko vachionga mhinduro yacho. Ipapo mufundisi akati: “Omberai kechipiri nemhaka yokuti murume uyu anonyatsoziva Bhaibheri.” Pashure pomunamato wacho, vamwe vakauya kwandiri ndokuti: “Unoziva kupfuura mufundisi!”
Dzvinyiriro Yokundidzinga Inopfuurira
Izvozvo zvakagumisa rutivi rukuru rwechitambudzo, uye vanhu vakandikumbanirazve kuti vafunde Bhaibheri. Zvisinei, pakaramba pane vashori vakasunda mukuru mukuru wepataigara kuti andidzinge. Unenge mwedzi mumwe pashure pemunamato wechechi, akandidana ndokuti: “Nei uchiramba uchiparidza? Munyika yangu, vanhu havafariri Zvapupu zvaJehovha, uye zvakafanana kuno. Unondinetserei? Unoziva here kuti ndinogona kukudzinga?”
Ndakapindura kuti: “Papa, ndinokuremekedzai nokuda kwezvikonzero zvitatu. Kutanga, nemhaka yokuti muri mukuru kwandiri, uye Bhaibheri rinotaura kuti tinofanira kuremekedza bvudzi jena. Chikonzero chechipiri nei ndichikuremekedzai ndechokuti makasiya nyika yenyu kuti muzotibetsera kuno. Chikonzero chechitatu ndechokuti mune mutsa, rupo, uye munobetsera vari kurwadziwa? Asi munofunga kuti munogona kundidzinga nekodzero ipi? Purezidhendi wenyika haadzingi Zvapupu zvaJehovha. Ishe wegamuchidzanwa wenharaunda ino haatidzingi. Kunyange kana mukandidzinga pamusasa uno, Jehovha achangonditarisira.”
Ndakanga ndisati ndambotaura nenzira yakananga kudaro kwaari, uye ndaigona kuona kuti zvakamutapura. Akafamba achienda pasina chaakataura. Gare gare, apo mumwe munhu akanyunyuta pamusoro pangu, akapindura nehasha achiti: “Handichazvibatanidzi nechinetso ichi zvakare. Kana usingafariri kuparidza kwake, taura naye!”
Kirasi Yokudzidza Kurava Nokunyora
Chishoro chokuparidza kwangu chakapfuurira chichibva kune avo vaipinda chechi yeBaptist pamusasa wacho. Ipapo ndakava neimwe pfungwa. Ndakaenda kumukuru mukuru wepataigara ndokukumbira kana ndaigona kutanga kirasi yokudzidza kurava nokunyora. Paakabvunza kuti ndaida kubhadharwa marii, ndakati ndaizodzidzisa pachena.
Vakagovera kamuri rokudzidzisa, bhodhi rokunyorera, uye choko, naizvozvo ndakavamba kudzidzisa vamwe vandaigara navo kurava. Taidzidza mazuva ose. Kwemaminiti 30 okutanga, ndaidzidzisa kurava, ipapo ndairondedzera ndokutsanangura nhau inobva muBhaibheri. Pashure pezvo, tairava nhoroondo yacho kubva muBhaibheri.
Mumwe mudzidzi akanga ari mukadzi anonzi Nimota. Aifarira zvikuru zvinhu zvomudzimu uye aibvunza mibvunzo yorudzidziso mose muri muviri muchechi nemuchivako chokunamatira chavaMuslim. Haana kupindurwa mibvunzo yake ikoko, naizvozvo aiuya kuzondibvunza. Pakupedzisira, akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha uye akabhabhatidzwa. Muna 1966 takaroorana.
Vakawanda zvikurusa vari muungano yedu nhasi vakadzidza kurava nokunyora mukirasi iyoyo yokudzidza kurava nokunyora. Ndakanga ndisina uchenjeri hwokukarakadza kirasi iyoyo. Zvirokwazvo chikomborero chaJehovha chakanga chiri pachena. Hapana munhu akaedza kundidzivisa kuparidza pashure paizvozvo.
Horo yoUmambo Mumusasa
Panguva yandakanga ndaroorana naNimota, tiri vana takanga tichiungana nguva dzose kuti tifunde Nharireyomurindi pamwe chete. Kwerinenge gore, taiungana mukamuri raigezerwa umo maronda emaperembudzi aigezerwa. Ipapo mukuru mukuru wepataigara, uyo panguva ino akanga ava shamwari yangu, akati kwandiri: “Hazvina kunaka kuti unamatire Mwari wako muimba yokurapira.”
Akataura kuti taigona kuungana mushedhi yomuvezi yakanga isingashandiswi. Pashure penguva yakati, shedhi iyoyo yakachinjwa kuva Horo yoUmambo. Muna 1992, tichibetserwa nehama dzaiva mutaundi, takaipedza. Sezvamunogona kuona pamufananidzo uri papeji 24, horo yedu chivako chakanaka—yakapurasitwa ndokupendwa, ine uriri hwesimende uye denga rakasimba.
Kuparidza Kuvane Maperembudzi
Kwamakore 33 ndima yangu yave iri nzvimbo inogara vane maperembudzi. Kuparidza kune vane maperembudzi kwakaita sei? Muno muAfrica vanhu vakawanda zvikurusa vanodavira kuti zvinhu zvose zvinobva kuna Mwari. Naizvozvo pavanotambudzwa nemaperembudzi, vanodavira kuti nenzira yakati Mwari ndiye akaaparira. Vamwe vanoodzwa mwoyo zvikuru nemamiriro avo ezvinhu. Vamwe vanotsamwa uye vanoti: “Musataura nesu nezvaMwari ane rudo uye ane ngoni. Kudai izvozvo zviri zvechokwadi, chirwere ichi chaizopera!” Ipapo tinorava ndokurangarira pana Jakobho 1:13, iyo inoti: ‘Mwari haaedzi munhu upi noupi nezvinhu zvakaipa.’ Tevere tinotsanangura chikonzero nei Jehovha achibvumira kuti zvirwere zvitambudze vanhu, uye tinotaura nezvechipikirwa chake cheparadhiso yapasi umo musina munhu achazorwara.—Isaya 33:24.
Vakawanda vakagamuchira mashoko akanaka. Kubvira pandakauya kumusasa uno, Jehovha akandishandisa kuti ndibetsere vanhu vanopfuura 30 kuti vazvitsaurire nokubhabhatidzwa, vose vane maperembudzi. Vakawanda vakadzokera kumisha yavo pashure pokunge varapwa, uye vashomanene vakafa. Zvino tine vaparidzi voUmambo 18, uye vanhu vanenge 25 vanopinda misangano nguva dzose. Vaviri vedu tinobatira savakuru, uye tine mubatiri anoshumira mumwe napiyona wenguva dzose mumwe. Ndinofara zvikuru kuona vakawanda kwazvo zvino vachibatira Jehovha mumusasa uno! Pandakauya pano, ndaitya kuti ndaizova ndoga, asi Jehovha akandikomborera nenzira yakaisvonaka.
Mufaro Wokushandira Hama Dzangu
Ndainwa mishonga yemaperembudzi kubvira muna 1960 kusvikira makore anenge mashanu apfuura. Zvino ndakapora chose chose, sezvakaita vamwe vari muungano. Maperembudzi akasiya chiratidzo chawo—ndakarasikirwa negumbo rangu, uye handigoni kutwasanudza maoko angu—asi chirwere chacho chakapera.
Sezvo ndapora, vamwe vakabvunza kuti chikonzero nei ndisingabvi pamusasa ndokudzokera kumba. Pane zvikonzero zvinoverengeka nei ndichigara, asi chikuru ndechokuti ndinoda kuramba ndichibetsera hama dzangu dziri pano. Mufaro wokutarisira makwai aJehovha unopfuura chinhu chipi nechipi icho mhuri yangu ingandipa kana ndikadzokera kwairi.
Ndinoonga kwazvo kuti ndakaziva Jehovha ndisati ndaziva kuti ndine maperembudzi. Potse potse, ndingadai ndakazviuraya. Pave pane zvinetso zvakawanda mumakore ose aya, asi wakanga usiri mushonga wakandichengetedza—akanga ari Jehovha. Pandinorangarira nguva yakapfuura, ndinofara; uye pandinofunga nezvenguva yemberi muUmambo hwaMwari, ndinotofara zvikuru.
[Bhokisi riri papeji 25]
Mashoko Anokosha Pamusoro Pemaperembudzi
Chii?
Maperembudzi emuzuva razvino chirwere chinoparirwa neutachiona hwakazivikanwa muna 1873 naArmauer Hansen. Vachionga basa rake, vanachiremba vakataurawo nezvemaperembudzi sechirwere chaHansen.
Utachiona hwacho hunokuvadza tsinga, mabhonzo, maziso, uye mitezo yakati. Haunzwi kurwadziwa, kazhinji kazhinji mumaoko nemakumbo. Kana chikasatarisirwa, chirwere chacho chinogona kuparira kuremara kwechiso uye kwemakumbo. Hachiwanzouraya.
Pane Mushonga Here?
Vanhu vane maperembudzi asati anyanyisa vanonaya vasina kana kutomborapwa. Maperembudzi akakomba anogona kurapwa nemishonga.
Mushonga wokutanga wokurapa maperembudzi, wakatanga kushandiswa muma1950, waishanda zvishoma nezvishoma uye wakaramba usingashandi zvikuru nemhaka yokuti utachiona hwemaperembudzi hwakatanga kusatapurwa nawo. Mishonga mitsva yakagadzirwa, uye kubva pakuvamba kwama1980, Multi-Drug Therapy (MDT) wakava mushonga wokurapa munyika yose. Mushonga uyu unobatanidza kushandiswa kwemishonga mitatu—Dapsone, Rifampicin, uye Clofazimine. Nepo MDT ichiuraya utachiona, hairapi kuvadziko yakatoitwa.
MDT inoshanda zvikuru mukurapa chirwere chacho. Somugumisiro, nhamba yavanhu vane maperembudzi yakaderera nokukurumidza kubva mumamiriyoni 12 muna 1985 kusvika kumamiriyoni anenge 1,3 pakasvika pakati pa1996.
Anotapurirwanwa Zvakadini?
Maperembudzi haanyanyi kutapuriranwa; vanhu vakawanda zvikurusa vane simba romumuviri rokudzivirira zvirwere rakasimba zvakakwana zvokuadzivisa. Paanopomeranwa, kazhinji kazhinji anodaro muvanhu vanorarama vari pedyo zvikuru nevanawo kwenguva refu.
Vanachiremba havazivi chaizvoizvo kuti utachiona hwacho hunopinda sei mumuviri womunhu, asi vanofungira kuti hunopinda nomuganda kana kuti nomumhino.
Kariro Dzeramangwana
Maperembudzi anokarirwa “kupera sechinetso chavanhu choutano” panosvika gore ra2000. Izvi zvinoreva kuti nhamba yevanhu vane maperembudzi munharaunda ipi neipi haizopfuuri 1 muvanhu 10 000. MuUmambo hwaMwari achabviswa zvachose chose.—Isaya 33:24.
Kwakabva Mashoko: World Health Organization; International Federation of Anti-Leprosy Associations; uye Manson’s Tropical Diseases, Chinyorwa cha1996.
[Bhokisi riri papeji 27]
Maperembudzi Anhasi Akafanana Here Neemunguva dzeBhaibheri?
Mabhuku ezvokurapa nhasi anotsanangura maperembudzi namashoko akajeka; zita resayenzi reutachiona hunobatanidzwa rinonzi Mycobacterium leprae. Bhaibheri, chokwadika, harisi bhuku rezvokurapa. Shoko rechiGiriki nerechiHebheru rinowanzoshandurwa kuti “maperembudzi” mushanduro dzakawanda dzeBhaibheri rinoreva zvakawanda zvikuru. Somuenzaniso, maperembudzi omuBhaibheri aibudisa zviratidzo zvinooneka kwete bedzi muvanhu asiwo muzvipfeko nemudzimba, chimwe chinhu icho utachiona husingaiti.—Revhitiko 13:2, 47; 14:34.
Uyezve, zviratidzo zvomuvanhu zvinozivisa maperembudzi nhasi hazvifanani chaizvoizvo nerondedzero yemaperembudzi omunguva dzeBhaibheri. Vamwe vanokarakadza kuti tsananguro yacho ingava nemhaka yeidi rokuti rudzi rwezvirwere rwunochinja nokufamba kwenguva. Vamwe vanodavira kuti maperembudzi anonongedzerwa kwaari muBhaibheri anorondedzera zvirwere zvakawanda, zvingava zvichibatanidza kana kuti zvisingabatanidzi chirwere chinoparirwa neM. leprae.
Theological Dictionary of the New Testament rinotaura kuti ose ari maviri mashoko echiGiriki neechiHebheru anowanzoshandurwa kuti maperembudzi “anonongedzera kuchirwere chimwe chete, kana kuti boka rezvirwere . . . Kuti ichi chirwere ndicho chatinoti maperembudzi zvingapokanwa. Asi kuzivikanwa kwakananga kwechirwere chacho hakutapuri kufungidzira kwedu nhoroondo dzokurapwa [kwavane maperembudzi naJesu navadzidzi vake].”
[Mufananidzo uri papeji 24]
Ungano iri kunze kweHoro yoUmambo mumusasa wavane maperembudzi
[Mufananidzo uri papeji 26]
Isaiah Adagbona nomudzimai wake, Nimota