Unoyeuka Here?
Wakawana zvinyorwa zveNharireyomurindi zvenguva pfupi yapfuura zvichikubetsera here? Ipapo kuregererei kuedza kuyeuka kwako nemibvunzo inotevera?
◻ Musiyanoi uri pakati pe“zuva raShe” ne“zuva raJehovha”? (Zvakazarurwa 1:10; Joere 2:11)
“Zuva raShe” rinobatanidza kuzadzikwa kwezviono 16 zvinorondedzerwa naZvakazarurwa maganhuro 1 kusvika ku 22 uye zviitiko zvinokosha zvakafanotaurwa naJesu mukupindura mibvunzo yevadzidzi vake pamusoro pechiratidzo chokuvapo kwake. Sechiito chikuru chezuva raShe, zuva rinotyisa raJehovha rinotanga paanotonga nyika yakaora yaSatani. (Mateo 24:3-14; Ruka 21:11)—12/15, peji 11.
◻ Ndeapi ari mamwe mativi akatanhamara eBhaibheri raMakarios?
Zita rokuti Jehovha rinooneka kanopfuura ka3 500 muBhaibheri raMakarios. Imwe nyanzvi yemabhuku orudzidziso echiRussia yakati: “Shanduro [yacho] inoomerera kurugwaro rwechiHebheru, uye mutauro weshanduro yacho wakachena uye wakafanira nhau yacho.”—12/15, peji 27.
◻ Chii chiri “zvokwadi” iyo Jesu akataura kuti yaizotisunungura? (Johane 8:32)
Kupfurikidza nokuti “zvokwadi,” Jesu aireva mashoko akafuridzirwa naMwari—zvikurukuru mashoko pamusoro pokuda kwaMwari—akachengetwa muBhaibheri.—1/1, peji 3.
◻ Ndivanaani vari vanaJehu uye vanaJehonadabhi vomuzuva razvino uno?
Jehu anofananidzira Jesu Kristu, anomiririrwa pasi pano na“Israeri waMwari,” vaKristu vakazodzwa. (VaGaratia 6:16, NW; Zvakazarurwa 12:17) Kungofanana naJehonadabhi akabuda kunosangana naJehu, “vazhinji-zhinji” vanobva mumarudzi vakabuda kuzotsigira vamiririri vapasi vaJesu. (Zvakazarurwa 7:9, 10; 2 Madzimambo 10:15)—1/1, peji 13.
◻ Chii chinorehwa noku‘famba naMwari’? (Genesi 5:24; 6:9)
Izvi zvinoreva kuti avo vanoita saizvozvo, vakadai saEnoki naNoa, vakazvibata nenzira yakapa ufakazi hwokutenda kwakasimba muna Mwari. Vakaita zvavakarayirwa naJehovha uye vaitungamirira upenyu hwavo nezvavaiziva pamusoro pake kubva mukubata kwake nerudzi rwemunhu.—1/15, peji 13.
◻ Nei munhu achifanira kuronga pachine nguva kubvira kworufu rwake?
Mupfungwa yakati, kuita gadziriro dzakadaro chipo kumhuri yemunhu. Kunoratidza rudo. Kunoratidza chishuvo choku‘govera avo vari mitezo yemhuri yemunhu’ kunyange apo munhu anenge asisiri pamwe navo. (1 Timotio 5:8)—1/15, peji 22.
◻ “Sungano yakare” yakaitei? (2 VaKorinte 3:14)
Yakafananidzira sungano itsva uye, nezvibayiro zvayo zvaidzokororwa, yakaratidzira kuda kukuru kwevanhu kununurwa muchivi norufu. Yakanga iri “muperekedzi wedu, kutiisa kuna Kristu.” (VaGaratia 3:24)—2/1, peji 14.
◻ Munzira dzipi umo sungano itsva iri isingaperi? (VaHebheru 13:20)
Kutanga, kusafanana nesungano yeMutemo, haisati ichizombotsiviwa. Chechipiri, migumisiro yekushanda kwayo ndeyechigarire. Uye chechitatu, vanodzorwa vapasi voUmambo hwaMwari vachapfuurira kubetserwa negadziriro yesungano itsva nomuMireniyumu.—2/1, peji 22.
◻ Ibetseroi dzinobva mukuva anoonga?
Kunzwa kunowana munhu nemhaka yokuva anoonga mumwoyo kunoparira mufarwa wake norugare. (Enzanisa naZvirevo 15:13, 15.) Sezvo riri vara rakanaka, kuonga kunodzivirira munhu pamirangariro yakaipa yakadai sehasha, godo, uye pfundepfunde.—2/15, peji 4.
◻ Vakaberekwa nemudzimu vakapinzwa musungano dzipi?
Sungano itsva, iyo Jehovha anoita nemitezo yaIsraeri womudzimu, uye sungano yoUmambo, iyo Jesu anoita nevateveri vemakwara ake vakazodzwa. (Ruka 22:20, 28-30)—2/15, peji 16.
◻ Mitambo ipi mikuru mitatu iyo vaIsraeri vairayirwa kuita?
Mutambo Wezvingwa Zvisina Kuviriswa, waitevera nokukurumidza pashure pePaseka yaNisani 14; Mutambo Wemavhiki, pazuva rechi50 kubva pana Nisani 16; uye Mutambo Wokuunganidza, kana kuti Mutambo Wematumba, mumwedzi wechinomwe. (Dheuteronomio 16:1-15)—3/1, mapeji 8, 9.
◻ Nei kuva pakuungana kwechiKristu kuri ropafadzo?
Jesu akati: “Nokuti apo pakaungana vaviri kana kuti vatatu muzita rangu, ndiripo pakati pavo.” (Mateo 18:20; 28:20) Uyewo, nzira inokosha inoitwa nayo kudya kwomudzimu iri kupfurikidza nemisangano yeungano uye kuungana kukuru. (Mateo 24:45)—3/1, peji 14.
◻ Zita rokuti Nimirodhi rakavamba sei?
Nyanzvi dzakawanda dzinobvumirana murangariro wokuti zita rokuti Nimirodhi raisava zita rakapiwa pakuberekwa. Panzvimbo pezvo, dzinorirangarira kuva zita rakapiwa gare gare kuti rikodzere kupandukira kwake pashure pokunge kwaratidzwa.—3/15, peji 25.
◻ Mhuri inokosha sei munzanga yevanhu?
Mhuri chinhu chinodikanwa nevanhu. Nhau inoratidza kuti sezvo gadziriro yemhuri inoparara, simba renzanga uye renyika rinoderera. Naizvozvo mhuri inotapura zvakananga kudzikama kwenzanga uye garikano yevana nezvizvarwa zvemunguva yemberi.—4/1, peji 6.
◻ Ufakazii hutatu hunoratidza kuti Bhaibheri iShoko raMwari?
(1) Rakarurama mune zvesayenzi; (2) rine nheyo dzisinei nenguva dzinoshanda mukurarama kwazvino uno; (3) rine uporofita hwakananga hwakazadzikwa, sezvinoratidzwa nemaidi enhau.—4/1, peji 15.