RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 5/1 pp. 26-29
  • Kuchinja Mugove Pamakore 80

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuchinja Mugove Pamakore 80
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chokwadi cheBhaibheri Chinochinja Upenyu Hwedu
  • Mienzaniso Yakatisimbisa
  • Kupayona muEast Anglia
  • Nguva Yehondo Uye Mhuri
  • Chisarudzo Chedu Chokutamira kuSpain
  • “Zvatinako Kushumira Uku . . . , Hatineti”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Vanaamai—Dzidzai Pamuenzaniso waYunisi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Mapiona Anopa uye Anogamuchira Zvikomborero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Kuchengeta Meso Nemwoyo Zvakanangidzirwa Pamubayiro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 5/1 pp. 26-29

Kuchinja Mugove Pamakore 80

YAKATAURWA NAGWENDOLINE MATTHEWS

Pandakasvika makore 80, murume wangu neni takasarudza kurongera zvinhu zvedu zvose murori yatakahaya ndokutama kubva muEngland tichienda kuSpain. Takanga tisingatauri chiSpanish, uye takanga tichienda kumaodzanyemba kwakadziva kumavirira kweSpain, kure nekunowanzoshanyirwa nevashanyi vanotaura chiNgezi. Vazhinjisa veshamwari dzedu vakafunga kuti takanga tichida kuita zvisingashandi, asi nomufaro ndakavayeuchidza kuti Abrahama akanga ane makore 75 paakabva kuUri.

SEZVAZVAKAZOVA, makore edu muSpain kubva patakasvika kuno muna April 1992 ave ari mamwe eanotusa zvikurusa muupenyu hwedu. Asi ndisati ndatsanangura chikonzero nei takatama, regai ndikuudzei kuti upenyu hwedu mubasa raJehovha hwakatitungamirira sei kuita chisarudzo chikuru chakadaro.

Chokwadi cheBhaibheri Chinochinja Upenyu Hwedu

Ndakarerwa mumusha werudzidziso kumaodzanyemba kwakadziva kumavirira kweLondon, England. Amai vaiendesa munun’una wangu neni kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzokunamatira sezvo vairamba vachitsvaka kugutsikana mumudzimu. Baba vangu, vairwara nguva dzose netibhii, vakanga vasingatiperekedzi. Asi vakanga vari muravi anodisa weBhaibheri, uye vairitara nguva dzose pavaiwana chikamu chaivadzidzisa. Chimwe chezvinhu zvangu zvandinokoshesa zvikurusa iBhaibheri iroro rakasakara raireva zvakawanda zvikuru kwavari.

Muna 1925, pandakanga ndine makore 14, turakiti rakaiswa pasi pemusuo wedu raitikoka kuhurukuro yavose muhoro yetaundi yeWest Ham. Amai vangu nomuvakidzani vakasarudza kunonzwa hurukuro yacho, uye munun’una wangu neni takavaperekedza. Hurukuro iyoyo, “Mamiriyoni Ari Kurarama Zvino Haasati Achizotongofa,” yakasima mbeu dzechokwadi cheBhaibheri mumwoyo waAmai.

Mwedzi mishomanene gare gare, Baba vakashaya pazera remakore 38. Rufu rwavo rwakanga ruri chiitiko chakaipa zvikuru, sezvo rwakatisiya taora mwoyo pamwe chete nekuva varombo. Pamariro acho, akaitirwa muChechi yeEngland yemunharaunda, Amai vakakatyamadzwa kunzwa mupristi achitaura kuti mweya waBaba wakanga uri mudenga. Vaiziva kubva muBhaibheri kuti vakafa vakarara muguva, uye vaidavira zvakasimba kuti rimwe zuva Baba vaizomutsirwa kuupenyu husingaperi pasi pano. (Pisarema 37:9-11, 29; 146:3, 4; Muparidzi 9:5; Mabasa 24:15; Zvakazarurwa 21:3, 4) Vapwiswa kuti vaifanira kusonganirana nevanhu vaidzidzisa Shoko raMwari, vakasarudza kusakurira kuzivana kwavo neInternational Bible Students, sokudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo.

Sezvo takanga tisina mari yokufambisa, mavhiki ose taifamba kwemaawa maviri kubva pamusha wedu tichienda kumisangano yeZvapupu zvaJehovha. Pashure pezvo, taipedza mamwe maawa maviri tichigwedaira kuenda kumba. Asi taikoshesa misangano iyoyo zvikuru, uye hatina kumbopotsa mumwe, kunyange apo mhute yemuLondon ine mukurumbira wakaipa yaifukidza guta racho. Nokukurumidza Amai vakasarudza kutsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha ndokubhabhatidzwa, uye muna 1927, ndakabhabhatidzwawo.

Pasinei zvapo nezvinetso zvedu zvemari, nguva dzose Amai vaindidzidzisa kukosha kwezvinhu zvomudzimu. Mateo 6:33 rwakanga rwuri rumwe rwamagwaro avaifarira zvikuru, uye chaizvoizvo vaka‘tanga kutsvaka umambo.’ Pavakafa nokukurumidza nekenza muna 1935, vakanga vachironga kubvuma kokero yevashumiri venguva yakazara vaigona kutamira kuFrance kunoshanda.

Mienzaniso Yakatisimbisa

Mumakore iwayo apakuvamba, vamwe vaipinda misangano muLondon vaida kuzivisa pfungwa dzavo pachavo, uye vanhu ava vainyandura kukakavadzana nokupopotedzana kwehasha. Asi, nguva dzose Amai vaitaura kuti kwaizova kusavimbika kusiya sangano raJehovha pashure pezvose zvatakanga tadzidza kubva mariri. Kushanya kwenguva dzose kwaJoseph F. Rutherford, purezidhendi wepanguva iyoyo weWatch Tower Bible and Tract Society, kwaitinyandura kupfuurira kubatira nokuvimbika.

Ndinoyeuka Hama Rutherford semurume ane mutsa, anosvikika. Pandakanga ndichiri wechiduku, Ungano yeLondon yakashanya iye aripo. Vakandiona—ndiri wechiduku anoti nyarei—ndine kamera uye vakandikumbira kana ndaida kuvatora pikicha. Pikicha iyoyo yakava chiyeuchidzo chandinokoshesa.

Gare gare, chimwe chiitiko chakaroverera mandiri musiyano uri pakati pevanotungamirira muungano yechiKristu nevarume vakakurumbira venyika. Ndaishanda sahweta muimwe imba huru yemuLondon umo Franz von Papen, imwe yenhumwa dzaHitler, yakanga yakokwa kuzvokudya zvamasikati. Akaramba kubvisa bakatwa rake rinopfekwa neyunifomu paakanga achidya, uye rakandipiringisha ndokubva ndarasa muto wandakanga ndakatakura. Akataura nehasha kuti muGermany uchapa hwakadaro hwaizoita kuti ndipfurwe. Panguva yose yakanga yasara yezvokudya, ndakagara kure naye!

Imwe kokorodzano inokosha, pandakanzwa Hama Rutherford vachitaura, yakaitirwa muAlexandra Palace muna 1931. Ikoko nembavarira takagamuchira zita redu idzva, Zvapupu zvaJehovha. (Isaya 43:10, 12) Makore maviri gare gare, muna 1933, ndakapinda mubasa roupiyona, sokudanwa kunoitwa ushumiri hwenguva yakazara. Chimwe chikomborero chandinoyeuka kubva mumakore iwayo chakanga chiri chiya chokukwanisa kusonganira nemajaya akaisvonaka ayo gare gare akava vafundisi munzvimbo dziri kuresa dzepasi. Aya aibatanidza Claude Goodman, Harold King, John Cooke, uye Edwin Skinner. Mienzaniso yokutendeka yakadaro yakaita kuti ndide kubatira mumunda wokumwe.

Kupayona muEast Anglia

Mugove wangu wokupayona wakanga uri muEast Anglia (kumabvazuva kweEngland), uye kuparidza ikoko kwaida mbavarira neshingairo. Kuti tifukidze ndima yedu huru, takafamba nemabhasikoro mutaundi netaundi uye mumusha nemusha uye taigara mudzimba dzokurenda. Kwakanga kusina ungano dzipi nedzipi munzvimbo yacho, naizvozvo mukumbaniri wangu neni tiri toga taikurukura hurukuro dzose dzemisangano yenguva dzose yevhiki nevhiki. Muushumiri hwedu, takagovera mazana emabhuku nemabhukwana aitsanangura zvinangwa zvaMwari.

Imwe shanyo inoyeukwa yaiva kuimba yemufundisi uko takataura nemufundisi weChechi yeEngland. Munzvimbo zhinjisa, tairega kushanyira mufundisi weAnglican kutozosvikira pakupedzisira nokuti kazhinji vaitiparira zvinetso pavaiziva kuti taiparidza mashoko akanaka munzvimbo yacho. Asi mumusha uno munhu wose aitaura zvakanaka nezvemufundisi wacho. Aishanyira vanorwara, aikweretesa mabhuku kuavo vaifarira kurava, uye aitoshanyira makwai ake kumba kuti atsanangure Bhaibheri kwavari.

Zvirokwazvo, patakamushanyira, akanga ane ushamwari zvikuru, uye akagamuchira mabhuku anoverengeka. Akativimbisawo kuti kana munhu upi noupi mumusha wacho aida kuva nemamwe emabhuku edu asi asina mari, aizobhadhara. Takaziva kuti zvakaitika kwaari zvinotyisa muHondo Yenyika I zvakanga zvamuita kuti atsunge kutsigira rugare nomufaro pakati pemakwai ake. Tisati tabva akatikomborera ndokutikurudzira kupfuurira nebasa redu rakanaka. Mashoko ake ekuoneka kwatiri akanga ari ayo aNumeri 6:24: “Ishe ngaakukomborere, uye akuchengete.”—King James Version.

Amai vakafa makore maviri pashure pokunge ndatanga kupayona, uye ndakadzokera kuLondon ndisina mari uye ndisina mhuri. Chimwe Chapupu chakaisvonaka chekuScotland chakandichengeta, chichindibetsera kubata nerufu rwaAmai, uye chakandikurudzira kupfuurira muushumiri hwenguva yakazara. Naizvozvo ndakadzokera kuEast Anglia naJulia Fairfax, mumwe mukumbaniri mutsva aiva piyona. Takagadzira imwe karavhani yekare kuti ishande semusha unofamba; taishandisa tarakita kana kuti rori kuitamisa kubva panzvimbo kuenda kune imwe. Pamwe chete nevamwe varoorani vaviri, Albert naEthel Abbott, vakanga vanewo karavhani duku, takapfuurira kuparidza. Albert naEthel vakava sevabereki kwandiri.

Pandakanga ndichipayona muCambridgeshire, ndakasangana naJohn Matthews, hama yechiKristu yakaisvonaka yakanga yatobvumikisa kuperera kwayo kuna Jehovha mumamiriro ezvinhu akaoma. Takaroorana muna 1940, isiri nguva refu pashure pokutanga kwehondo yenyika yechipiri.

Nguva Yehondo Uye Mhuri

Patakanga tiri varoorani vatsva, musha wedu wakanga uri karavhani duku yakakura sekicheni duku, uye taifamba muushumiri hwedu nemudhudhudhu wataivimba nawo. Gore rimwe pashure pokunge taroorana, John akatumirwa kunoshanda semushandi wepapurazi paakaramba kuita basa rechiuto, nemhaka yezvitendero zvake zvakavakirwa paBhaibheri. (Isaya 2:4) Kunyange zvazvo izvi zvakareva kuguma kwekupayona kwedu, kusungwa kwaJohn kwakabvumikisa kuva kwokuchenjera sezvo ndakanga ndichikarira mwana uye aizogona kutitsigira.

Mumakore ehondo, taifarikanya misangano chaiyo yaiitwa pasinei zvapo nezvinetso. Muna 1941 mudhudhudhu wedu wakatakura John neni kuenda kuManchester, ndine pamuviri pemwana wedu wokutanga, kure nemakiromita 300. Tiri munzira, takapfuura maguta akawanda akabhombwa, uye takashamisika kana musangano wacho waizogona kuitwa mumamiriro ezvinhu akadaro. Wakaitwa. Free Trade Hall iri pakati peManchester yakanga yakazadzwa neZvapupu zvaibva kumativi akawanda eEngland, uye purogiramu yose yakaitwa.

Mumhedziso yehurukuro yake, mukurukuri wokupedzisira wekokorodzano akaudza vateereri kuti vanofanira kubva panzvimbo yacho nokukurumidza, sezvo kubhomberwa mudenga kwaikarirwa. Nyevero yacho yakanga yakakodzera nguva. Takanga tisiri kure nehoro patakanzwa mabhero nepfuti dzokupfura ndege. Tichitarira shure, takaona makumi endege achidonhedza mabhomba pedyo nepakati peguta. Nechekure, pakati pemoto neutsi, taigona kuona horo matakanga takagara nguva pfupi yakanga yapfuura; yakaparadzwa chose chose! Tinoonga, hapana mumwe wehama dzedu nehanzvadzi dzechiKristu akaurawa.

Patakanga tichirera vana vedu, takanga tisingakwanisi kupayona, asi takazarura musha wedu kuvatariri vanofambira nemapiyona vakanga vasina pokugara. Pane imwe nguva, mapiyona matanhatu akagara mumusha wedu kwemwedzi mishomanene. Pasina mubvunzo kusonganira nevakadaro kwakanga kuri chimwe chikonzero chakaita kuti mwanasikana wedu Eunice asarudze kutanga kupayona muna 1961 paakanga achingova nemakore 15 chete. Zvisingafadzi kutaura, mwanakomana wedu, David, haana kupfuurira kubatira Jehovha paakakura, uye mumwe mwanasikana wedu, Linda, akafa mumamiriro ezvinhu ane ngozi muhondo.

Chisarudzo Chedu Chokutamira kuSpain

Muenzaniso waAmai nekurudziro zvakanga zvanyandura mandiri chishuvo chokuva mufundisi, uye handina kumbokanganwa nezvechinangwa ichocho. Nokudaro, takafadzwa apo, muna 1973, Eunice akabva muEngland achienda kuSpain uko vazivisi voUmambo vaidikanwa zvikuru. Chokwadika, takasuruvara kumuona achienda, asi takanga tichidadawo kuti akanga achida kushanda munyika yokumwe.

Takashanyira Eunice mumakore apfuura, uye takasvika pakuziva Spain zvakanaka. Kutaura idi, John neni takamushanyira mumina yemigove yake yakasiyana-siyana. Ipapo, sezvo makore akapfuura, simba redu rakatanga kupera. John akadonha zvakakuvadza utano hwake zvakakomba, uye ini ndakanga ndine zvinetso zvemwoyo negurokuro. Kunze kwezvo, tose tiri vaviri tairwara nearthritis. Kunyange zvazvo taida chaizvo kubetserwa naEunice, takanga tisingadi kuti abve kumugove wake nekuda kwedu.

Takakurukura zvisarudzo zvedu naEunice, uye takanyengeterera nhungamiro. Akanga achidisa kuuya kumusha kuzotibetsera, asi takasarudza kuti zvaiva zvakanakisisa kwaiva kuti John neni tiende kunogara naye kuSpain. Kana ndaisagona kuva mufundisi pachangu, ndaizongogonawo kutsigira mwanasikana wangu neshamwari dzake mbiri mapiyona mubasa renguva yakazara. Panguva iyoyo, John neni takarangarira Nuria naAna, vakumbaniri vaviri vaEunice kwemakore 15, kuva vanasikana vedu pachedu. Uye vaifara kuti takauya kuzogara kwose kwavaigoverwa.

Makore anopfuura matanhatu apfuura kubva apo takaita chisarudzo ichocho. Utano hwedu hahuna kuipazve, uye upenyu hwedu zvirokwazvo hwazova hunofadza zvikuru. Handisati ndava kugona kutaura chiSpanish zvakanaka, asi izvozvo hazviregedzesi kuparidza. John neni tinonzwa takasununguka muungano yedu duku muExtremadura, iri kumaodzanyemba kwakadziva kumavirira kweSpain.

Kugara muSpain kwandidzidzisa zvakawanda pamusoro pokuitwa kwebasa redu rokuparidza munyika dzakawanda, uye zvino ndinonzwisisa zvakajeka zvikuru kuti, sezvakataura Jesu, “munda inyika.”—Mateo 13:38.

[Mufananidzo uri papeji 28]

Ndichipayona muma1930

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe