Vakaita Kuda kwaJehovha
Kuperera kwaJobho Kunopiwa Mubayiro
JOBHO akanga ari murume ane ngoni, aidzivirira chirikadzi, nherera, uye vanotambudzwa. (Jobho 29:12-17; 31:16-21) Ipapo, nokukurumidza zvikuru, akawirwa nematambudziko anotyisa, achirasikirwa nepfuma yake, vana vake, uye utano hwake. Zvinosuruvarisa, uyu murume akanaka akanga ave ari mutsigiri mukuru wevanodzvinyirirwa haana kugamuchira betsero huru munguva yokutambura kwake pachake. Kunyange mudzimai wake pachake akamuudza kuti “Shora Mwari, ufe hako.” Uye “shamwari” dzake Erifazi, Bhirdhadhi, uye Zofari hadzina kupa nyaradzo. Panzvimbo pezvo, dzakataura kuti Jobho akanga atadza uye nokudaro aifanirwa nemarwadzo ake.—Jobho 2:9; 4:7, 8; 8:5, 6; 11:13-15.
Pasinei zvapo nokutambura kukuru, Jobho akaramba akatendeka. Nemhaka yaizvozvi, pakupedzisira Jehovha akapa Jobho ngoni ndokumukomborera. Nhoroondo yenzira yaakaita nayo izvozvo inogovera vimbiso kuvabatiri vose vaMwari vanochengeta kuperera kuti pashure penguva yakati ivowo vachapiwa mubayiro.
Kusunungurwa Uye Kudzorerwa
Kutanga, Jehovha akatsiura Erifazi, Bhirdhadhi, uye Zofari. Achitaura kuna Erifazi, sezviri pachena akanga ari mukurusa, akati: “Ndakutsamwira kwazvo iwe neshamwari dzako mbiri, nokuti imi hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu, sezvakaita muranda wangu Jobho. Naizvozvo zvino chitorai nzombe nomwe namakondohwe manomwe, muende kumuranda wangu Jobho, muzvipisire chipiriso chinopiswa; zvino muranda wangu Jobho uchakunyengetererai.” (Jobho 42:7, 8) Funga nezvezvairehwa neizvi!
Jehovha akada chibayiro chakati kuti kuna Erifazi, Bhirdhadhi, uye Zofari, zvimwe kuroverera pavari kukomba kwechivi chavo. Zvirokwazvo, vachiziva kana kuti vasingazivi, vakanga vazvidza Mwari kupfurikidza nokutaura kuti ‘haatendi vabatiri vake’ uye kuti zvakanga zvisingakoshi chaizvoizvo kwaari kana Jobho akanga akatendeka kana kuti kwete. Erifazi akatotaura kuti mumaziso aMwari Jobho akanga asingakoshi kupfuura chipembenene! (Jobho 4:18, 19; 22:2, 3) Hazvishamisi kuti Jehovha akati: “Imi hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu”!
Asi izvozvo hazvisi zvoga. Erifazi, Bhirdhadhi, uye Zofari vakatadzirawo Jobho semunhu oga kupfurikidza nokumuudza kuti akazviparira zvinetso oga. Kupomera kwavo kusina zvikonzero uye kutaura kusiri kwokunzwira tsitsi kwakasiya Jobho ashatirwa uye aora mwoyo, kuchimuparira kudanidzira kuti: “Muchatambudza mweya wangu kusvikira riniko, nokundipwanya namashoko enyu here?” (Jobho 10:1; 19:2) Fungidzira zviso zvinonyara zvevarume ava vatatu sezvo zvino vaifanira kupa Jobho chibayiro chezvivi zvavo!
Asi Jobho akanga asingafaniri kuzvikudza nokuda kwekunyadziswa kwavo. Zvirokwazvo, Jehovha akada kuti iye anyengeterere vapomeri vake. Jobho akaita sezvaakanga arayirwa chaizvoizvo, uye nokuda kwaizvozvi akakomborerwa. Kutanga, Jehovha akarapa hosha yake inotyisa. Ipapo, vanin’ina vaJobho, hanzvadzi, uye dzaichimbova shamwari dzake dzakauya kuzomunyaradza, va“kamupawo chimari, nomumwe nomumwe chindori chendarama.”a Uyezve, Jobho akava ne“makwai ane zviuru zvine gumi nezvina, namakamera ane zviuru zvine gumi nezvina, nenzombe dzingasungwa pamajoko dzine chiuru chimwe.”b Uye sezviri pachena mudzimai waJobho akayananiswa naye. Pashure penguva yakati, Jobho akakomborerwa nevanakomana vanomwe nevanasikana vatatu, uye akararama kuti aone zvizvarwa zvina zvevana vake.—Jobho 42:10-17.
Zvidzidzo Nokuda Kwedu
Jobho akagadzira vabatiri vaMwari vomuzuva razvino uno muenzaniso wakatanhamara. Akanga “akakwana, akarurama,” murume uyo Jehovha aidada naye nokudana kuti “muranda wangu.” (Jobho 1:8; 42:7, 8) Izvi hazvirevi, zvisinei, kuti Jobho akanga akakwana. Pane imwe nguva mumiedzo yake, nokukanganisa akafunga kuti Mwari ndiye aiparira dambudziko rake. Akatotsoropodza nzira yaMwari yokubata nayo munhu. (Jobho 27:2; 30:20, 21) Uye akazivisa kururama kwake pachake panzvimbo pekwaJehovha. (Jobho 32:2) Asi Jobho haana kuramba Musiki wake, uye nokuzvininipisa akagamuchira ruramiso yaibva kuna Mwari. “Ndakataura zvandakanga ndisinganzwisisi,” akabvuma achidaro. “Saka ndinozvisema, nokuzvidemba muguruva namadota.”—Jobho 42:3, 6.
Patinenge tiri mumuedzo isuwo tingafunga, kutaura, kana kuti kuita nenzira isina kufanira. (Enzanisa naMuparidzi 7:7.) Kunyange zvakadaro, kana kuda kwedu Mwari kuri kukuru, hatisati tichizomupandukira kana kuti kushatirwa nokuti anotibvumira kuti titambure. Panzvimbo pezvo, tichachengeta kuperera kwedu nokudaro pakupedzisira tichawana chikomborero chikuru. Wezvemapisarema akati nezvaJehovha: “Une ngoni munomuitirawo nengoni.”—Pisarema 18:25.
Jobho asati adzorerwa kuutano hwakanaka, Jehovha akada kuti anyengeterere avo vakamutadzira. Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini nokuda kwedu! Jehovha anoda kuti tikanganwire avo vanotitadzira zvivi zvedu pachedu zvisati zvakanganwirwa. (Mateo 6:12; VaEfeso 4:32) Kana tisingadi kukanganwira vamwe apo chikonzero chakanaka chokuita saizvozvo chinenge chiripo, nenzira yakarurama tingagona kukarira Jehovha kutinzwira ngoni here?—Mateo 18:21-35.
Tose zvedu tinotarisana nemiedzo panhambo nenhambo. (2 Timotio 3:12) Asi, kufanana naJobho tinogona kuchengeta kuperera. Kupfurikidza nokuita kudaro, tichawana mubayiro mukuru. Jakobho akanyora kuti: “Tarirai, vakatsunga mwoyo tinoti vakaropafadzwa; makanzwa zvokutsungirira kwaJobho, makaona Ishe zvaakavavarira naye, kuti Ishe une mwoyo munyoro kwazvo, une tsitsi.”—Jakobho 5:11.
[Mashoko Omuzasi]
a Ukoshi hwe“chimari” (chiHebheru, qesi·tahʹ) hahugoni kuzivikanwa. Asi “zana remari” raitenga chidimbu chakati chemunda munguva yaJakobho. (Joshua 24:32) Naizvozvo, “chimari” chaibva kumushanyi mumwe nomumwe sezvingabvira chaipfuura chipo chiduku.
b Sezvingabvira, kuva hono kana kuti hadzi kwembongoro dzacho kunodudzwa nemhaka yokukosha kwadzo mukubereka.