PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOBHO 38-42
Jehovha Anofara Kana Tikanyengetererawo Vamwe
Jehovha aida kuti Jobho anyengeterere Erifazi, Bhiridhadhi, naZofari
Jehovha akaudza Erifazi, Bhiridhadhi, naZofari kuti vaende kuna Jobho kunopa chibayiro chinopiswa
Jobho aifanira kuvanyengeterera
Jobho paakavanyengeterera, akabva akomborerwa
Jehovha akakomborera Jobho zvikuru nemhaka yokutenda uye kutsungirira kwake
Jehovha akaporesa Jobho pachirwere chaitambudza chaaiva nacho
Hama neshamwari dzakauya kuzonyaradza Jobho pamatambudziko ose aakasangana nawo
Jehovha akadzosera upfumi hwaJobho, achibva atopeta nekaviri zvose zvaakanga arasikirwa nazvo
Jobho nemudzimai wake vakazovazve nevamwe vana 10
Jobho akazorarama mamwe makore 140 achibva aona zvizvarwa 4 zvemhuri yake