Pfuma Inogona Kukuita Kuti Ufare Here?
Mambo Soromoni aiziva kukosha kwemari. Akanyora kuti: “Mutambo unoitirwa kuseka, uye waini inofadza upenyu; zvose zvingawanikwa nemari.” (Muparidzi 10:19) Kudya neshamwari kunogona kufarikanywa zvikurusa, asi kuti uwane chingwa kana kuti waini, unoda mari. Sezvo mari iri nzira iyo zvinhu zvokunyama zvinowanikwa nayo, “zvose zvingawanikwa nemari.”
KUNYANGE zvazvo Soromoni akanga akapfuma zvikuru, aiziva kuti pfuma ine ganhuriro dzayo. Aiziva kuti mararamiro okudisa zvenyika haatungamiriri kumufaro. Akanyora kuti: “Unoda sirivha, haangagutswi nesirivha, naiye unoda zvakawanda, haangagutswi nezvakawanda.”—Muparidzi 5:10.
Ngatitii munhu akapfuma anowana humwe upfumi hwakatowanda zvikuru. Soromoni anoti: “Kana fuma ichiwanda, vadyi vanowandawo.” (Muparidzi 5:11) Sezvo “fuma” yomunhu, kana kuti zvinhu, zvichiwedzera, vanhu vakawanda vanodikanwa kuti vazvitarisire. Vanhu vanogadzira zvinhu, vatarisiri, vashandi, vanhu vanochengetedza, uye vamwe—vanofanira kubhadharwa nokuda kwamabasa avo. Uyewo, izvi zvinotoda mari yakawanda zvikuru.
Mamiriro ezvinhu akadaro anotapura zvakananga mufaro womunhu. Wezvenhau wechiGiriki Xenophon, uyo akararama muzana ramakore rechina B.C.E., akanyora tsinhiro dzomumwe murume murombo akanga ava mupfumi:
“Chokwadika, unofunga chaizvoizvo . . . kuti kana ndine zvakawanda, ndinorarama ndichifara zvikuru here? Hauzivi,” akapfuurira kudaro, “kuti hazvindipi kana mufaro muduku zvawo wokuti ndidye nokunwa nokurara zvino kupfuura zvandaiita pandakanga ndiri murombo. Zvandinongowana bedzi mukuva nezvakawanda kudai ndezvokuti ndinosungirwa kutarisira zvakawanda, kuparadzira zvakawanda kuvamwe, uye kuva nechinetso chokutarisira zvakawanda kupfuura zvandaimbova nazvo. Nokuti zvino vashandi vakawanda vanotsamira pandiri nokuda kwezvokudya, vakawanda nokuda kwezvokunwa, uye vakawanda nokuda kwezvipfeko, nepo vamwe vachida vanachiremba; uye mumwe anouya kwandiri nenhoroondo pamusoro pemakwai adyiwa nemhumhi, kana kuti yemombe dzaurawa nokuwira pamawere, kana kuti kutaura kuti chimwe chirwere chapararira pakati pemombe. Uye kwandiri zvinoratidzika . . . sokunge kuti zvino ndine zvinetso zvakawanda kupfurikidza nokuva nezvakawanda kupfuura zvandaimbova nazvo pandaiva nezvishomanene.”
Chimwe chikonzero nei vanhu vachiramba vachironda pfuma yakawanda ndechokuti vanonyengerwa nezvakadanwa naJesu Kristu kuti “kunyengera kwepfuma.” (Mateo 13:22) Vanonyengerwa nemhaka yokuti mupfuma iyi yavanotsvaka nameso matsvuku, havambofi vakawana gutsikano kana kuti mufaro wavaikarira kuwana. Vanofunga kuti izvo pfuma yakaganhurirwa inokundikana kuita, pfuma yakawanda ichaita. Naizvozvo vanoramba vachivavarira nokuda kweyakawanda.
Kuda Mari Hakutungamiriri Kumufaro
Kuitira hanya zvinhu zvake kungadzivisa munhu akapfuma kuti afarikanye kuzorora kune rugare usiku. Soromoni anonyora kuti: “Hope dzomunhu, unobata, dzakanaka, kana achidya zvishoma kana zvizhinji; asi kuguta kwomufumi hakumutenderi kuvata.”—Muparidzi 5:12.
Apo kutambudzika pamusoro pokubvira kwokurasikirwa noupfumi hwomunhu kunova kwakanyanyisa, zvakawanda zvinobatanidzwa kupfuura kutadza kurara. Achirondedzera munhu ane rutsuta, Soromoni anonyora kuti: “Mazuva ake osewo unodya murima, unotambudzika kwazvo; unourwere neshungu.” (Muparidzi 5:17) Panzvimbo pokuwana mufaro mupfuma yake, anodya ‘achitambudzika,’ sokuti anonyima kunyange mari yaanofanira kushandisa nokuda kwezvokudya. Murangariro wokupenga wakadaro ungawedzera utano hwakaipa. Uyewo, utano husina kunaka hunowedzera funganyo yaane rutsuta, sezvo huchimudzivisa kuunganidza pfuma yakawanda zvikuru.
Zvichida izvi zvinokuyeuchidza nezveizvo muapostora Pauro akanyora: “Vanotsvaka kupfuma, vanowira mukuidzwa nomumusungo, nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nokurashwa. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose; vamwe vakati vachiida zvikuru . . . vakazvibaya neshungu zhinji.” (1 Timotio 6:9, 10) Mukuronda mari, vanhu vanonyengera, vanoreva nhema, vanoba, vanozviita pfambi, uye kunyange kuponda. Mugumisiro wacho munhu akabayiwa nemarwadzo endangariro, enyama, uye omudzimu nemhaka yokuedza kuwana ndokuomerera papfuma. Izvi zvinonzwika senzira inoenda kumufaro here? Nyangwe!
Kugutsikana Nezvatinazvo
Soromoni akanga ane zvakawanda zvokutaura pamusoro pomurangariro wakadzikama wepfuma. Akanyora kuti: “Sezvaakabuda mudumbu ramai vake, uchadzokazve asina chinhu, sezvaakabuda; haana chaakatamburira, chaangatora, chaangaenda nacho muruoko rwake. Tarirai, zvandakaona kuti zvakanaka, zvinofanira munhu, ndiko kuti adye, anwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kwose kwaanobata pasi pezuva, mazuva ose oupenyu hwake hwaakapiwa naMwari; nokuti ndiwo mugove wake.”—Muparidzi 5:15, 18.
Mashoko aya anoratidza kuti mufaro hautsamiri pakuedza kuunganidza pfuma nokuda kwenguva yatingava tisisiri kurarama. Zviri nani zvikuru kugutswa uye kufara mumigumisiro yebasa redu rakaoma. Muapostora Pauro akataura mufungo wakafanana mutsamba yake yakafuridzirwa kuna Timotio, achiti: “Hatina kuuya nechinhu panyika, hatigoniwo kubuda tine chinhu; asi kana tine zvokudya nezvokufuka, tichatenda nazvo.”—1 Timotio 6:7, 8; enzanisa naRuka 12:16-21.
Kiyi Yomufaro
Soromoni akanga ane zvose zviri zviviri pfuma nouchenjeri hwaMwari zvakawanda. Asi akabatanidza mufaro nouchenjeri, kwete nemari. Akati: “Munhu, wawana uchenjeri, une mufaro, naiye munhu, unowana njere. Nokuti kuhuwana ihwo kunopfuura kuwana sirivha; nokuhupfuma ihwo kunopfuura kupfuma ndarama. Hunokosha kupfuura korari; hakuna pfuma yako ingaenzaniswa nahwo. Mazuva mazhinji oupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; muruoko rwahwo rworuboshwe mune pfuma nokukudzwa. Nzira dzahwo inzira dzezvinofadza; makwara ahwo ose ndoorugare. Ndiwo muti woupenyu kuna vanohunamatira; mumwe nomumwe unohubata une mufaro.”—Zvirevo 3:13-18.
Nei uchenjeri huchipfuura zvinhu zvokunyama? Soromoni akanyora kuti: “Nokuti uchenjeri chitaviridzo, mariwo chitaviridzo; asi kunakisa kwezivo ndiko, kuti uchenjeri hunochengeta upenyu hwaiye unahwo.” (Muparidzi 7:12) Nepo mari ichigovera dziviriro yakati kuti, ichigonesa muridzi wayo kuti atenge zvaanoda, uchenjeri hunogona kudzivirira munhu kuti asaita zvine ngozi dzingapinza mungozi upenyu hwake. Uchenjeri hwechokwadi hahungodziviriri bedzi munhu pakukurumidza kufa asi, sezvahwakavakirwa pakutya Mwari kwakafanira, huchatungamirira kukuwana upenyu husingaperi.
Nei uchenjeri hwaMwari huchitungamirira kumufaro? Nemhaka yokuti mufaro wechokwadi unogona kungobva bedzi kuna Jehovha Mwari. Ruzivo rwokuzviwanira rwunobvumikisa kuti mufaro wechokwadi unogona kuwanwa bedzi kupfurikidza nokuteerera Wokumusoro-soro. Mufaro unopfuurira unotsamira pachimiro chinotenderwa naMwari. (Mateo 5:3-10) Kupfurikidza nokushandisa zvatinodzidza mukufunda Bhaibheri, tichasakurira “kuchenjera, kunobva kumusoro.” (Jakobho 3:17) Huchatipa mufaro uyo pfuma isingambogoni kuunza.
[Mifananidzo iri papeji 4, 5]
Mambo Soromoni aiziva zvinoita kuti munhu afare. Unoziva here?