Mambo Ane Pfuma Nouchenjeri
Unofunga kuti pfuma ingakuita kuti ufare here? Kana mumwe munhu akakupa chitsama chikuru chemari, ungasafadzwa here? Zvimwe ungadaro. Zvimwe ungagona kufunga nezvenzira dzokuishandisa nadzo.
SEZVINOBVUMWA, pane zvinhu zvakawanda zvokutenga kuitira kuti upenyu huve hwakanaka zvikuru uye hunofadza. Mari inogonawo kushanda se“chitaviridzo” pazvinetso zvisingakarirwi, zvakadai sehosha kana kuti kushayiwa basa.—Muparidzi 7:12.
Asi ndohupi ukama huri pakati pemari nomufaro? Unofunga here, sezvinoita vakawanda, kuti mufaro mugumisiro wepfuma? Kuwana mhinduro dzemibvunzo iyi kungava kwakaoma nemhaka yokuti mari inogona kuyerwa nyore nyore, kana kuti kuverengwa, nepo mufaro haugoni. Haugoni kuisa mufaro pachikero ndokuuyera.
Ipapowo, vamwe vanhu vakapfuma vanoratidzika sevanofara, nepo vamwe havafari. Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi nezveavo vari varombo. Zvisinei, vanhu vazhinjisa—kunyange avo vakatopfuma—vanodavira kuti mari yakawanda ichavaunzira mufaro mukuru zvikuru.
Mumwe munhu akanyora pamusoro penhau dzakadaro akanga ari Mambo Soromoni waIsraeri wekare. Akanga ari mumwe wevarume vakapfuma zvikurusa vakanga vati vamborarama. Unogona kurava kurondedzerwa kweupfumi hwake hwakakura muganhuro 10 rebhuku reBhaibheri raMadzimambo Wokutanga. Cherekedza, somuenzaniso, kuti ndima 14 inoti: “Ndarama yakauyiswa kuna Soromoni gore rimwe nerimwe yakasvika matarenta ane mazana matanhatu namakumi matanhatu namatanhatu pakurema kwayo.” Nhamba iyoyo yakaenzana namatani 25 endarama. Nhasi, ndarama yakawanda kudaro ingava inokosha kupfuura $3 200 000 000!
Asi, Soromoni akanga asina kungopfuma bedzi; akakomborerwa naMwari nouchenjeri. Bhaibheri rinorondedzera kuti: “Mambo Soromoni wakakunda madzimambo ose enyika pakupfuma nokuchenjera. Vanhu venyika dzose vaiuya kushanyira Soromoni, kuzonzwa kungwara kwake, kwakanga kwaiswa naJehovha mumwoyo make.” (1 Madzimambo 10:23, 24) Isuwo tinogona kubetserwa nouchenjeri hwaSoromoni, sezvo manyoro ake achiumba rutivi rwechinyorwa cheBhaibheri. Ngationei zvaakanga achifanira kutaura pamusoro poukama huri pakati pepfuma nomufaro.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
Rakabudiswazve neDie Heilige Schrift - Übersetzt von Dr. Joseph Franz von Allioli. Druck und Verlag von Eduard Hallberger, Stuttgart