RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 8/1 pp. 3-4
  • Kusaruramisira Hakudzivisiki Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusaruramisira Hakudzivisiki Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mativi Okusaruramisira Outsinye
  • Kusaruramisira Kune Basa Here?
  • Zvichazomboitika Here Kuti Vanhu Vatongwe Zvakarurama?
    Dzimwe Nyaya
  • Tingaita Sei Kana Tikasabatwa Zvakanaka?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Unogona Kukurira Kusaruramisirwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Mwari Achazomboita Chinhu Chipi Nechipi Pamusoro Pokusaruramisira Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 8/1 pp. 3-4

Kusaruramisira Hakudzivisiki Here?

“Pasinei zvapo nezvinhu zvose ndichiri kudavira kuti vanhu vakanaka chaizvoizvo pamwoyo. Handimbogoni kuvakira tariro dzangu pakuvhiringidzika, nhamo, uye rufu.”—Anne Frank.

ANNE FRANK, mumwe musikana muduku wechiJudha ane makore 15, akanyora mashoko iwayo anobaya mwoyo mudhayari rake chinguvana asati afa. Kwamakore anopfuura maviri, mhuri yake yakanga yakavigwa, yakavanda munzvimbo iri pakati pedenga remba muAmsterdam. Tariro dzake dzenyika iri nani dzakaparadzwa apo mumwe mutengesi akazivisa kwavaigara kuvaNazi. Gore rakatevera racho, 1945, Anne akafa netyphus mumusasa wavasungwa weBergen-Belsen. Vamwe vaJudha vane mamiriyoni matanhatu vakaona nhamo yakafanana.

Chirongwa chakaipa chaHitler chokuuraya rudzi rwose rwavanhu chingava chiitiko chakaipisisa chokusaruramisira kwekusarura ganda kwakaitika muzana redu ramakore, asi hachisicho choga. Muna 1994 vaTutsi vanopfuura hafu yemiriyoni vakapondwa muRwanda, nemhaka bedzi yokuti vakanga vari vedzinza “rakasiyana.” Uye mukati mehondo yenyika yokutanga, vaArmenia vanenge miriyoni imwe vakafa mukuurawa kwedzinza.

Mativi Okusaruramisira Outsinye

Kuparadza rudzi harusi irwo bedzi rutivi rwokusaruramisira. Kusaruramisira kwenzanga kunofanorongera chinenge chikamu chimwe muzvishanu chorudzi rwavanhu mararamiro ourombo hunorwadza. Zvakatoipisisa, boka rekodzero dzavanhu Anti-Slavery International rinofungidzira kuti vanhu vanopfuura 200 000 000 vasungwa. Zvimwe pangava navaranda vakawanda munyika nhasi kupfuura pane imwe nguva ipi neipi yenhau. Vangasatengeswa pachena, asi mashandiro avo kakawanda akaipa kupfuura ayo avaranda vakawandisa vomunguva dzakapfuura.

Kusaruramisira kwomutemo kunotorera mamiriyoni kodzero dzawo dzinokosha. “Utsinye hwekodzero dzavanhu hunoitwa anoda kuva mazuva ose, kune imwe nzvimbo munyika,” inodaro Amnesty International mumushumo wayo wa1996. “Vari mungozi zvikuru varombo nevanotambudzika, zvikurukuru vakadzi, vana, vanhu vakura navapoteri.” Mushumo wacho wakati: “Mune dzimwe nyika, hurumende hadzichina simba, dzichisiya pasina chiremera chomutemo chokudzivirira vasina simba pane vane simba.”

Muna 1996 munyika dzinopfuura zana namakumi ezviuru akasungwa ndokutambudzwa. Uye mumakore mashomanene akapfuura, mazana ezviuru zvavanhu akangonyangarika, sezviri pachena achibiwa nemauto anochengetedza kana kuti zvimwe namapoka amagandanga. Vakawanda vavo vanofungidzirwa kuti vakafa.

Chokwadika, hondo hadzina kururama nenzira isingadzivisiki, asi dziri kuramba dzichitodaro. Hondo dzazvino uno dzinonanga vanhuwo zvavo, kubatanidza vakadzi navana. Uye izvi hazvisi nemhaka chete yokubhomba maguta nokusasarura. Vakadzi navasikana vanowanzobatwa chibharo sorutivi rwehondo, uye mapoka akawanda avapandukiri anoba vana kuti vavarovedze kuva vaurayi. Uchitsinhira pamusoro pemiitiro yakadaro, mushumo woMubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose unonzi “Mugumisiro Wehondo Pavana” unoti: “Vakawanda vomunyika vari kuva vasina tsika.”

Hapana mubvunzo kuti uku kushayiwa tsika kwakatungamirira kunyika yakazadzwa nokusaruramisira—kungava kwokusarura rudzi, kwenzanga, kwezvomutemo, kana kuti kwamauto. Chokwadika, izvi hazvisi zvitsva. Makore anopfuura zviuru zviviri namazana mashanu apfuura, mumwe muporofita wechiHebheru akachema chema kuti: “Mutemo hauna simba uye haubetseri, uye ruramisiro haimboitwi. Vanhu vakaipa vanoshandisa vakarurama, naizvozvo ruramisiro inoshatiswa.” (Habhakuki 1:4, Today’s English Version) Kunyange zvazvo kusaruramisira nguva dzose kwakapararira, zana ramakore rechi20 rinofanira kusiyana senhambo apo mwero wokusaruramisira wakakwirira zvikuru.

Kusaruramisira Kune Basa Here?

Kune basa paunotambura somunhu oga somugumisiro wokusaruramisira. Kune basa nemhaka yokuti kunotorera ruzhinji rworudzi rwomunhu kodzero dzavo dzomufaro. Uyewo kune basa nemhaka yokuti kusaruramisira kunowanzoparira kurwisana kunodeura ropa, ukowo kunoita kuti kusaruramisira kurambe kuchipfuurira.

Rugare nomufaro zvinotsamira pakururamisira, asi kusaruramisira kunoparadza tariro nekariro. Sezvakazoitika kuna Anne Frank nenzira inosuruvarisa, vanhu havagoni kuvakira tariro dzavo pakuvhiringidzika, nhamo, uye rufu. Kufanana naye, tose zvedu tinoshuva chimwe chinhu chiri nani.

Chishuvo ichi chakaita kuti vamwe vakatendeseka vaedze kuunza ruramisiro yakati kunzanga yavanhu. Nemhaka yaizvozvo, Universal Declaration of Human Rights, yakatangwa muna 1948 neUnited Nations General Assembly, inoti: “Vanhu vose vanoberekwa vakasununguka uye vakaenzana muchiremera nekodzero. Vanorangarira uye vane hana uye vanofanira kuitirana zvinhu mumudzimu woukama.”

Zvechokwadi aya mashoko akanaka, asi rudzi rwomunhu rwuchiri kure nokuziva chinangwa ichocho chinokosheswa—nzanga yakarurama umo vanhu vose vanofarikanya kodzero dzakaenzana uye vanhu vose vanobata vamwe vavo sehama dzavo. Kuziva ichi chinangwa, sokuratidza kunoita sumo yeUN Declaration, kungashanda so“hwaro hworusununguko, ruramisiro, uye rugare munyika.”

Kururamisira kwakasimba kudaro munzanga yavanhu zvokuti hakuzombobviswi here? Kana kuti hwaro hwakasimba hworusununguko, ruramisiro, uye rugare huchaiswa nenzira yakati here? Kana zvakadaro, ndiani angaisa hwaro hwakadaro ndokuva nechokwadi chokuti vose vachabetserwa?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

UPI/Corbis-Bettmann

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe