‘Takaita Zvataifanira Kuita’
YAKATAURWA NAGEORGE COUCH
Pashure pokunge tapedza mangwanani tiri muushumiri hwapaimba neimba, wandaifamba naye akabudisa masangweji maviri. Patakapedza kudya, ndakabudisa mudzanga kuti ndisvute. “Wave uri muchokwadi kwenguva yakareba sei?” akabvunza kudaro. “Nezuro manheru ndiwo musangano wokutanga wandakapinda,” ndakamuudza kudaro.
NDAKABEREKWA musi wa3 March 1917, papurazi riri makiromita anenge 50 kumabvazuva kwePittsburgh, Pennsylvania, U.S.A., pedyo netaundi duku reAvonmore. Ikoko vabereki vangu vakarera madzikoma angu matatu nomunin’ina, hanzvadzi, neni.
Hatina kurovedzwa zvakawanda zvorudzidziso. Pane imwe nguva vabereki vangu vaienda kuchechi, asi vakarega kupinda isu vana patakanga tichiri vaduku. Kunyange zvakadaro, taidavira kuti Musiki ariko, uye upenyu hwemhuri yedu hwaitevera nheyo dzinokosha dzinowanwa muBhaibheri.
Rovedzo yakanakisisa yandakagamuchira kuvabereki vangu yakanga iri pamusoro pomutoro—nzira yokuugamuchira nayo uye kuuita. Ndizvo zvaireva upenyu hwapapurazi. Asi upenyu hwedu hwakanga husiri hwokushanda chete. Tainakidzwa nenhandaro yakanaka, zvakadai sokutamba basketball nebaseball, kukwira mabhiza, uye kushambira. Mari yakanga isingawanikwi mumazuva iwayo, asi upenyu hwapapurazi hwainakidza. Taipinda chikoro muimba yechikoro yaiva nekamuri rimwe patakanga tiri kupuraimari uye takaenda kuchikoro chaiva mutaundi mukati memakore edu esekondari.
Humwe usiku ndakanga ndichifamba mutaundi neshamwari yangu. Mumwe musikana akanaka pameso akabuda mumba mavo kuti akwazise shamwari yangu. Yakandisuma kuna Fern Prugh. Sezvineiwo, aigara mumugwagwa waiva nechikoro. Kakawanda pandaipfuura nepamba pavo, Fern akanga ari panze achiita basa. Sezviri pachena, akanga ari munhu anoshanda zvakaoma, zvinova zvakandiorora. Takatanga ushamwari hwapedyo ndokudanana uye takaroorana muna April wa1936.
Kuwana Chokwadi cheBhaibheri
Ndisati ndaberekwa, pakanga pane mumwe mukadzi aibatwa zvisina kunaka navanhu mutaundi nemhaka yorudzidziso rwake. Mai vangu vaimushanyira misi yoMugovera pavakanga vachienda kutaundi kunotenga. Mai vaichenesa imba yake ndokumuendera kwaaida kuenda, vachiita kudaro kusvikira mukadzi wacho afa. Ndinodavira kuti Jehovha akakomborera Mai nemhaka yokuti vakanga vane mutsa kwazvo kumukadzi uyu, uyo akanga ari Mudzidzi weBhaibheri, sokudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo.
Pane imwe nguva pashure pacho, mwanasikana muduku watete vangu akangoerekana afa. Chechi haina kunyaradza tete vangu zvikuru, asi muvakidzani akanga ari Mudzidzi weBhaibheri akadaro. Mudzidzi weBhaibheri akavatsanangurira chinoitika panofa munhu. (Jobho 14:13-15; Muparidzi 9:5, 10) Izvi zvakanga zvichinyaradza zvikuru. Tete vanguwo, vakataura naMai pamusoro petariro yorumuko. Izvi zvakanyandura fariro yaMai, sezvo vabereki vavo vakafa pavakanga vari muduku uye vakanga vachida kuziva chinoitika kumunhu parufu. Zvakaitika ipapo zvakandisimbisira kukosha kwokushandisa mikana yokupupura kusina kurongwa nguva dzose.
Muma1930, Mai vakavamba kuteerera kuparidza kwaJoseph F. Rutherford muredhiyo mangwanani eSvondo, akanga ari purezidhendi weWatch Tower Bible and Tract Society panguva iyoyo. Mumakore iwayo, Zvapupu zvakavambawo basa rapaimba neimba kwataigara. Zvaigadzika giramufomu rinotakurika pachivanze pasi pomuti waiva nomumvuri ndokuridza mharidzo dzaHama Rutherford dzakarekodwa. Mharidzo idzodzo dzakarekodwa uye magazini eNharireyomurindi neGolden Age (zvino yava Mukai!) zvakaita kuti Mai varambe vachifarira.
Makore mashomanene gare gare, muna 1938, kadhi rakatumirwa kuvakanga vakanyoresa Nharireyomurindi richivakoka kumusangano chaiwo waiitirwa mumusha waiva kure namakiromita anenge 25. Mai vaida kupinda, naizvozvo Fern neni navakoma vangu vaviri takavaperekedza. John Booth naCharles Hessler, vatariri vanofambira veZvapupu zvaJehovha, vakapa hurukuro kuvanenge gumi navaviri vedu. Pashure pezvo, vakavamba kuronga boka rokugoverana muushumiri mangwanani akatevera. Hapana munhu akazvipira kuenda navo, naizvozvo Hama Hessler vakandisarudza ndokubvunza kuti, “Nei usingadi kuenda nesu?” Ndakanga ndisingazivi chaizvoizvo chavakanga vachinoita, asi ndakanga ndisingagoni kufunga nezvechikonzero nei ndisingafaniri kuvabetsera.
Takaenda paimba neimba kusvikira anenge masikati, uye ipapo Hama Hessler vakabudisa masangweji maviri. Takagara pasi pamasitepisi echechi ndokutanga kudya. Hama Hessler vakazoziva kuti ndakanga ndangopinda musangano mumwe bedzi pashure pokunge ndabudisa mudzanga uya. Vakauya kumba kwedu kuzodya chirariro manheru iwayo chaiwo ndokutikumbira kuti tikoke vavakidzani vedu nokuda kwekurukurirano yeBhaibheri. Pashure pechirariro, vakaita fundo yeBhaibheri nesu ndokupa hurukuro kuboka ravanhu vanenge gumi vakanga vauya. Vakatiudza kuti tinofanira kufunda Bhaibheri vhiki yoga yoga. Kunyange zvazvo vavakidzani vedu vasina kubvumirana neizvi, Fern neni takaronga kufunda Bhaibheri vhiki nevhiki.
Kufambira Mberi Muchokwadi
Nokukurumidza pashure pezvo, Fern neni takapinda muushumiri hwomumunda. Takanga tiri kumashure mumotokari, uye takanga tichangobatidza midzanga yedu apo mukoma wangu akatendeukira kwatiri ndokuti: “Ndava kuziva kuti Zvapupu hazvisvuti.” Nokukurumidza, Fern akakanda mudzanga wake napahwindo—ndakapedza wangu. Kunyange zvazvo takanga tanakirwa nokusvuta, hatina kumbonhonga mudzanga zvakare.
Pashure pokubhabhatidzwa kwedu muna 1940, Fern neni takanga tiri pamusangano kwataifunda imwe nyaya yaikurudzira kupayona, sokudanwa kunoitwa basa rokuparidza nguva yakazara. Tichienda kumba, imwe hama yakabvunza kuti: “Iwe naFern munoregerei kuenda kunopayona? Hamuna chinokudzivisai.” Takanga tisingakwanisi kuramba, naizvozvo takazviita vanowanika. Ndakazivisa kuti ndaizorega basa mumazuva 30 kunzvimbo yandaishanda, uye takaita gadziriro dzokupayona.
Takabvunza Watch Tower Society pamusoro pokwataifanira kushanda, uye ipapo takatamira kuBaltimore, Maryland. Ikoko kwakanga kune musha waichengetwa mapiyona, uye mari yekamuri nezvokudya yakanga iri $170 pamwedzi. Takanga tine mari yatakanga tachengeta yataifunga kuti yaizotisvitsa kuArmagedhoni nyore nyore. (Zvakazarurwa 16:14, 16) Pashure pezvose, nguva dzose taifunga kuti Armagedhoni yakanga yava pedyo zvikuru. Naizvozvo patakatanga kupayona, takasiya musha wedu ndokurega zvimwe zvinhu zvose.
Takapayona muBaltimore kubva muna 1942 kusvikira muna 1947. Kushora basa reZvapupu zvaJehovha kwakanga kwakakomba mukati memakore iwayo. Panzvimbo pokutyaira motokari yedu tichienda kumisha yavadzidzi vedu veBhaibheri, padzimwe nguva taiita kuti mumwe munhu atiendese. Nenzira iyoyo matai emotokari yedu akanga asingakuvadzwi. Hapana munhu anoda kushorwa zvakadaro, asi ndinogona kutaura kuti nguva dzose taifarikanya ushumiri hwomumunda. Kutaura idi, taikarira mufaro mukuru mukuita basa raShe.
Nokukurumidza takanga tapedza mari yose yatakanga tachengeta. Matai emotokari yedu akasakara, ndozvakaitawo mbatya dzedu neshangu. Takarwara kaviri kana kuti katatu kwenhambo refu. Zvakanga zvisiri nyore kupfuurira, asi hatina kumbofunga kurega. Hatina kutombotaura nezvazvo. Takarega zvimwe zvinhu muupenyu kuitira kuti tigoramba tiri mubasa rokupayona.
Kuchinja Migove
Muna 1947 takaenda kukokorodzano muLos Angeles, California. Patakanga tiri ikoko, mukoma wangu William neni takapiwa tsamba mumwe nomumwe yaitigovera basa rokufambira kuti tishanyire ndokubetsera ungano. Kare ikoko takanga tisingamborovedzwi chaizvo nokuda kwebasa iroro. Takangoenda. Mukati memakore manomwe akatevera, Fern neni takashanda muOhio, Michigan, Indiana, Illinois, uye New York. Muna 1954 takakokwa kuti tipinde kirasi yechi24 yeGilead, chikoro chokurovedza vafundisi. Patakanga tiriko, Fern akabatwa neporio. Nenzira inofadza, akanaya zvakanaka, uye takagoverwa basa rokufambira muNew York neConnecticut.
Patakanga tichishanda muStamford, Connecticut, Nathan H. Knorr, akanga ari purezidhendi weWatch Tower Society panguva iyoyo, akatikumbira kuti tipedze kupera kwevhiki naye nomudzimai wake, Audrey. Vakatipa chirariro chinonaka chemunyepfu nezvimwe zvakaisvonaka. Takanga tazivana navo pakuvamba, uye ndaiziva Hama Knorr zvakakwana zvokuziva kuti vakanga vachifunga chimwe chinhu kunze kwokusonganirana kwedu nechirariro. Gare gare manheru iwayo vakandibvunza kuti, “Ungada kuuya kuBheteri here?”
“Handina chokwadi chaizvoizvo; handizivi zvakawanda pamusoro poupenyu hwapaBheteri,” ndakapindura kudaro.
Pashure pokufunga pamusoro peizvi kwamavhiki anoverengeka, takaudza Hama Knorr kuti taizouya kana vaida kuti tidaro. Vhiki yakatevera yacho, takagamuchira tsamba yokuti tiuye kuBheteri musi wa27 April 1957, gore rechi21 rokuroorana kwedu.
Zuva iroro rokutanga paBheteri, Hama Knorr vakandipa nhungamiro yakajeka pamusoro pezvakanga zvichikarirwa. Vakandiudza kuti: “Hausisiri mubatiri wedunhu; uri pano kuti ushande paBheteri. Iri ndiro basa rinokosha zvikurusa raunofanira kuita, uye tinoda kuti upe nguva yako nesimba mukushandisa kurovedzwa kwauchagamuchira pano paBheteri. Tinoda kuti ugare.”
Upenyu hwapaBheteri Hunokosha
Mugove wokutanga wandakava nawo wakanga uri muDhipatimendi reMagazini neroKutumira Zvinhu. Gare gare, pashure pamakore anenge matatu, Hama Knorr vakatumira shoko rokuti ndiuye kuhofisi yavo. Vakandizivisa kuti chikonzero chaichoicho chandakanga ndauyira kuBheteri chakanga chiri chokushanda muMusha. Mirayiridzo yavo yakanga yakajeka zvikuru, “Wauya kuti utarisire Musha weBheteri.”
Kutarisira Musha weBheteri kwakandiyeuchidza nezvezvidzidzo zvandakanga ndadzidziswa navabereki vangu pandakanga ndiri kukura papurazi. Musha weBheteri wakafanana zvikuru nemhuri yenguva dzose. Pane zvipfeko zvinofanira kuwachwa, zvokudya zvinofanira kugadzirirwa, ndiro dzinofanira kusukwa, mibhedha inofanira kuwaridzwa, zvichingodaro. Kurongwa kwomusha kunoedza kuita kuti Bheteri ive nzvimbo yakanaka yokugara, iyo munhu anogona kudana kuti musha wake.
Ndinodavira kuti pane zvidzidzo zvakawanda zvinogona kudzidzwa nemhuri munzira iyo Bheteri inoshanda nayo. Tinofumomuka ndokutanga zuva redu nemifungo yomudzimu kupfurikidza nokurangarira rugwaro rweBhaibheri rwezuva nezuva. Tinokarirwa kushanda zvakaoma ndokurarama upenyu hwokudzikama asi hwakabatikana. Bheteri harina kufanana nomusha wamamongi, sezvingafunga vamwe. Tinoita zvakawanda nemhaka yemararamiro edu akarongwa. Vakawanda vakataura kuti kurovedzwa kwavakagamuchira pano gare gare kwakavabetsera kugamuchira mitoro mumhuri dzavo uye muungano yechiKristu.
Majaya nemhandara vanouya kuBheteri vangapiwa basa rokuchenesa, kuwacha, kana kuti basa romufekitari. Nyika ingada kuti tidavire kuti basa rakaoma kudaro rinoderedza uye harina kutifanira. Asi, vaduku vari paBheteri vanonzwisisa kuti migove yebasa yakadaro inodikanwa kuti mhuri yedu ishande zvakafanira uye ichifara.
Nyika ingatsigirawo pfungwa yokuti unoda chinzvimbo nomukurumbira kuti ufare zvechokwadi. Izvozvo hazvisizvo. Patinoita zvatinogoverwa kuita, tiri ‘kuita zvatinofanira kuita,’ uye tinogamuchira chikomborero chaJehovha. (Ruka 17:10) Tinogona kuva nokugutsikana chaikoiko nomufaro kana bedzi tikayeuka chinangwa chebasa redu—kuita kuda kwaJehovha nokufambisira mberi fariro dzoUmambo. Kana tikarangarira izvozvo, mugove upi noupi unogona kunakidza ndokugutsa.
Mugove Wakaropafadzwa Mukuwedzera
Pakokorodzano yokuCleveland, Ohio, muna 1942, makore anopfuura gumi tisati tauya kuBheteri, Hama Knorr vakapa hurukuro yaiti “Rugare—Rwunogona Kugara Here?” Vakajekesa kuti Hondo Yenyika II, yakanga ichipfuurira panguva iyoyo, yaizoguma uye kuti paizova nenguva yorugare yaizogovera mukana wenhimbe yokuparidza yakatambanudzwa. Chikoro cheGilead chokurovedza vafundisi uye Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari chokurovedza mano okutaura ehama zvakatangwa muna 1943. Kokorodzano huru dzakarongwawo. DzepaYankee Stadium, New York ndidzo dzakanga dzakakurumbira zvikuru mukati mema1950. Maererano nekokorodzano dzeikoko muna1950 na1953, ndakanga ndine mukana wokubetsera kuronga Trailer City huru yaikwana makumi ezviuru kwamazuva masere eimwe neimwe yeidzi kokorodzano.
Pashure pekokorodzano idzodzo, kubatanidza hurusa yadzo dzose muna 1958, pakanga pane kuwedzera kukuru muvaparidzi voUmambo. Izvi zvakatapura basa redu paBheteri zvakananga. Mukupera kwama1960 uye kuvambwa kwama1970, takazviwana tisina nzvimbo nemakamuri okuisa vashandi. Kuti tiwanire mhuri yedu yakanga ichikura pokugara, taifanira kuva nedzimba dzokurara dzakawanda, kicheni, uye dzimba dzokudyira.
Hama Knorr vakakumbira Hama Max Larson, mutariri wefekitari, neni kuti titsvake nzvimbo yakafanira yokuwedzera. Muna 1957, pandakauya kuBheteri, mhuri yedu yavanenge 500 yaigara muchivako chimwe chokugara chikuru. Asi pashure pamakore akawanda, Sosaiti yakatenga ndokugadzirisa hotera nhatu hombe dziri pedyo—Towers, Standish, uye Bossert—pamwe chete nemafurati maduku akawanda. Muna 1986 Sosaiti yakatenga nzvimbo yakanga ine Hotel Margaret uye yakachinja chivako chakaisvonaka chakanga chavakwa ipapo kuva musha wavanhu vanenge 250. Ipapo mukuvamba kwama1990, chivako chokugara chine nhurikidzwa 30 chakavakwa kuti chigovere pokugara kuvashandi vokuwedzera vane 1 000. Bheteri yeBrooklyn zvino inogona kugovera pokugara ndokugovera zvokudya kumitezo inopfuura 3 300 yemhuri yedu.
Nzvimbo yakatengwawo muWallkill, New York, anenge makiromita 160 kubva paBheteri yeBrooklyn. Mumakore akapfuura, kuvamba mukupera kwama1960, zvivako zvokugara nechivako chikuru chokudhindira zvakavakwa ikoko. Zvino, mitezo yemhuri yedu yeBheteri inenge 1 200 inogara nokushanda ikoko. Muna 1980 kwakatanga kutsvakwa maeka anenge 600 enzvimbo pedyo neNew York City uye yakanga iri pedyo nomugwagwa mukuru. Mumiriri wokutengesa nzvimbo akaseka ndokuti: “Muchawanepi nzvimbo yakadaro? Hazvibviri.” Asi mangwanani akatevera akafona ndokuti: “Ndawana nzvimbo yenyu.” Nhasi, inozivikanwa seWatchtower Educational Center iri kuPatterson, New York. Ikoko zvikoro zvinoitiswa uye kune mhuri yavashumiri vanopfuura 1 300.
Zvidzidzo Zvandakadzidza
Ndakadzidza kuti mutariri akanaka ndeuyo anogona kuwana mashoko anokosha kubva kune vamwe. Zvinhu zvakawanda zvandakaropafadzwa kuita somutariri weBheteri zvakabva kune vamwe.
Pandakauya kuBheteri, vakawanda vakanga vakura, sezvandaita nhasi. Vakawanda zvino vakaenda. Ndiani anotsiva vanokwegura ndokufa? Nguva dzose havasi vane mano akawanda zvikurusa. Ndeavo vari pano, vanoshanda nokutendeka pabasa, vachizviita vanowanikwa.
Chimwe chinhu chinokosha chokuyeuka kukosha kwokuva nomudzimai akanaka. Tsigiro yomudzimai wangu anodiwa, Fern, yakandibetsera zvikuru mukuita migove yangu youbati ushe hwaMwari. Varume vane mutoro wokuva nechokwadi chokuti vadzimai vavo vanofarikanya migove yavo. Ndinoedza kuva nechimwe chinhu chakarongwa icho Fern neni tingada kuita. Hachifaniri kuva chinodhura, kungochinja maitiro. Mutoro womurume kuita zvinhu zvinoita kuti mudzimai wake afare. Nguva yake naye inokosha uye inokurumidza kupfuura, naizvozvo anofanira kuishandisa zvakanaka.
Ndinofara kurarama mumazuva okupedzisira ayo Jesu akataura nezvawo. Iyi inguva inoshamisa zvikurusa munhau yose yavanhu. Tinokwanisa kutarira ndokuona nameso edu okutenda nzira iyo Ishe anonatsa nayo sangano rake mukugadzirira kusvika kwenyika itsva yakavimbiswa. Sezvandinotarira shure muupenyu hwangu mubasa raJehovha, ndinogona kuona kuti Jehovha ndiye ari kufambisa sangano iri—kwete vanhu. Tinongova vabatiri vake. Nemhaka yaizvozvo, nguva dzose tinofanira kutarira kwaari nokuda kwenhungamiro. Angotijekesera chatinofanira kuita, tinofanira kukurumidza kuteerera ndokuzviita nokubatira pamwe.
Batira pamwe zvakazara nesangano, uye unovimbiswa kuva noupenyu hwakazara, hunofadza. Chipi kana chipi chauri kuita—kungava kupayona, basa redunhu, kushanda neungano somuparidzi, basa rapaBheteri, kana kuti basa roufundisi—tevera nhungamiro inopiwa, uye koshesa mugove wako. Edza napaunogona napo kufarikanya migove yose uye zuva rimwe nerimwe rebasa raJehovha. Uchaneta, uye unganzwa waneta zvikuru kana kuti kuodzwa mwoyo pane dzimwe nguva. Ndipo paunofanira kuyeuka chinangwa chokutsaurira upenyu hwako kuna Jehovha. Ndechokuita kuda kwake, kwete kwako pachako.
Hapana zuva randakauya kubasa ndikasafarikanya zvandakaita. Nei? Nemhaka yokuti patinozvipa nomweya wose kuna Jehovha, tinogutsikana kuziva kuti ‘taita zvataifanira kuita.’
[Mufananidzo uri papeji 19]
Dhipatimendi reMagazini
[Mufananidzo uri papeji 19]
Trailer City, 1950
[Mufananidzo uri papeji 19]
Tichipayona muBaltimore, 1946
[Mufananidzo uri papeji 19]
Tiri paTrailer City naFern muna 1950
[Mufananidzo uri papeji 22]
Tina Audrey naNathan Knorr
[Mufananidzo uri papeji 23]
Watchtower Educational Center kuPatterson, New York
[Mufananidzo uri papeji 24]
Ndina Fern nhasi