RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 8/15 pp. 8-9
  • Ita Zvakanakisisa Noupenyu Hwako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ita Zvakanakisisa Noupenyu Hwako
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nakidzwa Noupenyu
  • ‘Yeuka Musiki Wako’
  • Kufara Mukukwegura
  • “Zvakafanira Vanhu Vose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Upenyu Hwako—Donzo Rahwo Chii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 21—Muparidzi
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Rangarira Musiki Wako mukuru!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 8/15 pp. 8-9

Ita Zvakanakisisa Noupenyu Hwako

BABA vakanga vari mumba, vakarara, vachifa nekenza. Mwanakomana wavo akanga ari muimba yokuvezera, achirongedza maturusi okuveza ababa vake. Sezvaairongedza maturusi acho, akafunga nezvezvinhu zvakaisvonaka zvakanga zvagadzirwa nababa vake. Kunyange zvazvo imba yokuvezera yakanga yakabatana nemba, aiziva kuti baba vake vakanga vasingazofi vakapindazve imomo, vasingazobatizve maturusi avaishandisa nounyanzvi. Nguva iyoyo yakanga yapfuura.

Mwanakomana wacho akafunga nezvorugwaro rwuri pana Muparidzi 9:10: “Zvose zvinowana ruoko rwako, kuti ruzviite, uzviite nesimba rako rose; nokuti hakuna basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori [guva] kwaunoenda.” Ainyatsoziva rugwaro irworwo. Akanga arushandisa kakawanda pakudzidzisa vamwe chokwadi cheBhaibheri chokuti rufu mugariro wokusaziva. Zvino simba rokutaura kwaSoromoni rakasvika mwoyo wake—tinofanira kurarama zvakazara ndokunakidzwa namazuva edu patinenge tichigona nemhaka yokuti nguva ichasvika patisingazokwanisi kuita saizvozvo.

Nakidzwa Noupenyu

Mubhuku rose raMuparidzi, Mambo akachenjera Soromoni anokurudzira varavi vake kuti vanakidzwe noupenyu. Somuenzaniso, ganhuro 3 rinoti: “Ndinoziva kuti hakuna chinhu chakanaka pakati pavo [vanhu] chingapfuura ichi, kuti vafare, uye vaite zvakanaka upenyu hwavo hwose. Uyewo kuti chipo chaMwari kuti munhu mumwe nomumwe adye, anwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kwose.”—Muparidzi 3:12, 13.

Soromoni akafuridzirwa naMwari kuti adzokorore mufungo uyu: “Tarirai, zvandakaona kuti zvakanaka, zvinofanira munhu, ndiko kuti adye, anwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kwose kwaanobata pasi pezuva, mazuva ose oupenyu hwake hwaakapiwa naMwari; nokuti ndiwo mugove wake.”—Muparidzi 5:18.

Nenzira yakafanana, anokurudzira vanhu vaduku kuti: “Fara hako, iwe jaya, pauduku hwako,mwoyo wako ngaukufadze pamazuva oujaya hwako [kana kuti, umhandara]; famba nenzira dzomwoyo wako, napakuona kwameso ako.” (Muparidzi 11:9a) Zvakaisvonaka sei kunakidzwa zvikuru musimba nougwinyi zvoupwere!—Zvirevo 20:29.

‘Yeuka Musiki Wako’

Chokwadika, Soromoni haarevi kuti kuchenjera kuronda zvinhu zvose zvingafadza mwoyo wedu kana kuti meso. (Enzanisa na1 Johane 2:16.) Izvi zvakajeka kubva mune zvaanozonyora: “Asi uzive kuti Mwari achazokutonga pamusoro paizvozvo zvose [zvinorondwa zvingagutsa zvishuvo zvako].” (Muparidzi 11:9b) Ripi neripi ringava zera redu, tinofanira kuyeka kuti Mwari anocherekedza zvatinoita noupenyu hwedu uye achatitonga maererano naizvozvo.

Upenzi hwakadini kufunga kuti tinogona kurarama upenyu hwamadiro ndokusundira mberi kuzvipira kuna Mwari kusvikira mumakore edu anotevera! Upenyu hwedu hungagona kuguma panguva ipi neipi. Kunyange hukasadaro, kubatira Mwari hakuzovi nyore takwegura. Achiziva idi iri, Soromoni anonyora kuti: “Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako, mazuva akaipa asati asvika, namakore asati avapo, panguva yauchazoti: Handifariri izvozvo.”—Muparidzi 12:1.

Kukwegura kunova nemigumisiro yako. Namashoko okufananidzira Soromoni anorondedzera migumisiro yokukwegura. Maoko nezvanza zvinodedera, makumbo anoshayiwa simba, uye mazino anova mashomanene. Bvudzi rinochena uye rinowunduka. Hope dzinovhiringidzwa nyore nyore zvokuti munhu anomutswa nokurira kweshiri. Pfungwa—dzokuona, kunzwa, kubata, kunhuwidza, uye kuravidza—dzose dzinopera. Muviri usisina simba unoparira kutya kudonha uye zvimwe “zvinotyisa” munzira dzavose. Pakupedzisira munhu anofa.—Muparidzi 12:2-7.

Kukwegura kunotambudza zvikurukuru avo vakakundikana ‘kuyeuka Musiki wavo Mukuru’ muupwere hwavo. Nemhaka yokutambisa upenyu hwake, munhu akadaro ‘haafari’ mumakore anotevera. Mararamiro okusateerera Mwari angawedzerawo zvinetso nemarwadzo zvokukwegura. (Zvirevo 5:3-11.) Nenzira inosuruvarisa, pavanotarira mberi, vanhu vakadaro havaoni nguva yemberi kunze kweguva.

Kufara Mukukwegura

Izvi hazvirevi kuti vanhu vakura havagoni kunakidzwa noupenyu. MuBhaibheri, “mazuva mazhinji, namakore oupenyu” anobatanidzwawo nechikomborero chaMwari. (Zvirevo 3:1, 2) Jehovha akaudza shamwari yake Abrahama kuti: “Asi iwe . . . uchavigwa wakwegura kwazvo.” (Genesi 15:15) Pasinei zvapo nezvisingafadzi zvemumakore okukura, Abrahama akawana rugare nedzikamo mumakore ake okukwegura, akatarira shure achigutsikana noupenyu hwokuzvipira kuna Jehovha. Nokutenda akakarirawo “guta rine nheyo,” Umambo hwaMwari. (VaHebheru 11:10) Nokudaro, akafa “akwegura kwazvo.”—Genesi 25:8.

Naizvozvo Soromoni akakurudzira kuti: “Kana munhu akararama makore mazhinji, ngaafarire ose.” (Muparidzi 11:8) Tingava vaduku kana kuti vakuru, mufaro wechokwadi wakabatanidzwa noukama hwedu naMwari.

Sezvo jaya raiva mokuvezera rairongedza maturusi okupedzisira ababa varo, rakafunga nezvezvinhu izvi. Rakafunga nezvevanhu vose varaiziva vakaedza kuita zvakanakisisa noupenyu hwavo asi vasina kuwana mufaro nemhaka yokuti vakanga vasina ukama noMusiki wavo. Zvakakodzera sei kuti pashure pokukurudzira kufara muupenyu hwomunhu, Soromoni akagumisa nhau dzacho namashoko okuti: “Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa, heri: Itya Mwari, uchengete mirayiro yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose”!—Muparidzi 12:13.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe