Bheteri—Guta Rezvakanaka Nezvakaipa
MAMWE maguta anova akakurumbira—kana kuti anozvidzwa—nokuda kwezviitiko zvinoitika maari. Zvisinei, Bheteri rakasiyana mukuti rakazivikanwa nokuda kwezvose zviri zviviri zvakanaka nezvakaipa. Tateguru Jakobho akapa guta racho zita rokuti Bheteri, rinoreva kuti “Imba yaMwari.” Asi makore ane chiuru gare gare, muporofita Hosea akadana guta racho kuti “Imba Yezvinokuvadza.” Guta iri rakachinja sei kubva pakunaka kuva rakaipa? Uye tinogona kudzidzei munhau yaro?
Bheteri rakatanga kubatana navanhu vaMwari muna 1943 B.C.E. Abrahama paakanga achiri mupenyu. Panguva iyoyo, guta racho raizivikanwa seRuzi, zita raro rokutanga rechiKanani. Rakanga riri munyika ine makomo, iri makiromita 17 kuchamhembe kweJerusarema. Fungidzira Abrahama nomwana womunin’ina wake Roti vakatarira pasi pamapani akaorera eMupata wezasi waJoridhani vari panzvimbo yakanaka yakakwirira mumakomo akapoteredza Bheteri. Nounyanzvi, Abrahama anoratidza Roti kuoma kwakaita kugovera nharaunda dzokufura dzemapoka avo makuru: “Nharo ngadzirege kuvapo pakati pangu newe, napakati pavafudzi vangu navafudzi vako, nokuti tiri hama. Ko nyika yose haizi pamberi pako here? Paradzana hako neni; kana iwe ukaenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi; kana iwe ukaenda kurudyi, ini ndichaenda kuruboshwe.”—Genesi 13:3-11.
Abrahama haana kusimbisa kodzero yake yokuti ndiye aifanira kutanga kusarudza. Panzvimbo pezvo, akabvumira murume wacho muduku kuti asarudze chikamu chakanakisisa. Tinogona kutevedzera mafungiro aAbrahama akaisvonaka. Tinogona kudzikamisa nhau dzingamutsa nharo kupfurikidza nokutanga kutaura takaterama uye tisingaratidzi udyire.—VaRoma 12:18.
Makore akati kuti gare gare apo muzukuru waAbrahama Jakobho akadzika misasa paRuzi, akarota zvinoshamisa. Akaona “danhu rakanga ramiswa panyika, musoro waro wakasvika kudenga; akaona vatumwa vamwari vachikwira nokuburuka naro. Akaona Jehovha amire naye.” (Genesi 28:11-19; enzanisa naJohane 1:51.) Chiroto chacho chakanga chichikosha zvikuru. Ngirozi dzakaonekwa naJakobho dzaizomushumira mukuzadzika vimbiso yakaitwa naMwari kwaari pamusoro pembeu yake. Nzvimbo yaJehovha yakakwirira kupfuura danhu yakaratidza kuti aizotungamirira ngirozi dzake mubasa iri.
Vimbiso iyi yokutsigirwa naMwari yakasunda Jakobho zvakasimba. Paakapepuka mukurota kwacho, akadana nzvimbo yacho kuti Bheteri, zvinoreva kuti “Imba yaMwari,” Uye akapika kuna Jehovha kuti: “Zvinhu zvose zvamuchandipa, zvirokwazvo ndichakupai chegumi chazvo.”a (Genesi 28:20-22) Achiona kuti zvinhu zvose zvaakanga anazvo zvakabva kuna Mwari, aida kudzorera chikamu chikuru kuti aratidze kuonga kwake.
Nhasi vaKristu vane ngirozi dzinoshumira nokuda kwavo. (Pisarema 91:11; VaHebheru 1:14) Ivowo vanogona kuratidza kuonga kwavo zvikomborero zvavo zvose kupfurikidza noku“pfumiswa nokuda kworupo rworudzi rwose, urwo rwunoita kuti Mwari aongwe.”—2 VaKorinte 9:11, 12, NW.
Pashure penguva yakati, vazukuru vaJakobho vakava rudzi. Mutungamiriri wavo Joshua akakunda mambo wevahedheni weBheteri pakutanga chaipo pehondo yeKanani. (Joshua 12:16) Munguva yaVatongi, muporofitakadzi Dhebhora aigara pedyo neBetheri uye akataura shoko raJehovha kuvanhu. Samueriwo akashanyira Bheteri panguva nenguva sezvaaitonga rudzi rwaIsraeri.—Vatongi 4:4, 5; 1 Samueri 7:15, 16.
Bheteri Rinova Nzvimbo Inotanga Kuramba Kutenda
Asi kubatana kweBheteri nokunamata kwakachena kwakapera pashure pokuparadzana kwoUmambo muna 997 B.C.E. Mambo Jerobhoami akaita kuti Bheteri rive nzvimbo yokunamata mhuru, mhuru yacho ichinzi yaimirira Jehovha. (1 Madzimambo 12:25-29) Ndokusaka Hosea akanongedzera kwariri se“Bheti-avheni,” zvinoreva kuti “Imba Yezvinokuvadza,” paaiporofita nezvokuparadzwa kweBheteri.—Hosea 10:5, 8.
Kunyange zvazvo Bheteri rakanga rava nzvimbo yokuparadzwa mumudzimu, zviitiko zvakabatanidzwa naro zvakaramba zvichigovera zvidzidzo zvinokosha. (VaRoma 15:4) Chimwe chidzidzo chakadaro chine chokuita nomumwe muporofita asina kutaurwa nezita uyo akatumwa kubva kuJudha achienda kuBheteri kuti anofanotaura nezvokuparadzwa kweartari dzaro navapristi varo. Jehovha akamuudzawo kuti adzokere kuJudha—makiromita mashomanene chete kumaodzanyemba—asina kudya kana kuti kunwa. Muporofita uyu akataura uporofita hwacho akashinga kuna Jerobhoami, mambo waIsraeri, achituka artari yeBheteri. Asi haana kuteerera Mwari kupfurikidza nokudya paimba yomuporofita akwegura muBheteri. Nemhaka yei? Muporofita akwegura akataura zvenhema kuti ngirozi yaJehovha yakanga yamurayira kuti agamuchire nomutsa mumwe muporofita akafanana naye. Kusateerera kwomuporofita aibva Judha kwakaita kuti afe nguva yake isati yakwana.—1 Madzimambo 13:1-25.
Kana watinotenda naye akakarakadza kuti tiite chimwe chinhu chinomutsa mubvunzo, tinofanira kuita sei? Yeuka kuti kunyange zano rine vavariro yakanaka rinogona kukuvadza kana risina kururama. (Enzanisa naMateo 16:21-23.) Kana tichitsvaka nhungamiro yaJehovha kupfurikidza nomunyengetero nokuda Shoko rake, tichadzivisa mhosho ine ngozi yomuporofita asina kutaurwa nezita.—Zvirevo 19:21; 1 Johane 4:1.
Makore anenge 150 gare gare, muporofita Amosi akaendawo kuchamhembe kuti anoporofita zvakaipa nezveBheteri. Amosi akashora zvakasimba vateereri vake vane utsinye, kubatanidza mupristi Amazia, uyo akaudza Amosi achidada kuti a‘tizire kunyika yaJudha.’ Asi Amosi akaudza Ahazia asingatyi nezvenjodzi dzaizouya pamhuri yomupristi wacho chaiyo. (Amosi 5:4-6; 7:10-17) Muenzaniso wake unotiyeuchidza kuti Jehovha anogona kushingisa vashumiri vake vanozvininipisa.—1 VaKorinte 1:26, 27.
Pakupedzisira, Mambo Josia akatendeka waJudha akaputsa ‘artari yakanga iri muBheteri, akapisa nzvimbo yakakwirira, akaipwanya, uye akapisa danda raiyera.’ (2 Madzimambo 23:15, 16) Vakuru nhasi vanogona kutevedzera muenzaniso wake wakaisvonaka kupfurikidza nokutevera mirayiridzo yaMwari nokushingaira uye kupfurikidza nokutungamira mukuchengeta ungano yakachena.
Zviitiko izvi zvomunhau yeBheteri zvinoratidza zvakajeka migumisiro yokururama nouipi, hwokuteerera nokusateerera Jehovha. Makore akawanda pakuvamba, Mosesi akanga aisa chisarudzo ichi parudzi rwaIsraeri: “Ndaisa pamberi pako nhasi upenyu nezvakanaka, norufu nezvakaipa.” (Dheuteronomio 30:15, 16) Kufungisisa nhau yeBheteri kuchatikurudzira kuzviona tiri rutivi rwe“Imba yaMwari,” nzvimbo yokunamata kwechokwadi, panzvimbo pe“Imba Yezvinokuvadza.”
[Mashoko Omuzasi]
a Jakobho naAbrahama vose vakapa chegumi nokuzvidira.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Matongo eBheteri, apo Jerobhoami akatanga nzvimbo yekunamatira mhuru