Tsika Dzomunharaunda Nemitemo yechiKristu—Zvinowirirana Here?
STEPHEN, Chapupu chokuNorthern Europe, akapiwa basa somufundisi kune imwe nyika yeAfrica. Paakanga achifamba mudhorobha nehama yomunharaunda imomo, akavhunduka apo hama yacho yakabata ruoko rwake.
Pfungwa yokufamba mumugwagwa une vanhu vakawanda akabatana maoko nomumwe murume yakanga ichikatyamadza kuna Stephen. Mutsika yokwake kuita kwakadaro kune chokuita noungochani. (VaRoma 1:27) Zvisinei, kuhama yomuAfrica, kubatana maoko kwaiva kungoratidzirwa kwoushamwari chete. Kuramba kubatwa ruoko kwaizoreva kuramba ushamwari.
Nei tichifanira kuva nehanya nokusiyana kwetsika? Chokutanga imhaka yokuti vanhu vaJehovha vanoda zvikuru kuita basa ravo ravakapiwa naMwari roku“it[a] vanhu vamarudzi ose vadzidzi.” (Mateo 28:19, NW) Kuti vaite basa iri, vamwe vakatama kuti vanoshanda kunodiwa vashumiri zvikuru. Kuti vabudirire munzvimbo yavo itsva, vanofanira kunzwisisa ndokujaira tsika dzakasiyana dzavanosangana nadzo. Ipapo vachakwanisa kushanda pamwe chete nedzimwe hama dzavo nehanzvadzi, vachibudirirawo zvikuru muushumiri hwapachena.
Uyezve, munyika ino yakanyongana, vanhu vakawanda vakatiza munyika dzavo dziri kutambudzwa nezvematongerwe enyika kana kuti zvemari uye vakagara mudzimwe nyika. Nokudaro tingangowana kuti patinenge tichiparidzira vavakidzani vatsva ava, tinonangana netsika itsva. (Mateo 22:39) Kutanga kwedu kugara navanhu vane nzira dzakasiyana-siyana kungaguma nokuvhiringidzika netsika itsva.
Mativi Akanyatsojeka
Tsika nenzanga yevanhu zvakabatana zvisingaparadzanisiki. Naizvozvo, kuva “wakanyanyorurama, (NW)” ndokuongorora katsika kaduku kose zvako kuti uone kana kachiwirirana nemitemo yeBhaibheri kungava kuita kusingabetseri zvakadini!—Muparidzi 7:16.
Ukuwo, unofanira kuziva tsika dzomunharaunda dzinoputsa mitemo yaMwari zvakajeka. Zvisinei, kazhinji kazhinji izvozvo hazvinetsi kuita, sezvo Shoko raMwari riripo pa“kururamisa zvinhu.” (2 Timotio 3:16, NW) Somuenzaniso, kuva nevadzimai vakawanda itsika inoitwa mudzimwe nyika, asi kuvaKristu vechokwadi mutemo waMwari womumagwaro ndowokuti murume ave nomukadzi mumwe chete mupenyu.—Genesi 2:24; 1 Timotio 3:2.
Nenzira yakafanana, dzimwe tsika dzemariro dzinoitirwa kudzinga midzimu yakaipa, kana kuti dzakavakirwa pakutenda mweya usingafi, dzingava dzisingagamuchirwi nomuKristu wechokwadi. Vamwe vanhu vanopfungaidza zvinonhuwira kana kuti vanonyengetera minyengetero kumushakabvu kuitira kuti vadzinge midzimu yakaipa. Vamwe vanopupudza kana kuti kutova nokuviga kwechipiri vachivavarira kubetsera mushakabvu kugadzirira upenyu ‘munyika inotevera.’ Zvisinei, Bhaibheri rinodzidzisa kuti panofa munhu, “haana chaanomboziva,” uye nokudaro haagoni kuita zvakanaka kana kuti kukuvadza munhu upi noupi.—Muparidzi 9:5, NW; Pisarema 146:4.
Chokwadika, kune tsika dzakawanda dzinowirirana neShoko raMwari. Zvinonyevenutsa sei patinosangana navanhu vachine tsika yokufarira kugamuchira vaenzi, vachine tsika yokuti kunyange muenzi akwaziswe noushamwari uye kuti, pazvinenge zvakafanira, agamuchirwe mumusha! Paunobatwa nenzira yakadaro zvakananga, hausundwi kutevera muenzaniso uyu here? Kana uchidaro, zvirokwazvo zvichavandudza unhu hwako hwechiKristu.—VaHebheru 13:1, 2.
Ndiani wedu angada kuitwa kuti arambe akamirira? Mudzimwe nyika izvi hazviwanzoitiki nokuti kuchengeta nguva kunokosheswa. Bhaibheri rinotiudza kuti Jehovha ndiMwari wenhevedzano. (1 VaKorinte 14:33) Somugumisiro, akagadza “zuva . . . nenguva” kuti agumise uipi, uye anotivimbisa kuti chiitiko ichi “ha[ch]ingaiti nguva huru.” (Mateo 24:36; Habhakuki 2:3) Tsika dzinokurudzira kuchengeta nguva zvine mufungo dzinotibetsera kuva vakarongeka uye kuremekedza vamwe vanhu nenguva yavo zvakafanira zviri zvinowirirana chaizvo nenheyo dzeMagwaro.—1 VaKorinte 14:40; VaFiripi 2:4.
Zvakadini Netsika Dzisingakuvadzi?
Nepo dzimwe tsika dzichiwirirana zvakajeka nemararamire echiKristu, dzimwe hadzidaro. Asi zvakadini netsika dziya dzisingagoni kurondedzerwa sedzakanaka kana kuti dzakashata? Tsika dzakawanda hadzikuvadzi, uye maitiro edu kwadziri anogona kuratidza kuva kwedu pakati napakati mumudzimu.
Somuenzaniso, kune mitoo yakawanda yokukwazisa nayo—kubata ruoko, kukotamisa musoro, kutsvoda, kana kunyange kumbundira. Nenzira yakafanana, kune tsika dzakasiyana-siyana dzinodzora nzira yokuzvibata nayo pakudya. Mudzimwe nyika vanhu vakawanda vanodyira mundiro. Kudzvova kuratidzirwa kwokuonga kunogamuchirwa mudzimwe nyika—kunotoshuviwa—, nepo mudzimwe hakugamuchirwi uye kungarangarirwa setsika dzakanyanyisa kushata.
Panzvimbo pokusarudza kuti ndedzipi dzeidzi tsika dzisingakuvadzi dzaunoda kana kuti dzausingadi somunhu oga, vavarira kudziona zvakanaka. Zano renguva dzose rinobva muBhaibheri rinorayira kuti ti‘saite chinhu nokukakavara kana kuzvikudza, asi nepfungwa dzinozvidukupisa tifunge kuti vamwe vakuru kwatiri.’ (VaFiripi 2:3) Nenzira yakafanana, Eleanor Boykin, mubhuku rake rinonzi This Way, Please—A Book of Manners, anoti: “Chinhu chokutanga chaunoda mwoyo une mutsa.”
Uyu mutoo wokuzvininipisa uchatidzivisa kurerutsa tsika dzevamwe. Tichasundwa kutanga ndokudzidza nzira iyo vamwe vanhu vanorarama nayo, kuitawo tsika dzavo nokuravidza zvokudya zvavo panzvimbo pokuramba kana kuti kunyumwira chinhu chose chinoita sechakasiyana. Kupfurikidza nokuda kudzidza nokushuva kuedza nzira itsva, tinoonga anotigamuchira kana kuti vavakidzani vedu vokudzimwe nyika. Tinozvibetserawo sezvatino“kurisw[a]” mwoyo yedu nokunzwisisa kwedu.—2 VaKorinte 6:13.
Kana Tsika Yacho Ichivhiringidza Kufambira Mberi Mumudzimu
Zvakadini kana tikawana kuti pane tsika dzisingapesani hadzo namagwaro, asi dzisingabetseri kufambira mberi mumudzimu? Somuenzaniso, mune dzimwe nyika vanhu vangava vakajaira kuverengera. Aya mararamiro okusazvinetsa anogona kuderedza kufunganya, asi zvimwe angaita kuti zvitiomere zvikuru kuita ushumiri hwedu ‘zvizere.’—2 Timotio 4:5.
Tinogona sei kukurudzira vamwe kudzivisa kuverengera kuita zvinhu zvinokosha? Yeuka kuti “chinhu chokutanga chaunoda mwoyo une mutsa.” Tichisundwa norudo, tinogona kugadza muenzaniso wacho ndokutsanangura nomutsa chakanakira kusarega kuita zvinhu zvinofanira kuitwa nhasi kusvikira mangwana. (Muparidzi 11:4) Panguva imwe cheteyo, tinofanira kungwarira kurega kuvimbana nemhaka bedzi yokuda kuita zvakawanda. Kana zvikarakadzo zvedu zvikasakurumidza kugamuchirwa nevamwe, hatifaniri kuvaremedza kana kuti kuvaratidza kukangaidzwa kwedu. Nguva dzose rudo runofanira kuva runokosha kupfuura kushanda zvakanaka.—1 Petro 4:8; 5:3.
Kufungawo Zvinoitwa Munharaunda
Tinofanira kuva nechokwadi kuti chero chikarakadzo chatinoita chine mufungo uye kwete kuti tiri kungoda kumanikidzira zvatinofarira isu. Somuenzaniso, zvitaera zvezvipfeko zvinosiyana zvikuru. Munharaunda dzakawanda zvakafanira kuti murume ari kuparidza mashoko akanaka apfeke tai, asi mudzimwe nyika dzinopisa, zvingarangarirwa sokunyanyisa. Kufunga nezvezvinoitwa munharaunda pamusoro pekupfeka kwakakodzera munhu anoshanda nevanhu vose kunowanzova nhungamiro inoshanda. “Kunaka kwepfungwa” kunokosha patinobata nenhau dzezvipfeko dzinoda kungwarira.—1 Timotio 2:9, 10, NW.
Zvakadini kana tsika isingatifadzi? Inofanira kungorambwa here? Kwete hazvo. Tsika yokubatana maoko kwavarume, yadudzwa pakuvamba, yaigamuchirwa zvakakwana murutivi irworwo rwenzanga yeAfrica. Pakacherekedza mufundisi wacho kuti vamwe varume vakanga vachifamba vakabatana maoko, akanzwa agadzikana zvikuru.
Munzendo dzake huru dzoufundisi, muapostora Pauro akashanyira ungano dzaiva nemitezo yaiva nemamiriro ezvinhu ekare akasiyana. Pasina kupokana, kubonderana kwetsika kwakanga kwakawanda. Nokudaro, Pauro akajaira chero tsika dzaaigona nepo achitsigira zvakasimba mitemo yeBhaibheri. “Ndakava zvose kuvanhu vose,” akadaro, “kuti ndiponese vamwe nemitoo yose.”—1 VaKorinte 9:22, 23; Mabasa 16:3.
Mibvunzo mishomanene yakakodzera ingatibetsera kusarudza nzira yatinofanira kugamuchira nayo tsika itsva. Kupfurikidza nokugamuchira kwedu tsika yakati—kana kuti kuramba kuita kudaro—tiri kuita kuti vanocherekedza vafungei? Vachanzwa kuda shoko roUmambo nokuti vanoona kuti tiri kuedza kutevedzera tsika yavo here? Ukuwo, kana tikatevedzera tsika yomunharaunda, ‘ushumiri hwedu hungawanirwa mhaka’ here?—2 VaKorinte 6:3.
Kana tichishuva kuva “zvose kuvanhu vose,” tingafanira kuchinja mamwe mafungiro akadzika midzi matiri ezvakakodzera nezvisina. Kakawanda nzira “yakarurama” ne“isina kururama” yokuita nayo chimwe chinhu inongotsamira bedzi pane kwatinogara. Nokudaro, muimwe nyika kubatana maoko kwevarume kuratidzirwa kwoushamwari, nepo mune dzimwe dzakawanda chokwadi kungatsausa pashoko roUmambo.
Zvisinei, kune dzimwe tsika dzinogamuchirwa munharaunda dzakasiyana-siyana uye dzingatova dzakafanira nokuda kwavaKristu; asi tinofanira kungwarira.
Chenjerera Kupfuura Muganhu!
Jesu Kristu akataura kuti kunyange zvazvo vadzidzi vake vaisagona kubviswa munyika, vaifanira kuramba “va[s]i venyika.” (Johane 17:15, 16) Zvisinei, pane dzimwe nguva hazvisi nyore kusiyanisa rutivi runokosha rwenyika yaSatani netsikawo zvayo. Somuenzaniso, nziyo nokutamba zvinoitwa mudzinenge tsika dzose, kunyange zvazvo mune dzimwe nyika zvichiva zvakakosha zvikuru.
Tingangokurumidza kuita chisarudzo—chakavakirwa zvikuru pane zvatakakura tichiziva kupfuura pazvikonzero zvomuMagwaro zvakanaka. Alex, imwe hama yechiGerman, akagamuchira basa rokuita kuSpain. Munharaunda yake yekare, kutamba kwakanga kusina kunyanyokurumbira, asi muSpain itsika yavo. Paakatanga kuona imwe hama neimwe hanzvadzi vachitamba rimwe dhanzi rinonakidza romunharaundamo, akavhiringidzwa. Ko kutamba uku kwakanga kusina kururama kana kuti zvichida kwaiva kwenyika here? Aizova achirerutsa maitiro ake kana aizotevedzera tsika iyi here? Alex akaziva kuti kunyange zvazvo nziyo dzacho nokutamba zvakanga zvakasiyana, pakanga pasina chikonzero chokufungidzira kuti hama dzake nehanzvadzi dzechiSpanish dzakanga dziri kurerutsa mitemo yechiKristu. Kuvhiringidzika kwake kwakaparirwa nokusiyana kwetsika.
Zvisinei, Emilio, imwe hama inofarira kutamba kunoitwa muSpain, anoziva kuti pane ngozi. “Ndinocherekedza kuti matambiro acho akawanda anoda kuti vaviri vacho vazemberane,” anotsanangura kudaro. “Somunhu asina kuroora, ndinofunga kuti izvi zvinogona kunyandura manzwire emumwe wevaviri vacho. Pane dzimwe nguva, kutamba kunogona kushandiswa sechikonzero chokuratidza mumwe munhu anokutora mwoyo rudo. Kuva nechokwadi chokuti nziyo dzacho dzakanaka uye kuti hamunyanyi kuzemberana kunogona kushanda sedziviriro. Kunyange zvakadaro, ndinofanira kubvuma kuti apo boka rehama nehanzvadzi dziri majaya nemhandara rinoenda kunotamba pamwe chete, zvakaoma zvikuru kuramba vachiratidza kuti vabatiri vaMwari.”
Zvirokwazvo, hatingadi kushandisa tsika yedu sechikonzero chokuita muitiro wenyika. Kuimba nokutamba zvaiitwa mutsika yechiIsraeri, uye pakasunungurwa vaIsraeri muEgipita paGungwa Dzvuku, kupemberera kwavo kwakabatanidza kuimba nokutamba. (Eksodho 15:1, 20) Zvisinei, nziyo dzavo chaidzoidzo nokutamba zvaiva zvakasiyana nezvemarudzi echihedheni akanga akavapota.
Nenzira inosuruvarisa, pavakanga vachimirira Mosesi kuti adzoke kubva kuGomo reSinai, vaIsraeri vakatadza kushivirira, vakaumba mhuru yendarama, uye vapedza kudya nokunwa, “vakasimuka, vakatamba.” (Eksodho 32:1-6) Apo Mosesi naJoshua vakanzwa kuimba kwavo, zvakakurumidza kuvanetsa. (Eksodho 32:17, 18) VaIsraeri vakanga vapfuura “muganhu” uya, uye maimbiro nematambiro avo zvino akanga afanana neemarudzi echihedheni akanga akavapota.
Nenzira yakafanana nhasi, nziyo nokutamba kazhinji kazhinji zvingagamuchirwa munharaunda yedu uye zvingasagumbura hana yevamwe. Asi kana magetsi akaitwa kuti asanyanyovheneka, magetsi anoti ngai-dzimu, ngai-dzimu akawedzerwa, kana kuti nziyo ine mutinhimira wakasiyana ikaridzwa, chaimbogamuchirwa pakutanga zvino chingaratidza mudzimu wenyika. “Inongova tsika yedu,” tingataura kudaro. Aroni akashandisa chikonzero chakafanana paakabvuma varaidzo nokunamata zvechihedheni, achizvirondedzera nenzira isiriyo se“mutambo . . . kuna Jehovha.” Ichi chikonzero chenhando chakanga chisina mufungo. Inga wani mufambiro wavo wakatonzi “unonyadzisa pakati pevashori vavo.”—Eksodho 32:5, 25, NW.
Tsika Dzine Padzinoshanda
Tsika dzisina kurovedzeka zvikuru pakutanga dzingatishamisa, asi handi dzose dzisingagamuchirwi hadzo. Ne“masimba [edu] okunzwisisa akarovedzwa,” tinogona kusarudza kuti itsika dzipi dzinowirirana nedzisingawirirani nemitemo yechiKristu. (VaHebheru 5:14) Patinoratidza mwoyo une mutsa wakazara norudo kune vamwe vedu, tichaita nenzira yakakodzera patinonangana netsika dzisingakuvadzi.
Sezvatinoparidza mashoko akanaka oUmambo kuvanhu vari munharaunda yedu kana kuti ndima iri kure, kuva nepfungwa yokusanyanyisa pamusoro petsika dzakasiyana-siyana kuchatigonesa kuva ‘zvose kune vanhu vose.’ Uye pasina kupokana tichawana kuti sezvatinogamuchira tsika dzakasiyana-siyana, zvichabetsera kuti tive noupenyu hune chinangwa, hunofadza, uye hunonakidza.
[Mufananidzo uri papeji 20]
Kukwazisana kwechiKristu kunogona kuratidzirwa zvakafanira munzira dzakawanda
[Mufananidzo uri papeji 23]
Kuva nepfungwa yokusanyanyisa pamusoro petsika dzakasiyana-siyana kunogona kuparira upenyu hune chinangwa, hunofadza