RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 7/8 pp. 4-7
  • Masvingo Anodzivisa Kurukurirano

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Masvingo Anodzivisa Kurukurirano
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Matapurire Anoita Tsika Zvatiri
  • ‘Nzira Yedu Ndiyo Yakanakisisa!’
  • Kukudza Murangariro Wedu
  • Kuparadza Masvingo Ndokuvaka Mabhiriji
    Mukai!—1996
  • Tsika Dzomunharaunda Nemitemo yechiKristu—Zvinowirirana Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Vaenzi—Vanogona Sei Kugonana Nechinjo?
    Mukai!—1992
  • Kana Ndichirarama Nevanhu Vane Tsika Dzakasiyana Ndingaitei?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 7/8 pp. 4-7

Masvingo Anodzivisa Kurukurirano

ROBERT mufundisi weWatch Tower anogara muSierra Leone, kuWest Africa. Rimwe zuva achangobva kusvika munyika yacho, sezvaaifamba mumugwagwa, akacherekedza kuti vana vemo vakanga vachiimba, vachiti: “MuRungu! MuRungu!” Robert, uyo ari mugari weAmerica mutema, akatsvaka muRungu, asi hapana mumwe munhuzve akanga aripo. Akaziva ipapo kuti vana vacho vakanga vachiitira iye mheremhere yavo!

Pakanga pasina ruvengo mukuimba kwacho. Vana vacho vakanga vachingotaura havo kucherekedza kwavo kuti Robert aibva mutsika yakanga yakasiyana neyavo vamene. Kudana Robert kuti muRungu ndiyo yakanga iri nzira yakanakisisa yavaigona kufunga nezvayo kuti vataure mutsaukano iwoyo.

Matapurire Anoita Tsika Zvatiri

Tsika yakatsanangurwa nenzira yakafara se“boka repfungwa dzinogoveranwa, . . . tsika, zvitendero, uye zivo inoratidza muraramiro.” Tinodzidza mipimo yetsika yakawanda kupfurikidza nokudzidzisa kwakananga, asi tinodzidzawo zvakawanda tisingatozvizivi. Mumwe munzveri akati: “Kubvira panhambo yekuberekwa [kwemwana] tsika umo anoberekerwa dzinoumba ruzivo rwake rwokuzviwanira nemufambiro. Panosvika nguva yaanogona kutaura, anenge ari chigadzirwa chiduku chetsika dzake, uye panosvika nguva apo anenge akura uye okwanisa kutora rutivi mumibato yadzo, tsika dzadzo dzave tsika dzake, zvitendero zvadzo zvave zvitendero zvake, zvisingabviri zvadzo zvave zvisingabviri zvake.”

Munzira zhinji tsika dzinotirerutsira upenyu. Sevana tinodzidza nokukurumidza nzira yokufadza nayo vabereki vedu. Kuziva zvinogamuchirika munzanga yedu nezvisingagamuchiriki kunotitungamirira mukuita zvisarudzo pamusoro penzira yokuita nayo, chokupfeka, uye nzira yokubata nayo navamwe.

Chokwadika, zvatiri sevanhu vamwe nevamwe hazvitsamiri pamamiriro etsika dzedu ekare chete. Mukati metsika iri yose mune misiyano pakati pevanhu. Zvatiri zvinosarudzwawo nemavara okugara nhaka, zvinoitika zvedu muupenyu, uye zvimwe zvinhu zvizhinji. Kunyange zvakadaro, tsika irenzi ratinoona naro nyika.

Tsika yedu somuenzaniso, inosarudza kwete bedzi mutauro watinotaura asi mataurire atinouita. Mune dzimwe nzvimbo dzeMiddle East, vanhu vanokoshesa kukwanisa kutaura ivo vamene nounyanzvi nemashoko mazhinji, vachishandisa kudzokorora nokutaura kwokufananidzira. Mukupesana, vanhu vedzimwe nyika dzokuFar East vanochengeta kurukurirano yokutaura iri shoma. Chimwe chirevo chechiJapan chinoratidzira murangariro uyu, chichiti: “Uchaparara nomuromo wako.”

Tsika yedu, inodzora marangarire atinoita nguva. MuSwitzerland kana ukanonoka nemaminiti gumi kurangano, unokarirwa kukumbira ruregerero. Mune dzimwe nyika unogona kunonoka neawa imwe kana kuti mbiri uye hapana kukumbira ruregerero kungakarirwa.

Tsika yedu inotidzidzisawo zvinokosha. Funga kuti waizonzwa sei kudai mumwe munhu akati kwauri: “Uri kuwedzera uremu zvikuru. Uri kufuta chaizvoizvo!” Kana wakakurira mutsika yeAfrica uko kufuta kunokosheswa, sezvingabvira waizofadzwa nokutaura kwacho. Asi kana wakarererwa mutsika yokuMadokero uko kutetepa kunorumbidzwa zvikuru, tsinhiro yapachokwadi sezvingabvira yaizokugumbura.

‘Nzira Yedu Ndiyo Yakanakisisa!’

Chinowanzopinganidza kwazvo kurukurirano pakati peavo vetsika dzakasiyana ndechokuti vanhu kwose kwose vanowanzokufunga kuti tsika yavo vamene iri nani. Vazhinjisa vedu tinofunga kuti zvitendero zvedu, mipimo, magamuchidzanwa, mupfekero, uye pfungwa pamusoro perunako zvakarurama, zvakafanira, uye zviri nani kupfuura dzimwe dzipi nedzipi. Tinowanzorangarirawo dzimwe tsika maererano nemipimo yeboka redu timene. Kufunga kwakadaro kunonzi kukwidziridza dzinza. The New Encyclopædia Britannica inoti: “Kukwidziridza dzinza . . . kunganzi kunenge kuri kwose kwose. Mitezo yedzinenge tsika dzose dzenyika inorangarira muraramiro wayo imene somukuru kupfuura kunyange uyo wevavakidzani vari pedyo zvikuru.”

Makore ane mazana maviri akapfuura, mumwe mukuru mukuru wechiNgezi akataura nhau yacho zvakajeka, achiti: “[Kubva muizvo] ndinoona, vabvakure mapenzi.” Mupepeti webhuku rokunokora mashoko umo mashoko aya anooneka akanyora, kuti: “[Ikoku] kunofanira kuva kunenge murangariro wavanhu vose.”

Mienzaniso yokusashivirira avo vedzimwe tsika yakawanda. Kunyange zvazvo kwakatanga kunyorwa nomunyori wemabhuku weGermany muma1930, kunokora mashoko kunotevera kunowanzonzi ndokwemutungamiriri weNazi Hermann Göring, kwokuti: “Apo ndinonzwa shoko rokuti tsika, ndinotora vhorovhoro yangu.”

Mirangariro yakasimba yekukwidziridza dzinza inogona kutungamirira kurusaruro, ukowo kungatungamirira kuutsinye nerwisano. Richard Goldstone murovereri wemhaka weInternational Criminal Tribunal iri kufeya-feya mhaka dzehondo muRwanda neyaichimbova Yugoslavia. Pamusoro pezviito zvoumhuka zverwisano dzose dziri mbiri, iye akati: “Chinhu chorudzi urwu chinogona kuitika kupi nokupi. Pano mune nyika mbiri dzakaparadzana, dzine tsika dzakasiyana nenhau dzakasiyana, bva utsinye hwakafanana [huri] kuitirwa muvakidzani nemuvakidzani. Rudzi urwu rwehondo youtsinye yemadzinza kana kuti yorudzidziso runongova chete rusaruro runokudzwa kusvikira kumwero wokuva masimba masimba. Boka rinenge raitwa vanyajambwa rinofanira kubviswa chimiro kana kuti kuitwa rakaipa. Kana izvi zvangoitwa bedzi, zvinosunungura vanhuwo zvavo pakuzvidzora kwetsika uko nguva dzose kwaizovadzivisa kuita zvinhu zvakaipa kudaro.”

Kukudza Murangariro Wedu

Kazhinji kazhinji vanhu vatinosarudza kuti vave shamwari dzedu ndeavo vakaita sesu zvikuru, vanhu vanogoverana zvimiro zvedu zvendangariro nemipimo. Tinovimba navo uye tinovanzwisisa. Tinonzwa takasununguka kana tinavo. Kana tikarangarira mufambiro wemumwe munhu sowechienzi kana kuti seusiri wenguva dzose, shamwari dzedu zvimwe dzichabvumirana nesu nemhaka yokuti shamwari dzedu dzinogoverana mirangariro yedu.

Chii, ipapo, chatinogona kuwana kupfurikidza nokukurukurirana navamwe vakasiyana nesu nemhaka yemamiriro etsika ekare? Kutanga, kurukurirano yakanaka ichatibetsera kunzwisisa zvikonzero nei vamwe vachifunga nokuita sezvavanoita. Kunle, wokuMadokero eAfrica, anoti: “Vana vazhinji muAfrica vanorambidzwa zvakasimba kudya vachitaura. Mune dzimwe nyika dzeEurope, zvisinei, kurukurirano panguva dzezvokudya inokurudzirwa. Chii chinoitika apo mugari wokuEurope anogoverana zvokudya nemugari wokuAfrica? Mugari wokuEurope anoshamisika kuti nei mugari womuAfrica achiratidzika kuva anogara chinyararire achidya zvokudya zvake. Munguvayo, mugari womuAfrica anoshamisika kuti nei mugari wokuEurope ari kuita seshiri!” Nenzira yakajeka, mumamiriro ezvinhu akadaro, kunzwisisa mamiriro etsika ekare omumwe nomumwe kunogona kuita zvakawanda kubvisa kufungira mano akaipa kwenzanga.

Sezvatinosvika pakuziva vanhu vedzimwe tsika, hatinatsi bedzi kunzwisisa kwedu vamwe asi tinozvinzwisisawo timene zviri nani. Nyanzvi yokudzidza nezvevanhu yakanyora, kuti: “Chinhu chokupedzisira icho chinhu chinogara pasi pegungwa chingawana ingava mvura. Chinozoziva nezvekuvapo kwayo bedzi kana tsaona yakati ikachiunza pamusoro ndokupinza mumhepo. . . . Kukwanisa kuona tsika yenzanga yako umene yose zvayo . . . kunoda mwero wakati wokuramba mirangariro yomunhu oga uko isingawanzowanwa.” Kunyange zvakadaro, kupfurikidza nokuzviratidzira timene kutsika dzevamwe, takafanana nechinhu chinogara mugungwa chinopinzwa mumhepo; tinobva taziva nezve“mvura” dzetsika umo tinogara. Munyori Thomas Abercrombie akataura nhau yacho zvakanaka, achiti: “Munhu asina kutonyengedzwa netsika dzevabvakure haatongogoni kunzwisisa mhinganidzo dzedzake amene.”

Mukupfupikisa, kunzwisiswa kwedzimwe tsika kunogona kupfumisa upenyu hwedu kupfurikidza nokukudza murangariro wedu, kuitira kuti tinzwisise zviri nani tose tiri vaviri isu timene nevamwe. Nepo kugarwa nhaka kwetsika nokufunga kwokukudziridza dzinza rako kuchigona kuva masvingo anodzivisa kurukurirano, hazvifaniri kuva zvakadaro. Masvingo iwayo anogona kupunzwa.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

“Mitezo yedzinenge tsika dzose dzenyika inorangarira muraramiro wayo imene somukuru kupfuura kunyange uyo wevavakidzani vari pedyo zvikuru.”—The New Encyclopædia Britannica

[Mufananidzo uri papeji 7]

Tinogona kudzidza kufarikanya zvinhu zvakanaka zvedzimwe tsika

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 6]

Globe: Mountain High Maps® Copyright © 1995 Digital Wisdom, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe