Ramba Uchifambira Mberi Mumudzimu!
Zuva rokubhabhatidzwa kwedu izuva ratinofanira kugarokoshesa nokuyeuka. Handiti ndiro zuva ratakazivisa pachena kuti takazvitsaurira kushumira Mwari.
KUVANHU vakawanda zvinoda nhamburiko huru zvikuru kuti vasvike nhanho iyi—kurega miitiro yakashata yenguva yakareba, kurega vasonganiri vasina kunaka, kuchinja mitoo yokufunga nemiitiro zvakadzika midzi.
Kunyange zvakadaro, nepo rubhabhatidzo chiri chiitiko chinofadza nechinokosha muupenyu hwomuKristu, runongova mavambo bedzi. Muapostora Pauro akaudza vaKristu vakabhabhatidzwa vaiva muJudhea kuti: “Naizvozvo ngatisiye shoko rokutanga kwaKristu, tipfuurire mberi pakukwaniswa.” (VaHebheru 6:1) Hungu, vaKristu vose vanofanira “kusvika pahumwe hwokutenda nokuziva Mwanakomana waMwari, napamunhu wakura, napachiyero choukuru hwokuzara kwaKristu.” (VaEfeso 4:13) Tinogona ku“simbiswa pakutenda” zvechokwadi kupfurikidza bedzi nokufambira mberi kusvikira takura mumudzimu.—VaKorose 2:7.
Mumakore mashomanene apfuura, mazana ezviuru avanamati vatsva vakazvitsaurira akapinda muungano yechiKristu. Zvichida uri mumwe wavo. Kufanana nehama dzako dzomuzana ramakore rokutanga, haudi kurambira muucheche hwomudzimu. Unoda kukura, kufambira mberi! Asi sei? Uye unogona kufambira mberi zvakadaro munzira dzipi?
Kufambira Mberi Kupfurikidza Nefundo Yomunhu Oga
Pauro akaudza vaKristu muFiripi kuti: “Ndizvo zvandinonyengetera, kuti rudo rwenyu rurambe ruchingowanda [nezivo yakarurama, NW] nokunzwisisa kwose.” (VaFiripi 1:9) Kukura mu“zivo yakarurama” kunokosha kuti ufambire mberi mumudzimu. ‘Kuwana zivo yaJehovha Mwari naJesu Kristu’ muitiro unopfuurira, kwete chimwe chinhu chinoguma pashure porubhabhatidzo.—Johane 17:3.
Imwe hanzvadzi yechiKristu, yatichadana kuti Alexandra, yakaziva izvi makore gumi pashure pokunge yabhabhatidzwa pazera remakore 16. Yakarererwa muchokwadi uye yakanga yave ichipinda misangano yechiKristu nguva dzose nokuita basa rokuparidza. Inonyora kuti: “Mumwedzi mishomanene yapfuura, ndakaziva kuti chimwe chinhu chakanga chakashata zvikuru. Ndakafunga kunyatsozviongorora, nenzira yokutendeseka, zvandinonzwa nokuda kwechokwadi, uye nei ndichiri muchokwadi.” Yakaonei? Inopfuurira kuti: “Ndakaona kuti zvikonzero zvokuva kwangu muchokwadi zvaindikangaidza. Ndakayeuka kuti pandaikura, misangano nebasa romumunda zvaisimbiswa. Zvaiita sokuti miitiro yefundo yomunhu oga nemunyengetero zvaingoitikawo. Asi sezvandakaongorora mamiriro angu ezvinhu, ndakaona kuti izvi hazvina kuitika.”
Muapostora Pauro anokurudzira kuti: “Ngatirambe tichifamba bedzi no[muitiro, NW] iwoyu watasvika nawo patasvika.” (VaFiripi 3:16) Muitiro unogona kuita kuti upfuurire mberi. Usati wabhabhatidzwa, pasina kupokana wakanga une muitiro wevhiki nevhiki wefundo yeBhaibheri nomudzidzisi akanyatsokwaniriswa. Sezvawakawedzera kunzwisisa, wakabatanidza kugadzirira pachine nguva mberi chidzidzo chevhiki yoga yoga mumuitiro uyu, uchitarira magwaro akanongedzerwa muBhaibheri, zvichingodaro. Zvino zvawakabhabhatidzwa, wakapfuurira ‘kufamba mumuitiro mumwe chete iwowo’ here?
Kana usina, ungafanira kuongororazve zvaunoisa pakutanga, ‘uchiva nechokwadi chezvinhu zvinokosha.’ (VaFiripi 1:10) Muupenyu hwedu hwakabatikana, zvinoda kuzvidzora kuti tive nenguva yokurava nokufunda Bhaibheri somunhu oga. Asi tinenge tatamburira zviripo. Fungazve zvakaitika kuna Alexandra. Anobvuma kuti: “Ndingati ndave ndiri muchokwadi kwemakore 20 apfuura kana kuti kupfuura nokungoenda chete kumisangano nokupinda mubasa romumunda.” Zvisinei, anopfuurira kuti, “Ndagumisa kuti kunyange zvazvo zvinhu izvi zvichikosha, izvozvo zvoga hazvigoni kunditsigira panotanga kuoma zvinhu. Zvose izvi zvava kuoneka nokuti handichamboiti muitiro wangu wefundo yomunhu oga zvachose, uye minyengetero yangu haisi yenguva dzose uye haina zvainoreva. Zvino ndava kuziva kuti ndinofanira kugadziridza kufunga kwangu ndokuvamba purogiramu yekufunda ine chinangwa kuitira kuti ndigone kunyatsoziva Jehovha ndokumuda nokuonga zvatakapiwa noMwanakomana wake.”
Kana uchida kubetserwa kutanga muitiro wakanaka wefundo yomunhu oga, vakuru nevamwe vaKristu vakakura mumudzimu vari muungano yako vachafara kukubetsera. Uyezve, nyaya dziri muzvinyorwa zveNharireyomurindi zvaMay 1, 1995; August 15, 1993; uye November 1, 1986, dzine zvikarakadzo zvinoverengeka zvinobetsera.
Kudikanwa Kwokuswedera Pedyo naMwari
Rumwe rutivi rwaunofanira kuvavarira kufambira mberi marwuri ukama hwako naMwari. Muzvimwe zviitiko zvingatova zvakafanira zvikuru murutivi irworwu. Imbofunga nezvaAnthony, akabhabhatidzwa ari muduku. Ndakanga ndiri mwana wokutanga kubhabhatidzwa mumhuri yedu,” anorondedzera kudaro. “Pashure pokubhabhatidzwa kwangu, ndakambundirwa noushamwari naamai vangu. Ndakanga ndisati ndambovaona vachifara kudaro. Paiva nomufaro zvikuru, uye ndakanzwa ndasimba zvikuru.” Zvisinei, pakanga pane rumwe rutivi rwenhau yacho. “Kwenguva yakati, pakanga pasina kuva nevechiduku chero vapi zvavo vakanga vabhabhatidzwa muungano yedu,” Anthony anopfuurira achidaro. “Nokudaro ndakanzwa ndichidada. Ndakadadawo netsinhiro dzangu nehurukuro pamisangano. Kurumbidzwa nokufarirwa nevanhu kwakakosha zvikuru kwandiri kupfuura kuita kuti Jehovha arumbidzwe. Chaizvoizvo ndakanga ndisina ukama hwepedyo naye.”
Kufanana naAnthony, vamwe vangava vakazvitsaurira nemhaka bedzi yechishuvo chokufadza vamwe panzvimbo pechishuvo chokufadza Jehovha. Kunyange zvakadaro, Mwari anokarira vakadaro kuti vararame mukuwirirana nemhiko yavo yokumushumira. (Enzanisa naMuparidzi 5:4.) Kunyange zvakadaro, pasina kubatanidzwa somunhu oga naMwari, zvinowanzovaomera kuita kudaro. Anthony anoyeuka kuti: “Mufaro mukuru wandakanga ndinawo pandakabhabhatidzwa wakanga uri wenguva pfupi. Pashure pokubhabhatidzwa kwangu hapana kumbopera gore rakazara ndisati ndaita chikanganiso chakakomba uye ndaifanira kutsiurwa nevakuru muungano. Kuramba ndisingazvibati kwakaita kuti ndidzingwe muungano. Makore matanhatu pashure pokuzvitsaurira kuna Jehovha, ndakasungwa ndokuiswa mujeri nemhaka yokuponda.”
Kutanga Ukama Hwepedyo naJehovha
Pasinei hapo nemamiriro ako ezvinhu, vaKristu vose vanogona kuteerera kukokera kweBhaibheri kunoti: “Swederai kuna Mwari, iye agoswedera kwamuri.” (Jakobho 4:2) Pasina mubvunzo wakati wedzerei kuswedera pedyo naMwari pawakatanga kufunda Bhaibheri. Wakadzidza kuti Mwari haasiri mwari asiri munhu anonamatwa muchiKristudhomu, asi munhu ane zita, Jehovha. Wakadzidzawo kuti ane mavara anofadza, kuti ndi“Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi.”—Eksodho 34:6.
Zvisinei, kuti urarame maererano nokuzvitsaurira kwako kuna Mwari, unotofanira kuswedera pedyo naye! Sei? Wezvamapisarema akanyengetera kuti: “Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha; ndidzidzisei nzira dzenyu.” (Pisarema 25:4) Fundo yomunhu oga yeBhaibheri neyezvinyorwa zveSosaiti inogona kukubetsera kuziva Jehovha zviri nani. Kunyengetera nomwoyo wose nguva dzose kunokoshawo. “Dururai mwoyo yenyu pamberi pake,” anokurudzira kudaro wezvamapisarema. (Pisarema 62:8) Sezvaunoona minyengetero yako ichipindurwa, uchanzwa kuti Mwari anokufarira somunhu oga. Zvichakubetsera kunzwa uri pedyo zvikuru naye.
Miedzo nezvinetso zvinopa mumwezve mukana wokuswedera pedyo naMwari. Ungava nezvinetso nemiedzo yokutenda, zvakadai seurwere, dzvinyiriro kuchikoro nokubasa, kana kuti nhamo dzemari. Zvingatova kuti muitiro wenguva dzose woubati ushe hwaMwari wokuita ushumiri, kupinda misangano, kana kuti kufunda Bhaibheri nevana vako wakakuomera. Usabata nezvinetso zvakadaro uri woga! Teterera Mwari kuti akubetsere, uchikumbira nhungamiro yake nemirayiridzo. (Zvirevo 3:5, 6) Mukumbire mudzimu mutsvene wake! (Ruka 11:13) Sezvaunobetserwa norudo rwaMwari, uchatoswededzwa pedyo naye. Sokutaura kwakaita wezvamapisarema Dhavhidhi kuti, “ravirai henyu, muone kuti Jehovha wakanaka; wakakomborerwa munhu unovimba naye.”—Pisarema 34:8.
Zvakadiniko naAnthony? Anoyeuka kuti: “Ndakatanga kufunga nezvenguva yandaiva nevavariro dzakawanda dzomudzimu dzakavakirwa pakuita kuda kwaJehovha. Izvi zvairwadza. Asi ndakayeuka rudo rwaJehovha nemhaka yokurwadziwa kwacho kwose nokuora mwoyo. Zvakatora chinguvana kuti ndikwanise kunyengetera kuna Jehovha, asi ndakazviita, uye ndakadurura mwoyo wangu kwaari, ndichimukumbira kuti andikanganwire. Ndakatangawo kurava Bhaibheri ndikashamiswa kuti ndakanga ndakanganwa zvakawanda sei uye kuti ndakanga ndaziva zvishomanene sei nezvaJehovha.” Kunyange zvazvo Anthony achifanira kumbopedza mutongo wemhosva yake yomujeri, ari kubetserwa neZvapupu zvomunharaunda yacho uye ava kuda kunaya mumudzimu. Anthony achionga anoti: “Nemhaka yaJehovha nesangano rake, ndakakwanisa kubvisa unhu hwekare, uye ndinovavarira kupfeka hutsva zuva rimwe nerimwe. Ukama hwangu naJehovha hwava kukosha zvikuru kwandiri.”
Kufambira Mberi Mumudzimu Muushumiri Hwako
Jesu Kristu akarayira vateveri vake kuti vave vaparidzi ve“evhangeri iyi youshe.” (Mateo 24:14) Somuparidzi mutsva zvikuru wamashoko akanaka, ruzivo rwako rwokuzviwanira muushumiri rungava rushoma. Ipapoka, unogona sei kufambira mberi kuti ‘uite ushumiri hwako kwazvo’?—2 Timotio 4:5.
Imwe nzira ndeyokuva namafungiro akanaka. Dzidza kuona basa rokuparidza se“pfuma,” ropafadzo. (2 VaKorinte 4:7) Mukana wokuratidza rudo rwedu, kuvimbika, uye kuperera kuna Jehovha. Zvinotibvumirawo kuratidza kuitira hanya kwedu muvakidzani wedu. Kuzvipa nomwoyo wose murutivi urwu kunogona kuparira mufarwa wechokwadi.—Mabasa 20:35.
Jesu pachake aiona zvakanaka basa rokuparidza. Kutaura zvokwadi dzeBhaibheri nevamwe kwakanga kwakafanana ne“zvokudya” kwaari. (Johane 4:34) Naizvozvo chakamusunda kubetsera vamwe chinogona kutaurwa mumashoko ake okuti, “Ndinoda.” (Mateo 8:3) Jesu ainzwira vanhu tsitsi, kunyanya vaya vakanga vaka“batwa zvisina kufanira uye [v]akanga [v]akapara[dz]ir[w]a” nenyika yaSatani. (Mateo 9:35, 36, NW) Nenzira yakafanana “unoda” kubetsera vari murima romudzimu uye vanoda kujekeserwa zviri muShoko raMwari here? Ipapo uchanzwa uchisundwa kuteerera murayiro waJesu unoti: “Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose.” (Mateo 28:19) Chokwadi, uchasundwa kuita zvaunogona mubasa iri sezvinobvumirwa noutano hwako nemamiriro ezvinhu.
Chimwe chakakosha kuti ufambire mberi kuitawo ushumiri nguva dzose—vhiki yoga yoga kana zvichiita. Kuita kudaro kunogona kuderedza kutya kungapinganidza munhu anongoparidza panhambo nenhambo bedzi. Kuitawo basa romumunda nguva dzose kuchakubetsera mudzimwewo nzira. Zvichawedzera kunzwisisa kwako chokwadi, zvichakudza kuda kwako Jehovha nomuvakidzani, uye zvichakubetsera kuramba uchifunga nezvetariro yoUmambo.
Kunyange zvakadaro, zvakadini kana mugariro wako wazvino uchiganhurira zvikuru kuita kwako basa rokuparidza? Kana usingambokwanisi kugadziridza, ipapo nyaradzwa nokuziva kuti Mwari anofadzwa zvikuru nechipi kana chipi chaunokwanisa kuita, chero bedzi uchiita basa rako nomwoyo wose. (Mateo 13:23) Zvichida unogona kufambira mberi mudzimwe nzira, dzakadai sokunatsiridza unyanzvi hwako hwokuparidza. Muungano, Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari noMusangano Webasa zvinorovedza zvakaisvonaka murutivi urwu. Sezvingakarirwa, kana takakwaniriswa zvikuru muushumiri, tichanakidzwa nahwo zvikuru ndokuwana zvibereko.
Ipapoka, zviri pachena kuti kufambira mberi mumudzimu hakufaniri kuguma zuva rinobhabhatidzwa munhu. Muapostora Pauro akanyora nezvetariro yake yokuwana upenyu husingafi mumatenga kuti: “Hama dzangu, ini handiti ndatochibata, asi ndinoita chinhu chimwe: ndinokanganwa zviri shure, ndichinanavira kune zviri mberi, ndinoshingairira kunharidzano, kuti ndipiwe mubayiro wokudana kwaMwari kunobva kudenga, muna Kristu Jesu. Naizvozvo isu tose, takakura, ngative nomwoyo wakadaro; kana imi mune mumwe mwoyo, Mwari uchakuratidzai naizvozvowo.”—VaFiripi 3:13-15.
Hungu, vaKristu vose, kunyange vane tariro yokusafa kudenga kana kuti upenyu husingaperi muParadhiso pasi pano, vanofanira ku‘nanavira zviri mberi,’—sokuti vari kuzvirwadzisa, kuti vawane upenyu! Kubhabhatidzwa kwako kwakanga kuri kutanga kwakaisvonaka, asi anongova mavambo bedzi. Ramba uchivavarira kufambira mberi mumudzimu. Kupfurikidza nemisangano nefundo yomunhu oga, “iva [mu]kuru zvakakwana mumasimba okunzwisisa.” (1 VaKorinte 14:20, NW) “Uve nesimba rokunzwisisa . . . kufara, nokureba, nokukwirira, nokudzika” kwechokwadi. (VaEfeso 3:18) Kufambira mberi kwauchaita kuchakubetsera kwete bedzi kuchengeta mufaro zvino asiwo kuwana nzvimbo yakachengeteka munyika itsva yaMwari, mauchakwanisa kufambira mberi nokusingagumi uchitongwa noUmambo hwake hwokudenga!
[Mufananidzo uri papeji 29]
Zvinoda kuzviranga kuti uwane nguva yefundo yomunhu oga
[Mufananidzo uri papeji 31]
Kuva nemafungiro akanaka kunogona kutibetsera kuwana mufaro muushumiri