Ramba Uchifamba Nenzira Inofambira Mberi Mumuitiro Une Nhevedzano
1 Muapostora Pauro akanga ane chidakadaka chaicho nokuda kweungano yaiva muFiripi, iyo akanga ari anoshanda mukuumba. Akanga achionga gadziriro dzavo dzomutsa dzokunyama uye akataura nezvavo somuenzaniso wakanaka.—2 VaK. 8:1-6.
2 Tsamba yaPauro kuvaFiripi yakasundwa norudo rukuru. Bhuku raInsight, Vhoriyamu 2, peji 631, rinoshuma, kuti: “Mutsamba yacho yose anokurudzira ungano yeFiripi kupfuurira mumuitiro wavo wakaisvonaka—kutsvaka kunzwisisa kukuru nokuwana kubatisisa Shoko roupenyu, kutenda kwakasimba, uye tariro mumubayiro unouya.” Vakaita chiito noushamwari, vachisimbisa chisungo chorudo pakati pavo nomuapostora wacho. Mashoko aPauro anova nerevo chaiyo nokuda kwedu nhasi, achitipa chikonzero chakanaka chokusanofunga pangiro yake, zvikurukuru izvo zvinotaurwa muna VaFiripi 3:15-17.
3 Chimiro Chendangariro Choukuru Chinokosha: Pana VaFiripi 3:15, Pauro akanyora somurume ane makore oruzivo rwokuzviwanira. Akabvuma kufambira mberi kwomudzimu kwavaFiripi, achivakumbira savaKristu vakura nechimiro chendangariro chakarurama. Chero bedzi chimiro chavo chendangariro chairatidzira kuzvininipisa nokuonga zvakaratidzirwa naJesu, vaizopfuurira kuva “vasina chavangapomerwa, navasina kusarurama, vana vaMwari vasina mhosva . . . ; [va]kabatisisa shoko roupenyu.” (VaF. 2:15, 16) Apo tinorava mashoko aPauro, tinofanira kunzwa kuti ari kutaura nesu. Nokudaro tinoshuva zvapachokwadi kuva nechimiro chendangariro chimwe chetecho icho Jesu akanga anacho uye kuratidzira kuonga kwokuzvininipisa nokuda kweropafadzo dzedu. Tinopfuurira kukumbira Jehovha mumunyengetero, tichikumbira betsero muna ikoku nomune dzimwe nhau.—VaF. 4:6, 7.
4 Seizvo VaFiripi 3:16 inoratidzira, tose zvedu tinofanira kuedza kuita fambiro mberi. Shoko rokuti “fambiro mberi” rinoreva “kuenderera mberi, kuita fambiro mberi.” Vanhu vanofambira mberi vano“farira pfungwa itsva, zviwanwa, kana kuti mabanza.” Pauro aida kuti vaFiripi vanzwisise kuti chiKristu hachitongomiri uye avo vanochibvuma vanofanira kuramba vachienderera mberi. Mudzimu wavo wokufambira mberi ungaratidzirwa nokudisa kuzvinzvera vamene, kubvuma utera hwavo, uye kusvasvavirira mabanza okuita zvakawanda kana kuti kuvandudza kunaka kweizvo vakanga vachiita. Nhasi sangano rapasi raJehovha rinoramba richienderera mberi nenzira inofambira mberi, richikudza nguva dzose nzvimbo dzaro dzomubato nokunzwisisa kwaro Shoko raMwari. Mumwe nomumwe wedu anofanira kufambirana naro, achishandisa gadziriro dzaro dzose nokugoverana zvizere mubasa raro.
5 Fambiro Mberi Inoda Muitiro Une Nhevedzano: Pauro akapfuurira nokukurudzira hama dzake ku“ramb[a] [dzi]chifamba nenhevedzano mumuitiro iwowu wakafanana.” (VaF. 3:16, NW) Kuva nenhevedzano kunoda kuti tiise vanhu kana kuti zvinhu munzvimbo dzazvo dzakakodzera muukama nechimwe nechimwe nokusanozvibata. VaKristu vomuFiripi vakazvichengeta vamene munzvimbo dzavo dzakakodzera, vachigara pedyo nesangano raJehovha nokune mumwe nomumwe. Upenyu hwavo hwakanga huchidzorwa nomutemo worudo. (Joh. 15:17; VaF. 2:1, 2) Pauro akavakurudzira ku“zvibata nomutoo wakafanira mashoko akanaka.” (VaF. 1:27, NW) Kudikanwa kwokuva nenhevedzano nokuzvibata kwakaisvonaka kunokosha zvakangofanana nokuda kwavaKristu nhasi.
6 Muitiro kuitwa kwenguva dzose kwomuitiro wakatangwa. Nokudaro kune chokuita nenzira yomuitiro yokuita nayo zvinhu. Kuva nomuitiro kunogona kushanda nokuda kwebetsero yedu nemhaka yokuti hatifaniri kutindika ndokufunga pakuita zvisarudzo pamusoro penhano yedu inotevera—takatanga kare mutoo wakagadzwa uyo tinotevera nesimba retsika.
7 Muitiro une nhevedzano woubati ushe hwaMwari unoumbwa netsika nemiitiro izvo zviri zvakanaka, zvinobetsera, zvoumwari—nevavariro yokuzvivaka timene mumudzimu, kubetsera vamwe, uye, kana kuchibvira, kuita zvakawanda mubasa raJehovha. Budiriro mukuwana idzi nharidzano inoda kutanga nokuchengeta muitiro uyo unobatanidza fundo yomunhu oga, kupinda misangano nguva dzose, uye kutora rutivi mubasa rokuparidza.
8 Zvinokosha Zvinobatanidzwa Mumuitiro Une Nhevedzano: Chinokosha chimwe chete i“zivo yakarurama nokunzwisisa kwakazara.” (VaF. 1:9, NW) Fundo yomunhu oga inokudza kutenda kwedu, inosimbisa kuonga kwedu zvokwadi, uye inotisundira kumabasa akaisvonaka. Zvisinei, vamwe vakakuwana kwakaoma kuva vanowirirana mutsika dzavo dzefundo. Chimwe chezvikonzero zvikuru zvinopiwa kushayikwa kwenguva.
9 Betsero dzokurava Bhaibheri zuva nezuva hadzigoni kunyanyosimbiswa. Murayiridzo waro “unobatsira” munzira iri yose. (2 Tim. 3:16, 17) Tinogona sei kuwana nguva yefundo yeBhaibheri mumuitiro wedu wezuva nezuva? Vamwe vakawana kuti vanogona kumuka maminiti mashomanene mukuvamba mangwanani mamwe namamwe, apo ndangariro yavo inenge yakasvinura. Vamwe vanowana kuti vanoita zviri nani pakurava maminiti mashomanene vasati vaenda kunorara usiku. Vadzimai avo vari pamba mukati mezuva vangava vanokwanisa kutsaura nguva duku mumasikati vamwe vasati vauya kumba kubva kubasa kana kuti kuchikoro. Mukuwedzera kukurava Bhaibheri kwenguva dzose, vamwe vakabatanidza kuraviwa kwebhuku raProclaimers mumuitiro wavo wevhiki nevhiki wefundo.
10 Apo tinotanga tsika itsva, pane bviro chaiyoiyo yokuti dzichabonderana nedzaichimbova tsika dzedu. Munguva yakapfuura tingave takanga takarerekera kukubvumira mibato isingakoshi kupedza nguva yedu inowanika. Kusununguka mumutoo iwoyo hakusi nyore. Hapana munhu achatitangira tsika dzedu dzefundo; uyewo hatidikanirwi kunyora zvatinoita muna ikoku. Kuwirirana kwetsika dzedu dzefundo kunotsamira zvikuru pakuonga kwedu “zvinhu zvinokosha zvikuru” nokudisa kwedu kutenga “nguva yakafanira” kuti tibetserwe nazvo.—VaF. 1:10; VaEf. 5:16, NW.
11 Misangano yechiKristu inoita rutivi runokosha mufambiro mberi yedu yomudzimu, ichigovera murayiridzo uri madikanwa nekurudziro. Nokudaro, kupinda misangano rumwe rutivi runokosha rwomuitiro wedu une nhevedzano. Pauro akasimbisa ukoshi hwaikoku. Hakusi chisarudzo chinowanwa nokuda.—VaH. 10:24, 25.
12 Kuva nenhevedzano kunogona sei kuratidzirwa apo tinoronga rudungwe rwedu rwevhiki nevhiki? Vamwe vanoronga nguva dzakananga dzokutarisira zvirondwa zvomunhu oga ndokuedza ipapo kumanikidzira misangano munzvimbo dzipi nedzipi dzisina chinhu dzinowanika, asi kunofanira kuva nenzira yakasiyana. Misangano yedu yevhiki nevhiki inofanira kutanga, nemimwe mibato ichirongwa pakunenge kusina misangano.
13 Kupinda misangano nguva dzose kunoda kuronga kwakanaka nebatira pamwe yemhuri. Pamazuva evhiki vakawanda vedu tine rudungwe rwakabatikana rwomubato urwo runotisiya kazhinji kazhinji tadzvinyirirwa nokuda kwenguva. Ikoku kunoreva kuti, kana kuchibvira, kudya kunofanira kurongwa nokukurumidza zvakaringanira kuti mhuri ive nenguva yakakwana yokudya, kuva yakagadzirira, uye kusvika pamusangano usati wavamba. Nedonzo irero mitezo yemhuri inogona kubatira pamwe munzira dzakasiyana-siyana.
14 Basa romumunda renguva dzose rinokosha kana tichizoramba tichifamba nenzira inofambira mberi mumuitiro une nhevedzano. Tose zvedu tinosanoziva mutoro wedu unorema wokuparidza shoko roUmambo. Ndiko kunotiita Zvapupu zvaJehovha. (Isa. 43:10) Sezvo ririro basa rekurumidziro zvikuru nerinobetsera riri kuitwa nhasi, hapana nzira iyo tinogona kurirangarira nayo zvakakodzera sorutivi runongomukawo zvarwo rwomuitiro wedu. Pauro akapangira, kuti: “Naizvozvo ngatirambe [nguva dzose, NW] tichibayira Mwari naye chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibereko chemiromo inopupura zita rake.”—VaH. 13:15.
15 Apo tinoronga mubato wedu wevhiki imwe neimwe, nguva dzakananga dzinofanira kutsaurwa nokuda kwebasa romumunda. Pasina panikiro ungano ine misangano yebasa yakarongwa nguva dzinoverengeka vhiki imwe neimwe, uye inongova nhau yokusarudza kuti ndeipi yatinogona kutsigira. Kwaizova kwakanaka kusvasvavirira rutivi rwakati murutivi rumwe norumwe rwebasa, rwakadai sebasa rapaimba neimba namagazini namamwe mabhuku, kuita shanyo dzedzokerero, uye kuitisa fundo dzeBhaibheri. Tingaronga kunyange pachine nguva mberi kuita kupupurira kwamasanga kupfurikidza nokutakura mabhuku nokuva vakasvinurira mabanza okutanga kurukurirano. Sezvo tichiwanzobuda navamwe, tinoda kubvunza pamusoro porudungwe rwavo kuti tigogona kuita gadziriro idzo dzichava dzinowirirana.
16 Muitiro wedu wokuparidza unofanira kuchengetwa pasinei zvapo nokusaratidzirwa kwefariro mundima. Tinoziva pachine nguva mberi kuti vashomanene bedzi vachaita nenzira yakanaka. (Mat. 13:15; 24:9) Ezekieri akapiwa basa rokuparidzira vanhu avo vakanga ‘vachipandukira, vanodada, uye vane mwoyo mikukutu.’ Jehovha akavimbisa kubetsera Ezekieri kupfurikidza nokuita “chiso chak[e] sezvakaita zviso zvavo,” ndiko kuti, “sedhaimani rinokunda musarasara.” (Ezek. 2:3, 4; 3:7-9) Muitiro wenguva dzose webasa naizvozvo unoda kupfuurira.
17 Mienzaniso Yakanaka Yokutevedzera: Vakawanda vedu tinoita zviri nani mubasa romumunda apo mumwe munhu anenge aripo kuti atungamirire. Pauro neshamwari dzake vakagadza muenzaniso wakanaka, uye akakurudzira vamwe kumutevedzera. (VaF. 3:17) Muitiro wake waibatanidza mativi ose anodikanwa okuzvichengeta amene akasimba mumudzimu.
18 Nhasiwo, takakomborerwa nemienzaniso yakaisvonaka. Pana VaHebheru 13:7, Pauro akakurudzira, kuti: “Rangarirai vatungamiriri venyu . . . cherekedzai kuguma kwokufamba kwavo, mugotevera kutenda kwavo.” Chokwadika, Kristu ndiye Muenzaniso wedu, asi tinogona kutevedzera kutenda kunoitwa naavo vanotungamirira. Kufanana naPauro, vakuru vanofanira kuva vanoziva chinodikanwa chokuva mienzaniso yakanaka kuvamwe. Nepo migariro yavo yomunhu oga ingasiyana, mumwe nomumwe anofanira kuva anokwanisa kuratidza kuti ari kuchengeta muitiro une nhevedzano mukuchengeta fariro dzoUmambo pakutanga. Kunyange nemisengwa yokunyika neyemhuri, vakuru vanofanira kuva netsika dzakasanosimba mufundo yomunhu oga, kupinda misangano, uye kutungamirira mubasa romumunda. Kupfurikidza nokupa ufakazi kwavakuru kuti vari ‘kutungamirira mhuri dzavo mumutoo wakaisvonaka,’ vose vari muungano vachakurudzirwa kuramba vachishanda mumuitiro une nhevedzano.—1 Tim. 3:4, 5.
19 Nharidzano Dzegore Idzva Rebasa: Kuvamba kwegore idzva rebasa inguva yakafanira yokurangarira muitiro wedu womunhu oga. Hwirudzuro yomubato wedu wegore rakapfuura inoratidzei? Takanga tichikwanisa kuchengeta, kana kuti kuvandudza sezvinobvira, mwero wedu womubato here? Tingave tiri vakanga vachiita zvikuru kwazvo fundo yedu yomunhu oga. Tingave tave tichipinda misangano nokuva venguva dzose vari nani kana kuti tingave takawedzera basa redu romumunda kupfurikidza nokunyoresa samapiyona ebetsero. Zvichida tinokwanisa kunongedzera kuzviito zvakananga zvomutsa wechiKristu izvo takaitira vamwe muungano yedu kana kuti mhuri. Kana zvakadaro, tinogona kufara kuti takafamba munzira inofadza Mwari, uye tine chikonzero chakanaka cho“kuti [ti]wanze nokuwanzisisa pana izvozvo.”—1 VaT. 4:1.
20 Zvakadiniko kana muitiro wedu wakanga uchiti siyanei kana kuti usiri wenguva dzose? Takatapurwa sei mumudzimu? Fambiro mberi yedu yakapinganidzwa nemhaka yechikonzero chakati here? Vandudziko inovamba nokukumbira betsero yaJehovha. (VaF. 4:6, 13) Kurukura zvinodikanwa zvako nemhuri yako yose, uchikumbira betsero yavo mukugadziridza mativi omuitiro wako. Kana une zvinetso, kumbira vakuru nokuda kwebetsero. Kana tikaita nhamburiko yapachokwadi ndokuita chiito kunhungamiro yaJehovha, tinogona kuva nechokwadi chokuti tichadzivisa kuva vano“usimbe nava[no]shayiw[a] zvibereko.”—2 Pet. 1:5-8.
21 Kufamba mumuitiro une nhevedzano kunotungamirira kuzvikomborero izvo zvinoita nhamburiko dzako dzinokosha. Sezvamunosarudza kufamba nenzira inofambira mberi mumuitiro une nhevedzano, “regai kuva nousimbe pakushingaira; pisai pamweya; batirai Ishe.” (VaR. 12:11)—Nokuda kwokurangarirwa kune udzame hwakawanda kweiyi nhau, ona Nharireyomurindi yaSeptember 15, 1985, mapeji 13-17.