Basa Rako Harizotsvi Nemoto Here?
“Mumwe nomumwe ngaachenjere kuti unovaka sei pamusoro [penheyo].”—1 VAKORINTE 3:10.
1. VaKristu vakatendeka vanokarira kuti chii chichaitika kuvadzidzi vanokarirwa?
VAROORANI vechiKristu vanotarisisa mwana wavo achangobva kuzvarwa. Muparidzi woUmambo anoona chiso chinoratidza kudisa nokufarira chomudzidzi weBhaibheri. Mukuru wechiKristu ari kudzidzisa ari pachikuva anocherekedza munhu mutsva anofarira ari muvateereri ari kuvhura nokudisa magwaro muBhaibheri rake. Vashumiri vakatendeka vaJehovha ava vane mwoyo yakazara netariro. Vanongoshamisika kuti, ‘Munhu uyu achada ndokushumira Jehovha—ndokuramba akatendeka here?’ Chokwadika, mugumisiro wakadaro haungoerekani waitika. Zvinoda basa.
2. Muapostora Pauro akayeuchidza sei vaKristu vechiHebheru nezvekukosha kwebasa rokudzidzisa, uye izvi zvingatisunda kuita kuzviongorora kworudzii?
2 Muapostora Pauro mudzidzisi aiva neunyanzvi pachake, akasimbisa kukosha kwebasa rokudzidzisa nokuita vadzidzi paakanyora kuti: “Maifanira kuva vadzidzisi zvino, kana tichitarira nguva.” (VaHebheru 5:12) VaKristu vaakataura navo vakanga vafambira mberi zvishoma, tichifunga nezvenguva yavakanga vapedza vari vatendi. Vakanga vasina kugadzirira kudzidzisa vamwe, vaitofanira kuyeuchidzwa mativi makuru echokwadi. Nhasi, tose zvedu tinoita zvakanaka kunzvera mano edu sevadzidzisi panguva nenguva ndokuona kuti tingaavandudza sei. Upenyu huri pangozi. Tingaita sei?
3. (a) Muapostora Pauro akaenzanisa gadziriro yokuita mudzidzi wechiKristu nechii? (b) Sevavaki vechiKristu, iropafadzo ipi yakakura yatinayo?
3 Mumuenzaniso unobatanidza zvakawanda, Pauro akafananidza kuita vadzidzi nebasa rokuvaka chivako. Akatanga nokuti: “Tiri vabati pamwe chete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari.” (1 VaKorinte 3:9) Nokudaro tinoita basa rokuvaka rinobatanidza vanhu; tinobetsera kuvaita vadzidzi vaKristu. Tinoita kudaro sevanoshanda pamwe chete noUyo “wakavaka zvose.” (VaHebheru 3:4) Iropafadzo yakadini! Ngationei kuti zano rakafuridzirwa raPauro kuvaKorinte rinogona kutibetsera sei kuva vanounyanzvi zvikuru pabasa redu. Tichanyanyokurukura nezve“unyanzvi [hwedu] hwokudzidzisa.”—2 Timotio 4:2, NW.
Kuvaka Nheyo Yakarurama
4. (a) Nderipi rakanga riri basa raPauro mubasa rechiKristu rokuvaka? (b) Nei zvingataurwa kuti Jesu nevateereri vake vaiziva kukosha kwenheyo dzakanaka?
4 Kana chivako chichizofanira kutsiga nokugara kwenguva yakareba, chinoda nheyo yakanaka. Nokudaro, Pauro akanyora kuti: “Nenyasha dzaMwari dzandakapiwa, ndakaronga nheyo somuvaki wakachenjera.” (1 VaKorinte 3:10) Achishandisa muenzaniso wakafanana, Jesu Kristu akataura nezveimba isina kuparadzwa nedutu nokuti muvaki wayo akanga asarudza nheyo yakasimba. (Ruka 6:47-49) Jesu aiziva zvose nezvekukosha kwenheyo. Akanga aripo pakaumba Jehovha nyika.a (Zvirevo 8:29-31) Vateereri vaJesu vaikoshesawo nheyo dzakanaka. Dzimba dzakanyatsosimba bedzi ndidzo dzaigona kusaparadzwa nemafashamo nokudengenyeka kwapasi kwaimboitika muParestina pane dzimwe nguva. Kunyange zvakadaro, inheyo ipi yaifungwa naPauro?
5. Nheyo yeungano yechiKristu ndiani, uye izvi zvakafanotaurwa sei?
5 Pauro akanyora kuti: “Hakuna mumwe ungaronga dzimwe nheyo, asi idzo dzakarongwa kare, ndiye Jesu Kristu.” (1 VaKorinte 3:11) Iyi yakanga isiri nguva yokutanga yakafananidzwa Jesu nenheyo. Kutaura chokwadi, Isaya 28:16 yakafanotaura kuti: “Ishe Jehovha unoti: Tarirai, ndinoisa paZioni ibwe rakaidzwa, rinokosha rekona kuita nheyo yakasimba.” Jehovha akanga agara aronga kuti Mwanakomana wake ave nheyo yeungano yechiKristu.—Pisarema 118:22; VaEfeso 2:19-22; 1 Petro 2:4-6.
6. Pauro akavaka sei nheyo yakafanira muvaKristu vemuKorinte?
6 Nheyo yomuKristu mumwe nomumwe chii? Sezvakataura Pauro, hakuna nheyo yomuKristu wechokwadi kunze kweiri muShoko raMwari—Jesu Kristu. Pauro akavaka chaizvoizvo nheyo yakadaro. MuKorinte, umo uzivi hwaikosheswa zvikuru, haana kutsvaka kufadza vanhu nouchenjeri hwenyika. Panzvimbo pezvo, Pauro akaparidza “Kristu, wakarovererwa pamuchinjikwa,” wairambwa namarudzi so“upenzi.” (1 VaKorinte 1:23) Pauro akadzidzisa kuti Jesu musimboti wezvinangwa zvaJehovha.—2 VaKorinte 1:20; VaKorose 2:2, 3.
7. Tingadzidzei mukuzvitaura kwaPauro so“muvaki wakachenjera”?
7 Pauro akaratidza kuti akadzidzisa kudaro “somuvaki wakachenjera.” Kutaura uku kwakanga kusiri kwokuzvitutumadza. Kwaingova kubvumwa kwechipo chinoshamisa chaakanga apiwa naJehovha—chokuronga kana kuti kutungamirira basa. (1 VaKorinte 12:28) Chokwadi, isu nhasi hatina zvipo zvenenji zvakapiwa vaKristu vomuzana ramakore rokutanga. Uye tingasazvifunga sevadzidzisi vane unyanzvi. Asi mupfungwa inokosha tiri. Chimbofunga: Jehovha anotipa mudzimu mutsvene wake kuti utibetsere. (Enzanisa naRuka 12:11, 12.) Uye tinoda Jehovha uye tinoziva dzidziso dzinokosha dzeShoko rake. Chokwadi izvi zvipo zvinoshamisa zvokushandisa pakudzidzisa vamwe. Ngatisarudzei kuzvishandisa kuvaka nheyo yakafanira.
8. Tinoisa Kristu senheyo muvadzidzi vanokarirwa munzirai?
8 Patinoisa Kristu senheyo, hatimutori somwana asingabetseri ari muchidyiro, kana kuti seakaenzana naJehovha muUtatu. Kwete, mufungo usiri wemagwaro wakadaro unoumba nheyo yevaKristu vokunyepedzera. Panzvimbo pezvo, tinodzidzisa kuti akanga ari munhu mukurusa ati amborarama, kuti wakarasikirwa noupenyu hwake hwakakwana achiitira isu, uye kuti nhasi ndiMambo wakagadzwa waJehovha ari kutonga kudenga. (VaRoma 5:8; Zvakazarurwa 11:15) Tinodawo kukurudzira vadzidzi vedu kuti vafambe mumakwara aJesu ndokutevedzera mavara ake. (1 Petro 2:21) Tinoda kuti vasundwe nokushingairira ushumiri kwaJesu, tsitsi dzake kuvanozvininipisa nevakadzvinyirirwa, ngoni dzake kuvatadzi vaitambudzwa nemhaka dzavo pachavo, ushingi hwake husingazununguki pasinei zvapo nemiedzo. Chokwadi, Jesu inheyo yakaisvonaka. Asi chii chinotevera?
Kuvaka Nezvinhu Zvakarurama
9. Kunyange zvazvo Pauro akanga ari zvikurukuru muvaki wenheyo, chii chaaiitira hanya nokuda kwevakagamuchira chokwadi chezvaakadzidzisa?
9 Pauro akanyora kuti: “Zvino kana munhu achivaka pamusoro penheyo idzi, ndarama, kana sirivheri, kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga; basa romumwe nomumwe richaonekwa; nokuti zuva iro richazvibudisa pachena, nokuti richaratidzwa nomoto; moto uchaidza basa romumwe nomumwe kuti rakadini.” (1 VaKorinte 3:12, 13) Pauro airevei? Imbofunga zvaitozivikanwa. Pauro aiva kunyanyanyanya muvaki wenheyo. Panzendo dzake dzoufundisi, aifamba guta neguta, achiparidzira vakawanda vakanga vasati vambonzwa nezvaKristu. (VaRoma 15:20) Sezvo vanhu vakagamuchira chokwadi chaaidzidzisa, ungano dzakatangwa. Pauro aiitira hanya zvikuru vakatendeka ava. (2 VaKorinte 11:28, 29) Zvisinei, basa rake raida kuti arambe achifamba. Nokudaro apedza mwedzi 18 achivaka nheyo muKorinte, akabvamo kuti andoparidza kune mamwe maguta. Kunyange zvakadaro, akanga achifarira zvikuru kuziva kuti vamwe vakaita sei nezvebasa raakanga aita ikoko.—Mabasa 18:8-11; 1 VaKorinte 3:6.
10, 11. (a) Pauro akasiyanisa sei marudzi akasiyana-siyana ezvinhu zvokuvakisa? (b) MuKorinte yekare mungangodaro maiva nezvivako zvorudzii? (c) Zvivako zvorudzii zvingangodaro zvisingatsvi nemoto, uye zvinopa muenzaniso upi unoshanda kuvaKristu vanoita vadzidzi?
10 Zvinoita sokuti vamwe vakanga vachivaka panheyo yakanga yaiswa naPauro muKorinte vakanga vachiita basa risina kunaka. Kuti afumure chinetso chacho, Pauro anosiyanisa marudzi maviri ezvinhu zvokuvakisa: kune rumwe rutivi ndarama, sirivha, uye mabwe anokosha; kune rumwe rwacho matanda, uswa, uye mashanga. Chivako chinogona kuvakwa nezvinhu zvakanaka, zvakasimba, zvisingatsvi nemoto; kana kuti chimwe chinogona kukurumidza kuvakwa pachishandiswa zvinhu zvisina kusimba, zvechinguvana, uye zvinotsva. Pasina mubvunzo guta rakakura rakadai seKorinte rakanga rine zvivako zvakawanda zvamarudzi ose ari maviri. Makanga mune temberi dzinoorora dzakagadzirwa nemazitombo anorema, anodhura, zvichida dzakanamwa kumberi kana kuti kushongedzwa murutivi nendarama nesirivha.b Izvi zvivako zvakasimba zvingadaro zvaiita sezvakaisvonaka kupfuura tumba twaiva pedyo, zvitumba, uye tumisika twakagadzirwa nemapango asina kutsarukana uye twakapfirirwa nouswa.
11 Chii chingaitika kuzvivako izvi mumoto? Mhinduro yacho yakanga yakajeka muzuva raPauro sezvayakaita muzuva redu. Chaizvozvo, guta reKorinte rakanga rakurirwa ndokupiswa nemoto neMutungamiriri wehondo Mummius weRoma kare muna 146 B.C.E. Zvivako zvakawanda zvematanda, uswa kana kuti mashanga chokwadi zvakanga zvanyatsoparadzwa. Zvakadini nezvivako zvakasimba zvematombo, zvakashongedzwa nesirivha nendarama? Pasina mubvunzo, izvi hazvina kutsva. Vadzidzi vaPauro muKorinte vangadaro vaipfuura nepazvivako zvakadaro zuva nezuva—zvivako zvematombo zvakaisvonaka zvisina kuparadzwa nengwavaira yakanguve yaparadza zvimwe zvivako zvisina kusimba. Ipapoka, Pauro akasimbisa zvakajeka mufungo wake zvakadini! Patinodzidzisa, tinofanira kuzviona sevavaki. Tinoda kuvaka nezvinhu zvakanakisisa, zvakasimba sezvinobvira. Nenzira iyoyo basa redu ringagara kwenguva yakareba. Zvinhu zvakasimba izvozvo zvii, uye nei zvichikosha kuzvishandisa?
Basa Rako Harizotsvi Nemoto Here?
12. Vamwe vaKristu vomuKorinte vaiita basa rokuvaka zvachero munzirai?
12 Zvakajeka kuti Pauro aifunga kuti vamwe vaKristu vaiva muKorinte vakanga vachivaka nenzira isina kunaka. Chii chakanga chakashata? Sezvinoratidzwa nemashoko akapoteredza, ungano yacho yaikanganiswa nokupesana, kuyemurwa kweunhu hwavanhu pasinei nokuti ungano haizobatani. Vamwe vaiti, “Ini ndiri waPauro,” nepo vamwe vaiomerera kuti, “Ini [ndiri] waAporo.” Sezviri pachena vamwe vakanyanyokoshesa uchenjeri hwavo pachavo. Hazvingashamisi kuti zvakazoguma nokufunga kwenyama, kusakura mumudzimu, uye “godo . . . negakava” zvakapararira. (1 VaKorinte 1:12; 3:1-4, 18) Chokwadi mafungiro aya akaratidzwa mukudzidzisa kwaiitwa muungano nomuushumiri. Zvakazoitika ndezvokuti basa ravo rokuita vadzidzi rakanga riri rachero, sebasa rokuvaka rakaitwa nezvinhu zvisina kusimba. Haraizopukunyuka “moto.” Moto upi wakanga uchitaurwa naPauro?
13. Moto uri mumuenzaniso waPauro unomirirei, uye vaKristu vose vanofanira kuzivei?
13 Kune moto uyo tose tinonangana nawo muupenyu—kuedzwa kwokutenda kwedu. (Johane 15:20; Jakobho 1:2, 3) VaKristu vomuKorinte vaifanira kuziva, sezvatinofanira kuzivawo nhasi, kuti munhu wose watinodzidzisa chokwadi achaedzwa. Kana tikadzidzisa zvakashata, pangava nemigumisiro inosuruvarisa. Pauro akanyevera kuti: “Kana basa romunhu raakavaka pamusoro padzo, richigara, uchapiwa mubayiro. Kana basa romunhu rikapiswa, ucharasikirwa, asi iye amene uchaponeswa, asi sowakabuda pamoto.”c—1 VaKorinte 3:14, 15.
14. (a) VaKristu vanoita vadzidzi vanga“rasikirwa” sei, asi vangawana sei ruponeso nomumoto? (b) Tingaderedza sei ngozi yokurasikirwa?
14 Zvirokwazvo mashoko anoita kuti munhu afunge! Zvingava zvinorwadza zvikuru kushanda zvakaoma kuti ubetsere mumwe munhu kuva mudzidzi, wozongoona munhu wacho achikurirwa nomuedzo kana kuti chitambudzo opedzisira asiya nzira yechokwadi. Pauro anotobvuma wani paanotaura kuti tinorasikirwa muzviitiko zvakadaro. Chiitiko chacho chingarwadza zvikuru zvokuti kuponeswa kwedu kunorondedzerwa “sokunge nomumoto,” NW—somunhu akarasikirwa nezvinhu zvose mumoto uye iye pachake akangoponeswa nepaburi retsono. Isuwo, tinogona sei kuderedza ngozi yokurasikirwa? Ngativake nezvinhu zvakasimba! Kana tichidzidzisa vadzidzi vedu zvokubaya mwoyo yavo, tichivasunda kukoshesa mavara echiKristu anokosha akadai souchenjeri, kunzwisisa, kutya Jehovha, uye kutenda kwechokwadi, ipapo tiri kuvaka nezvinhu zvakasimba, zvisingatsvi nemoto. (Pisarema 19:9, 10; Zvirevo 3:13-15; 1 Petro 1:6, 7) Vanowana mavara aya vachapfuurira kuita kuda kwaMwari; vane tariro yechokwadi yokuramba vari vapenyu nokusingaperi. (1 Johane 2:17) Tinogona sei kushandisa zvakanaka muenzaniso waPauro? Imbofunga mimwe mienzaniso inotevera.
15. Tingava nechokwadi chokuti tadzivisa basa rokuvaka rachero munzira dzipi kana totaura nezvevadzidzi vedu veBhaibheri?
15 Patinodzidzisa vadzidzi veBhaibheri, hatitombofaniri kukudza vanhu kupfuura Jehovha Mwari. Vavariro yedu haisi yokuvadzidzisa kutiona sokuti ndisu chaizvoizvo tine uchenjeri. Tinoda kuti vawane nhungamiro kubva kuna Jehovha, Shoko rake, uye sangano rake. Nemhaka yaizvozvo, hatingotauri zvatinofunga patinopindura mibvunzo yavo. Panzvimbo pezvo, tinovadzidzisa kuwana mhinduro, vachishandisa Bhaibheri nezvinyorwa zvakagoverwa ne“muranda wakatendeka, wakangwara.” (Mateo 24:45-47) Nokuda kwezvikonzero zvakafanana, tinofanira kungwarira kusachengera vadzidzi vedu veBhaibheri. Panzvimbo pokutsamwa apo vamwe vanovafarira, tinofanira kukurudzira vadzidzi vedu ku“wedzera” rudo rwavo, vachisvika pakuziva nokunzwisisa vakawanda vari muungano sevanobvira.—2 VaKorinte 6:12, 13, NW.
16. Vakuru vangavaka sei nezvinhu zvisingatsvi nemoto?
16 Vakuru vechiKristu vanoitawo basa rinokosha rokuvaka vadzidzi. Pavanodzidzisa pamberi peungano, vanoedza kuvaka nezvinhu zvisingatsvi nemoto. Mano avo okudzidzisa, unyanzvi, uye unhu zvingasiyana zvikuru, asi havashandisi misiyano iyi kuti vazviwanire vateveri. (Enzanisa naMabasa 20:29, 30.) Hatinyatsozivi kuti chikonzero nei vamwe muKorinte vaiti, “Ini ndiri waPauro” kana kuti “Ini waAporo.” Asi tinogona kuva nechokwadi zvikuru chokuti hapana nomumwe wevakuru ava vakatendeka akakurudzira kufunga kwakadaro kunoparadzanisa. Pauro haana kunyengedzwa nemashoko akadaro; akaaramba zvakasimba. (1 VaKorinte 3:5-7) Nenzira yakafanana nhasi, vakuru vanoramba vachiyeuka kuti vari ku‘fudza boka raMwari.’ (1 Petro 5:2) Harisi romunhu chero upi zvake. Nokudaro vakuru vanorwisana zvakasimba nepfungwa yokuti murume mumwe adzore boka racho kana kuti mutumbi wevakuru. Chero bedzi vakuru vachisundwa nechishuvo chokuzvininipisa chokushumira ungano, kusvika mwoyo, uye kubetsera makwai kuti ashumire Jehovha nomwoyo wose, vari kuvaka nezvinhu zvisingatsvi nemoto.
17. Vabereki vechiKristu vanoedza sei kuvaka nezvinhu zvisingatsvi nemoto?
17 Vabereki vechiKristuwo vanonetseka zvikuru nenhau iyi. Vanoda zvikuru sei kuona vana vavo vachirarama nokusingaperi! Ndicho chikonzero nei vachishanda zvakaoma zvikuru kuti va“roverere” mitemo yeShoko raMwari mumwoyo yevana vavo. (Dheuteronomio 6:6, 7, NW) Vanoda kuti vana vavo vazive chokwadi, kwete chete semitemo kana kuti zvokwadi dzinongodzokororwa, asi semararamiro akazara, anopa mubayiro, uye anofadza. (1 Timotio 1:11) Kuti vaite kuti vana vavo vave vadzidzi vakatendeka vaKristu, vabereki vane rudo vanovavarira kushandisa zvinhu zvisingatsvi nemoto. Vanoshanda nevana vavo nokushivirira, vachivabetsera kubvisa mavara anovengwa naJehovha ndokutanga mavara aanoda.—VaGaratia 5:22, 23.
Imhaka Yaani?
18. Mudzidzi paanoramba kudzidzisa kwakanaka, nei ingasava hayo mhaka yevari kuedza kumudzidzisa nokumurovedza?
18 Zvakurukurwa zvinomutsa mubvunzo unokosha. Kana mumwe munhu watiri kuedza kubetsera akarega chokwadi, zvinoreva kuti takakundikana kudzidzisa here—kuti tingadaro takavaka nezvinhu zvisina kusimba here? Kwete hazvo. Zvechokwadi mashoko aPauro anotiyeuchidza kuti kuvaka vadzidzi ibasa guru. Tinoda kuita zvinhu zvose zvatinogona kuti tivake zvakanaka. Asi Shoko raMwari harisi kutitaurira kuti tiite basa rose zvokuti tinoremerwa nemhaka apo vatinoedza kubetsera vanoramba chokwadi. Kune zvimwe zvinhu zvinobatanidzwa kunze kwebasa redu pachedu sevavaki. Somuenzaniso, ona zvinotaurwa naPauro nezvemudzidzi wakatoita hake basa rakashata mubasa rake rokuvaka: “Ucharasikirwa, asi iye amene uchaponeswa.” (1 VaKorinte 3:15) Kana munhu uyu pakupedzisira angaponeswa—nepo unhu hwechiKristu hwaakaedza kuvaka mumudzidzi wake huchiratidzwa se“[hwa]kapiswa” mumuedzo unopisa somoto—tinofanira kutii? Chokwadi, kuti Jehovha anoti mudzidzi wacho zvikurukuru ndiye ane mutoro wezvaanosarudza pachake kana achatevera nzira yokutendeka kana kuti kwete.
19. Tichakurukurei munyaya inotevera?
19 Mutoro wemunhu oga, kana kuti wemunhu, inhau inokosha zvikuru. Inobata mumwe nomumwe wedu. Chaizvoizvo, Bhaibheri rinodzidzisei panhau yacho? Nyaya yedu inotevera ichazvikurukura.
[Mashoko Omuzasi]
a ‘Nheyo yapasi’ ingareva masimba omusikirwo anorichengeta—nemitumbi yose yokudenga—zviri munzvimbo yazvo. Mukuwedzera, pasi pacharo rakagadzirwa munzira yokuti harifi raka“zununguswa,” kana kuti kuparadzwa.—Pisarema 104:5.
b “Mabwe anokosha” aitaurwa naPauro akanga asi hawo matombo anokosha, akadai semadiamond nemabwe anovaima. Angadaro aiva matombo okuvakisa anodhura akadai semarble, alabaster, kana kuti granite.
c Pauro akanga asina chokwadi nokuponeswa kwe“basa” romuvaki, kwete kwomuvaki. The New English Bible inoshandura ndima iyi ichiti: “Kana chivako chomunhu chikagara, achapiwa mubayiro; kana chikatsva, ndiye ane mhaka; asi uchapukunyuka noupenyu hwake, sezvingaita munhu unobuda mumoto.”
Ungapindura Sei?
◻ “Nheyo” iri mumuKristu wechokwadi chii, uye inovakwa sei?
◻ Tingadzidzei mumarudzi akasiyana-siyana ezvinhu zvokuvakisa?
◻ “Moto” unomirirei, uye ungaita sei kuti vamwe va“rasikirw[e]”?
◻ Vadzidzisi veBhaibheri, vakuru, uye vabereki vangavaka sei nezvinhu zvisingatsvi nemoto?
[Mufananidzo uri papeji 9]
Mumaguta akawanda ekare, zvivako zvematombo zvisingatsvi nemoto zvaivapo pamwe chete nezvivako zvisina kusimba