RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 7/15 pp. 9-14
  • Kubetsera Vanhu Kuti Vaswedere Pedyo naJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubetsera Vanhu Kuti Vaswedere Pedyo naJehovha
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chinangwa Chokuparidza Kwedu
  • Zvatinoita Mubasa raJehovha
  • Jehovha Anokweva Ani?
  • Vabati Pamwe Chete naMwari
  • Kuvaka Basa Richaramba Riripo
  • Kuvaka Rudo Nokuda kwaMwari naKristu
  • Shoko Ratinofanira Kuzivisa
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Basa Rako Harizotsvi Nemoto Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Ramba Uri Pedyo naJehovha
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Zvingaita Here Kuti ‘Uswedere Pedyo naMwari’?
    Swedera Pedyo naJehovha
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 7/15 pp. 9-14

Kubetsera Vanhu Kuti Vaswedere Pedyo naJehovha

“Hapana munhu unouya kuna Baba, asi nokwandiri.” —JOHANE 14:6.

1. Jesu akamutswa akapa murayiro upi kuvadzidzi vake, uye chii chakaguma chaitika sezvo Zvapupu zvaJehovha zvakauteerera?

JESU KRISTU akarayira vateveri vake kuti va“dzidzise marudzi ose, [va]vabhabhatidze muzita raBaba, neroMwanakomana, neroMweya Mutsvene.” (Mateo 28:19) Mumakore gumi akapfuura, Zvapupu zvaJehovha zvakabetsera vanhu vanopfuura mamiriyoni matatu kuti vauye kuna Mwari, kwapera nguva yakati zvichivabhabhatidza kuratidza kuzvitsaurira kwavo kwaari kuti vaite zvaanoda. Tinofara zvakadini kuvabetsera kuti vaswedere pedyo naMwari!—Jakobho 4:8.

2. Kunyange zvazvo vatsva vakawanda vari kubhabhatidzwa, chii chakaitika?

2 Zvisinei, kune dzimwe nyika kune vadzidzi vatsva vakawanda vakabhabhatidzwa, kwave kusina kuwedzera kunoenderana munhamba yavaparidzi voUmambo. Chokwadi, vaya vakafa vanofanira kufungwa nezvavo, kufa kwavanhu kuchiva chikamu chinenge chimwe muzana. Asi, mumakore mashomanene apfuura, vakati wandei vakarega nokuda kwechikonzero chakati. Nei? Nyaya ino neichatevera dzichaongorora kuti vanhu vanokweverwa sei kuna Jehovha nezvikonzero zvinobvira zvokuti nei vamwe vachirega.

Chinangwa Chokuparidza Kwedu

3. (a) Basa rakapiwa vadzidzi vaJesu rinowirirana sei nerengirozi inotaurwa pana Zvakazarurwa 14:6? (b) Ndeipi nzira yakaratidza kuti inoshanda kuita kuti vanhu vafarire shoko roUmambo, asi idambudziko ripi riripo?

3 Mune ino “nguva yokupedzisira,” vadzidzi vaJesu vane basa rokuparadzira “zivo [yechokwadi]” ine chokuita ne“evhangeri iyi youshe.” (Dhanieri 12:4; Mateo 24:14) Basa ravo rinowirirana neiro rengirozi yakanga i“ne Evhangeri isingaperi, kuti [i]iparidzire vanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi dzose, navanhu vose.” (Zvakazarurwa 14:6) Munyika ino yakabatikana zvikuru nenhau dzenyika, kakawanda nzira inowanzoshanda zvikuru yokuita kuti vanhu vafarire Umambo hwaMwari nokuvabetsera kuti vaswedere pedyo naJehovha ndeyokuvaudza nezvetariro youpenyu husingaperi muparadhiso yapasi pano. Nepo izvi zvichinzwisisika, vaya vanowadzana navanhu vaMwari kuti vangokwanisa kupinda muParadhiso havana kusimba mumudzimu kuti vafambe munzira yakamanikana inoenda kuupenyu.—Mateo 7:13, 14.

4. Maererano naJesu nengirozi inobhururuka muchadenga, chinangwa chebasa redu rokuparidza ndechipi?

4 Jesu akati: “Upenyu husingaperi ndihwo, kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.” (Johane 17:3) Ngirozi inobhururuka muchadenga inozivisa “evhangeri isingaperi” uye inoudza vaya vanogara panyika kuti: “Ityai Mwari, mumurumbidzei; nokuti nguva yake yokutonga yasvika; namatai iye, wakasika denga, nenyika, negungwa, namatsime emvura.” (Zvakazarurwa 14:7) Saka chinangwa chokupedzisira chokuparidza kwedu mashoko akanaka ndechokubetsera vanhu kuti vaswedere pedyo naJehovha kuburikidza naKristu Jesu.

Zvatinoita Mubasa raJehovha

5. Mashoko api akataurwa naPauro naJesu anoratidza kuti tiri kuita basa raJehovha, kwete redu?

5 Achinyorera vaKristu vakazodzwa saye, muapostora Pauro anotaura nezve“kushumira kwokuyananisa” uye anotaura kuti Mwari anoyananisa vanhu kwaari achishandisa chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu. Pauro anotaura kuti “Mwari saanenge achikumbira zvikuru nesu” uye kuti “tinokumbira nokuda kwaKristu, tichiti: Yananiswai naMwari.” Ipfungwa inofadza zvakadini! Tingava “tiri nhume [dzakazodzwa] nokuda kwaKristu,” kana kuti vamiririri vane tariro yapasi, hatimbofaniri kukanganwa kuti iri ibasa raJehovha, kwete redu. (2 VaKorinte 5:18-20) Chaizvoizvo Mwari ndiye anokweva vanhu uye anodzidzisa vaya vanouya kuna Kristu. Jesu akati: “Hakuna munhu ungauya kwandiri, kana Baba, vakandituma, vasingamukwevi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira. Muvaprofita makanyorwa, muchinzi: Vachadzidziswa vose naMwari. Mumwe nomumwe wakazvinzwa kuna Baba, akadzidza, unouya kwandiri.”—Johane 6:44, 45.

6. Jehovha ari kuzunungusa marudzi sei kwokutanga, uye panguva imwe cheteyo, ndivanaani vari kuchengetwa mu“imba” yake yokunamatira?

6 Mumazuva ano okupedzisira, Jehovha anokweva sei vanhu ndokuvazarurira “mukova wokutenda”? (Mabasa 14:27, mashoko omuzasi; 2 Timotio 3:1) Nzira inokosha ndeyokuita kuti Zvapupu zvizivise mashoko ake okuponeswa neokutongwa kuchaitwa gadziriro ino yezvinhu yakaipa. (Isaya 43:12; 61:1, 2) Uku kuzivisa kwenyika yose kuri kutyisidzira marudzi—chiratidzo chokutonga kwokuparadza kuchakurumidza kuuya. Panguva imwe chete iyoyo, vanhu “vanokosha” mumeso aMwari vari kubudiswa mugadziriro ino yezvinhu uye vari kuchengetwa mu“imba” yake yokunamatira. Saka Jehovha ari kuzadzikisa mashoko ake ouprofita akanyorwa naHagai anoti: “Ndichazunungusa ndudzi dzose; zvose zvinodikanwa nendudzi dzose zvichauya; ndichazadza imba ino nokubwinya.—Hagai 2:6, 7, mashoko omuzasi; Zvakazarurwa 7:9, 15.

7. Jehovha anozarura sei mwoyo yavanhu ndokukwevera vanhu kwaari nokuMwanakomana wake?

7 Jehovha anovhura mwoyo yaava vanotya Mwari—“zvinhu zvakanakisisa zvamarudzi ose”—kuti va“teerere zvaitaurwa” neZvapupu zvake. (Hagai 2:7; Jewish Publication Society; Mabasa 16:14) Somuzana ramakore rokutanga, pane dzimwe nguva Jehovha anoshandisa ngirozi dzake kuti dzitungamirire Zvapupu zvake kuvanhu vakatendeka vakadanidzira kwaari kuti vabetserwe. (Mabasa 8:26-31) Vanhu pavanodzidza nezvegadziriro dzakaisvonaka dzavakaitirwa naMwari kuburikidza noMwanakomana wake, Jesu Kristu, vanokweverwa kuna Jehovha norudo rwake. (1 Johane 4:9, 10) Hungu, Jehovha anokwevera vanhu kwaari nokuMwanakomana wake achishandisa “mutsa” Wake, kana kuti “rudo rwakavimbika.”—Jeremia 31:3 (NW), mashoko omuzasi.

Jehovha Anokweva Ani?

8. Jehovha anokweva vanhu vorudzii?

8 Jehovha anokwevera kwaari Iye nokuMwanakomana wake vanomutsvaka. (Mabasa 17:27) Ava vanobatanidza vanhu “vanogomera nokuchema pamusoro pezvinonyangadza zvose zvinoitwa” muchiKristudhomu uye, munyika yose zvayo. (Ezekieri 9:4) Vano“ziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” (Mateo 5:3, NW) Zvechokwadi, “vanyoro [“vanozvininipisa,” mashoko omuzasi] venyika,” vachagara muparadhiso yapasi nokusingaperi.—Zefania 2:3.

9. Jehovha anogona sei kuona kana vanhu ‘vachida upenyu husingaperi,’ uye ivava anovakweva sei?

9 Jehovha anogona kuona zviri mumwoyo womunhu. Mambo Dhavhidhi akataurira mwanakomana wake Soromoni kuti: “Jehovha unonzvera mwoyo yose, unonzwisisa ndangariro dzose dzemifungo; kana ukamutsvaka, uye uchawanikwa newe.” (1 Makoronike 28:9) Achitarisa mwoyo womunhu nepfungwa, kana kuti zvaanonyanya kufunga, Jehovha anogona kuona kana iye achabvuma gadziriro dzomudzimu dzokukanganwirwa kwezvivi uye tariro youpenyu husingaperi munyika itsva yaMwari yakarurama. (2 Petro 3:13) Achishandisa Shoko rake, rinoparidzwa nokudzidziswa neZvapupu zvake, Jehovha anokwevera ‘vose vanoda upenyu husingaperi,’ kwaari nokuMwanakomana wake uye ava ‘vanova vatendi.’—Mabasa 13:48.

10. Chii chinoratidza kuti kukweva kunoita Jehovha vamwe achisiya vamwe hakubatanidzi kufanorongerwa ramangwana?

10 Kukweva kunoita Jehovha vamwe achisiya vamwe kunobatanidza kufanorongerwa ramangwana here? Kwete! Kukweva vanhu kwaMwari kunoenderana nezvavanoshuva ivo. Anoremekedza rusununguko rwavo rwokuzvisarudzira. Jehovha anoita kuti vanhu vanogara panyika nhasi vasarudze zvakafanana nezvaakaita kuti vaIsraeri vakararama makore anopfuura 3 000 apfuura vasarudze, Mosesi paakati: “Ndaisa pamberi pako nhasi upenyu nezvakanaka, norufu nezvakaipa. . . . Ndinodana kudenga napasi kukupupurirai nhasi, kuti ndaisa pamberi pako upenyu norufu, kuropafadzwa nokutukwa; naizvozvo tsaura upenyu, kuti urarame, iwe navana vako; kuti ude Jehovha Mwari wako, nokuteerera inzwi rake, nokunamatira kwaari; nokuti ndihwo upenyu hwako, nokuwanzwa kwamazuva ako.”—Dheuteronomio 30:15-20.

11. VaIsraeri vaifanira kusarudza upenyu sei?

11 Cherekedza kuti vaIsraeri vaifanira kusarudza upenyu ‘nokuda Jehovha, nokuteerera inzwi rake, uye kunamatira kwaari.’ Mashoko iwayo paakataurwa, vanhu vaIsraeri vakanga vasati vatora Nyika Yakavimbiswa. Vakanga vari paMapani aMoabhi, vachizvigadzirira kuti vayambuke Rwizi rwaJoridhani ndokupinda muKanani. Nepo zvakanga zvichitarisirwa kuti vafunge nezve“nyika yakanaka huru” “inoyerera mukaka nouchi” yavaizogamuchira nokukurumidza, kuitika kwezvavaishuva kwaitsamira pakuda kwavo Jehovha, kuteerera kwavo inzwi rake, uye kunamatira kwaari. (Eksodho 3:8) Mosesi akajekesa izvi, achiti: “Zvandinokurayira nhasi ndizvo, kuti ude Jehovha Mwari wako, nokufamba munzira dzake, nokuchengeta mirayiro yake nezvaakatema nezvaakatonga, kuti urarame, uwande, uye kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze kunyika kwaunoenda kwairi, kuti ive yako.”—Dheuteronomio 30:16.

12. Muenzaniso wavaIsraeri unofanira kutidzidzisei nezvebasa redu rokuparidza nokudzidzisa?

12 Zvataurwa pamusoro apa hazvifaniri kutidzidzisa chimwe chinhu nezvebasa redu rokuparidza nokudzidzisa munguva ino yomugumo here? Tinofunga nezvepasi reParadhiso riri kuuya nokutaura nezvaro muushumiri hwedu. Asi isu kana vadzidzi vatinoita hatizooni kuzadzikwa kwevimbiso yacho kana isu kana kuti ivo tichinamata Mwari nezvikonzero zvoudyire. SavaIsraeri, isu nevatinodzidzisa tinofanira kudzidza ‘kuda Jehovha, kuteerera inzwi rake, uye kunamatira kwaari.’ Kana tikayeuka izvi patinenge tichiita ushumiri hwedu, tichange tichinyatsoshanda pamwe naMwari mukukwevera vanhu kwaari.

Vabati Pamwe Chete naMwari

13, 14. (a) Maererano na1 VaKorinte 3:5-9, tinova sei vabati pamwe naMwari? (b) Kukudzwa nokuda kwokuwedzera kupi nokupi kunofanira kuenda kunaani, uye nei?

13 Pauro akaenzanisa kushanda naMwari nokutaura nezvokusakura munda. Akanyora kuti: “Zvino Aporo chinyiko? Pauro chinyiko? Vashumiri vamakatenda navo, mumwe nomumwe sezvaakapiwa naShe. Ini ndakasima, Aporo wakadiridza; asi Mwari wakameresa. Naizvozvo unosima haazi chinhu, kana unodiridza; asi Mwari unomeresa. Zvino unosima nounodiridza ndavamwe; asi mumwe nomumwe uchapiwa mubayiro wake, sezvaakabata. Nokuti tiri vabati pamwe chete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari.”—1 VaKorinte 3:5-9.

14 Savanhu vanobata pamwe naMwari, tinofanira kusima nokutendeka “shoko roushe” mumwoyo yavanhu, tozodiridza kufarira chero kupi zvakwo kunoratidzwa neshanyo dzedzokerero nefundo dzeBhaibheri zvakanyatsogadzirirwa. Kana ivhu, mwoyo, rakanaka, Jehovha achaita basa rake nokuita kuti mbeu yechokwadi cheBhaibheri ikure kuva chirimwa chinobereka. (Mateo 13:19, 23) Achakwevera munhu wacho kwaari nokuMwanakomana wake. Saka, pakupedzisira, kuwedzera chero kupi zvakwo munhamba yavazivisi voUmambo imhaka yebasa raJehovha pamwoyo yavanhu, achiita kuti mbeu yechokwadi ikure uye achikwevera vakadaro kwaari nokuMwanakomana wake.

Kuvaka Basa Richaramba Riripo

15. Pauro akashandisa muenzaniso upi kuratidza kuti tinobetsera sei vamwe kuti vave nokutenda?

15 Patinenge tichifarira kuwedzera kwacho, tinodisisa kuona vanhu vachiramba vachida Jehovha, vachiteerera inzwi rake, uye vachimunamatira. Tinosuwa patinoona vamwe vachitonhora ndokurega. Pane chatingaita here kuti tidzivise izvi? Mune mumwe mufananidzo, Pauro anoratidza nzira yatingabetsera nayo vamwe kuti vave nokutenda. Anonyora kuti: “Hakuna mumwe ungaronga dzimwe nheyo, asi idzo dzakarongwa kare, ndiye Jesu Kristu. Zvino kana munhu achivaka pamusoro penheyo idzi, ndarama, kana sirivha, kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga; basa romumwe nomumwe richaonekwa; nokuti zuva iro richazvibudisa pachena, nokuti richaratidzwa nomoto; moto uchaidza basa romumwe nomumwe kuti rakadini.”—1 VaKorinte 3:11-13.

16. (a) Zvinangwa zvemifananidzo miviri yakashandiswa naPauro zvakasiyana pakudini? (b) Basa redu rokuvaka ringaguma sei rava risingagutsi uye rinotsva?

16 Mumufananidzo waPauro womunda, kukura kunotsamira pakusima nokungwarira, kuramba uchidiridza, uye chikomborero chaMwari. Mumwe mufananidzo womuapostora wacho unosimbisa mutoro womushumiri ari muKristu wokuti basa rake rokuvaka richaita sei. Akavaka panheyo yechokwadi nezvinhu zvakanaka here? Pauro anonyevera kuti: “Mumwe nomumwe ngaachenjere kuti unovaka sei pamusoro padzo.” (1 VaKorinte 3:10) Taita kuti munhu afarire nokumuudza nezvetariro youpenyu husingaperi muParadhiso, tinosimbisa kudzidzisa kwedu pazvinokosha chete zvezivo yaMagwaro ndokunyanya kusimbisa zvinofanira kuita munhu wacho kuti awane upenyu husingagumi here? Kudzidzisa kwedu kungangova here kwokuti: ‘Kana uchida kurarama nokusingaperi muParadhiso, unofanira kudzidza, kuenda kumisangano, uye kuitawo basa rokuparidza’? Kana zvakadaro, hatisi kuvakira kutenda kwomunhu wacho pahwaro hwakasimba, uye zvatiri kuvaka zvingasadzivisa kutsva nomoto wemiedzo kana kutsungirira kwenguva yakareba. Kuedza kukwevera vanhu kuna Jehovha netariro youpenyu husingaperi muParadhiso bedzi mukuchinjana namakore mashomanene akapedzerwa pakumushumira kwakafanana nokuvaka ne‘matanda, uswa, mashanga.”

Kuvaka Rudo Nokuda kwaMwari naKristu

17, 18. (a) Chii chinokosha kuti kutenda kwomunhu kutsungirire? (b) Tingabetsera sei munhu kuti aite kuti Kristu agare mumwoyo make?

17 Kuti kutenda kutsungirire, kunofanira kuvakirwa paukama hwomunhu oga naJehovha Mwari kuburikidza naJesu Kristu. Savanhu vasina kukwana, tinogona kuwana ukama hune rugare hwakadaro naMwari kuburikidza noMwanakomana wake bedzi. (VaRoma 5:10) Yeuka kuti Jesu akati: “Hapana munhu unouya kuna Baba, asi nokwandiri.” Kuti tibetsere vamwe kuti vavake kutenda, “hakuna mumwe ungaronga dzimwe nheyo, asi idzo dzakarongwa kare, ndiye Jesu Kristu.” Izvi zvinobatanidzei?—Johane 14:6; 1 VaKorinte 3:11.

18 Kuvakira pana Kristu senheyo kunoreva kudzidzisa nenzira yokuti mudzidzi weBhaibheri anotanga kuda Jesu zvikuru nemhaka yokuziva zvakazara basa Rake soMudzikinuri, Musoro weungano, Mupristi Mukuru ane rudo, uye Mambo anotonga. (Dhanieri 7:13, 14; Mateo 20:28; VaKorose 1:18-20; VaHebheru 4:14-16) Zvinoreva kuita kuti Jesu ave munhu chaiyeiye kwavari zvokuti anenge achagara mumwoyo yavo. Kuvanyengeterera kwedu kunofanira kuva sekuteterera kwaPauro kwaakaitira vaKristu vomuEfeso. Akanyora kuti: “Ndinofugama namabvi angu kuna Baba, . . . kuti vakupei . . . kuti Kristu agare pamwoyo yenyu nokutenda; kuti imi, [mudzike midzi uye musimbiswe panheyo, NW].”—VaEfeso 3:14-17.

19. Kuvaka rudo nokuda kwaKristu mumwoyo yevatinodzidzisa Bhaibheri kunofanira kuguma nei, asi chii chinofanira kudzidziswa?

19 Kana tikavaka nenzira yakadaro zvokuti kuda Kristu kunokura mumwoyo yevadzidzi vedu, zvine musoro kuti izvi zvichaguma nokuvaka rudo nokuda kwaJehovha Mwari. Rudo rwaJesu, kunzwira tsitsi, nokunzwira urombo kuratidzirwa kwakatendeka kweunhu hwaJehovha. (Mateo 11:28-30; Marko 6:30-34; Johane 15:13, 14; VaKorose 1:15; VaHebheru 1:3) Saka vanhu zvavanosvika pakuziva nokuda Jesu, vachasvika pakuziva nokuda Jehovha.a (1 Johane 4:14, 16, 19) Tinofanira kudzidzisa vadzidzi veBhaibheri kuti Jehovha ndiye akaitisa zvose zvakaitirwa vanhu naKristu uye kuti naizvozvo isu tinofanira kumuonga Iye, kumurumbidza, uye kumunamata sa“Mwari muponesi wedu.”—Pisarema 68:19, 20; Isaya 12:2-5; Johane 3:16; 5:19.

20. Tingabetsera sei vanhu kuti vaswedere pedyo naMwari noMwanakomana wake? (b) Chii chichadzidzwa munyaya inotevera?

20 Savanhu vanobata pamwe naMwari, ngatibetserei vanhu kuti vaswedere pedyo naye noMwanakomana wake, tichivabetsera kuti vatange kuva norudo nokutenda mumwoyo yavo. Zvadaro Jehovha achava munhu chaiyeiye kwavari. (Johane 7:28) Kuburikidza naJesu, vachakwanisa kutanga ukama hwakanaka naMwari, uye vachamuda nokunamatira kwaari. Havazoisi miganhu yenguva pakushumira kwavo kunoitwa norudo, vachiva nokutenda kuti vimbiso dzaJehovha dzakaisvonaka dzichaitwa munguva yake yakafanira. (Mariro aJeremia 3:24-26; VaHebheru 11:6) Zvisinei, patinenge tichibetsera vamwe kuti vave nokutenda, tariro, norudo, tinofanira kuvaka kutenda kwedu pachedu kuitira kuti kuve sechikepe chakasimba chinokwanisa kudzivisa madutu akasimba. Izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

a Chimwe chinoyamura zvikuru kuziva Jesu zviri nani uye Baba vake, Jehovha, kuburikidza naye, ibhuku rinonzi Munhu Mukurusa Ati Amborarama, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

Kuhwirudzura

◻ Tinowanzoita kuti vanhu vafarire shoko roUmambo sei, asi ingozi ipi iripo?

◻ Jehovha anokwevera vanhu vorudzii kwaari nokuMwanakomana wake?

◻ Kupinda kwaIsraeri muNyika Yakavimbiswa kwaitsamira pachii, uye tingadzidzei pane izvi?

◻ Ibasa ripi ratinoita mukubetsera vanhu kuti vaswedere pedyo naJehovha nokuMwanakomana wake?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kunyange zvazvo tichitaurira vanhu tariro youpenyu husingaperi muParadhiso, chinangwa chedu chikuru ndechokuti tivaswededze kuna Jehovha

[Mufananidzo uri papeji 13]

Shanyo dzedu dzedzokerero dzinogona kubudirira zvikuru kana tikanyatsogadzirira

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe