Kuvengerwa Kutenda Kwavo
“Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu.”—MATEO 10:22.
1, 2. Ungarondedzera zvakaitika chaizvoizvo zvakatsungirirwa neZvapupu zvaJehovha nemhaka yokuita zvazvinodavira muchitendero chazvo here?
MUTENGESI wemuchitoro akatendeseka wekuchitsuwa cheCrete anosungwa kakawanda uye anoendeswa aendeswazve kumatare eGreece. Pamwe chete, anopika makore anopfuura matanhatu mujeri, ari kure nomudzimai wake nevana vashanu. MuJapan mudzidzi ane makore 17 anodzingwa chikoro, kunyange zvazvo achizvibata uye achikunda vose mukirasi yake yevadzidzi 42. MuFrance vanhu vakati wandei vanongoerekana vadzingwa basa, kunyange zvazvo vane mukurumbira wakaisvonaka wokuva vashandi vanoshingaira uye vane tsika. Chii chakafanana muizvi zvakaitika chaizvoizvo?
2 Vanhu vacho vose vanobatanidzwa Zvapupu zvaJehovha. “Mhaka” yavo ndeyei? Zvikurukuru, kuita zvavanodavira muchitendero chavo. Mukuteerera dzidziso dzaJesu Kristu, mutengesi wemuchitoro akanga achitaura navamwe nezvekutenda kwake. (Mateo 28:19, 20) Akawanirwa mhaka zvikurukuru pasi pomutemo weGreece wekare uyo unoita kuti kutendeutsa kuve mhaka yakakomba. Mudzidzi akadzingwa nokuti hana yake yakarovedzwa neBhaibheri yaisamubvumira kutambawo mitambo yekendo yaimanikidzirwa (unyanzvi hwechiJapan hwokushandisa munondo). (Isaya 2:4) Uye avo vakadzingwa pamabasa avo muFrance vakaziviswa kuti chikonzero bedzi chavakadzingirwa chaiva chokuti vakazvizivisa seZvapupu zvaJehovha.
3. Nei kutambudzwa zvikuru nevamwe vanhu kusingawanzoitiki kuZvapupu zvaJehovha zvakawanda?
3 Zvakaitika zvinorwadza zvakadaro ndizvo zvakatsungirirwa neZvapupu zvaJehovha mune dzimwe nyika munguva pfupi yapfuura. Zvisinei, nokuda kweZvapupu zvaJehovha zvakawanda, kutambudzwa zvikuru nevamwe vanhu hakuwanzoitiki. Vanhu vaJehovha vanozivikanwa munyika yose nokuda kwomufambiro wavo wakaisvonaka—uri mukurumbira usingapi chikonzero chinoshanda chokuti munhu upi noupi ade kuvakuvadza. (1 Petro 2:11, 12) Havarangani kuita zvisingabvumirwi nomutemo kana kuti kuva nomufambiro unokuvadza. (1 Petro 4:15) Kusiyana naizvozvo, vanoedza kurarama maererano nezano reBhaibheri rokuzviisa pasi paMwari pakutanga, ndokuzozviisa pasi pehurumende dzenyika. Vanoripa mitero inodiwa nomutemo ndokuedza kuva “norugare navanhu vose.” (VaRoma 12:18; 13:6, 7; 1 Petro 2:13-17) Mubasa ravo rekudzidzisa Bhaibheri, vanokurudzira kuremekedza mutemo, mipimo yemhuri, uye tsika. Hurumende dzakawanda dzakavarumbidza nokuda kwokuva vagari vomunyika vanoteerera mitemo. (VaRoma 13:3) Nepo, sezvinoratidzwa nendima yokutanga, pane dzimwe nguva vave vachishorwa—mune dzimwe nyika, kunyange kutorambidzwa nehurumende. Izvozvo zvinofanira kutishamisa here?
“Mutengo” Wokuva Mudzidzi
4. Maererano naJesu, munhu angatarisirei paanova mumwe wevadzidzi vake?
4 Jesu Kristu akanyatsoratidza kuti kuva mudzidzi wake kwaizobatanidzei. “Muranda haazi mukuru kunashe wake,” akaudza vateveri vake kudaro. “Kana vakanditambudza ini, vachakutambudzai nemiwo.” Jesu akavengwa pa“sina mhosva.” (Johane 15:18-20, 25; Pisarema 69:4; Ruka 23:22) Vadzidzi vake vaigona kutarisira zvakafanana—kushorwa pasina chikonzero chakanaka. Kanopfuura kamwe chete, akavanyevera kuti: “Muchavengwa.”—Mateo 10:22; 24:9.
5, 6. (a) Nei Jesu akakurudzira vaitarisira kuva vateveri vake ku“verenga mutengo”? (b) Saka, nei tisingafaniri kukatyamadzwa patinoshorwa?
5 Nemhaka yaizvozvo, Jesu akakurudzira vaitarisira kuva vateveri vake kuti va“verenge mutengo” wokuva mudzidzi. (Ruka 14:28, Revised Standard Version) Nemhaka yei? Kwete kuitira kuti vasarudze kuti vanofanira kuva vateveri vake here kana kuti kwete, asi kuti vave vakatsunga kuita zvinobatanidzwa. Tinofanira kuva vakagadzirira kutsungirira miedzo ipi neipi kana kuti kutambura kunouya pamwe neropafadzo yacho. (Ruka 14:27) Hapana anotimanikidza kushandira Jehovha somuteveri waKristu. Chisarudzo chokuzviitira; chisarudzowo chinoitwa munhu achiziva. Tinofanoziva kuti kuwedzera kuzvikomborero zvatichava nazvo mukuva noukama naMwari hwokuzvitsaurira, ticha“vengwa.” Saka hatikatyamadzwi patinoshorwa. Taka‘verenga mutengo wacho,’ uye takagadzirira zvizere kuubhadhara.—1 Petro 4:12-14.
6 Nei vamwe, kubatanidza vamwe vane simba muhurumende, vangada kushora vaKristu vechokwadi? Nokuda kwemhinduro, zvinobetsera kunzvera mapoka maviri ezvitendero zvomuzana rokutanga remakore C.E. Ose aivengwa—asi nokuda kwezvikonzero zvakasiyana zvikuru.
Vanovenga Uye Vanovengwa
7, 8. Idzidziso dzipi dzairatidza kuzvidza Vemamwe Marudzi, uye ndokupi kufunga kwakavapo pakati pevaJudha somugumisiro?
7 Pakasvika zana rokutanga remakore C.E., Israeri yakanga ichitongwa neRoma, uye chiJudha, gadziriro yechitendero yevaJudha, yose zvayo yaiva yakabatwa zvakasimba nevatungamiriri vanodzvinyirira vakadai sevanyori nevaFarise. (Mateo 23:2-4) Ava vatungamiriri vanonyanyisa vakatora mirayiro yeMutemo waMosesi ine chokuita nokuparadzana nemamwe marudzi vakaimonyanisa kuitira kuti vazvidze vasiri vaJudha. Mukuita kudaro, vakaita chitendero chakatanga kuvenga Vemamwe Marudzi uyewo, chakaparira kuvengwa neVemamwe Marudzi.
8 Zvakanga zvisina kuomera vatungamiriri vechiJudha kuita kuti kuzvidza Vamamwe Marudzi kugamuchirwe, sezvo vaJudha panguva iyeyo vaiona Vemamwe Marudzi sezvisikwa zvakaipa. Vatungamiriri vacho vechitendero vaidzidzisa kuti mukadzi wechiJudha haambofaniri kuva ari oga aine Vemamwe Marudzi, nokuti va“nonyumwirwa kuva vasina kuchena mutsika dzevatano.” Murume wechiJudha haafaniri “kusara ari oga navo sezvo vachinyumwirwa kuti vanoteura ropa.” Mukaka waikamwa nemunhu Wemamwe Marudzi waisagona kushandiswa kunze kwokunge muJudha akanga aripo kuti aone kukamwa kwawo. Nemhaka yekupesvedzerwa nevatungamiriri vavo, vaJudha vakatanga kusabatanidzwa uye vakazviparadzanisa kwazvo.—Enzanisa naJohane 4:9.
9. Kudzidzisa kwaiitwa nevatungamiriri vechiJudha pamusoro pevasiri vaJudha kwakaparirei?
9 Dzidziso dzakadaro pamusoro pevasiri vaJudha hadzina kubetsera kusimudzira ukama hwakanaka pakati pevaJudha neVemamwe Marudzi. Vemamwe Marudzi vakasvika pakuona vaJudha sevanovenga vanhu vose. Wezvenhau weRoma Tacitus (akaberekwa munenge muna 56 C.E.) akati nezvevaJudha “vanoona vamwe vanhu vose nokuvenga kwose kwevavengi.” Tacitus akatiwo Vemamwe Marudzi vakatendeutsirwa kuchiJudha vaidzidziswa kuti varambe nyika yavo ndokuona mhuri yavo neshamwari sevasingabetseri. Kakawanda, vaRoma vaishivirira vaJudha, avo vakanga vakawanda zvokusagona kukundwa. Asi kumukira kwevaJudha muna 66 C.E. kwakamutsa kutsiva kwevaRoma kunorwadza, zvichiita kuti Jerusarema riparadzwe muna 70 C.E.
10, 11. (a) Mutemo waMosesi waida kuti vokune dzimwe nyika vabatwe sei? (b) Chidzidzoi chatinodzidza kune zvakaitika kuchiJudha?
10 Kuonekwa ikoko kwaiitwa vokune dzimwe nyika kwaisiyana sei nokunamata kwakarongwa muMutemo waMosesi? Mutemo waitsigira kuparadzana nemamwe marudzi, asi izvozvi zvaiitirwa kudzivirira vaIsraeri, kunyanya kunamata kwavo kwakachena. (Joshua 23:6-8) Kunyange zvakadaro, Mutemo wairayira kuti vokune dzimwe nyika varuramisirwe uye vasasarurwe uye kuti vagamuchirwe nomutsa—chero bedzi vaisaratidza pachena kuti havateereri mitemo yaIsraeri. (Revhitiko 24:22) Nemhaka yokubva pane zvairehwa zvakanaka zvinoratidzwa pachena muMutemo pamusoro pevokune dzimwe nyika, vatungamiriri vechitendero chechiJudha vomuzuva raJesu vakava nokunamata kwaiparira kuvenga uye kwaivengwa. Pakupedzisira, rudzi rwechiJudha rwomuzana rokutanga remakore rwakarasikirwa nenyasha dzaJehovha.—Mateo 23:38.
11 Pane chatinodzidza pane izvi here? Hungu, chiripo. Kufunga kwokuzviona setakarurama, kwokuzvikwidziridza kunozvidza vamwe vasingabvumirani nezvatinodavira muchitendero chedu hakumiriri zvakarurama kunamatwa kwaJehovha kwakachena, uyewo hakumufadzi. Chimbofunga nezvevaKristu vakatendeka vomuzana rokutanga remakore. Havana kuvenga vakanga vasiri vaKristu, uyewo havana kumukira Roma. Pasinei naizvozvo, vai“vengwa.” Nemhaka yei? Uye naani?
VaKristu Vepakutanga—Vaivengwa Naani?
12. Zviri pachena sei muMagwaro kuti Jesu anoda kuti vateveri vake vaone vasiri vaKristu zviri pakati nepakati?
12 Zviri pachena kubva mudzidziso dzaJesu kuti aida kuti vadzidzi vake vaone vasiri vaKristu zviri pakati nepakati. Asiwo, akataura kuti vateveri vake vaizova vakaparadzana nenyika—kureva kuti, vaizodzivisa kufunga nomufambiro zvairwisana nenzira dzakarurama dzaJehovha. Vaizoramba vasina kwavakarerekera munhau dzehondo nedzezvematongerwe enyika. (Johane 17:14, 16) Asiwo, panzvimbo pokutsigira kuzvidza vasiri vaKristu, Jesu akaudza vateveri vake kuti ‘vade vavengi vavo.’ (Mateo 5:44) Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu kuti: “Kana muvengi wako aziya, umupe kudya; kana afa nenyota, umupe kunwa.” (VaRoma 12:20) Akaudzawo vaKristu kuti va“itire vose zvakanaka.”—VaGaratia 6:10.
13. Nei vatungamiriri vechitendero chechiJudha vaishora kwazvo vadzidzi vaKristu?
13 Asi, vadzidzi vaKristu vakakurumidza kuzviwana vave ku“vengwa” nemapoka matatu. Rokutanga raiva vatungamiriri vechitendero chechiJudha. Hazvishamisi kuti vaKristu vakakurumidza kubata ngwariro yavo! VaKristu vaiva nemipimo yakakwirira yetsika nekutendeseka, uye vaitaura shoko raipa tariro nokushingaira zvikuru. Zviuru zvakarega chiJudha ndokugamuchira chiKristu. (Mabasa 2:41; 4:4; 6:7) Kuvatungamiriri vechitendero chechiJudha, vadzidzi vaJesu vechiJudha vaingovawo havo vanhu vakaramba kutenda! (Enzanisa naMabasa 13:45.) Ava vatungamiriri vakanga vatsamwa vakafunga kuti chiKristu chaiita kuti tsika dzavo dzisashande. Chokwadi, chaitoramba maonere avo avaiita Vemamwe Marudzi! Kubvira muna 36 C.E. zvichienda mberi, Vemamwe Marudzi vaigona kuva vaKristu, vachiva nokutenda kwakafanana nokuva neropafadzo dzakafanana sedzaiva navaKristu vechiJudha.—Mabasa 10:34, 35.
14, 15. (a) Nei vaKristu vakavengwa nevanamati vechihedheni? Ipa muenzaniso. (b) VaKristu vepakutanga vakasvika paku“vengwa” neboka ripi rechitatu?
14 Rechipiri, vaKristu vakavengwa nevanamati vechihedheni. Somuenzaniso, muguta rekare reEfeso, kugadzira tutemberi twesirivha twamwarikadzi Atemisi kwakanga kuri bhizimisi rinobhadhara. Asi Pauro paakaparidza imomo, nhamba yakati kuti yevaEfeso yakateerera, ichirega kunamata Atemisi. Basa ravo ratyisidzirwa, vapfuri vesirivha vakaita bongozozo. (Mabasa 19:24-41) Chimwe chinhu chakafanana chakaitika pashure pokunge chiKristu chapararira chichipinda muBhitinia (zvino yava Turkey iri kuchamhembe kwakadziva kumadokero). Nguva refu isati yambopera Magwaro echiKristu echiGiriki apedzwa, gavhuna weBhitinia, Pliny Muduku, akataura kuti temberi dzechihedheni dzakasiyiwa uye kuti kutengeswa kwezvokudya zvemhuka dzokubayira kwakadzikira kwazvo. VaKristu vakapomerwa—ndokutambudzwa—sezvo kunamata kwavo kwaisabvumira zvibayiro zvemhuka nezvidhori. (VaHebheru 10:1-9; 1 Johane 5:21) Zviri pachena kuti, kupararira kwechiKristu kwakaita chimwe chinhu pamapoka aiwana mubhadharo muupfumi hwaiva nechokuita nokunamata kwechihedheni, uye avo vairasikirwa nebasa uye mari vakachivenga.
15 Rechitatu, vaKristu vaka“vengwa” nevaRoma vaiva nourudzi. Pakutanga, vaKristu vaizivikanwa nevaRoma seboka duku rechitendero uye zvimwe rinonyanyisa. Asi, kwapera nguva yakati, kungotaura chete kuti uri muKristu kwakava mhaka inorangwa norufu. Nei vagari vomunyika vakatendeseka vairarama upenyu hwechiKristu vaizoonekwa sevakakodzera kuva vananyajambwa vokutambudzwa uye kuurawa?
VaKristu Vepakutanga—Nei Vaivengwa Munyika yeRoma?
16. VaKristu vakaramba vasingabatanidzwi nenyika munzira dzipi, uye nei izvozvi zvakavaita kuti vasagamuchirwe zvakanaka munyika yeRoma?
16 VaKristu vaivengwa munyika yeRoma, kunyanya nokuda kwokuita zvavaidavira muchitendero chavo. Somuenzaniso, vakaramba vasiri venyika. (Johane 15:19) Naizvozvo vakanga vasina basa rine chokuita nezvematongerwe enyika, uye vairamba basa rehondo. Somugumisiro, “vairondedzerwa sevanhu vasingafariri nyika, uye vasingabetseri munhau dzose dzoupenyu,” anodaro wezvenhau Augustus Neander. Kusava rutivi rwenyika kwakarevawo kudzivisa nzira dzakaipa dzenyika yakaipa yeRoma. “Nzanga duku dzechiKristu dzakanga dzichinetsa nyika yechihedheni inopengeswa nemafaro noutsvene hwadzo uye kuva nomwero kwadzo,” anotsanangura kudaro wezvenhau Will Durant. (1 Petro 4:3, 4) Nokutambudza uye kuuraya vaKristu, vaRoma vangave vakatsvaka kunyaradza ava vainetsa hana dzavo.
17. Chii chinoratidza kuti basa rokuparidza revaKristu vepakutanga rakanga richibudirira?
17 VaKristu vomuzana rokutanga remakore vakaparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari nokushingaira vasingaregi. (Mateo 24:14) Pakasvika munenge muna 60 C.E., Pauro aigona kutaura kuti mashoko akanaka akanga a“paridzirwa zvisikwa zvose pasi pokudenga.” (VaKorose 1:23) Pakasvika kupera kwezana rokutanga remakore, vateveri vaJesu vakanga vaita vadzidzi muUmambo hwose hweRoma—muAsia, Europe, uye Africa! Kunyange mimwe mitezo ye“imba yaKesari” yakava vaKristu.a (VaFiripi 4:22) Uku kuparidza kwokushingaira kwakaita kuti vasafarirwa. Neander anoti: “ChiKristu chakaramba chichienderera mberi zvishoma nezvishoma pakati pevanhu venzvimbo dzose, ndokutyisidzira kukurira chitendero chehurumende.”
18. Kuzvipira zvakazara kuna Jehovha kwakaita sei kuti vaKristu vasawirirane nehurumende yeRoma?
18 Vateveri vaJesu vaizvipira kuna Jehovha zvakazara. (Mateo 4:8-10) Zvimwe urwu rutivi rwokunamata kwavo, rwakavaita kuti vasawirirane neRoma, kupfuura rumwe rupi norupi. VaRoma vaishivirira zvimwe zvitendero, chero bedzi vatsigiri vazvo vainamatawo mambo. VaKristu vepakutanga vaisambogona kubatanidzwa mukunamata kwakadaro. Vaizviona sevanozvidavirira kusimba rakakwirira zvikuru kupfuura iro reHurumende yeRoma, kureva Jehovha Mwari. (Mabasa 5:29) Somugumisiro, pasinei nokuti muKristu akanga ari mugari wenyika akanaka sei mune zvimwe zvose, aionwa somuvengi weHurumende.
19, 20. (a) Ndivanaani vainyanyoparira kucherwa kwakaipa kwakaparadzirwa pamusoro pevaKristu vakatendeka? (b) VaKristu vakapomerwei zvenhema?
19 Pakanga pachine chimwe chikonzero nei vaKristu vakatendeka vakasvika paku“vengwa” munyika yeRoma: Kucherwa kwakaipa kwavaiitwa kwaidavirwa zviri nyore, uye vatungamiriri vechitendero chechiJudha vakanga vachiparira ikoku zvikuru. (Mabasa 17:5-8) Munenge muna 60 kana kuti 61 C.E., Pauro paakanga ari muRoma achimirira kutongwa naMambo Nero, vaJudha vaitungamirira vakati nezvevaKristu: “Kana iri dzidziso iyi, tinoziva kuti inorambwa kwose-kwose.” (Mabasa 28:22) Nero pasina mubvunzo akanzwa nhau dzokucherwa kwavo. Muna 64 C.E., paakapomerwa nokuda kwemoto wakanga waparadza Roma, zvinonzi Nero akanzvenga nokupomera vaKristu vakanga vachitonzi vakaipa. Izvozvi zvinoita sezvakaparira kutambudzwa kwakaipa kwazvo kwakaitirwa kutsakatisa vaKristu.
20 Kupomerwa zvenhema kwaiitirwa vaKristu kwaiwanzova kubatanidzwa kwenhema dziri pachena nokutaurwa nenzira isiriyo kwezvavaidavira. Nemhaka yokuti vaidavira kuti kunongova naMwari mumwe uye vaisanamata mambo, vakanzi havatendi. Sezvo mimwe mitezo yemhuri yakanga isiri vaKristu yaishora hama dzayo dzechiKristu, vaKristu vaipomerwa kuputsa mhuri. (Mateo 10:21) Vainzi vanodya nyama yevanhu, sezvinotaura vamwe vanyori, kuri kupomerwa kwakanga kwakavakirwa pakumonyaniswa kwemashoko aJesu akataurwa paKudya kwaShe Kwemanheru.—Mateo 26:26-28.
21. VaKristu vai“vengwa” nokuda kwezvikonzero zvipi zviviri?
21 Naizvozvo, vaKristu vakatendeka vai“vengwa” nevaRoma nokuda kwezvikonzero zvikuru zviviri: (1) zvavaidavira zvakavakirwa paBhaibheri nemiitiro yavo, uye (2) kupomerwa zvenhema kwavaiitwa. Pasinei nechikonzero chacho, vashori vaingova nechinangwa chimwe—kudzvinyirira chiKristu. Chokwadi, vaimutsa vacho kutambudzwa kwevaKristu vaiva vashori vanopfuura vanhu, midzimu yakaipa isingaoneki.—VaEfeso 6:12.
22. (a) Muenzaniso upi unoratidza kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoedza ku“itir[a] vose zvakanaka”? (Ona bhokisi riri papeji 11.) (b) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?
22 Kufanana nevaKristu vepakutanga, Zvapupu zvaJehovha munguva dzino zvave zvichi“vengwa” munyika dzakasiyana-siyana. Asi hazvivengi vasiri Zvapupu; uye hazvina kumboparira kupandukira hurumende. Kusiyana naizvozvo, zvinozivikanwa munyika yose nokuda kwokuratidza rudo rwechokwadi urwo runopfuura misiyano yenzanga, yorudzi, uye yedzinza. Saka, zvakatambudzirwei? Uye zvinoita sei pazvinoshorwa? Mibvunzo iyi ichakurukurwa munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Mashoko okuti “imba yaKesari” haarevi chaizvoizvo mitezo yemhuri yepedyo yaNero, aitonga panguva iyeyo. Asi, angashanda kuvashandi vemumba nevakuru vakuru vaduku, avo zvimwe vaiita mabasa emumba akadai sokubikira nokuchenesera mhuri youmambo nevashandi.
Ungapindura Sei?
◻ Nei Jesu akakurudzira vaitarisira kuva vateveri vake kuti vaverenge mutengo wokuva mudzidzi?
◻ Maonerwe aiitwa vasiri vaJudha akanga akapararira akaitei pachiJudha, uye tinodzidzei muizvi?
◻ VaKristu vakatendeka vepakutanga vakashorwa namapoka matatu api?
◻ VaKristu vepakutanga vai“vengwa” nevaRoma nokuda kwezvikonzero zvipi zvikuru?
[Bhokisi riri papeji 11]
‘KUITIRA VOSE ZVAKANAKA’
Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kuteerera kurayira kweBhaibheri kwoku“itir[a] vose zvakanaka.” (VaGaratia 6:10) Munguva dzokushaya, kuda muvakidzani kunozviita kuti zvibetsere avo vasingabvumirani nokufunga kwazvo kwechitendero. Somuenzaniso, mumamiriro ezvinhu anoparira ngwavaira muRwanda muna 1994, Zvapupu zvakabva kuEurope zvakazvipira kuenda kuAfrica kunobetsera nebasa rakaoma rokuyamura. Misasa yakarongwa zvakanaka nezvipatara zvechinguvana zvakakurumidza kutangwa kuti zvipe ruyamuro. Zvokudya zvakawanda, zvipfeko, uye magumbeze zvakatumirwa nendege. Nhamba yevapoteri vakabetserwa neiri basa rakaoma rokuyamura yaipfuura nhamba yeZvapupu zviri munzvimbo iyoyo nekatatu.
[Mufananidzo uri papeji 9]
VaKristu vomuzana rokutanga remakore vakaparidza mashoko akanaka nokushingaira vasingaregi