RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 12/15 p. 24
  • Utsotsi Hwakakoneswa muWest Africa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Utsotsi Hwakakoneswa muWest Africa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Panouya Matsotsi Ane Zvombo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Vatariri Vakapiwa Basa Rekufudza Makwai
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 12/15 p. 24

Utsotsi Hwakakoneswa muWest Africa

Yakataurwa naEunice Ebuh

“Matsotsi aiva nezvombo akaronga kuuya pazuva ratinowanzoita Fundo Yebhuku Yeungano pamba pedu. Tinovhurisa magedhi edu kuitira hama dzedu nehanzvadzi nevanofarira. Matsotsi anofanira kuva aiziva nezvemuitiro wedu nenguva yemisangano. Chokwadi tinoziva kuti vakanga vaba motokari kune imwe nzvimbo ndokuuya kuzomirira parutivi rwegedhi redu pazuva uye panguva yefundo yebhuku.

“Zvakangoitikawo kuti vhiki ravakauya rakanga riri vhiki rokushanya kwomutariri wedunhu. Panzvimbo pekuungana pamba pedu, takaungana kuHoro yoUmambo. Pakapera musangano wacho, pakava nomusangano wevakuru. Ini nevana taizodai takaenda kumba sezvatinochiita, asi murume wangu, ari mukuru, akatikumbira kuti timumirire. Akati akanga asingazononoki. Saka takamirira.

“Takazoona kuti motokari yakanga isingadi kumuka. Mutariri wedunhu nomurume wangu havana kukwanisa kuigadzira. Makanika watakadana haanawo kugona kuigadzira.

“Vana vaifanira kuenda kumba netsoka. Gare gare, ndakazoendawo kumba. Ndakasvika panenge panguva dza10:00. Ini kana vana hatina kupinda muyadhi tiri mumotokari, zvaizoda kuti tivhure gedhi hombe.

“Pandakapinda mumba yangu yokurara, ndakanzwa kurira kwepfuti, kune ruzha zvikuru. Ndakashamisika kuti chii chakanga chichiitika. Ndakaedza kuridzira mapurisa runhare, asi runhare rwacho rwakanga rwafa. Ndakamhanyira kuuriri hwapasi ndokukiya suo rokupinda naro resimbi, ndokumhanya kunokiya suo rapakati. Ndakadzima magetsi. Vana vangu vakanga vachitya, saka ndakavaudza kuti vadzikame. Takanyengetera pamwe chete kuti Jehovha atidzivirire. Zvichakadaro, murume wangu akanga achiri kuHoro yoUmambo achiedza kumutsa motokari.

“Ndakatarira kunze napafafitera ndokuona murume akarara mumugwagwa panze pegedhi. Zvakaratidza sokuti matsotsi acho akanga aenda, nokudaro ndakaisa murume wacho akakuvadzwa mumotokari yangu ndokumumhanyisa kuchipatara. Zvakanga zvine ngozi, asi ndaifanira kuita chimwe chinhu. Kunyange zvakadaro, zvinosuruvarisa kuti akafa zuva rakatevera racho.

“Pasinei zvapo nenhamo yacho, zvinhu zvingadai zvakashata kupfuura ipapo. Kushanya kwomutariri wedunhu kwakareva kuti hatina kuitira fundo yebhuku mumba medu. Kufa kwemotokari kwakareva kuti hatina kuenda nemotokari kumba semhuri. Murume wangu, angadai akatorwa chete nematsotsi acho, akanonoka kusvika kumba. Izvi nezvimwewo zvakaita kuti zvinhu zvitinakire usiku ihwohwo.

“Jehovha ibako redu nekwatinopotera. Zvakaita sezvinotaura rugwaro kuti: ‘Kana Jehovha asingachengeti guta, murindi unorindira pasina.’ “—Pisarema 127:1.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe