Pfuma Yedu Iri Mumidziyo Yevhu
“Pfuma iyi tinayo mumidziyo yevhu, kuti ukuru hwesimba huve hwaMwari, hurege kuva hwedu.”—2 VAKORINTE 4:7.
1. Muenzaniso waJesu unofanira kutikurudzira sei?
PAAIUMBWA naJehovha ari pasi pano, Jesu akaona nameso ake kusava nesimba kwavanhu. Muenzaniso wake wokuramba akatendeka unofanira kutikurudzira zvakadini! Muapostora anotiudza kuti: “Nokuti makadanirwa izvozvo, Kristu zvaakakutambudzikiraiwo, akakusiyirirai mufananidzo, kuti mutevere makwara ake.” (1 Petro 2:21) Nokubvuma kuumbwa kwakadaro, Jesu akakunda nyika. Akashingisawo vaapostora vake kuti vave vakundi. (Mabasa 4:13, 31; 9:27, 28; 14:3; 19:8) Uye akavakurudzira zvakadini mukugumisa hurukuro yake yokupedzisira navo! Akazivisa kuti: “Ndakareva izvozvi kwamuri, kuti muve norugare mandiri. Panyika munotambudzika; asi tsungai mwoyo, ini ndakakunda nyika.”—Johane 16:33.
2. Kusiyana noupofu hwenyika, chiedza chipi chatinacho?
2 Nenzira yakafanana, asiyanisa upofu hunoparirwa na“mwari wenyika ino” ne“chiedza cheEvhangeri yokubwinya,” muapostora Pauro akati nezvoushumiri hwedu hunokosha: “Pfuma iyi tinayo mumidziyo yevhu, kuti ukuru hwesimba huve hwaMwari, hurege kuva hwedu. Tinotambudzika pamativi ose, asi hatimanikidzwi; tinokanganiswa, asi hatina kurasha mwoyo; tinotambudzwa, asi hatina kusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatina kuparadzwa.” (2 VaKorinte 4:4, 7-9) Kunyange hazvo tiri “midziyo yevhu” isina kusimba, Mwari akatiumba nomudzimu wake zvokuti tinogona kukunda nyika yaSatani zvakakwana.—VaRoma 8:35-39; 1 VaKorinte 15:57.
Kuumba Munyika yeIsraeri Yekare
3. Isaya akarondedzera sei kuumbwa kworudzi rwechiJudha?
3 Jehovha haangoumbi vanhu bedzi asi marudzi ose. Somuenzaniso, Israeri yakare payakabvuma kuumbwa naJehovha, yakabudirira. Asi pakupedzisira yakazviomesera ndokusateerera. Zvakazoguma zvaitika ndezvokuti, Muiti waIsraeri akaparira “nhamo” pairi. (Isaya 45:9) Muzana ramakore rechisere B.C.E., Isaya akataura naJehovha nezvokutadza kukuru kwaIsraeri, achiti: “Asi zvino Jehovha, muri Baba vedu; isu tiri ivhu, imi muri muumbi wedu, isu tose tiri basa roruoko rwenyu. . . . Nzvimbo dzedu dzose, dzataifarira, dzaparadzwa.” (Isaya 64:8-11) Israeri yakanga yaumbwa kuva mudziyo wakangokodzera kuparadzwa.
4. Muenzaniso upi wakaitwa naJeremia?
4 Kwapera zana ramakore gare gare, sezvo zuva rokutonga rakanga rava pedyo, Jehovha akaudza Jeremia kuti atore chirongo chevhu uye aende nevamwe varume vakuru veJerusarema kuMupata waHinomi, achimurayira kuti: “Unofanira kuputsa chirongo pamberi pavarume vakaenda newe, ugoti kwavari: Zvanzi naJehovha wehondo: Saizvozvo ndichaputsa vanhu ava neguta rino, sezvinoputswa mudziyo womuumbi wehari, usingabviri kuzogadzirwazve.”—Jeremia 19:10, 11.
5. Jehovha akatonga Israeri zvakakura sei?
5 Muna 607 B.C.E., Nebhukadhinezari akaparadza Jerusarema netemberi yaro ndokutakura vaJudha vakanga vapukunyuka kuti vave vatapwa muBhabhironi. Asi kwapera makore 70 vakatapwa, vaJudha vakanga vapfidza vakakwanisa kudzokera kunovakazve Jerusarema netemberi yaro. (Jeremia 25:11) Zvisinei, pakasvika zana ramakore rokutanga C.E., rudzi rwacho rwakanga rwasiyazve Muumbi Mukuru, uye pakupedzisira rwakazviita vanhu vasina tsika kusvika pakuita mhaka hurusa yokuuraya Mwanakomana waMwari chaiye. Muna 70 C.E., Mwari akashandisa Simba Renyika reRoma semuurayi wake mukuparadza gadziriro yezvinhu yechiJudha, achiparadza Jerusarema netemberi yaro. Rudzi rwaIsraeri rwaisazombofazve rwakaumbwa noruoko rwaJehovha sechimwe chinhu chi“tsvene [cha]kanakisa.”a
Kuumba Rudzi Rwomudzimu
6, 7. (a) Pauro anorondedzera sei kuumbwa kwaIsraeri womudzimu? (b) Nhamba yakakwana ye“midziyo yengoni” ndeipi, uye yakaumbwa sei?
6 VaJudha vakanga vabvuma Jesu vakaumbwa semitezo yenheyo yerudzi rutsva, “vaIsraeri vaMwari” vomudzimu. (VaGaratia 6:16) Saka, mashoko aPauro akafanira, anoti: “Ko muumbi wehari haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe aite mudziyo mumwe wakakudzwa, nomumwe usina kukudzwa? . . . Mwari, kana akanga achida kuratidza kutsamwa kwake, nokuzivisa simba rake, akaita nomwoyo murefu zvikuru pamusoro pemidziyo yokutsamwirwa, yakagadzirirwa kuparadzwa, kuti azivise kupfuma kwokubwinya kwake pamusoro pemidziyo yengoni, yaakanga agadzirira kubwinya.”—VaRoma 9:21-23.
7 Jesu akamutswa akazozivisa kuti iyi “midziyo yengoni” yaizosvika 144 000. (Zvakazarurwa 7:4; 14:1) Sezvo vaIsraeri vokunyama vakanga vasina kukwanisa nhamba iyoyo yakazara, Jehovha akaratidza vanhu vamarudzi ose ngoni dzake. (VaRoma 11:25, 26) Ungano yechiKristu itsva yakakurumidza kukura. Mumakore 30 mashoko akanaka akanga ava ku“paridzirwa zvisikwa zvose pasi pokudenga.” (VaKorose 1:23) Izvi zvaida kuti ungano dzakawanda dzomunharaunda iyoyo dzakanga dzakapararira dzitarisirwe zvakafanira.
8. Ndivanaani vakaumba dare rinodzora rokutanga, uye dare iri rakakura sei?
8 Jesu akanga agadzirira vaapostora 12 kuti vave dare rinodzora rokutanga, achivarovedza pamwe navamwe nokuda kwoushumiri. (Ruka 8:1; 9:1, 2; 10:1, 2) PaPendekosti ya33 C.E., ungano yechiKristu yakatangwa, uye kwapera nguva yakati dare rayo rinodzora rakakudzwa kuti ribatanidze “vaapostora navakuru” vokuJerusarema. Munguva yakawedzerwa, mwana wamai vaJesu Jakobho, kunyange hake akanga asiri muapostora, anoita seakashanda sasachigaro. (Mabasa 12:17; 15:2, 6, 13; 21:18) Maererano nomunyori wenhau Eusebius, vaapostora vakava vanhu vaitambudzwa zvikuru uye vakapararira kune dzimwe nzvimbo. Maumbirwo edare rinodzora akagadziridzwa maererano neizvozvo.
9. Chii chinosuruvarisa chakafanotaurwa naJesu kuti chaizoitika?
9 Nechokunopera kwezana ramakore rokutanga, ‘muvengi, Dhiyabhorosi,’ akatanga ‘kudyara mashawi’ pakati pevagari venhaka vakaita segorosi vo“ushe hwokudenga.” Jesu akanga aporofita kuti izvi zvinhu zvaisuruvarisa zvaizobvumirwa kusvikira nguva yokukohwa pa“kuguma kwenyika.” Zvakare, ‘vakarurama vaizopenya zvikuru sezuva muushe hwaBaba vavo.’ (Mateo 13:24, 25, 37-43) Izvozvo zvaizoitika rini?
Kuumba Israeri waMwari Nhasi
10, 11. (a) Kuumbwa kwezuva ranhasi kwavaIsraeri vaMwari kwakatanga sei? (b) Ndedzipi dzidziso dzakasiyana dzaifanira kuwanikwa muchiKristudhomu uye pakati peVadzidzi veBhaibheri vomwoyo wose?
10 Muna 1870, Charles Taze Russell akaumba boka rokufunda Bhaibheri muPittsburgh, Pennsylvania, U.S.A. Muna 1879 akatanga kubudisa magazini inozivikanwa nhasi seNharireyomurindi mwedzi nomwedzi. Ava Vadzidzi veBhaibheri, semadanirwe avakazoitwa, vakakurumidza kuziva kuti chiKristudhomu chakanga chabvuma dzidziso dzechihedheni dzisiri dzomumagwaro, dzakadai sokufa kwomweya, hero yomoto, purigatori, mwari ari Vatatu, uye kubhabhatidzwa kwavacheche.
11 Zvisinei, zvinokosha zvikuru, ava vanoda chokwadi cheBhaibheri vakadzorera dzidziso dzinokosha dzeBhaibheri, dzakadai sokutengwa nechibayiro chorudzikinuro chaJesu nokumutsirwa kuupenyu husingaperi muparadhiso ine rugare muUmambo hwaMwari. Kupfuura zvose, kurevererwa kwaJehovha Mwari saChangamire Ishe wezvose zvakasikwa kwakasimbiswa. Vadzidzi veBhaibheri vaidavira kuti Munyengetero waShe wakanga wava kuda kupindurwa: “Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe noutsvene. Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.” (Mateo 6:9, 10) Vakanga vari kuumbwa nomudzimu mutsvene waMwari kuti vave nzanga yenyika yose yavaKristu vanoda rugare.
12. Vadzidzi veBhaibheri vakasvika sei pakuziva musi unokosha?
12 Kunyatsofunda ganhuro rechina raDhanieri nohumwe uporofita kwakaita kuti Vadzidzi veBhaibheri vabvume kuti kuvapo kwaJesu saMambo ari Mesiya kunofanira kuva pedyo. Vakaziva kuti 1914 waizova musi wekuguma kwe“nguva dzavahedheni.” (Ruka 21:24; Ezekieri 21:26, 27) Vadzidzi veBhaibheri vakakurumidza kukudza basa ravo, vachiumba makirasi eBhaibheri (akazonzi ungano) muUnited States mose. Pakuvamba kwerimwe zana ramakore racho, basa ravo redzidzo yeBhaibheri rakanga rava kupararira muEurope nomuAustralasia. Zvakanga zvava kuda kuronga kwakanaka.
13. Vadzidzi veBhaibheri vakawana nzvimbo ipi zviri pamutemo, uye ibasa ripi rakatanhamara rakaitwa napurezidhendi wokutanga weSosaiti?
13 Kuti Vadzidzi veBhaibheri vazivikanwe zviri pamutemo, Zion’s Watch Tower Tract Society yakaumbwa kuva sangano riri pamutemo muna 1884 muUnited States, ine dzimbahwe muPittsburgh, Pennsylvania. Vatungamiriri vayo vaishanda seDare Rinodzora, vachitarisira basa romunyika yose rokuparidza Umambo hwaMwari. Purezidhendi wokutanga weSosaiti, Charles T. Russell, akanyora mavhoriyamu matanhatu eStudies in the Scriptures uye akaita nzendo dzakareba dzokuparidza. Akapawo basa roUmambo mari yakawanda zvikuru yaakanga aunganidza asati atanga kufunda kwake Bhaibheri. Muna 1916, sezvo Great War yairura muEurope, Hama Russell vakanga vaneta—vakafira murwendo rwokunoparidza. Vakanga vapa zvose zvavakanga vanazvo kuti uchapupu pamusoro poUmambo hwaMwari hukure.
14. J. F. Rutherford ‘akarwa kurwa kwakanaka’ sei? (2 Timotio 4:7)
14 Joseph F. Rutherford, uyo akanga ari mutongi kwechinguvana muMissouri, akava purezidhendi akatevera. Somugumisiro wokutsigira kwake chokwadi cheBhaibheri asingatyi, vafundisi vechiKristudhomu vakabatana navezvematongerwe enyika muku“funga kuita zvakashata nemitemo.” Musi wa21 June 1918, Hama Rutherford nevamwe vadzidzi veBhaibheri vanomwe vaitungamirira vakaiswa mujeri, vane mitongo inoverengeka yepanguva imwe yemakore 10 kana kuti 20. Vadzidzi veBhaibheri vakarwisa. (Pisarema 94:20; VaFiripi 1:7) Pavakakwirira, vakasunungurwa musi wa26 March 1919, uye vakazonzi vasunungurwa zvakakwana pamhaka yenhema yavakanga vapomerwa yokupandukira.b Chiitiko ichi chakashanda kuti chivaumbe kuti vave vatsigiri vechokwadi vakasimba. Vachibetserwa naJehovha, vakaedza zvose zvavaigona kuti vakunde mukurwa kwomudzimu kuzivisa mashoko akanaka pasinei zvapo nokushora kweBhabhironi Guru. Kurwa ikoko kunopfuurira kusvikira kugore rino chairo ra1999.—Enzanisa naMateo, ganhuro 23; Johane 8:38-47.
15. Nei gore ra1931 rakanga richikosha munhau?
15 Muma1920 nomuma1930, vaIsraeri vaMwari vakazodzwa vakaramba vachiumbwa zvichitungamirirwa noMuumbi Mukuru. Chiedza chouporofita chomuMagwaro chakapenya, chichikudza Jehovha uye chichisimbisa Umambo hwaJesu ari Mesiya. Muna 1931 Vadzidzi veBhaibheri vakafara kugamuchira zita idzva, Zvapupu zvaJehovha.—Isaya 43:10-12; Mateo 6:9, 10; 24:14.
16 nebhokisi riri papeji 19. Nhamba yakakwana ye144 000 yakazadzwa rini, uye uchapupu hwei huripo hweizvi?
16 Muma1930 nhamba yeavo “vakadanwa, vatsvene, vakatendeka,” 144 000, yakaita seyakwana. (Zvakazarurwa 17:14; ona bhokisi riri papeji 19.) Hatizivi kuti vangani vevakasarira vakaunganidzwa muzana rokutanga ramakore uye kuti vangani vakaunganidzwa kubva mu“mashawi” mumazana amakore erima ekuramba kutenda kukuru kwechiKristudhomu. Asi muna 1935 munyika yose makanga mune vaparidzi vaikwana 52 465, vachibva munhamba yapamusoro ye56 153, vairatidza tariro yavo yokudenga nokudya zviratidzo zveChirangaridzo. Chii chaizoitika kune vakawanda vakanga vachiri kufanira kuunganidzwa?
“Tarirai! Boka Guru”
17. Chii chinokosha chakaitika muna 1935?
17 Pakokorodzano yakaitwa kubvira musi wa30 May kusvika musi wa3 June 1935, muWashington, D.C., U.S.A., Hama Rutherford vakapa hurukuro yakachinja vakawanda yaiva nomusoro waiti “Vazhinji-zhinji.”c Boka iri, rakanga ri“singagoni kuverengwa nomunhu,” raizooneka sezvo kuiswa chisimbiso kwokupedzisira kwe144 000 vaIsraeri vomudzimu kwakanga kwava kuguma. Avawo vaizova nokutenda musimba rorudzikinuro re“ropa reGwayana,” Jesu, ndokuita basa rinoyera mutemberi yaJehovha yokunamata. Seboka, vaizo“bva kukutambudzika kukuru” vari vapenyu, kuti vagare nhaka Paradhiso yapasi umo “rufu [rusingazovimozve].” Kwamakore anoverengeka kokorodzano iyoyo isati yaitwa, boka iri rakanga rave richitaurwa nezvaro savanaJonadhabhi.—Zvakazarurwa 7:9-17; 21:4; Jeremia 35:10.
18. Gore ra1938 rakanga richikosha munzira dzipi?
18 Gore ra1938 rakanga richikosha mukuziva zvakajeka mapoka maviri. Magazini eNharireyomurindi aMarch 15 naApril 1, 1938, akagovera fundo yaiva nezvikamu zviviri ye“Boka Rake” uye akajekesa nzvimbo dzinokosha dzevakasarira vakazodzwa neshamwari dzavo, boka guru. Ipapo magazini aJune 1 naJune 15 akanga ane nyaya dzefundo dzaitaura nezve“Sangano,” dzakavakirwa pana Isaya 60:17. Ungano dzose dzakakumbirwa kuti dzikumbire Dare Rinodzora kuti rigadze vashumiri vemunzvimbomo, nokudaro vachiunza gadziriro yakavandudzwa, yakagadzwa naMwari, youbati ushe hwaMwari. Ungano dzacho dzakaita izvozvo chaizvo.
19 nemashoko omuzasi. Ndezvipi zvinhu zvinoratidza kuti kudanwa kwe“mamwe makwai” kwave kuchipfuurira zvino kwamakore anopfuura 60?
19 Mushumo uri mu1939 Yearbook of Jehovah’s Witnesses wakati: “Vateveri vakazodzwa vaKristu Jesu zvino vari pasi pano vava vashomanene, uye nhamba yavo haizombofi yakawedzera. Ivava vanotaurwa muMagwaro se‘vakasarira’ vevana veZioni, sangano raMwari. (Zvakazarurwa 12:17) Zvino Ishe ari kuzviunganidzira ‘mamwe makwai’ ake, achaumba ‘vazhinji-zhinji.’ (Johane 10:16) Avo vari kuunganidzwa zvino ishamwari dzavakasarira, vanoshanda pamwe chete navakasarira. Kubvira panguva ino zvichienda mberi avo vanoumba ‘mamwe makwai’ vachawedzera kusvikira ‘vazhinji-zhinji’ vaunganidzwa.” Vakasarira vakazodzwa vakanga vaumbwa kuti vatarisire kuunganidzwa kweboka guru. Ivavawo vanofanira kuumbwa zvino.d
20. Ndokupi kumwe kuchinja zvesangano kwakaitika kubvira muna 1942?
20 Muna January 1942, Hondo Yenyika II payakanga yava kurura, Joseph Rutherford akafa uye akatsiviwa naNathan Knorr sapurezidhendi. Purezidhendi wechitatu weSosaiti anoyeukwa norudo zvikuru nokuda kwokutanga zvikoro zvoubati ushe hwaMwari muungano uye Chikoro cheGilead chokurovedza vafundisi. Pamusangano wegore negore weSosaiti muna 1944, akazivisa kuti bumbiro remitemo reSosaiti rakanga riri kugadziridzwa kuitira kuti kuva mutezo kuvakirwe, kwete pamipiro yemari, asi pakuva akakura mumudzimu. Mumakore 30 akazotevera, nhamba yavashandi vomumunda yakawedzera kubva pa156 299 kusvika ku2 179 256 munyika yose. Muna 1971-75 kumwe kuchinja zvesangano kwaifanira kuitwa. Munhu mumwe aishanda sapurezidhendi akanga asingachagoni kutarisira chaizvo basa roUmambo mupasi rose ari oga. Dare Rinodzora, rine vanochinjana kuita sachigaro, rakakudzwa kuva mitezo 18 yakazodzwa, inenge hafu yavo panguva ino yakapedza upenyu hwayo pasi pano.
21. Chii chakaita kuti mitezo yeboka duku ifanirwe noUmambo?
21 Mitezo yasara yeboka duku yakaumbwa mumakumi makore akawanda emiedzo. Zvavakagamuchira zvakajeka ‘uchapupu hwomudzimu, vanokurudzirwa.’ Jesu akavaudza kuti: “Imi ndimi makagara neni pamiidzo yangu. Ndinokugarisai nhaka youshe saBaba vangu vakandigarisa nhaka, kuti mugodya nokunwa patafura rangu muushe hwangu; muchagara pazvigaro zvoushe, muchitonga marudzi ane gumi namaviri avaIsraeri.”—VaRoma 8:16, 17; Ruka 12:32; 22:28-30.
22, 23. Boka duku namamwe makwai vari kuumbwa sei?
22 Sezvo nhamba yavakazodzwa nomudzimu vari pasi pano yaderera, hama dzakakura mumudzimu dzeboka guru dzakatarisira ungano dzose munyika yose mumudzimu. Uye sezvo Zvapupu zvakazodzwa zvokupedzisira zvakwegura zvinopedza upenyu hwazvo pasi pano, sa·rim youchinda yamamwe makwai ichava yanyatsorovedzwa kuti iite mabasa okutarisira seboka romuchinda pasi pano.—Ezekieri 44:3; Isaya 32:1.
23 Boka duku namamwe makwai zvakafanana, vanoramba vachiumbwa kuva midziyo inoshandiswa zvinokudzwa. (Johane 10:14-16) Tingava tine tariro ye“denga idzva” kana kuti ye“nyika itsva,” ngatibvumei nomwoyo wose kukokwa kwatinoitwa naJehovha kuti: “Imi farai mufarisise nokusingaperi pamusoro pezvandinosika; nokuti tarirai, ndinosika Jerusarema rive guta romufaro, navanhu varo vave nomufaro.” (Isaya 65:17, 18) Isu vanhu vasina simba nguva dzose ngatishandei nokuzvininipisa, tichiumbwa ne“simba rinopfuura romuzvarirwo”—simba raMwari romudzimu mutsvene!—2 VaKorinte 4:7, NW; Johane 16:13.
[Mashoko Omuzasi]
a ChiKristudhomu chakaramba kutenda, chaifananidzirwa navaIsraeri vakare, ngachinyeverwe nezvokutongwa naJehovha zvakafanana.—1 Petro 4:17, 18.
b Judge Manton, muRoma Katurike akanga aramba kusunungura Vadzidzi veBhaibheri pavakabhadhara mari yokuti vambosunungurwa vakamirira kutongwa, iye wacho akazosungwa gare gare, achinzi aiva nemhaka yokubvuma chiokomuhomwe.
c New World Translation of the Christian Greek Scriptures, rakabudiswa muna 1950, rinoshandisa “boka guru” seshanduro iri nani yeshoko rakafuridzirwa rechiGiriki.
d Muna 1938 vakapinda Chirangaridzo munyika yose vakanga vari 73 420, vanhu 39 225—53 muzana yavaivapo—vachidya zviratidzo. Pakasvika 1998 vaipinda vakanga vawedzera kuva 13 896 312, 8 756 bedzi vachidya, avhareji yomunhu mumwe anodya paungano 10 dzoga dzoga.
Unoyeuka Here?
◻ Achibvuma kuumbwa naBaba vake, Jesu akava sei Muenzaniso wedu?
◻ Ndokupi kuumbwa kwakaitika muvaIsraeri vakare?
◻ “VaIsraeri vamwari” vakaumbwa sei kusvikira zvino?
◻ “Mamwe makwai” akaumbirwei?
[Bhokisi riri papeji 18]
Kumwe Kuumba muchiKristudhomu
Rimwe sangano rinoparadzira mapepanhau eAssociated Press rokuAthens, Greece, rakashuma sezvinotevera nezvomutungamiriri achangobva kugadzwa weGreek Orthodox Church: “Anofanira kuva ari mutumwa worugare. Asi mutungamiriri weGreek Orthodox Church wacho ari kuita somukuru mukuru wehondo agadzirira kurwa.
“‘Tagadzirira, kana zvakafanira, kuteura ropa ndokuita zvibayiro. Isu, sechechi, tinonyengeterera rugare. . . Asi tinokomborera zvombo zvinoyera kana nguva yacho yasvika,’ akadaro Archbishop Christodoulos nguva pfupi yapfuura paKupembererwa kwezuva dzvene reMhandara, rinopembererwawo sezuva ramauto eGreece.”
[Bhokisi riri papeji 19]
“Hapasisinazve Vamwe Vachawedzerwa!”
Pazuva rokupedza kufunda kweGilead muna 1970, Frederick Franz, aiva mutevedzeri wapurezidhendi weWatch Tower Society panguva iyoyo, akaudza vadzidzi kuti zvaigona kuita kuti ivo, vose vakanga vari vamamwe makwai vane tariro yapasi, vangabhabhatidza mumwe munhu angataura kuti ndewevakasarira vakazodzwa. Izvi zvaigona kuitika here? Zvisinei, akatsanangura kuti Johane Mubhabhatidzi akanga ari wamamwe makwai, uye akabhabhatidza Jesu navamwe vaapostora. Akazobvunza kuti pakanga pachine kudana kwokuunganidza vamwe vakasarira here. “Aiwa, hapasisinazve vamwe vachawedzerwa!” akadaro. “Kudana ikoko kwakaguma kare ikoko muna 1931-35! Hapasisinazve vamwe vachawedzerwa. Saka, ndivanaani vatsva vashomanene vari kusonganira vari kudya zviratidzo zveChirangaridzo? Kana vari vakasarira, vatsivi! Vatsivi vevaya vangadaro vakaramba kutenda, kwete vanowedzerwa pane vakazodzwa.”
[Mufananidzo uri papeji 15]
Tinokoshesa sei pfuma yedu yebasa!
[Mufananidzo uri papeji 16]
VaIsraeri vakare vakava mudziyo wakangofanira kuparadzwa bedzi