Muumbi Mukuru Nebasa rake
“[I]va mudziyo unokudzwa, . . . wakagadzirirwa mabasa ose akanaka.”—2 TIMOTIO 2:21.
1, 2. (a) Kusika kwaMwari murume nomukadzi kwakanga kuri basa guru sei? (b) Muumbi Mukuru akasikirei Adhama naEvha?
JEHOVHA ndiye Muumbi Mukuru. Basa rounyanzvi raakasika rakanga riri mubereki wedu wokutanga, Adhama. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake; munhu akava mweya mupenyu,” kureva kuti, “chisikwa chinofema.” (Genesi 2:7, mashoko omuzasi muNW) Munhu akatanga kusikwa iyeye akanga akakwana, akasikwa nomufananidzo waMwari chaiwo, uchapupu hwouchenjeri Hwake nokuda kwake kururama kwechokwadi nekururamisira.
2 Achishandisa zvaibva pambabvu yaAdhama, Mwari akaumbawo mukwanisi nomubetseri womurume—mukadzi. Kunaka kwaEvha kwakakwana kwakapfuura kunyange kwomukadzi akanakisisa nhasi. (Genesi 2:21-23) Uyezve, vanhu vaviri vokutanga vakapiwa miviri nemano zvakagadzirwa zvakakwana kuti vaite basa ravo ravakapiwa rokuita kuti pasi rino rive paradhiso. Vakapiwawo simba rokuita murayiro waMwari unotaurwa pana Genesi 1:28: “Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.” Pakupedzisira, bindu iri renyika yose raifanira kuzadzwa namabhiriyoni avanhu vanofara, vakabatanidzwa murudzi rworudo rwuri “chisungo chinokwanisa.”—VaKorose 3:14.
3. Vabereki vedu vokutanga vakava sei midziyo isingakudzwi, uye zvakaguma nei?
3 Zvinosuruvarisa kuti, namaune vabereki vedu vokutanga vakafunga kupandukira chiremera chaChangamire Musiki wavo, Muumbi Mukuru. Zvavakaita zvakafanana nezvakarondedzerwa pana Isaya 29:15, 16: “Vane nhamo vanotsvaka kuvanzira Jehovha mano avo pakadzika, mabasa avo ari murima, vachiti: Ndiani unotiona, ndiani unotiziva? . . . Ko muumbi wehari wakaenzana nevhu here, kuti chakaitwa chiti pamusoro pomuiti wacho: Iye haana kundiita; kana chakaumbwa chiti pamusoro pomuumbi wacho: Iye haana njere?” Kutsauka kwavo kwakaparira rushambwa—mutongo wokufa kusingagumi. Uyezve, rudzi rwose rwavanhu rwakabva kwavari rwakagara nhaka chivi norufu. (VaRoma 5:12, 18) Kunaka kwezvakasikwa noMuumbi Mukuru kwakakanganiswa zvikuru.
4. Tingashandira chinangwa chipi chinokudzwa?
4 Zvisinei, kunyange nokusakwana kwedu kwazvino, isu vazukuru vaAdhama akatadza tinogona kurumbidza Jehovha namashoko ePisarema 139:14 anoti: “Ndichakuongai; nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa; mweya wangu unozviziva kwazvo.” Zvisinei, zvinosuruvarisa zvakadini, kuti basa rakatanga kuitwa noMuumbi Mukuru rakanganiswa zvakaipa kudaro!
Muumbi Anokudza Basa Rake
5. Unyanzvi hwoMuumbi Mukuru hwaifanira kuzoshandiswa sei?
5 Zvinofadza kuti, unyanzvi hwoMusiki wedu soMuumbi hwaifanira kuzoshandiswa kupfuura kuumbwa kwavanhu vaakatanga kusika. Muapostora Pauro anotiudza kuti: “Zvino iwe munhu, ndiwe aniko, unopindura Mwari? Ko chakaumbwa chingati kune wakachiumba: Wandiitireiko kudai? Ko muumbi wehari haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe aite mudziyo mumwe wakakudzwa, nomumwe usina kukudzwa?”—VaRoma 9:20, 21.
6, 7. (a) Vakawanda nhasi vanosarudza sei kuumbwa kuti vasakudzwa? (b) Vakarurama vanoumbwa sei kuti vashandiswe zvinokudzwa?
6 Hungu, rimwe rebasa roMuumbi Mukuru richaumbwa kuti rishandiswe zvinokudzwa, uye rimwe, zvisingakudzwi. Vaya vanosarudza kufambirana nenyika sezvainonyura zvikuru mumadhaka okusada Mwari vanoumbwa nenzira ichavaratidza kuti ndevokuparadzwa. Mambo ane mbiri, Kristu Jesu, paanouya kuzotonga, midziyo isina kukudzwa yakadaro ichabatanidza vanhu vose vane nharo vakafanana nembudzi avo, “vachaenda kukurohwa kusingaperi,” sokutaura kunoita Mateo 25:46. Asi “vakarurama” vakafanana namakwai, avo vakaumbwa kuti vashandiswe zvino“kudzwa,” vachagara nhaka “upenyu husingaperi.”
7 Nokuzvininipisa, ava vakarurama vachava vabvuma kuumbwa naMwari. Vakapinda munzira yaMwari youpenyu. Vakabvuma zano rinowanwa pana 1 Timotio 6:17-19: “[Usa]vimba nepfuma isingagari, asi naMwari, unotipa zvose achiwanza, kuti tifare nazvo.” Vakazvishandisa “kuti vaite zvakanaka, vave vapfumi pamabasa akanaka, vafarire kupa vamwe, nokugovana; vazvirongedzere nheyo dzakanaka dzenguva inouya, kuti vabatisise upenyu chaihwo.” Vanoumbwa nechokwadi chaMwari uye vanova nokutenda kusingazununguswi mune zvinopiwa naJehovha achishandisa Kristu Jesu, “wakazvipa iye, kuti ave rudzikinuro” kuitira kuti adzorere zvose zvakaraswa kuburikidza nechivi chaAdhama. (1 Timotio 2:6) Saka, tinofanira sei kuda kubvuma zano raPauro roku“[zvipfekedza] unhu hutsva, uhwo nezivo yakarurama hunoitwa hutsva [hunoumbwa] maererano nomufananidzo weUyo akahusika”!—VaKorose 3:10, NW.
Uchava Mudziyo Worudzii?
8. (a) Chii chinoratidza kuti munhu achava mudziyo worudzii? (b) Zvinhu zvipi zviviri zvinoratidza maumbirwe emunhu?
8 Chii chinoratidza kuti munhu achava mudziyo worudzii? Mafungiro ake nomufambiro. Izvi zvinotanga kuumbwa nezvinoshuviwa nekudiwa nemwoyo. Mambo akachenjera Soromoni akati: “Mwoyo womunhu unozvifungira nzira yake; asi Jehovha unorayirira kufamba kwake.” (Zvirevo 16:9) Chepiri, zvinoumbwa nezvinhu zvinoonekwa nokunzwiwa, shamwari nezvakaitika. Saka, zvinokosha zvakadini kuti titeerere zano rokuti: “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.” (Zvirevo 13:20) Sokunyeverwa kwatinoitwa na2 Petro 1:16, tinofanira kudzivisa kutevera “ngano dzokufungwa nenjere,” kana kuti maererano neshanduro yaKnox yeRoman Catholic, “ngano dzakatangwa navanhu.” Izvi zvingabatanidza dzidziso dzakawanda nemitambo zvavakaramba kutenda vechiKristudhomu.
9. Tingabvuma sei zvakanaka kuumbwa noMuumbi Mukuru?
9 Saka, Mwari anogona kutiumba maererano nekuita kwedu. Nokuzvininipisa pamberi paJehovha, tinogona kudzokorora munyengetero waDhavhidhi: “Ndinzverei, Mwari, muzive mwoyo wangu; ndiidzei, muzive ndangariro dzangu; mutarire kana pane nzira yakaipa mandiri, mundifambise munzira isingaperi.” (Pisarema 139:23, 24) Jehovha ari kuita kuti shoko roUmambo riparidzwe. Mwoyo yedu yakabvuma nokuonga mashoko akanaka uye kumwe kutungamirira kwake. Achishandisa sangano rake anotitambanudzira ropafadzo dzakasiyana-siyana dzine chokuita nokuparidza mashoko akanaka; ngatidzibatisisei uye tidzide.—VaFiripi 1:9-11.
10. Tinofanira kuzvishandisa sei mukutevera purogiramu dzomudzimu?
10 Zvinokosha kwazvo kuti titeerere Shoko raMwari nguva dzose, tichitevera purogiramu yezuva nezuva yokurava Bhaibheri nokukurukura zvomuMagwaro nebasa raJehovha mumhuri dzedu uye neshamwari dzedu. Purogiramu yokunamata kwamangwanani inoitwa patafura dzechisvusvuro nemhuri yeBheteri yoga yoga neboka ravafundisi veZvapupu zvaJehovha inowanzobatanidza kuraviwa kupfupi kweBhaibheri kana kuti kweYearbook yegore racho, vachizvichinjanisa vhiki nevhiki. Mhuri yenyu ingava nepurogiramu yakafanana here? Tose tinobetserwawo zvakadini, nokushamwaridzana kwedu muungano yechiKristu, mumisangano yedu pamwe chete, uye kunyanya nokupindura kwedu mufundo yeNharireyomurindi yevhiki nevhiki!
Kuumbwa Kuti Ukurire Miedzo
11, 12. (a) Tingashandisa sei zano raJakobho pamusoro pemiedzo muupenyu hwedu hwezuva nezuva? (b) Zvakaitika kuna Jobho zvinotikurudzira sei kuramba takatendeka?
11 Muupenyu hwedu hwezuva nezuva, Mwari anobvumira kuti zvimwe zvinhu zviitike, zvimwe zvatingaona zvakaoma. Tinofanira kuzviona sei? Sokupa zano kunoita Jakobho 4:8, ngatisambotsamwai, asi ngatiswederei kuna Mwari, tichivimba naye nemwoyo wedu wose, tine chivimbo chokuti sezvatino‘swedera kwaari naye, achaswedera kwatiri.’ Chokwadi, tichafanira kutsungirira kutambura nemiedzo, asi zvinobvumirwa kuti zvibetsere kuumbwa kwedu, zvichizoguma nenzira inofadza. Jakobho 1:2, 3 inotivimbisa kuti: “Hama dzangu, muti mufaro bedzi kana muchiwira mumiidzo mizhinji; muchiziva kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira.”
12 Jakobho anotiwo: “Kana munhu achiidzwa, ngaarege kuti ndinoidzwa naMwari; nokuti Mwari haangaidzwi nezvakaipa, naiye amene haangaidzi munhu. Asi munhu mumwe nomumwe unoidzwa kana achikwehwa nokuchiva kwake achinyengerwa.” (Jakobho 1:13, 14) Miedzo yedu ingava yakawanda uye yakasiyana-siyana, asi sezvakaitika kuna Jobho, yose ine chimwe chinhu chainoita mukutiumba. Magwaro anotipa vimbiso yakaisvonaka zvakadini pana Jakobho 5:11 yokuti: “Tarirai, vakatsunga mwoyo tinoti vakaropafadzwa; makanzwa zvokutsungirira kwaJobho, makaona Ishe zvaakavavarira naye, kuti Ishe une mwoyo munyoro kwazvo, une tsitsi.” Semidziyo iri mumaoko oMuumbi Mukuru, ngatirambei takatendeka nguva dzose, tine chivimbo chakafanana nechaJobho mune zvichazoitika!—Jobho 2:3, 9, 10; 27:5; 31:1-6; 42:12-15.
Kuumba Vaduku Vedu
13, 14. (a) Vabereki vanofanira kutanga kuumba vana vavo rini, uye vachifunga nezvemugumisiro wei? (b) Migumisiro ipi inofadza yaungataura semienzaniso?
13 Vabereki vanogona kugoverana kuumba vaduku vavo, kubvira vana vachiri vacheche, uye pwere dzedu dzinogona kuzova dzakatendeka zvakadini! (2 Timotio 3:14, 15) Izvi zvave zviri chokwadi kunyange apo miedzo yacho yainge yakanyanyisa. Makore akapfuura, apo chitambudzo chaiva chakakura zvikuru mune imwe nyika yeAfrica, imwe mhuri yakavimbika yaitarisira kudhindwa kweNharireyomurindi pachivande mumumvuri waiva seri kwemba. Rimwe zuva varwi vakanga vachidzika nomugwagwa, vachitsvaka majaya okuti vapinze muuto paimba nemba. Pakanga pachine nguva yokuti majaya maviri omumhuri iyi avande, asi kutsvaka kwaizoitwa navarwi zvechokwadi kwaizoita kuti muchina wokudhinda uonekwe. Izvi zvaigona kuita kuti vatambudzwe kana kuti zvimwe mhuri yacho yose iurawe. Chii chaigona kuitwa? Majaya acho maviri akataura zvakajeka, achitaura noushingi mashoko aJohane 15:13: “Hakuna munhu une rudo rukuru kune urwu, kuti munhu arashire hama dzake upenyu hwake.” Vakasimbirira kuti vaizoramba vakagara muimba yokutandarira. Varwi vaizovawana uye pasina mubvunzo vaizovarwadzisa noutsinye kana kuti kutovauraya pavairamba kupinzwa muchiuto. Asi vakanga vasingazorambi vachitsvaka. Muchina wokudhinda nemimwe mitezo yemhuri zvaizoponeswa. Zvisinei, zvakazoguma zvaitika zvinoshamisa. Varwi vacho vakapfuura imba iyi imwe, vachienda kune dzimwe! Midziyo iya iri vanhu yakaumbwa kuti ishandiswe zvinokudzwa yakapukunyuka, pamwe chete nomuchina wokudhinda, kuti ipfuurire ichibudisa zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira. Mumwe wemajaya acho nehanzvadzi yake zvino vava kushanda paBheteri; jaya iroro richiri kushandisa muchina uya wokudhinda.
14 Vaduku vangadzidziswa kunyengetera, uye Mwari wedu anopindura minyengetero yavo. Muenzaniso mukuru weizvi wakaitika munguva yekuurayana kwemuRwanda. Apo mwana ane makore matanhatu navabereki vake vakanga vanzi navapanduki vagadzirire kuurawa negrenade rinokandwa nemaoko, mwanasikana wacho akanyengetera zvinonzwika uye nomwoyo wose kuti vaponeswe kuitira kuti vagoramba vachishandira Jehovha. Vakanga vachida kuvauraya vakanzwa voda kuvarega, vachitaura kuti: “Hatingakuurayei nemhaka yomusikana uyu muduku.”—1 Petro 3:12.
15. Pauro akanyevera nezvepesvedzero dzipi dzinoshatisa?
15 Vakawanda kwazvo vevaduku vedu havafaniri havo kuwirwa nemamiriro ezvinhu akaoma searondedzerwa pamusoro apa, asi pane miedzo yakawanda yavanosangana nayo kuchikoro uye munzanga dzakaipa nhasi: mutauro wakaora, zvevatano, varaidzo yakashata, uye kuda kufanana nevezera rako kuti uite zvinhu zvisina kunaka zviri kupararira munzvimbo dzakawanda. Pauro akanyevera anyeverazve nezvepesvedzero idzi.—1 VaKorinte 5:6; 15:33, 34; VaEfeso 5:3-7.
16. Munhu angava sei mudziyo unoshandiswa zvinokudzwa?
16 Ataura nezvemidziyo “mimwe inokudzwa, mimwe isingakudzwi,” Pauro anoti: “Naizvozvo kana munhu achizvinatsa kwazvo pazvinhu izvi, uchava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa raTenzi, wakagadzirirwa mabasa ose akanaka.” Saka ngatikurudzirei pwere dzedu kuti dzingwarire shamwari dzadzo. Ngadzi“tiz[e] kuchiva kwoujaya, [dzi]vinge kururama, nokutenda, norudo, norugare, pamwe chete navanodana kunaShe nomwoyo wakachena.” (2 Timotio 2:20-22) Purogiramu yemhuri yoku“simbisan[a]” inogona kuva inokosha mukuumba pwere dzedu. (1 VaTesaronika 5:11; Zvirevo 22:6) Kurava Bhaibheri zuva nezuva nokufunda, muchishandisa mabhuku eSosaiti akakodzera, kungabetsera zvakaisvonaka.
Kuumba Vanhu Vose
17. Kurangwa kuchatiumba sei, uye zvichiguma nechii chinofadza?
17 Kuti atiumbe, Jehovha anopa zano rinobva muShoko rake uye achishandisa sangano rake. Usambofa wakaramba zano raMwari rakadaro! Rigamuchire nokuchenjera, uye riite kuti rikuumbe kuti ushandiswe naJehovha zvinokudzwa. Zvirevo 3:11, 12 inopa zano rokuti: “Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha; usaneta nokurayira kwake. Nokuti Jehovha unorayira mudikanwa wake; sezvinoita baba mwanakomana wavo wavanofarira.” Rimwe zano rakaita serababa rinopiwa pana VaHebheru 12:6-11: “Waanoda Ishe unomuranga, . . . Zvino kuranga kwose, kana kuchaitwa, kwakaita sokusingafadzi, kunochemedza; asi pashure kunoberekera ivo, vakadzidziswa nako, zvibereko zvorugare, ndizvo zvibereko zvokururama.” Nzira huru yokuranga kwakadaro inofanira kuva Shoko raMwari rakafuridzirwa.—2 Timotio 3:16, 17.
18. Pamusoro pokupfidza, tinodzidzei muna Ruka ganhuro 15?
18 Jehovha ane tsitsiwo. (Eksodho 34:6) Panoratidzwa kupfidza kunobva pamwoyo kunyange pachivi chakakura kwazvo, anokanganwira. Kunyange ‘vapambadzi’ vomuzuva ranhasi vanogona kuumbwa kuva midziyo inoshandiswa zvinokudzwa. (Ruka 15:22-24, 32) Zvivi zvedu zvingasava zvakakura seizvo zvomupambadzi. Asi kugamuchira kwedu zano romuMagwaro nokuzvininipisa kuchagaroita kuti tiumbwe kuva midziyo inoshandiswa zvinokudzwa.
19. Tingaramba sei tichishanda semidziyo inokudzwa mumaoko aJehovha?
19 Patakatanga kudzidza chokwadi, takaratidza kuda kuti Jehovha atiumbe. Takasiya nzira dzenyika, takatanga kupfeka unhu hutsva, uye takava vaKristu vakazvitsaurira uye vakabhabhatidzwa. Takateerera zano raVaEfeso 4:20-24, ‘tichibvisa unhu hwekare hwaiwirirana newaimbova mufambiro wedu, nezvishuvo zvawo zvokunyengera, uye tichipfeka unhu hutsva hwakasikwa maererano nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika kwechokwadi.’ Somunhu oga ngatipfuurirei kuchinjika mumaoko aJehovha, Muumbi Mukuru, nguva dzose tichishanda semidziyo inoshandiswa naye zvinokudzwa!
Kuhwirudzura
◻ Chinangwa choMuumbi Mukuru nezvepasi redu ndechipi?
◻ Ungaumbwa sei kuti ushandiswe zvinokudzwa?
◻ Vana vedu vangaumbwa nenzira ipi?
◻ Tinofanira kuona sei kurangwa?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Uchaumbwa kuti ushandiswe somudziyo unokudzwa here kana kuti ucharambwa?
[Mufananidzo uri papeji 12]
Vaduku vanogona kuumbwa kubvira vachiri vacheche