RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 3/1 pp. 24-29
  • Makore Anopfuura 40 Tichirambidzwa Kunamata Nechikomonisti

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Makore Anopfuura 40 Tichirambidzwa Kunamata Nechikomonisti
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chokwadi cheBhaibheri Chinosvika Kwatiri
  • Kuita Zvandakadzidza
  • Muedzo Wangu Wokutanga Wakauya Kamwe Kamwe
  • Kuiswa Mujeri Uye Kutapwa
  • Basa Romudzimu Mujeri
  • Nemhuri Yanguzve
  • Kutaurirana Nevari Kumisasa
  • Kutamazve Uye Matambudziko
  • Mhuri Yedu Inopararira Kure
  • Zvikomborero Zvokutsungirira
  • Ndakakurira Miedzo Yokushumira Mwari
    Mukai!—2005
  • Ndakaendeswa Kuutapwa kuSiberia!
    Mukai!—1999
  • Chandinoda Zvikuru—Kuramba Ndakavimbika
    Mukai!—2000
  • Kutsungirira Matambudziko Kunounza Makomborero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 3/1 pp. 24-29

Makore Anopfuura 40 Tichirambidzwa Kunamata Nechikomonisti

YAKATAURWA NAMIKHAIL VASILEVICH SAVITSKII

Nharireyomurindi yaApril 1, 1956, yakashuma kuti “kudzingwa kukuru” kweZvapupu zvaJehovha kwakaitwa pamisi ya1, 7, na8 April 1951. “Iyi misi isingakanganwiki nezvapupu zvaJehovha zviri muRussia,” yakatsanangura kudaro Nharireyomurindi. “Pamazuva matatu aya zvapupu zvaJehovha zvose zvaigona kuwanika muWestern Ukraine, White Russia [Belarus], Bessarabia, Moldavia, Latvia, Lithuania neEstonia—varume nevakadzi vanopfuura zviuru zvinomwe. . . zvakatutirwa mungoro, zvikaendeswa kuzviteshi zvezvitima ndokuiswa mumatiroko emombe ndokuendeswa kure.”

MUSI wa8 April 1951, mudzimai wangu, mwanakomana wangu akanga ane mwedzi misere, vabereki vangu, munun’una wangu, uye zvimwe Zvapupu zvakawanda vakadzingwa mudzimba dzavo mukati nokunze kweTernopol’, Ukraine. Vatutirwa mumatiroko emombe, vakafamba kweanenge mavhiki maviri. Pakupedzisira, vakaburutswa musango reSiberia (sango rinotonhora) kumadokero kweLake Baikal.

Nei ndisina kubatanidzwa mukudzingwa uku? Ndisati ndarondedzera kuti ndakanga ndiri kupi panguva iyoyo uye chakazoitika kwatiri tose, regai ndikuudzei kuti ndakava sei Chapupu chaJehovha.

Chokwadi cheBhaibheri Chinosvika Kwatiri

Muna September 1947, pandakanga ndichingova nemakore 15, zvimwe Zvapupu zvaJehovha zviviri zvakasvika pamba pedu mumusha muduku weSlaviatin, makiromita anenge 50 kubva kuTernopol’. Ini naAmai vangu zvatakagara tichiteerera vaduku ava—mumwe wacho ainzi Maria—ndakaziva kuti ichi chakanga chisiri chimwe chitenderowo zvacho. Vakatsanangura zvavaitenda uye vakapindura mibvunzo yedu yeBhaibheri zvakajeka.

Ndaidavira kuti Bhaibheri rakanga riri Shoko raMwari, asi ndaiodzwa mwoyo nechechi. Sekuru vaigaroti: “Vapristi vanotyisidzira vanhu nokutaura kuti kune kutambudzwa mumoto wehero, asi ivo vapristi vacho hapana chavanotya. Vanongobira nokunyengedza varombo.” Ndinoyeuka zviito zvechisimba nokupisirwa zvinhu kwevagari vomumusha wedu vechiPolish pamavambo peHondo Yenyika II. Zvinotyisa kuti kudenha uku kwakarongwa nomupristi weKaturike Yokumabvazuva. Izvozvo zvaitika ndakaona vakawanda vakanga vaurayiwa, uye ndakanga ndichida kuziva zvikonzero zvoutsinye hwakadaro.

Zvandakafunda Bhaibheri neZvapupu, ndakatanga kunzwisisa. Ndakadzidza zvokwadi dzinokosha dzeBhaibheri, kubatanidza kuti hakuna hero inopfuta uye kuti Satani Dhiyabhorosi anoshandisa chitendero chenhema kuti akurudzire hondo nokuteurwa kweropa. Nguva nenguva, ndaimbomira pandainge ndichifunda ndoga ndokumbonyengetera zvinobva pamwoyo ndichionga Jehovha nokuda kwezvandakanga ndichidzidza. Ndakatanga kutaurirawo munun’una wangu Stakh zvokwadi dzeBhaibheri idzi, uye ndakafara zvikuru paakadzigamuchira.

Kuita Zvandakadzidza

Ndakaziva kuti ndaifanira kuchinja zvandaiita uye ndakabva ndarega kusvuta. Ndakanzwisisawo kuti ndaifanira kuungana nevamwe nguva dzose kuti tifunde Bhaibheri zvakarongwa. Kuti ndiite izvi ndaifamba nomusango makiromita anenge gumi kuti ndisvike kunzvimbo yakavanda yaiitirwa misangano yacho. Dzimwe nguva vakadzi vashomanene chete vaigona kusvika kumusangano wacho, uye nyange zvazvo ndakanga ndisati ndabhabhatidzwa, ndaikumbirwa kuiitisa.

Zvaiva zvine ngozi kuva nemabhuku eBhaibheri, uye kubatwa unawo kwaigona kuita kuti ugume watongerwa kugara mujeri kwemakore angasvika 25. Nyange zvakadaro, ndaishuva kuva neraibhurari yangu. Mumwe muvakidzani wedu akanga afunda neZvapupu zvaJehovha, asi pamusana pokutya, akarega ndokuviga mabhuku ake mubindu rake. Ndakazoonga Jehovha sei murume wacho paakafukunura mabhuku ake ose nemagazini ndokubvuma kuti ndiatore! Ndakaaviga mumikoko yenyuchi yaBaba vangu, musina vamwe vaizombofunga kutsvaka imomo.

Muna July 1949, ndakatsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha uye ndakabhabhatidzwa ndichiratidza kuzvitsaurira kwangu. Ndiro zuva randakafara zvikuru muupenyu hwangu. Chapupu chakandibhabhatidza pachivande chakasimbisa kuti hazvisi nyore kuva muKristu wechokwadi uye kuti miedzo yakawanda yakanga iri mberi. Nenguva isipi ndakaona kuti mashoko ake akanga ari echokwadi sei! Nyange zvakadaro, upenyu hwangu seChapupu chakabhabhatidzwa hwakatanga nomufaro. Mwedzi miviri ndabhabhatidzwa, ndakaroora Maria, mumwe wevaviri vakanga vaita kuti ini naAmai tizive chokwadi.

Muedzo Wangu Wokutanga Wakauya Kamwe Kamwe

Musi wa16 April 1950, ndakanga ndichidzoka kumba ndichibva kudhorobha duku rePodgaitsi masoja paakaerekana asangana neni ndokuwana mamwe mabhuku eBhaibheri andakanga ndichienda nawo kuboka redu refundo. Ndakasungwa. Pamazuva okutanga okusungwa, ndakarohwa neshamhu, uye handina kubvumirwa kudya kana kurara. Ndakanzizve nditonone nokusimuka maoko angu ari pamusoro pomusoro wangu kane zana, zvandakanga ndisingagoni kupedza nemhaka yokunyanyoneta. Izvi zvapera ndakakandwa pauriri hwaiva pasi hwaitonhora, hwakanga hwakanyorova kwemaawa 24.

Vaindibata zvisina kufanira kuitira kuti vandinetese uye kuti zvive nyore kuwana mashoko kwandiri. “Mabhuku wakaawana kupi, uye wakanga uchiaendesa kuna ani?” vakabvunza. Ndakaramba kubudisa chinhu chero chipi zvacho pachena. Ipapo ndakaravirwa chikamu chomutemo chandakanga ndichizotongwa nacho. Chaiti kuparadzira nokuchengeta mabhuku anorwisana nechiSoviet kwairangwa nokuurayiwa kana kuti kuiswa mujeri kwemakore 25.

“Ungada chirango chipi?” vakabvunza.

“Hapana,” ndakapindura, “asi ndinovimba naJehovha, uye nokubetsera kwake ndichagamuchira chero chaanobvumira.”

Ndakashamiswa kuti vakandisunungura kwapera mazuva manomwe. Chiitiko ichocho chakandibetsera kunzwisisa uchokwadi hwevimbiso yaJehovha inoti: “Handingatongokuregeri, handingatongokusiyi.”—VaHebheru 13:5.

Pandakadzoka kumba, ndakanga ndava kurwara zvikuru, asi Baba vakandiendesa kuna chiremba, uye ndakakurumidza kupora. Nyange zvazvo Baba vakanga vasingatendi zvaitendwa nemhuri yose, vaititsigira pakunamata kwedu.

Kuiswa Mujeri Uye Kutapwa

Kwapera mwedzi yakati kuti ndakasarudzwa kuti ndishande muuto reSoviet. Ndakatsanangura kuti ndakanga ndisingadi nemhaka yehana. (Isaya 2:4) Nyange zvakadaro, muna February 1951, ndakatongerwa makore mana uye ndakatumirwa kujeri raiva kuTernopol’. Pava paya ndakatamisirwa kune rimwe raiva kuL’viv, guta rakati kurei riri makiromita 120 kubva ipapo. Ndiri mujeri ikoko, ndakaziva kuti Zvapupu zvakawanda zvakanga zvaendeswa kuSiberia.

Muchirimo cha1951, boka redu rakaendeswa mberi kweSiberia, kuFar East. Takafamba kwemwedzi—makiromita 11 000—tichiyambuka nharaunda 11 dzinoshandisa nguva yakafanana! Kanongova kamwe chete patakamira panzvimbo yatakabvumirwa kugeza, kwapera mavhiki anopfuura maviri tiri muchitima. Yakanga iri imba huru inogezera vanhu vakawanda yaiva muNovosibirsk, Siberia.

Ikoko, ndakanzwa mumwe murume pakati peboka guru revasungwa, achiti nenzwi guru: “Ndiani pano ari wemhuri yaJonadhabhi?” Shoko rokuti “Jonadhabhi” panguva iyoyo raishandiswa kuzivisa vaya vaiva netariro youpenyu husingaperi pasi pano. (2 Madzimambo 10:15-17; Pisarema 37:11, 29) Vasungwa vanoverengeka vakabva vazvizivisa seZvapupu. Takakwazisana nomufaro wakadini!

Basa Romudzimu Mujeri

Patakanga tiri muNovosibirsk takatenderana rimwe shoko rakavanda rataizozivana naro kana tasvika kwataienda. Tose takapedzisira tava mumusasa umwe wejeri muGungwa reJapan, kusiri kure neVladivostok. Ikoko takaronga misangano yenguva dzose yokufunda Bhaibheri. Kuva nehama idzi dzakanga dzakakura mumudzimu, dzakanga dzayaruka dzaive dzatongerwa kugara mujeri kwenguva yakareba chokwadi kwakandisimbisa mumudzimu. Vaiita majana okuitisa misangano yedu, achishandisa magwaro eBhaibheri nepfungwa dzakafanana dzaaiyeuka dzaibva mumagazini eNharireyomurindi.

Mibvunzo yaibvunzwa, uye hama dzaipindura. Vakawanda vedu taibvarura mapepa pamasaga akapera samende ndokunyora zvinonyorwa zvetsinhiro dzacho paari. Taichengeta zvinonyorwa zvacho ndokuzvibatanidza kuti tizvishandise seraibhurari yedu yomunhu oga yokunongedzera. Mwedzi mishomanene yapera, vaya vakanga vane mitongo yakareba vakatumirwa kumisasa yaiva kure kuchamhembe kweSiberia. Vatatu vedu isu hama dzakanga dziri duku takatamisirwa kuNakhodka, guta raiva pedyo makiromita asingasviki 650 kubva kuJapan. Ndakapedza makore maviri ndiri mujeri ikoko.

Dzimwe nguva taiwana kopi yeNharireyomurindi. Yaishanda sezvokudya zvomudzimu kwatiri kwemwedzi inoverengeka. Kwapera nguva yakati, takagamuchirawo tsamba. Yokutanga yandakagamuchira kubva kumhuri yangu (iyo zvino yakanga iri muutapwa) yakandisvimhisa misodzi. Yakatsanangura kuti, sezvarondedzerwa muNharireyomurindi yanokorwa mashoko pakutanga, mudzimba dzeZvapupu makanga mapindwa uye mhuri dzakanga dzapiwa maawa maviri chete kuti dzibve.

Nemhuri Yanguzve

Ndakasunungurwa muna December 1952, ndashanda makore maviri pamutongo wangu wemakore mana. Ndakabatana nemhuri yangu mumusha muduku weGadaley pedyo neTulun, Siberia, kwayakanga yaendeswa. Ichokwadi, zvaifadza kuva navo zvakare—mwanakomana wangu Ivan akanga ava kuda kusvitsa makore matatu, uye mwanasikana wangu Anna akanga ava kuda kusvitsa makore maviri. Zvisinei, rusununguko rwangu rwakanga rwusina kunyanya. Pasipoti yangu yakatorwa nezviremera, uye ndakaongororwa zvose zvandaiita. Ndakanga ndisingakwanisi kufamba makiromita anopfuura matatu kubva pamba. Pave paya, ndakazenge ndava kubvumirwa kukwira bhiza ndichienda kumusika kuTulun. Ndichingwarira, ndakasangana nevamwe vaiva Zvapupu seni ikoko.

Panguva iyoyo, takanga tava nevanasikana vaviri, Anna naNadia, uye vanakomana vaviri Ivan naKolya. Muna 1958 takava nomumwe mwanakomana, Volodya. Uye pave paya, muna 1961, takava nomumwe mwanasikana, Galia.

KGB (raimbova sangano rokudzivirira raimirira hurumende) raiwanzondisunga nokundibvunzurudza. Hakusi kuti vaingoda chete kundiita kuti ndifushunure zvinhu zvine chokuita neungano asiwo kuita kuti zvifungidzirwe kuti ndakanga ndiri kushandira pamwe navo. Saka vaindiendesa kune imwe resitorendi yakanaka ndokuedza kunditora mifananidzo ndichinyemwerera uye ndichifara navo. Asi ndakaziva zvavaivavarira, uye nokuedza kwokungwarira ndakaramba ndichiratidza pachiso changu kuti ndakanga ndisingazvifariri. Nguva yoga yoga yandaisungwa, ndaiudza hama zvakanga zvaitika chaizvo. Saka, havana kumborega kuva nechokwadi nokuvimbika kwangu.

Kutaurirana Nevari Kumisasa

Mumakore ose aya, mazana eZvapupu akaiswa mumisasa yejeri. Panguva iyi, tairamba tichitaurirana nehama dzedu dzakanga dzakasungwa, tichidzipa mabhuku. Izvi zvaiitwa sei? Hama nehanzvadzi padzakasunungurwa mumusasa, dzakatiudza nzira dzaigona kupinzwa nadzo mabhuku pachivande pasinei hapo nokuongororwa kwakasimba. Kwemakore anenge gumi, taikwanisa kupa hama dzedu dzaiva mumisasa iyi makopi emagazini nemabhuku zvataiwana nokuPoland nedzimwe nyika.

Hanzvadzi dzedu dzechiKristu dzakawanda dzaipedza maawa akawanda dzichikopa mabhuku zvinonetesa dzichiisa mumavara maduku duku zvokuti magazini yose yaigona kuvanzwa muchinhu chakaita sebhokisi remechisa! Muna 1991, patakanga tisisarambidzwi kunamata uye tava kugamuchira magazini yakaisvonaka yamavara mana, imwe hanzvadzi yedu yakati: “Zvino tichakanganwiwa.” Yakanga isina kururama. Nyange zvazvo vanhu vangakanganwa, basa ravakatendeka vakadaro harifi rakakanganwiwa naJehovha!—VaHebheru 6:10.

Kutamazve Uye Matambudziko

1967 ava kuda kunopera imba yamukoma vangu yaiva muIrkutsk yakasechwa. Mafirimu nemakopi emabhuku eBhaibheri zvakawanikwa. Vakanzi vane mhosva ndokutongerwa kugara mujeri kwemakore matatu. Zvisinei, hapana chakawanwa pavakasecha imba yedu. Nyange zvakadaro, zviremera zvakanga zvine chokwadi chokuti taibatanidzwa, saka mhuri yangu yaifanira kubva munzvimbo yacho. Takatamira kumadokero, makiromita anenge 5 000 kuguta reNevinnomyssk muCaucasus. Ikoko takaramba tichipupura zvisina kurongwa.

Dambudziko rakauya pazuva rokutanga rezororo rechikoro muna June 1969. Achiedza kutora bhora raiva pedyo netransformer yemagetsi yakanga ine simba rakawanda, mwanakomana wedu akanga ane makore 12, Kolya, akagwinhwa nemagetsi zvakasimba. Inopfuura 70 muzana yemuviri wake yakatsva. Muchipatara, akatendeukira kwandiri ndokubvunza kuti: “Tichazokwanisa kuendazve tose kuchitsuwa here?” (Akanga achitaura nezvechitsuwa chataiwanzofarira kushanyira.) “Hungu, Kolya,” ndakadaro, “tichaendazve kuchitsuwa ichocho. Jesu Kristu paachakumutsira kuupenyu, tichatoenda chete kuchitsuwa ichocho.” Asichanyatsozivi zvaakanga ari kuita, akaramba achiimba imwe nziyo yoUmambo yaaifarira, yaaida kuridza nehwamanda yake pairidzwa zviridzwa muungano. Kwapera mazuva matatu akafa, ane chokwadi chetariro yorumuko.

Gore rakatevera racho mwanakomana wedu aiva nemakore 20, Ivan, akasarudzwa kuti apinde mubasa rechiuto. Paakaramba kushanda, akasungwa ndokupedza makore matatu ari mujeri. Muna 1971, ndakasarudzwa uye ndakanzi kana ndisina kushanda ndaizoiswa mujeri. Nhau yangu yakatora mwedzi yakawanda. Panguva iyoyo mudzimai wangu akarwara negomarara uye aida kutarisirwa zvikuru. Pamusana pechikonzero ichi nhau yangu yakaregwa. Maria akafa muna 1972. Akanga ari mumwe wangu akatendeka, akavimbika kuna Jehovha kusvikira parufu rwake.

Mhuri Yedu Inopararira Kure

Muna 1973, ndakaroora Nina. Baba vake vakanga vamudzinga pamba pavo muna 1960 nokuti akanga ava Chapupu. Akanga ari mushumiri anoshingaira akanga ave ari pakati pehanzvadzi dziya dzakanga dzashanda zvakaoma dzichikopa magazini nokuda kwaavo vakanga vari mumusasa. Vana vangu vakamudawo.

Zviremera zvakavhiringidzwa nebasa redu muNevinnomyssk ndokutimanikidza kuti tiende. Saka muna 1975 ini, mudzimai wangu, nevanasikana vangu takatamira kunharaunda yokumaodzanyemba kweCaucasus muGeorgia. Panguva imwe cheteyo, vanakomana vangu Ivan naVolodya vakatamira kuDzhambul kumuganhu wokumaodzanyemba kweKazakstan.

MuGeorgia basa reZvapupu zvaJehovha rakanga richangotanga. Takaparidza nenzira isina kurongwa mukati nemakapoteredza Gagra neSukhumi paBlack Sea Coast, uye kwapera gore, Zvapupu zvitsva gumi zvakabhabhatidzwa murwizi rwomugomo. Pasina nguva, zviremera zvakaomerera pakuti tiende munzvimbo yacho, uye takatamira kumabvazuva kweGeorgia. Ikoko takasimbirira nokuedza kwedu kuwana vanhu vakafanana nemakwai, uye Jehovha akatikomborera.

Taisangana mumapoka maduku. Mutauro ndiro raiva dambudziko, zvatakanga tisingazivi chiGeorgia uye vamwe vaGeorgia vakanga vasinganyatsogoni kutaura chiRussia. Pakutanga, taidzidza nevaRussia chete. Zvisinei, pasina nguva kuparidza nokudzidzisa nomutauro wechiGeorgia kwakaenderera mberi, uye zvino kwava nezviuru zvevaparidzi voUmambo muGeorgia.

Muna 1979, amanikidzirwa neKGB wandaishandira akati ndakanga ndisisadiwi munyika yake. Ndipo pakapinda mwanasikana wangu Nadia mutsaona yemotokari paakafa iye nomwanasikana wake muduku. Amai vangu vakanga vafa vakatendeka kuna Jehovha gore rakanga rapfuura racho muNevinnomyssk, vachisiya baba vangu nomunun’una wangu. Saka takafunga zvokudzokerako.

Zvikomborero Zvokutsungirira

MuNevinnomyssk takaramba tichibudisa mabhuku eBhaibheri pachivande. Imwe nguva pakati pema1980 pandakadanwa nezviremera, ndakazviudza kuti ndakanga ndarota ndichiviga magazini edu. Vakaseka. Pandakanga ndava kuenda, mumwe wavo akati: “Usarotezve kuti unoviga sei mabhuku ako.” Akapedzisa achiti: “Pasina nguva mabhuku achange ava kuiswa musherufu yako, uye uchange wava kuenda kumisangano wakabatana maoko nomudzimai wako Bhaibheri rako riri muruoko.”

Muna 1989 takasuruvara apo mwanasikana wangu Anna akafa neaneurysm yaiva muuropi. Akanga achingova nemakore 38. Gore iroro, muna August, Zvapupu zvomuNevinnomyssk zvakahaya chitima ndokuenda kuWarsaw, Poland, kunopinda kokorodzano yemarudzi akawanda. Pakanga pane vanhu 60 366, kubatanidza zviuru zvaibva kuSoviet Union. Chokwadi takafunga kuti takanga tichirota! Makore asingasviki maviri akatevera, musi wa27 March 1991, ndakaropafadzwa kuva mumwe wevakanga vagara nguva yakareba vari vakuru muSoviet Union vakanzi vasayine gwaro rinokosha muMoscow raiita kuti sangano rechitendero cheZvapupu zvaJehovha rizivikanwe zviri pamutemo!

Ndiri kufara kuti vana vangu vapenyu vari kunamata Jehovha vakatendeka. Uye ndiri kutarisira nyika itsva yaMwari pandinogona kuonazve Anna, Nadia nomwanasikana wake, uyewo Kolya. Paachamutswa, ndichaita zvandakamuvimbisa zvokumuendesa kuchitsuwa chiya chataifadzwa nacho zvikuru tiri tose makore akawanda akapfuura.

Panguva ino, wave uri mufaro wakadini kuona kukura kunokurumidza kwechokwadi cheBhaibheri munyika ino yakakura! Ndiri kunyatsofara nokuda kwezvandakawana muupenyu, uye ndioonga Jehovha nemhaka yokundiita kuti ndive chimwe Chapupu chake. Ndinogutswa nokururama kwemashoko aPisarema 34:8 anoti: “Ravirai henyu, muone kuti Jehovha wakanaka; wakakomborerwa munhu unovimba naye.”

[Mufananidzo uri papeji 25]

Gore randakabatana nemhuri yangu muTulun

[Mifananidzo iri papeji 26]

Pamusoro: Baba vangu nevana vangu panze pemba yedu muTulun, Siberia

Pamusoro kurudyi: Mwanasikana wangu Nadia nomwanasikana wake, vakafa vose mutsaona yemotokari

Kurudyi: Mufananidzo wemhuri muna 1968

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe