RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g05 July pp. 19-23
  • Ndakakurira Miedzo Yokushumira Mwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndakakurira Miedzo Yokushumira Mwari
  • Mukai!—2005
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kusimbiswa Kuzotarisana Nokutambudzwa
  • Kutambudzwa Kunowedzera
  • Matambudziko Epashure Pehondo
  • Kuendeswa kuSiberia
  • Kusungwa Ndokupfigirwa Mujeri
  • Ndakachengetedzwa Kuti Ndikurire Miedzo
  • Kumbosunungurwa Zvishoma
  • Kudzokera kuMoldova
  • Chitendero Chakanyanya Kurwiswa neSoviet
    Mukai!—2001
  • Makore Anopfuura 40 Tichirambidzwa Kunamata Nechikomonisti
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Chandinoda Zvikuru—Kuramba Ndakavimbika
    Mukai!—2000
  • Kuchengeta Kutenda Pasi Poudzvinyiriri
    Mukai!—2000
Ona Zvimwe
Mukai!—2005
g05 July pp. 19-23

Ndakakurira Miedzo Yokushumira Mwari

YAKATAURWA NAIVAN MIKITKOV

“Kana ukagara mutaundi redu, uchadzoserwa kujeri,” akandinyevera kudaro mukuru mukuru weDare Rokudzivirira Hurumende reSoviet (KGB). Ndakanga ndichangobudiswa mujeri ndapedza makore 12 ndirimo. Baba naamai vangu vakanga vachirwara chaizvo uye ndaifanira kuvatarisira. Chii chandaifanira kuita?

NDAKABEREKWA muna 1928 mumusha weT̩aul, kuMoldova.a Pandakanga ndava negore, baba vangu, Alexander, vakashanya kuIas̩i, kuRomania, kwavakaonana neVadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Pavakadzoka kuT̩aul, vakakurukura nemhuri yavo nevavakidzani vavo zvavakanga vadzidza. Munguva pfupi boka duku reVadzidzi veBhaibheri rakatanga muT̩aul.

Sezvo ndakanga ndiri gotwe pavana vana—vakomana vose—kubva ndichiri mwana ndakakurira mumhuri yaida zvokunamata, yakandiratidza muenzaniso wakanaka. Nokufamba kwenguva, zvakava pachena kwandiri kuti kushumira Jehovha kwaizoita kuti ndishorwe—uye waizove muedzo. Ndichiri kunyatsoyeuka mapurisa achiuya auyazve kuzosecha imba yedu, achiedza kutsvaka mabhuku edu eBhaibheri akanga akavigwa. Zviitiko izvi hazvina kundityisa. Ndakaziva kubva mukudzidza kwedu Bhaibheri kuti Mwanakomana waMwari pachake, Jesu Kristu, pamwe chete nevadzidzi vake, vakanga vambotambudzwa. Pamisangano yedu taigara tichiyeuchidzwa kuti vateveri vaJesu vanofanira kutarisira kutambudzwa.—Johani 15:20.

Kusimbiswa Kuzotarisana Nokutambudzwa

Muna 1934, ndichingova nemakore matanhatu bedzi, ungano yedu yeT̩aul yakaverengerwa tsamba yaitiudza nezvokutambura kwaiita vamwe vaKristu muNazi Germany. Takakurudzirwa kuvanyengeterera. Kunyange zvazvo ndakanga ndichiri muduku, handina kumbokanganwa tsamba iyoyo.

Makore mana gare gare ndakatarisana nomuedzo wangu wokutenda wokutanga. Pataiitiswa zvidzidzo zvechitendero kuchikoro, mupristi weOrthodox akarayira arayirazve kuti ndipfeke chipiyaniso muhuro mangu. Pandakaramba, akataurira vana vose vaiva mukirasi kuti vapfeke zvipiyaniso zvavo sechiratidzo chokuti vaiva nhengo dzechechi dzakanaka. Achindinongedzera, mupristi akabva ati kukirasi: “Munoda munhu akaita souyu mukirasi yenyu here? Vose vasingamudi simudzai maoko.”

Sezvo vadzidzi vakanga vachitya mupristi, vose vakasimudza maoko. “Waonaka,” akadaro, achinditarisa, “hapana anoda kushamwaridzana newe. Chitobuda muno izvozvi.” Kwapera mazuva mashomanana, mutungamiriri wechikoro akashanya kumba kwedu. Pashure pokutaura nevabereki vangu, akandibvunza kana ndakanga ndichida kuramba ndichienda kuchikoro. Ndakamuudza kuti ndaida. “Chero bedzi ndichiri mukuru mukuru,” akapindura kudaro, “uchaenda kuchikoro uye mupristi haakwanisi kukurambidza.” Aireva chokwadi, murume iyeye paiva mukuru, mupristi haana kundinetsa.

Kutambudzwa Kunowedzera

Muna 1940 nharaunda yaitaigara yainzi Bessarabia, yakava yeSoviet Union. Musi waJune 13 na14, muna 1941, vose vakanga vakakurumbira mune zvematongerwe enyika kana kuti munzanga vakaendeswa kuSiberia. Zvapupu zvaJehovha hazvina kuendeswa. Kunyange zvakadaro, kubva panguva iyoyo taiita misangano yedu uye taiparidzira tichingwaririra zvikuru.

Mukunopera kwaJune muna 1941, Nazi Germany yakarwisa Soviet Union isingafungiri, sezvo panguva iyoyo nyika idzi dzaidyidzana. Nokukurumidza, masoja eRomania akatapazve Bessarabia. Izvi zvakaita kuti titongwe neRomania zvakare.

Mumisha yakanga iri pedyo, Zvapupu zvairamba basa rechiuto muRomania zvaisungwa, uye vakawanda vazvo vaitongerwa makore 20 okushanda zvakaoma. Baba vakanzi vaende kukamba yemapurisa uye vakarohwa noutsinye nokuti vaiva Chapupu. Iniwo ndakatorwa nechisimba kubva pachikoro kuti ndinopinda minamato yechechi.

Zviitiko zveHondo Yenyika II zvakabva zvaita shandukuminya. Muna March 1944 vanhu vokuSoviet vakatapa Bessarabia yokuchamhembe nokukurumidza. August paakazosvika vakanga vatotora nyika yacho yose. Ndakanga ndine makore anenge 16 panguva iyoyo.

Munguva pfupi, varume vose vomumusha medu vaiva vakagwinya vakanzi vapinde mumauto eSoviet. Asi Zvapupu zvakaramba kupindira mune zvematongerwe enyika. Saka zvakatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi. Hondo Yenyika II muEurope yakapera muna May 1945, pakakanda Germany mapfumo pasi. Kunyange zvakadaro, Zvapupu zvakawanda zvomuMoldova zvakaramba zvakapfigirwa kutozosvikira muna 1949.

Matambudziko Epashure Pehondo

Pakapera hondo muna 1945, Moldova yakava nedambudziko rakaipisisa rokusanaya kwemvura. Pasinei zvapo nokusanaya kwemvura, hurumende yeSoviet yakaramba ichirayira kuti varimi vape chikamu chakakura chegoho ravo somutero. Izvi zvakaita kuti pave nenzara yakaipisisa. Pakazosvika 1947, ndakanga ndaona zvitunha zvakawanda mumigwagwa yeT̩aul. Mukoma wangu Yefim akafa, uye kwevhiki dzakati kuti ndakanga ndisina simba nemhaka yenzara zvokuti ndakanga ndisingagoni kufamba zvachose. Nokufamba kwenguva, nzara yacho yakapfuura, uye isu Zvapupu takanga tichiri vapenyu takaenderera mberi noushumiri hwedu hwepachena. Ini ndaiparidza mumusha wedu, asi mukoma wangu Vasile, uyo aindikurira nemakore manomwe aiparidza mumisha yaiva pedyo.

Zvapupu pazvakanga zvava kushingaira zvikuru muushumiri, zviremera zvakatanga kutiongorora zvakanyanya. Kuparidza kwedu, uyewo kuramba kwedu kubatanidzwa mune zvematongerwe enyika kana kuti kuita basa rehondo, zvakaita kuti hurumende yeSoviet itange kusecha mabhuku eBhaibheri mudzimba dzedu uye kutisunga. Muna 1949 zvimwe Zvapupu zvomuungano dzaiva pedyo zvakaendeswa kuSiberia. Saka isu takanga tasara takatangazve kuedza kuva vanochenjerera zvikuru kuparidza kwataiita.

Panguva ino, ndakanga ndave nechinetso choutano chakakomba icho chakaramba chichiwedzera kuipa. Vanachiremba vakazopedzisira vati ndakanga ndiine tibhii yomumapfupa, uye muna 1950 gumbo rangu roruboshwe rakaiswa purasita.

Kuendeswa kuSiberia

Musi waApril 1, muna 1951, gumbo rangu richiri mupurasita, ini nemhuri yangu takasungwa, pamwe chete nezvimwe Zvapupu tikaendeswa kuSiberia.b Tisina kana nguva yokugadzirira takakwanisa kutora zvokudya zvishomanana bedzi. Nenguva isipi zvakanga zvapera.

Pakupedzisira takasvika muAsino Tomsk, kwapera vhiki mbiri tiri muchitima. Ikoko takabudiswa muchitima semombe. Kunyange zvazvo kwakanga kuchitonhora zvikuru zvakanga zvakanaka chaizvo kumbowanawo mhepo inofefetera. Muna May, pakanyunguduka chando chaiva murwizi, takaendeswa kuTorba nechikepe, makiromita 100, uko kwakanga kuine musasa wevanhu vaitema miti musango reSiberia, kana kuti sango rinotonhora. Kuno takatanga kupika mutongo wedu wokuita basa rokumanikidzwa—ratakaudzwa kuti taizoita kusvikira hameno.

Kunyange zvazvo kuita basa rakaoma mukamba yaiva nevanhu vaitema miti kwaiva kwakasiyana nokuva mujeri, taigara tichinyatsoongororwa. Usiku mhuri yedu yairara pamwe chete mune rimwewo tiroko rechitima. Chirimo ichocho takavaka dzimba—dzimba dzakangovakwa chimwe chikamu chiri pasi pevhu uye chimwe pamusoro—kuitira kuzvidzivirira mumwaka wechando waizotevera.

Nemhaka yegumbo rangu raiva nepurasita, ndakanzi ndisashanda mumasango saka ndakapiwa basa rokugadzira zvipikiri. Basa iri rakandipa mukana wokukopa Nharireyomurindi nemamwewo mabhuku eBhaibheri pachivande. Zvaingoitikawo kuti mabhuku aya aigara achipinzwa chiverevere munharaunda yedu kubva kumaodzanyemba kweEurope kure nezviuru zvemakiromita.

Kusungwa Ndokupfigirwa Mujeri

Muna 1953 gumbo rangu rakabviswa purasita. Asi panguva ino, pasinei zvapo nokungwaririra kwandaiita, basa rangu raiva nechokuita nokunamata raisanganisira kukopa mabhuku eBhaibheri, rakanga rasvika pakuzivikanwa neKGB. Somugumisiro, ndakazopedzisira ndatongerwa kupika kwemakore 12 mujeri romukamba imomo, ini nezvimwe Zvapupu. Zvisinei, pataitongwa takakwanisa kupa uchapupu hwakanaka hune chokuita naMwari wedu, Jehovha, uye zvinangwa zvake zvorudo nokuda kwevanhu.

Nokufamba kwenguva isu vasungwa takaendeswa kumisasa yakasiyana-siyana pedyo neIrkutsk, mazana emakiromita mberi nechokumabvazuva. Misasa iyi yakavakwa kuti ive nzvimbo yokurangira vanhu vaifungidzirwa kuva vavengi veHurumende yeSoviet. Kubva muna April 8, 1954, kusvikira kutanga kwa1960, ndakagara mumisasa yakadaro 12 yevasungwa. Gare gare ndakatamiswa kure nemakiromita 3 000 kuendeswa kumaodzanyemba kuchivako chejeri hombe reMordovia raiva anenge makiromita 400 kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweMoscow. Ikoko ndakava neropafadzo yokuva pamwe chete neZvapupu zvakatendeka zvaibva kumativi mana eSoviet Union.

Vanhu vokuSoviet vakazoziva kuti Zvapupu pazvinobvumidzwa kusangana zvakasununguka nevamwe vasungwa vasiri Zvapupu, vamwe vaivava vaizovawo Zvapupu. Saka mujeri reMordovia, iro raisanganisira misasa yakawanda yaiitirwa basa yaiva yakareba anenge makiromita 30 kana kupfuuura, vakaedza kutiparadzanisa nevamwe vasungwa. Zvapupu zvinopfuura 400 zvakaiswa mumusasa wedu. Makiromita mashomanana kana kupfuura kubva patakanga tiri, dzimwe hanzvadzi dzechiKristu dzakanga dziri mune mumwe musasa wejeri.

Mumusasa wedu ndaishingaira zvikuru kubatsira kuronga misangano yechiKristu pamwe chete nokukopa mabhuku eBhaibheri, ainge apinzwa mumusasa chiverevere. Zviri pachena kuti izvi zvakazivikanwa nevakuru vakuru vomusasa. Nokukurumidza pashure pacho, muna August 1961, ndakatongerwa kugara gore rimwe mune rimwe jeri rekare kare raiva nomukurumbira wakashata Jeri reVladimir, anenge makiromita 200 kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweMoscow. Francis Gary Powers, mutyairi wendege yokuUnited States yakanga yapfurwa musi waMay 1, muna 1960, achityaira ndege yokusora Russia, akanga ari musungwawo imomo kusvikira muna February 1962.

Pandakanga ndiri muJeri reVladimir, ndaipiwa zvokudya zvaingoita kuti ndirarame. Ndakakwanisa kurarama pasinei nenzara, sezvo ndakanga ndambova nedambudziko iri ndichiri muduku, asi chando chakanyanya chomuna 1961/62 chakanga chakaoma zvikuru kuti nditsungirire. Zvinhu zvaidziyisa mujeri zvakakanganisika, uye tembiricha yomuchitokisi changu yakadzikira zvakanyanya. Mumwewo chiremba akaona dambudziko randaiva naro akaronga kuti ndichinjirwe kune chimwe chitokisi chaiva nani muvhiki dzaiva nechando chakanyanya.

Ndakachengetedzwa Kuti Ndikurire Miedzo

Pfungwa dzisina kunaka dzinogona kuodza mwoyo pashure pemwedzi yakawanda yokuva musungwa, zvinova ndizvo zvinotarisirwa nevakuru vakuru vejeri. Zvisinei, ndainyengetera nguva dzose uye ndaisimbiswa nomudzimu waJehovha uye nemagwaro andaikwanisa kuyeuka.

Pandaiva muJeri reVladimir ndipo pandakanyanya kuona kubatsira kwemashoko omuapostora Pauro anotaura ‘nezvokumanikidzwa munzira dzose, asi tisingamanikidziki zvokusagona kufamba,’ uye “kuvhiringidzika, asi kwete zvokushaya pokubuda napo zvachose.” (2 VaKorinde 4:8-10). Kwapera gore, ndakadzoserwa kumusasa wezvivako zvejeri reMordovia. Mutongo wangu wemakore 12 wakazoperera mumisasa yejeri iyi musi waApril 8, muna 1966. Pandakabudiswa, vainditi “hazvibviri kumuchinja.” Kwandiri, hwaiva uchapupu chaihwo hwokuti ndakanga ndaramba ndakatendeka kuna Jehovha.

Ndinogara ndichibvunzwa kuti taiwana uye taikopa sei mabhuku eBhaibheri pataiva mumisasa yevasungwa nemajeri eSoviet pasinei nezvaiitwa kutirambidza kuita kudaro. Zvaiva zvinhu zvaizivikanwa nevashomanana chete, sezvakataurwa nomumwe musungwa wokuLatvia akasungirwa zvematongerwe enyika uyo akapedza makore mana ari mumusasa wevakadzi wokuPotma. “Hameno kuti Zvapupu zvaingoramba zvichiwana sei mabhuku akawanda,” akanyora kudaro paakabudiswa muna 1966. “Zvaiita sokuti usiku ngirozi dzaibhururuka nepamusoro dzodonhedza mabhuku acho,” akagumisa kudaro. Zvechokwadi, basa redu rakabudirira bedzi nokuti Jehovha akatibatsira!

Kumbosunungurwa Zvishoma

Pandakasunungurwa, vaya vaitungamirira mubasa rokuparidza vakandikumbira kutamira kumadokero kweUkraine, pedyo neMoldova, kuti ndinobatsira hama dzedu dzokuMoldova. Zvisinei, somunhu aimbova musungwa akanga achiri kuongororwa neKGB, ndakanga ndisina zvakawanda zvandaigona kuita. Kwapera makore maviri, ndichityisidzirwa kuti ndaigona kuzosungwazve, ndakatamira kunyika yeSoviet yaizvitonga inonzi Kazakhstan, uko vakuru vakuru vakanga vasinganyanyotarisa mapepa nezvitupa. Zvadaro, muna 1969, vabereki vangu pavakarwara zvikuru, ndakatamira kuUkraine kuti ndinovatarisira. Ndiri ikoko, mutaundi reArtyomosk, kuchamhembe kweguta guru reDonetsk, mukuru mukuru weKGB akandityisidzira kundidzosera kujeri zvakare, sezvambotsanangurwa patangira nyaya ino.

Ndakazoona kuti mukuru mukuru wacho akanga achingoedza kundityisidzira. Pakanga pasina uchapupu hwakakwana kuti vandisunge. Sezvo ndakanga ndakatsunga kuenderera mberi noushumiri hwangu hwechiKristu uye KGB yairamba ichindiongorora chero kwose zvako kwandaienda, ndakaramba ndichitarisira vabereki vangu. Baba naAmai vakafa vakatendeka kuna Jehovha. Baba vakafa muna November 1969, asi Amai vakazofa muna February 1976.

Pandakatamirazve kuUkraine, ndakanga ndava nemakore 40. Ndichitarisira vabereki vangu ikoko ndakanga ndiri muungano nomumwe mukadzi wechiduku ainzi Maria. Akanga ane makore masere chete, iye nevabereki vake pavakabva kuMoldova vachiendeswa kuSiberia kutanga kwaApril 1951, sezvakanga zvaitwawo mhuri yedu. Maria akati aifarira kuimba kwandaiita. Ndipo pakatangira ushamwari hwedu, kunyange zvazvo tose takanga takabatikana muushumiri, takakwanisa kuwana nguva yokukudziridza ushamwari hwakanaka. Pakazosvika 1970, ndakanga ndamunyengetedza kuti tiroorane.

Nokukurumidza mwanasikana wedu Lidia akaberekwa. Zvadaro, muna 1983, Lidia paakanga ava nemakore gumi, ndakatengeswa kuKGB nomumwe aimbova Chapupu. Panguva iyoyo ndakanga ndashanda kweanoda kusvika makore gumi somutariri wedunhu kumabvazuva kweUkraine yose. Vashori vebasa redu rechiKristu vakakwanisa kuwana vanhu vakapa uchapupu hwenhema pataitongwa, uye ndakatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu.

Mujeri, ndakaiswa kwangu ndoga kwaiva kusina zvimwe Zvapupu. Pasinei zvapo nemakore akadaro ndiri ndoga, hapana munhu aigona kundirambidza kutaura naJehovha, uye iye ainditsigira nguva dzose. Uyezve, ndakawana mikana yokupupura kune vamwe vasungwa. Pakupedzisira, ndapedza makore mana ndiri mujeri, ndakabudiswa ndokuvazve pamwe chete nomudzimai uye mwanasikana wangu, avo vakanga varamba vakatendeka kuna Jehovha.

Kudzokera kuMoldova

Takapedza rimwe gore tiri muUkraine ndokubva tadzokera kunogara kuMoldova zvachose, uko kwakanga kuchidiwa hama dzaiva noruzivo kuti dzinobatsira. Panguva iyoyo, vatungamiriri veSoviet vakanga vave kubvumira rusununguko rwokuti vanhu vaende kwavanoda. Takasvika muBălţi muna 1988, kwaimbogara Maria asati asungwa makore 37 akanga apfuura. Muna 1988, maiva neZvapupu zvinenge 375 muguta iri riri rechipiri kukura reMoldova, iye zvino mava nevanopfuura 1 500! Kunyange zvazvo taigara muMoldova, ndakangoramba ndichishanda somutariri wedunhu muUkraine.

Sangano redu parakazonyoreswa zviri pamutemo muSoviet Union muna March 1991, zviuru zvevanhu zvakanga zvaora mwoyo nokusabudirira kwechiKomonisiti. Vakawanda vakanga vavhiringidzika uye vasina tariro chaiyo yeramangwana. Saka Moldova payakazova nyika yakasununguka yaizvimirira, yakaratidza kuva ndima yakavakidzana nesu yakaorera zvikuru—uye kunyange vamwe vevaimbotitambudza. Patakadzingwa muna 1951, Zvapupu zvishomanana bedzi ndizvo zvakasara muMoldova, asi iye zvino mava nevanopfuura 18 000 munyika iyi duku inogara vanhu vanenge 4 200-000. Tatokanganwa matambudziko edu akapfuura nemhaka yezviitiko zvakanaka zvatakava nazvo!

Pakati pema1990, utano husina kutsarukana hwakaita kuti ndirege kushanda somutariri wedunhu. Pane dzimwe nguva kurwara kwangu kunombondiodza mwoyo. Asi, ndava kuziva kuti Jehovha anoziva nzira yokutikurudzira nayo. Anotikurudzira panguva chaiyo yakakodzera. Dai ndaiva nomukana wokuraramazve, ndaizosarudza zvakasiyana here? Kwete. Asi, ndinongoti dai ndakava akashinga zvikuru muushumiri hwangu uye kuti dai ndakakwanisa kuva nesimba zvikuru.

Ini ndinoti Jehovha akandikomborera uye kuti vashumiri vake vose vanhu vakakomborerwa pasinei zvapo nemamiriro avo ezvinhu. Tine tariro yakajeka, kutenda kupenyu, uye vimbiso yokuti nokukurumidza vanhu vose vachava noutano hwakanaka munyika itsva yaJehovha.

[Mashoko Omuzasi]

a Zita renyika yacho riri kushandiswa iye zvino rokuti Moldova, richashandiswa munyaya ino yose panzvimbo pemazita ayaimbozivikanwa nawo okuti Moldavia kana kuti Moldavian Soviet Socialist Republic.

b Pakupera kwevhiki kuviri kwokutanga muna April 1951, vanhu vokuSoviet vakaita urongwa hwakanyatsofungwa hwokuunganidza Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura 7 000 nemhuri dzazvo zvaigara nechokumavirira kweSoviet Union ndokuzviendesa nechitima kuSiberia, yaiva zviuru zvemakiromita kumabvazuva.

[Mufananidzo uri papeji 20, 21]

Musha wedu patakanga tiri muTorba, kuSiberia, muna 1953. Baba naAmai (kuruboshwe), uye mukoma wangu Vasile nomwanakomana wake (kurudyi)

[Mufananidzo uri papeji 21]

Mumusasa wejeri, muna 1955

[Mufananidzo uri papeji 23]

Hanzvadzi dzechiKristu muSiberia, Maria (nechepazasi kuruboshwe) paakanga ane makore anenge 20

[Mufananidzo uri papeji 23]

Tiine mwanasikana wedu, Lidia

[Mufananidzo uri papeji 23]

Muchato wedu, muna 1970

[Mufananidzo uri papeji 23]

Ndiina Maria nhasi

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe