RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 4/1 pp. 23-27
  • Kutsvaka Paradhiso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsvaka Paradhiso
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzosera Zvinhu Sezvazvakanga Zvakaita
  • Kutenda Muna Mwari Kunotangazve
  • Mhinduro Kuminyengetero Yangu
  • Kufambira Mberi Mumudzimu
  • Betsero Ndiri Mukurwadziwa
  • Kusvasvavirira Chimwe Chinhu Chiri Nane
  • Bheteri—Paradhiso Yomudzimu Yakanaka Kwazvo
  • Ungada Kubatsira Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Iri Ndiro Ringava Basa Rakanakisisa Kwauri Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Ndiri Kungoramba Ndichidzidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Munhu Wose Ari Kukokwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 4/1 pp. 23-27

Kutsvaka Paradhiso

Yakataurwa Napascal Stisi

Kwakanga kwatosviba, uye migwagwa yemutaundi reBéziers, kumaodzanyemba kweFrance, yakanga isina vanhu. Patakawana chidziro chakanga chichangopendwa chechitoro chemabhuku echitendero, shamwari yangu neni takadzaradzata mazivara matema mashoko omuzivi wechiGerman Nietzsche anoti: ‘Vanamwari vakafa. Pamberi Nemurume ane Simba Rinoshamisa!’ Asi chii chaizvoizvo chakanditungamirira kune zvose izvozvo?

NDAKAZVARIRWA muFrance muna 1951 mumhuri yechiKaturike chakavamba kuItaly. Pandaiva mwana, taisienda kuzororo kumaodzanyemba kweItaly. Ikoko, musha mumwe nomumwe waiva nomufananidzo wawo weMhandara Maria. Pataifamba nasekuru vangu, ndaitevera izvi zvifananidzo zvihombe zvaive zvakashongedzwa zviri mumidungwe mirefu yaiva mugomo—asi ndisingapwiswi zvachose. Ndakapedza dzidzo yangu yokutanga-tanga pachikoro chechitendero chaitungamirirwa navaJesuits. Zvisinei, handirangariri ndichinzwa chimwe chinhu chainyatsovaka kutenda kwangu muna Mwari.

Paiva apo ndakanyoresa payunivhesiti iri muMontpellier kuti ndidzidze nezvemishonga pandakatanga kufunga nezvechinangwa cheupenyu. Baba vangu vakanga vakuvara munguva yehondo uye vaigarova navanachiremba parutivi pomubhedha wavo. Zvakanga zvisiri nane here kugumisa hondo pane kupedzera nguva yakawanda kwazvo nesimba pakurapa vanhu vakakuvara nayo? Asi, Hondo yekuVietnam yakanga ichiri kupisa. Kwandiri nzira bedzi yaiva nemusoro yokurapa nayo kenza yemapapu, somuenzaniso, yaiva yokubvisa zvinonyanya kuikonzera—fodya. Uye zvakadini nezvezvirwere zvaikonzerwa nokushaya zvokudya zvakakwana munyika dzichiri kubudirira uye mune zviye zvaikonzerwa nokunyanyodyisa munyika dzakapfuma? Zvaisazova nane here kubvisa zvinokonzera panzvimbo pokuedza kugadzirisa migumisiro inorwadza? Nei pakanga paine kutambura kwakadaro panyika? Ndakanzwa kuti pakanga paine chimwe chinhu chakaipisisa munzanga iyoyi ine ngozi, uye ndaiti hurumende ndiyo ine mhosva.

Bhuku rangu rapamwoyo rakanga ranyorwa nomupanduki, uye ndaigona kukopa mitsetse kubva mariri pachidziro. Zvishoma nezvishoma, iniwo ndakava mupanduki, asina kutenda kana asinei nechokuita nemitemo, asingadi Mwari kana tenzi. Kwandiri, Mwari nechitendero zvakanga zviri zvakatangwa navapfumi uye vane masimba kuitira kuti vagotidzora ndokutishandisa tose. ‘Tishandirei zvakasimba panyika pano, uye mubayiro wenyu mukuru muparadhiso iri kudenga,’ zvinenge ndizvo zvavaitaura. Asi nguva yavanamwari yainge yapera. Vanhu vaida kutaurirwa. Mashoko akanyorwa ndiyo yaiva imwe nzira yokuvataurira nayo.

Somugumisiro, ndakaregeredza dzidzo yangu ikava panzvimbo yechipiri. Panguva iyoyo ndainge ndanyoresa kudzidza jogirafi nechidzidzo cheecology—ukama hwezvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo mune imwe yunivhesiti yeMontpellier umo mugariro wokupandukira wakanga uchitonga. Kunyanyodzidza kwandaiita chidzidzo cheukama hwezvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo, ndokuwedzerawo kusemburwa kwandaiita nokuona pasi redu rakaisvonaka richishatiswa.

Gore negore munguva yezororo rezhizha, ndaifamba ndichichinja chinja michovha yandakanga ndisingabhadhariswi, ndakafamba zviuru zvamakiromita muEurope yose. Sezvo ndaifamba ndichitaura nemazana avatyairi, ndakaona namaziso angu uipi nehuori hunotambudza nzanga yevanhu. Kamwe, apo ndakanga ndichitsvaka paradhiso, ndakasvika panzvimbo dzakanaka dzine jecha muchitsuwa chakaisvonaka cheKrete uye ndakaona dzakazara mafuta. Ndakarwadziwa mwoyo. Paiva here nenzvimbo yakanga yasara yeparadhiso papi zvapo panyika?

Kudzosera Zvinhu Sezvazvakanga Zvakaita

MuFrance vazivi vezvoukama hwezvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo vaitsigira kudzosera zvinhu sezvazvakanga zvakaita sechigadzikiso chezvinetso zvenzanga. Ndaida kushanda nemaoko angu. Saka ndakatenga imba yamabwe yekare mumusha muduku mujinga reMakomo eCévennes kumaodzanyemba kweFrance. Pamusuo, ndakanyora kuti “Paradhiso Zvino,” mashoko evechiduku vechihipi vekuAmerica. Ndakatanga kugara nomumwe musikana wechiduku wekuGermany akanga achipfuura nomunzvimbo medu. Zvaisava nomubvunzo kuti ndaisada kuchatiswa nameya, mumiririri wehurumende. Zvakadini nokuchatiswa muchechi? Kutokanganwa nezvakwo!

Kakawanda, taifamba tisina shangu, uye ndaiva nebvudzi rakareba nendebvu dzakanyanduka. Kurima michero nemiriwo kwakandifadza. Muzhizha denga rakanga riri rebhuruu uye nyenze dzaiimba. Maruva emusango ainyatsonhuwirira, uye michero yekuMediterranean yatairima—magirepi nemaonde—yainaka kwazvo! Zvaiita sokunge kuti takanga tawana nzvimbo yedu muparadhiso.

Kutenda Muna Mwari Kunotangazve

Payunivhesiti, ndakanga ndadzidza dzidzo yezvamasero avanhu kana zvirimwa, dzidzo yokutanga kuumbwa kunoita mwana mudumbu, uye dzidzo yomuviri womunhu kana mhuka, zvokuti ndakaororwa zvikuru namagadzirirwe anoshamisa uye batano yazvinoshanda nayo. Zvino sezvandaigona kufungisisa uye kucherekedza chisiko zvakananga zuva nezuva, ndaiyemura runako rwacho uye zvachaigona kuita. Zuva nezuva bhuku rechisiko raivhurika peji nepeji richitaura neni. Rimwe zuva ndakafamba kwenguva refu mumakomo uye pashure pokunge ndanyatsofungisisa nezveupenyu, ndakasvika mhedziso yokuti panofanira kuva noMusiki. Ndakasarudza mumwoyo mangu kutenda muna Mwari. Ndaimbenge ndanzwa ndisina chinhu mumwoyo mangu, kusuruvara kunonetsa. Zuva randakatanga kutenda muna Mwari, ndakati mumwoyo mangu, ‘Pascal, hauchazombova woga zvakare.’ Kwakanga kuri kunzwa kunoshamisa.

Nokukurumidza, takava nemwana musikana—Amandine. Ndiye aiva wepamwoyo. Asi zvino nokuti ndakanga ndava kutenda muna Mwari, ndakatanga kuremekedza mitemo yetsika mishoma yandaiziva. Ndakarega kuba nokureva nhema, uye ndakakurumidza kuona kuti izvi zvakandibetsera kudzivisa zvinetso zvakawanda neavo ndaigara navo. Hungu, taiva nezvinetso zvedu, uye paradhiso yangu yakanga isiri zvose zvandaitarisira. Varimi vewaini vemunharaunda iyoyo vaishandisa mishonga yokuuraya zvipembenene nemishonga yokuuraya sora iyo yaikanganisawo zvirimwa zvangu. Mubvunzo wangu pamusoro pechinokonzera uipi wakanga usati wapindurwa. Kupfuurirazve, kunyange zvazvo ndakanga ndarava zvakawanda nezveupenyu hwemhuri, izvi hazvina kudzivisa kukakavadzana kune hasha nemumwe wangu. Taiva neshamwari shoma, uye dzataiva nadzo dzakanga dzisina kutendeseka; dzimwe dzaitoedza kuita kuti mumwe wangu andinyengedze. Paifanira kuva neparadhiso iri nane.

Mhinduro Kuminyengetero Yangu

Ndaiwanzonyengetera nemanyengeterere angu kuti Mwari anditungamirire muupenyu. Imwe Svondo mangwanani mumwe mudzimai aiva neushamwari ainzi Irène Lopez nemwanakomana wake muduku vakauya pasuo redu. Aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndakateerera zvaaida kutaura uye ndakabvuma kushanyirwa zvakare. Varume vaviri vakauya kuzondiona. Kubva mukurukurirano yedu, ndakayeuka zvinhu zviviri—Paradhiso neUmambo hwaMwari. Ndakanyatsochengetedza pfungwa idzi mumwoyo mangu, uye mumwedzi yaitevera, ndakanzwisisa kuti rimwe zuva ndaizofanira kuita kuti upenyu hwangu huwirirane nezvinodiwa naMwari kana ndaizoda kuva nehana yakachena uye kuwana mufaro chaiwo.

Kuti tirarame sezvinodiwa neShoko raMwari, mumwe wangu pakutanga akada kuti tiroorane. Asi akatanga ushamwari hwakaipa navanhu vainyomba Mwari nemitemo yake. Pandakauya kumusha chimwe chirimo usiku, ndakarohwa nehana. Imba yedu yakanga isina chinhu. Mumwe wangu akanga aenda, atora mwanasikana wedu aiva nemakore matatu. Kwamazuva ndakaramba ndakatarisira kudzoka kwavo—asi havana. Pane kupa Mwari mhaka, ndakanyengetera kwaari kuti andibetsere.

Nokukurumidza pashure paizvozvo, ndakatora Bhaibheri, ndokugara pasi pemuonde wangu, uye ndakatanga kurava. Chokwadi, ndakanyatsonyura mumashoko aro. Kunyange zvazvo ndakanga ndamborava marudzi ose amabhuku akanyorwa navanachiremba vepfungwa uye vanamazvikokota vepfungwa, handina kunge ndambosangana neuchenjeri hwakadaro. Bhuku iri raifanira kunge rakafuridzirwa naMwari. Dzidziso dzaJesu uye kunzwisisa kwaaiita masikirwo avanhu zvakandishamisa. Ndakanyaradzwa naMapisarema uye ndakashamiswa nekushanda kweuchenjeri hwaZvirevo. Ndakakurumidza kuona kuti kunyange dzidzo yechisiko yakaisvonakira kukwevera mumwe munhu kuna Mwari, inogona kungozivisa bedzi “mudzivo woga wenzira dzake.”—Jobho 26:14.

Zvapupu zvainge zvandisiirawo mabhuku aZvokwadi Inotungamirira kuUpenyu Husingaperi uye Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze.a Kuarava kwakazarura maziso angu. Bhuku raZvokwadi rakandibetsera kunzwisisa kuti nei munhu akanga achitarisana nekushatiswa kwezvinhu kukuru kwazvo, hondo, kuwedzera kwechisimba, uye kutyisa kwekuparadza kwenyukireya. Uye kungofanana nedenga dzvuku randakaona ndiri mubindu rangu raizivisa mamiriro ekunze akaisvonaka mangwana acho, izvi zviitiko zvairatidza kuti Umambo hwaMwari hwaswedera. Kana riri bhuku raUpenyu Hwemhuri, ndakashuva kuti dai ndaigona kuritaridza mumwe wangu uye kumuudza kuti taigona kufara nokushandisa zano reBhaibheri. Asi zvakanga zvisingachabviri.

Kufambira Mberi Mumudzimu

Ndaida kuziva zvakawanda, saka ndakakumbira Robert, chimwe Chapupu, kuti andishanyire. Zvakatomushamisa zvikuru, ndakamuudza kuti ndaida kubhabhatidzwa, saka fundo yeBhaibheri yakatangwa. Nokukurumidza ndakatanga kutaurira vamwe zvandakanga ndichidzidza, uye ndakatanga kugovera mabhuku andaiwana kuHoro yoUmambo.

Kuti ndirarame, ndakanyoresa kosi yokuvaka. Ndichiziva zvakanaka izvo Shoko raMwari rinogona kuita pamunhu, ndakashandisa mukana uri wose kuparidza zvisina kurongwa kuvandaidzidza navo uye vadzidzisi. Mamwe manheru, ndakasangana naSerge mumukoto. Akanga aine magazini mumaoko ake. “Ndinoona kuti unofarira kurava,” ndakamudaro. “Hungu, asi ndapfinhwa nazvo izvi.” “Unoda chimwe chinhu chakanyatsonaka chokurava here?” ndakamubvunza kudaro. Takava nekurukuririrano yakaisvonaka pamusoro peUmambo hwaMwari, pashure payo akabvuma kutora mabhuku eBhaibheri. Vhiki yakatevera yacho, ndakaenda naye kuHoro yoUmambo, uye fundo yeBhaibheri yakatangwa.

Rimwe zuva ndakabvunza Robert kana ndaigona kuparidza paimba neimba. Akaenda kuwadhiropu yake ndokunditorera sutu. Svondo yaitevera yacho, ndakapinda muushumiri naye kekutanga. Pakupedzisira, musi wa7 March 1981, ndakazvitsaurira pachena kuna Jehovha Mwari nokubhabhatidzwa.

Betsero Ndiri Mukurwadziwa

Munguvayi ndakanga ndava kuziva kwaigara Amandine namai vake kunze kwenyika. Haiwa, mai vake—vachishandisa nzira yose yapamutemo, maererano nemitemo yenyika yaakanga achigara—vakandirambidza kuona mwanasikana wangu. Ndakanetseka. Mai vaAmandine vakaroorwa, uye ndakatonyanya kupera mwoyo pandakagamuchira shoko repamutemo rokuti murume wake akanga agamuchira mwanasikana wangu sewake—ini ndisina kumbobvuma. Ndakanga ndisisinazve kodzero pamwana wangu. Pasinei zvapo nokuedza kushandisa mutemo, ndakakundikana kuwana kodzero dzokushanya. Ndakanzwa sokunge ndakabereka makirogiramu 50 kumusana, ndokurwadziwa kwandakaita.

Asi Shoko raJehovha rakanditsigira munzira dzakawanda. Rimwe zuva apo ndakanga ndichinyanya kurwadziwa, ndakadzokorora ndadzokororazve mashoko aZvirevo 24:10 anoti: “Kana ukapera simba nezuva rokutambudzika, simba rako ishoma.” Rugwaro urwu rwakandibetsera kusaora mwoyo. Pane imwe nguva, pashure pokutadza kuona mwanasikana wangu, ndakaenda muushumiri uye ndakabata mubato webhegi rangu ramabhuku zvakasimba sezvandaigona. Munguva dzakaoma kudaro, ndakakwanisa kuona chokwadi chePisarema 126:6, iro rinoti: “Unofamba famba, achichema, akatakura tsama yembeu, uchadzoka nomufaro akatakura zvisote zvake.” Chidzidzo chinokosha chandakadzidza ndechokuti kana uine miedzo yakakomba, kana wamboita zvose zvaunogona kuipedza, unofanira kuiisa shure kwako uye ndokuramba wakatsunga mubasa raJehovha. Ndiyo nzira bedzi yokuchengeta nayo mufaro wako.

Kusvasvavirira Chimwe Chinhu Chiri Nane

Vaona kuchinja kwandakanga ndaita, vabereki vangu vanodiwa vakada kundibetsera kupfuuridzira dzidzo yangu payunivhesiti. Ndakavatenda, asi zvino ndakanga ndava neimwe vavariro. Chokwadi chakanga chandisunungura muruzivo rwavanhu, zvakavanzika, uye unyanzvi hwenyeredzi. Zvino ndakanga ndava neshamwari chaidzo dzaisazourayana muhondo. Uye pakupedzisira ndakanga ndava nemhinduro yemibvunzo yangu pamusoro pechikonzero nei kwakanga kuine kutambura kwakawanda kwazvo panyika. Nemhaka yokuonga ndakada kubatira Mwari nesimba rangu rose. Jesu akanga azvipira zvakazara muushumiri hwake, uye ndaida kutevedzera muenzaniso wake.

Muna 1983, ndakasiya bhizimisi rangu rokuvaka ndokuva mushumiri wenguva yakazara. Mumhinduro kuminyengetero yangu, ndakawana basa renguva isina kuzara mupaka kuti ndizvitsigire. Waiva mufaro wakadini kupinda chikoro chamapiyona pamwe chete naSerge, jaya riye randakanga ndambopupurira kuchikoro chokuvaka! Pashure pemakore matatu ndiri piyona wenguva dzose, ndakanzwa ndichitoda kuita zvakawanda mubasa raJehovha. Saka, muna 1986, ndakagadzwa kuva piyona chaiye mutaundi rakanaka reProvins, kusiri kure neParis. Kazhinji, pandaiuya kumba manheru, ndaipfugama ndichinyengetera kutenda Jehovha nokuda kwezuva rakaisvonaka randakanga ndapedza ndichitaura kune vamwe pamusoro pake. Chokwadika, nguva mbiri dzinondifadza zvakanyanyisa muupenyu ndedzokutaura kuna Mwari uye kutaura nezvaMwari.

Chimwe chakanyanya kundifadza kwaiva kubhabhatidzwa kwamai vangu vaiva namakore 68 avo vaigara muCébazan, musha muduku uri kumaodzanyemba kweFrance. Mai vangu pavakatanga kurava Bhaibheri, ndakavatumira kunyoresa kugamuchira Nharireyomurindi neMukai! Vakanga vari munhu ane njere, zvokuti nokukurumidza vakanga vava kutoziva chokwadi chezvavairava.

Bheteri—Paradhiso Yomudzimu Yakanaka Kwazvo

Apo Watch Tower Society yakasarudza kuderedza nhamba yamapiyona chaiwo, ndakanyorera kuChikoro Chokurovedza Vashumiri uye nekuBheteri, kuhofisi yebazu reZvapupu zvaJehovha iri muFrance. Ndaida kuzvisiira mumaoko aJehovha kuona kuti ndaigona kumubatira zvakanakisisa sei. Mwedzi mishoma shoma yakatevera, muna December 1989, ndakakokwa kuBheteri muLouviers, kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweFrance. Izvi zvakava zvakaisvonaka, sezvo nzvimbo yacho yakandigonesa kubetsera munin’ina namainini vangu kuti vatarisire vabereki vangu pavakarwarisa. Ndingadai ndisina kugona kuzviita kudai ndakanga ndiri mubasa roufundisi kure nezviuru zvamakiromita.

Mai vangu vakandishanyira kakawanda paBheteri. Kunyange zvazvo zvaida kurega zvimwe zvinhu kugara kure neni, vaigaronditaurira kuti: “Gara paBheteri, Mwanakomana wangu. Ndinofara kuti uri kubatira Jehovha neiyi nzira.” Zvinosuruvarisa kuti, zvino vabereki vangu vose vakafa. Ndinotarira sei mberi kuzovaona mupasi rakashandurwa kuva paradhiso chaiyoiyo!

Ndinonyatsobvuma kuti kana kuine imba yakakodzera kunzi “Paradhiso Zvino,” iBheteri—“Imba yaMwari”—nokuti iparadhiso chaiyo, inopfuura dzose, ndeyemudzimu, uye umudzimu hunotonga paBheteri. Tine mukana wokusakurira zvibereko zvomudzimu. (VaGaratia 5:22, 23) Zvokudya zvomudzimu zvakapfuma zvatinowana mukurukurirano yerugwaro rwezuva nezuva rweBhaibheri uye fundo yemhuri yeNharireyomurindi zvinobetsera kundisimbisa pabasa rapaBheteri. Kupfuurirazve, kukwanisa kusonganirana nehama nehanzvadzi dzakakura mumudzimu dzakabatira Jehovha nenzira yokutendeka kwemakumi amakore kunoita kuti Bheteri ive nzvimbo chaiyo iyo ungakura mumudzimu. Kunyange zvazvo ndave ndakaparadzaniswa nemwanasikana wangu kwamakore 17 zvino, ndakawana pwere dzakawanda dzinoshingaira paBheteri, idzo dzandinorangarira kuva vana vangu, uye vane fambiro mberi yomudzimu yandinofarira. Mumakore masere apfuura, ndakava nemigove minomwe yakasiyana-siyana. Nyange hazvo kuchinja uku kwakanga kusiri nyore nguva dzose, kurovedza kwakadaro kunobetsera pakupedzisira.

Ndaisirima rumwe rudzi rwebhinzi dzinobereka rune zana. Saizvozvowo, ndakadzidza kuti kana ukadyara zvakaipa, unokohwa rune zana kuipa—kwete chete goho rimwe. Kudzidza nezviitiko chikoro chine zvidzidzo zvinodhura zvikuru. Handingadi kuve ndakanyoreswa muchikoro chakadaro asi, panzvimbo pezvo, kuva ndakarerwa munzira dzaJehovha. Iropafadzo yakadini ine pwere idzo dzakarerwa navabereki vechiKristu! Pasina kupokana, zvirinani kudyara zvakanaka mubasa raJehovha uye kukohwa rune zana rugare rwakawanda nekugutsikana.—VaGaratia 6:7, 8.

Pandaiva piyona, pane dzimwe nguva ndaipfuura napachitoro chemabhuku ezvitendero chiye chine madziro atakanyora mashoko avapanduki. Ndakatombopinda mukati ndikataura nemuridzi nezvaMwari mupenyu uye chinangwa chake. Hungu, Mwari mupenyu! Kunze kwaizvozvo, Jehovha, Mwari bedzi wechokwadi, ndiBaba vakatendeka, vasingambosiyi vana vavo. (Zvakazarurwa 15:4) Vamwezve vanhu vakawanda vanobva mumarudzi ose ngavawane paradhiso yomudzimu zvino—uye Paradhiso yakadzorerwa iri kuuya—nokubatira uye kurumbidza Mwari mupenyu, Jehovha!

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mifananidzo iri papeji 26]

Zvishamiso zvechisiko, zvakandiita kuti ndisarudze mumwoyo mangu kutenda muna Mwari. (Kurudyi) Pabasa rapaBheteri nhasi

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe