RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 5/1 pp. 20-24
  • Ngwaririra uye Shingaira!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ngwaririra uye Shingaira!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ngwarira, Sezvaiva Zvakaita Vasikana Vashanu!
  • Shingaira Mugumo Zvaunoswedera Pedyo
  • Kungwarira uye Kushingaira Munguva Yokuvapo Kwake
  • ‘Ucharamba Wakarinda’ Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Uri Kuteerera Yambiro Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Mufananidzo Wemhandara Gumi
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Chivheneko Nokuda Kwe“mhedziso Yetsika Yezvinhu”
    Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 5/1 pp. 20-24

Ngwaririra uye Shingaira!

“Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi zuva kana nguva.”—MATEO 25:13.

1. Muapostora Johane aitarisira chii?

PAKUKURUKURIRANA kwokupedzisira kuri muBhaibheri, Jesu akavimbisa kuti: “Ndinokurumidza kuuya.” Muapostora wake Johane akapindura achiti: “Ameni, huyai Ishe Jesu.” Muapostora wacho akanga asingapokani kuti Jesu aizouya. Johane aiva pane vaapostora vakanga vabvunza Jesu kuti: “Izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo choku[vapo, NW] [chiGiriki pa·rou·siʹa] kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?” Hungu, Johane aitarisira kuona kuvapo kwaJesu kwomunguva yemberi nechivimbo.—Zvakazarurwa 22:20; Mateo 24:3.

2. Nezvokuvapo kwaJesu, chii chiri kuitika mumachechi?

2 Chivimbo chakadaro hachichanyanyi kuwanika mazuva ano. Machechi akawanda ane dzidziso yapamutemo pamusoro po“kuuya” kwaJesu, asi nhengo dzawo shomanene ndidzo dzinonyatsokutarisira. Ndiwo mararamire adzinoitawo. Bhuku rinonzi The Parousia in the New Testament rinoti: “Tariro yokuvapo iri kuchinja zvishomanene upenyu, pfungwa nebasa zvechechi. . . . Kukurumidza kwakanyanya uko chechi inofanira kuita nakwo mabasa ayo okutendeutsa neokuzivisa evhangeri kwevashumiri, hakuchisina simba uye kana kusiri kuti kwakatorasika zvachose.” Asi kwete kuvanhu vose!

3. (a) VaKristu vechokwadi vanonzwa sei nezvepa·rou·siʹa? (b) Zvino tichafunda nezvei kunyanya?

3 Vadzidzi vaJesu vechokwadi vari kumirira nomwoyo wose kuguma kwegadziriro ino yezvinhu yakaipa. Nepo tichiita izvozvo nokuvimbika, tinofanira kuramba tine mafungiro akanaka kune vose vanobatanidzwa mukuvapo kwaJesu ndokuita maererano naizvozvo. Izvozvo zvichatiita kuti tikwanise ku‘tsungirira kusvikira kumugumo ndokuponeswa.’ (Mateo 24:13) Paaipa uprofita hwatinowana muna Mateo chitsauko 24 ne25, Jesu akapa zano rokuchenjera ratinogona kushandisa, richitibetsera nokusingaperi. Chitsauko 25 chine mifananidzo yaungadaro uchitoziva, kubatanidza uya wevasikana vane gumi (vasikana vakachenjera nemapenzi) nemufananidzo wematarenda. (Mateo 25:1-30) Tingabetserwa sei nemifananidzo iyoyo?

Ngwarira, Sezvaiva Zvakaita Vasikana Vashanu!

4. Pfungwa huru yomufananidzo wavasikana ndeipi?

4 Ungada kuravazve mufananidzo wavasikana, unowanwa pana Mateo 25:1-13. Chiri kuitika apa muchato wechiJudha wemaoresa apo chikomba chinoenda kumba yababa vomwenga kuti chiende naye kumba kwechikomba (kana kuti kwababa vechikomba). Mudungwe wakadaro ungabatanidza vanoimba nevanoridza, uye nguva yokusvika kwawo ingasanyatsozivikanwa. Mumufananidzo wacho, vasikana gumi vakamirira kusvika kwechikomba kusvikira pakati pousiku. Vashanu noupenzi vakanga vasina kuuya nemafuta omwenje akakwana saka vaifanira kuenda kunotenga mamwe. Vamwe vashanu nokuchenjera vakanga vauya nemamwe mafuta okuwedzera ari mumidziyo kuitira kuti vagozadzisa marambi avo kana vaifanira kudaro pavanenge vakamirira. Ava vashanu bedzi ndivo vakanga varipo uye vakagadzirira pakasvika chikomba. Saka, ivo voga ndivo vakabvumirwa kuti vapinde mumutambo wacho. Vasikana vashanu mapenzi pavakadzoka, vakanga vanonoka vasingachagoni kupinda.

5. Magwaro api anojekesa zvinofananidzirwa nomufananidzo wavasikana?

5 Zvakawanda zviri mumufananidzo uyu zvinogona kunzwisiswa sezvokufananidzira. Somuenzaniso, Magwaro anotaura nezvaJesu sechikomba. (Johane 3:28-30) Jesu akazvifananidza nemwanakomana wamambo akagadzirirwa mutambo womuchato. (Mateo 22:1-14) Uye Bhaibheri rinoenzanisa Kristu nomurume. (VaEfeso 5:23) Zvinofadza kuti, nepo vaKristu vakazodzwa pamwe vachirondedzerwa se“mwenga” waKristu, mufananidzo wacho hautauri nezvomwenga. (Johane 3:29; Zvakazarurwa 19:7; 21:2, 9) Zvisinei, unotaura nezvevasikana gumi, uye pane pamwe panofananidzwa vakazodzwa nemhandara yakavimbiswa kuroorwa naKristu.—2 VaKorinte 11:2.a

6. Jesu akakurudzira chii paakanga ava kugumisa mufananidzo wevasikana?

6 Kunze kwamashoko akadaro nezvimwe zvazvingareva zvouprofita, zvechokwadi pane zvinhu zvakaisvonaka zvatinogona kudzidza mumufananidzo uyu. Somuenzaniso, cherekedza kuti Jesu akaupedzisa namashoko anoti: “Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi musi kana nguva.” Saka mufananidzo wacho unoratidza kuti mumwe nomumwe wedu anofanira kungwarira, kuchenjerera mugumo wava kusvika wegadziriro ino yezvinhu yakaipa. Mugumo uyu uri kuuya pasina mubvunzo, kunyange zvazvo tisingagoni kunongedzera musi. Munhau iyi, cherekedza mafungiro akaratidzwa nemapoka maviri evasikana.

7. Vasikana vashanu vomumufananidzo vakaratidza kuti vakanga vari mapenzi mupfungwa ipi?

7 Jesu akati: “Vashanu vavo akanga ari mapenzi.” Imhaka here yokuti vakanga vasingadaviri kuti chikomba chiri kuuya? Vaiva kumwe vachitevera mafaro here? Kana kuti vakanyengerwa here? Aiwa. Jesu akati ava vashanu “vakabuda kundochingamidza chikomba.” Vaiziva kuti aiva ari kuuya, uye vaida kubatanidzwa, kunyange kuvapowo pa“mutambo wokuwana.” Asi, vakanga vakagadzirira zvakakwana here? Vakamumirira kwechinguva, kusvikira “pakati pousiku,” asi vakanga vasina kugadzirira kusvika kwake nguva ipi neipi yakwaizova—kungava kukurumidza kana kuti gare gare kupfuura zvavaitarisira pakutanga.

8. Vasikana vashanu vomumufananidzo vakaratidza sei kuti vakanga vakachenjera?

8 Vamwe vashanu—vakanzi naJesu vakachenjera—vakabudawo nemwenje ichipfuta, vachitarisira kusvika kwechikomba. Vaifanirawo kumirira, asi vakanga “vakachenjera.” Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kuchenjera” rinogona kureva pfungwa yokuva “akangwara, ane pfungwa, akachenjera zvinoshanda.” Ava vashanu vakaratidza kuti vakanga vakachenjera nokuunza midziyo yavo yaiva namamwe mafuta okuzozadzisa marambi avo kana vaifanira kudaro. Chokwadi, vaiva vachivavarira kwazvo kugadzirira kuuya kwechikomba zvokuti vakanga vasingagoni kupa vamwe mafuta avo. Kungwarira kwakadaro kwakaitirwa zviripo, sezvinoratidzwa nokuvapo kwavo nokuva vakagadzira zvakakwana pakasvika chikomba. Ava “vakanga vakazvigadzira vakapinda nacho pamutambo wokuwana, mukova ukapfigwa.”

9, 10. Chii chinorehwa nomufananidzo wavasikana, uye mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza?

9 Jesu akanga asiri kupa chidzidzo chokuzvibata kwakafanira pamuchato, uyewo akanga asiri kupa zano pamusoro pokugovana. Zvaaireva ndezvokuti: “Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi zuva kana nguva.” Zvibvunze kuti, ‘Ndinoshingaira zvechokwadi here nezvokuvapo kwaJesu?’ Tinodavira kuti Jesu zvino ari kutonga kudenga, asi tinonyatsofungisisa zvakadini nezvechokwadi chokuti ‘Mwanakomana womunhu achakurumidza kuuya nomumakore okudenga nesimba nembiri huru’? (Mateo 24:30) Pava “pakati pousiku,” kusvika kwechikomba kwakanga kwava pedyo zvechokwadi kupfuura apo vasikana vakatanga kubuda kunomuchingamidza. Kufanana naizvozvo, kusvika kwoMwanakomana womunhu kuzoparadza gadziriro yezvinhu yakaipa iripo zvino kwava pedyo zvikuru kupfuura patakatanga kutarisira kuuya kwake. (VaRoma 13:11-14) Tiri kuramba tichingwarira here, tichitonyanya kungwarira sezvo nguva yacho inoswedera pedyo?

10 Kuteerera murayiro wokuti “rindai” kunoda kuramba takangwarira. Vasikana vashanu vakarega mafuta avo achipera ndokuenda kunotenga mamwe. MuKristu nhasi angatsauswawo zvakafanana zvokuti angasava akagadzirira zvakakwana kusvika kwaJesu. Zvakaitika kune vamwe vaKristu vomuzana rokutanga ramakore. Zvinogona kuitika kune vamwe nhasi. Saka ngatizvibvunzei kuti, ‘Zviri kuitika kwandiri here?’—1 VaTesaronika 5:6-8; VaHebheru 2:1; 3:12; 12:3; Zvakazarurwa 16:15.

Shingaira Mugumo Zvaunoswedera Pedyo

11. Mufananidzo upi wakazopiwazve naJesu, uye wakafanana noupi?

11 Mumufananidzo wake unotevera, Jesu akaita zvinopfuura kungokurudzira vateveri vake kuti vangwarire. Apedza kutaura nezvevasikana vakachenjera namapenzi, akarondedzera muenzaniso wamatarenda. (Rava Mateo 25:14-30.) Mune zvakawanda uyu wakafanana nomufananidzo wake wokutanga wepondo, uyo Jesu akapa nokuti vakawanda “vakati ushe hwaMwari hwobva hwoonekwa pakarepo.”—Ruka 19:11-27.

12. Pfungwa huru yomufananidzo wamatarenda ndeipi?

12 Mumufananidzo wamatarenda, Jesu akataura nezvomurume akadana varanda vatatu, asati aita rwendo rwokuenda kune imwe nyika. Mumwe akamupa matarenda mashanu, mumwe maviri, uye wokupedzisira rimwe chete—“mumwe nomumwe zvakakwanira simba rake.” Zvingangodaro kuti, izvi zvaireva tarenda resirivha, mari yapamutemo iyo panguva iyoyo yaiva yakaenzana neyaiwanwa nomushandi mumakore 14—mari yakawanda zvikuru! Murume wacho paakadzoka, akaita kuti varanda vacho vazvitaurire zvavakanga vaita mu“nguva huru” yaakanga asipo. Varanda vaviri vokutanga vakanga vapeta nakaviri mari yavakanga varonzwa. Akati “zvakanaka,” akavimbisa mumwe nomumwe mabasa akawanda, uye akagumisa achiti: “Pinda pamufaro washe wako.” Achitaura kuti ishe wacho aishusha, muranda akanga ane tarenda rimwe akanga asina kumboshandisa tarenda racho kuti riwedzere. Akaviga mari yacho, asingatomboiisi mubhangi kuti ibereke. Ishe wacho akamudana kuti “wakaipa, une usimbe” nemhaka yokuti akanga aita zvakanga zvisingadiwi nashe wake. Somugumisiro, akatorerwa tarenda racho, uye akabudiswa panze paizova “nokuchema nokugeda-geda kwameno.”

13. Jesu akafanana sei nashe womumufananidzo?

13 Zvakare, mashoko akazara eizvi anogona kunzwisiswa mupfungwa yokufananidzira. Somuenzaniso, Jesu, anofananidzirwa nomurume aienda kune imwe nyika, aizosiya vadzidzi vake, oenda kudenga, ndokumirira nguva refu kusvikira agamuchira simba rokuva mambo.b (Pisarema 110:1-4; Mabasa 2:34-36; VaRoma 8:34; VaHebheru 10:12, 13) Zvisinei, zvakare tinogona kuona chidzidzo chikuru kana kuti nheyo iyo tose zvedu tinofanira kushandisa muupenyu hwedu. Ndeipi iyoyo?

14. Mufananidzo wamatarenda unosimbisa chinodiwa chipi chinokosha?

14 Tariro yedu ingava iri youpenyu hwokusafa kudenga kana kuti youpenyu husingaperi papasi riri paradhiso, zviri pachena kubva mumufananidzo waJesu kuti tinofanira kuzvishandisa nesimba mumabasa echiKristu. Chokwadi, zvinorehwa nomufananidzo uyu zvinogona kupfupikiswa neshoko rimwe: kushingaira. Vaapostora vakagadza muenzaniso kubvira paPendekosti ya33 C.E. zvichienda mberi. Tinorava kuti: “[Petro] akapupura kwazvo namamwe mashoko mazhinji, akavarayira, achiti: Muzviponese parudzi urwu rwakakombama.” (Mabasa 2:40-42) Uye akabetserwa sei nenhamburiko dzake! Vamwe sezvavakabatana navaapostora mubasa rokuparidza rechiKristu, ivowo vaishingaira, mashoko akanaka “achiwedzera munyika yose.”—VaKorose 1:3-6, 23, NW; 1 VaKorinte 3:5-9.

15. Tinofanira kushandisa pfungwa huru yomufananidzo wamatarenda mupfungwa ipi inokosha?

15 Yeuka mashoko akapoteredza mufananidzo uyu—uprofita hwokuvapo kwaJesu. Tine zvakawanda zvinosimbisa kuti pa·rou·siʹa yaJesu iri kutoitika uye ichakurumidza kuguma. Yeuka kubatanidza kwakaita Jesu “kuguma” nebasa rinofanira kuitwa navaKristu: “Evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.” (Mateo 24:14) Tichifunga nezveizvi, takafanana nomuranda upi? Zvibvunze kuti: ‘Pangava nechikonzero chokuti ndigumise kuti ndakafanana nomuranda akaviga zvaakanga aronzwa, zvichida paaiva achitarisira zvinhu zvake pachake here? Kana kuti zviri pachena kuti ndakafanana navaya vakanga vakanaka uye vakatendeka? Ndakatsunga zvakakwana here kuwedzera zvinofarirwa naTenzi panguva dzose?’

Kungwarira uye Kushingaira Munguva Yokuvapo Kwake

16. Mifananidzo miviri yatakurukura ine mashoko api nokuda kwako?

16 Hungu, kunze kwezvainoreva zvokufananidzira uye zvouprofita, iyi mifananidzo miviri inotipa kukurudzira kuri pachena kunobva mumuromo maJesu pachake. Shoko rake ndeiri: Ngwarira; shingaira, kunyanya panooneka chiratidzo chepa·rou·siʹa yaKristu. Nguva iyoyo ndizvino. Saka tiri kunyatsongwarira nokushingaira here?

17, 18. Mudzidzi Jakobho akapa zano rei nezvokuvapo kwaJesu?

17 Jakobho mwana wamai vaJesu akanga asiri paGomo reMiorivhi kuti anzwe uprofita hwaJesu; asi pava paya akazoziva nezvahwo, uye akanyatsonzwisisa zvahwaireva. Akanyora kuti: “Naizvozvo hama dzangu, tsungirirai kusvikira pakuuya kwaShe. Tarirai, murimi unomirira chibereko chenyika chinokosha, achitsungirira pamusoro pazvo kusvikira zvapiwa mvura yokutanga neyokuguma. Nemiwo tsungirirai; simbisai mwoyo yenyu, nokuti kuuya kwaShe kwava pedyo.” (Tisu tatsveyamisa mashoko)—Jakobho 5:7, 8.

18 Avimbisa kuti Mwari achatonga zvakakomba vaya vanoshandisa pfuma yavo zvisina kunaka, Jakobho akakurudzira vaKristu kuti vashivirire pavanenge vakamirira kuti Jehovha aite chiito. MuKristu asingashiviriri angava anoda kutsiva, sokuti iye pachake ndiye aifanira kugadzirisa zvakaipa zvakaitwa. Zvisinei, izvozvo hazvifaniri kudaro, nemhaka yokuti nguva yorutongeso ichasvika zvechokwadi. Muenzaniso womurimi unoratidza izvozvo, sokutsanangura kwakaita Jakobho.

19. Murimi wechiIsraeri aigona kuratidza kushivirira kwakaita sei?

19 Murimi wechiIsraeri aidyara mbeu aifanira kumirira, chokutanga kuti shizha ritange rabuda, ipapo kuti chirimwa chacho chisvike, uye pakupedzisira kukohwa. (Ruka 8:5-8; Johane 4:35) Mumwedzi iyoyo, paiva nenguva uye zvichida chikonzero, chokufunganya. Mvura yokutanga yaizouya ndokuva yakaringana here? Zvakadini nemvura yaizotevera? Zvipembenene kana kuti mhepo zvingauraya zvirimwa here? (Enzanisa naJoere 1:4; 2:23-25.) Zvisinei, kakawanda murimi wechiIsraeri aigona kuvimba naJehovha nemwaka yaakatanga. (Dheuteronomio 11:14; Jeremia 5:24) Kushivirira kwomurimi zvechokwadi kwaigona kuguma nokutarisira nechivimbo. Nokutenda aiziva kuti zvaaiva akamirira zvaizouya. Zvaizodaro zvechokwadi!

20. Tingaratidza sei kushivirira maererano nezano raJakobho?

20 Nepo murimi angava achiziva kuti kukohwa kuchava rini, vaKristu vomuzana rokutanga ramakore vakanga vasingagoni kuziva kuti kuvapo kwaJesu kwaizova rini. Zvisinei, kwaizouya zvechokwadi. Jakobho akanyora kuti: “Kuuya [chiGiriki, pa·rou·siʹa] kwaShe kwava pedyo.” Panguva yakanyora Jakobho mashoko iwayo, chiratidzo chikuru, kana kuti chomunyika yose, chokuvapo kwaKristu chakanga chisati chaoneka. Asi zvino chava kuoneka! Saka tinofanira kunzwa sei munguva ino? Chiratidzo chinonyatsooneka chaizvo. Tinochiona. Tinogona kutaura nechivimbo kuti, ‘Ndinoona chiratidzo chichizadzika.’ Tinogona kutaura nechivimbo kuti, ‘Ishe avapo, uye nguva inokosha zvikuru yokuvapo kwake yava pedyo.’

21. Takatsunga kuitei nyange zvodini?

21 Sezvo zvakadaro, tine chikonzero chakanyanya kusimba chokuteerera ndokushandisa zvidzidzo zvinokosha zvemifananidzo miviri yaJesu yatakurukura. Akati: “Rindai, nokuti hamuzivi zuva kana nguva.” (Mateo 25:13) Ino ndiyo nguva yokuti tive vanoshingaira mubasa redu rechiKristu pasina mubvunzo. Ngatiratidzei zuva nezuva muupenyu hwedu kuti tinonzwisisa zvairehwa naJesu. Ngatingwarirei! Ngatishingairei!

[Mashoko Omuzasi]

a Pamusoro pemashoko okufananidzira akakwana emufananidzo wacho, ona bhuku rinonzi God’s Kingdom of a Thousand Years Has Approached, mapeji 169-211, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

b Ona God’s Kingdom of a Thousand Years Has Approached, mapeji 212-56.

Unoyeuka Here?

◻ Ipfungwa ipi inokosha yawawana mumufananidzo wavasikana vakachenjera namapenzi?

◻ Nokushandisa mufananidzo wamatarenda, Jesu ari kukupa zano ripi rinokosha?

◻ Kushivirira kwako kunoenderana nepa·rou·siʹa kwakafanana nokuya kwomurimi wechiIsraeri mupfungwa ipi?

◻ Nei ino iri nguva inonyanya kufadza uye inonetsa yokurarama mairi?

[Mifananidzo iri papeji 23]

Unodzidzei mumufananidzo wevasikana nouya wamatarenda?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe