Unopedza Nguva Yakawanda une Mhuri Yako Here?
“VANABABA vokuJapan Vanodiwa—Nyange Zvazvo Vakabatikana Nokushanda Vasingatambi Nevana Vavo.” Makore akawanda akapfuura musoro uyu wakabuda muMainichi Shimbun. Nyaya yacho yakashuma kuti 87,8 muzana yevana vokuJapan vakabvunzwa mukuongorora kwakaitwa nehurumende vakataura kuti vaishuva kutarisira vanababa vavo mune ramangwana. Zvisinei, mupepanhau rechiNgezi racho, nyaya yakafanana yakabuda iri pasi pomusoro wakasiyana. Yaiti “Vanababa Navanakomana: Nhau Yokushaya Hanya.” Kusiyana nepepanhau rechiJapan, nyaya yacho yakasimbisa zvimwe zvakaongororwa zvacho: Zuva roga roga rokubasa, vanababa vokuJapan vakanga vari kungopedza maminiti 36 chete nevana vavo. Zvichienzaniswa, vanababa vokuWest Germany vakanga vari kupedza maminiti 44 navana vavo pazuva roga roga revhiki, uye muUnited States, nhamba yacho yaiva maminiti 56.
Havasi vanababa chete vanopedza nguva shoma navana vavo. Vanamai vakawanda vava kushanda. Somuenzaniso, vanamai vakawanda vasina varume vanofanira kushanda basa rokunyika kuti vatsigire mhuri. Zvinozoguma zvaitika ndezvokuti, nguva iyo vabereki—vanababa navanamai zvakafanana—vanopedza navana vavo yava shoma.
Muna 1997 pakaongororwa pwere dzinopfuura 12 000 dzokuAmerica pakawanika kuti pwere dzinonyatsowirirana navabereki vadzo hadziwanzonetseka mupfungwa nokufunga, kufunga zvokuzvisungirira, kuita zvechisimba, kana kuti kushandisa zvinhu zvinopinda muropa. Uye mumwe wevaongorori aibatanidzwa mukuongorora kwacho kwakakura akati: “Haugoni kunyatsowirirana nevana kunze kwokuti ukapedza nguva yakawanda navo.” Kupedza nguva yakawanda navana vako nokukurukura navo kunokosha.
Mukaha Wokukurukurirana
Mhuri dzinonyanya kutapurwa nokusakurukurirana imhuri dzine mumwe mubereki asingagari pamba anoshandira kure. Chokwadi, mukaha wokukurukurirana hauna kuganhurirwa kumhuri dzine mubereki asingagari pamba. Vamwe vabereki, nyange zvazvo vachigara pamba, vanoenda kubasa vana vavo vasati vamuka vodzoka kumba varara. Kuti vatsive kusaonana kunoguma kwaitika, vamwe vabereki vanopedza nguva yakawanda navana pakupera kwevhiki uye pamazororo. Vanotaura nezvokupedza nguva “yakanaka” navana vavo.
Asi, nguva shoma inotsiviwa nekunaka kwayo here? Muongorori Laurence Steinberg anopindura achiti: “Kakawanda, vana vanopedza nguva yakawanda navabereki vavo vanoita zviri nani kupfuura vana vanopedza nguva shoma. Zvinoita sokuti zvakaoma zvikuru kutsiva nguva iyoyo. Pfungwa yenguva yakanaka yakanyanyosimbiswa.” Ndiwo manzwire chaiwoiwo anoita mukadzi wokuBurma. Murume wake—wokuJapan—anouya kumba achibva kubasa na1:00 kana kuti 2:00 mangwanani oga oga. Nyange zvazvo achipedza nguva yakawanda nemhuri yake pakupera kwevhiki, mudzimai wake anoti: “Kuva pamba Migovera neSvondo hakugoni kuzadzisa mukaha wokusava nemhuri kwevhiki yose. . . . Ungarega kudya zvokudya mazuva ose evhiki wozodya zvokudya zvevhiki yacho yose neMigovera neSvondo here?”
Zvinoda Kunyatsotamburira
Kutaura kuti munofanira kuramba muchikurukurirana zvakanaka kuri nyore kupfuura kuzviita. Zvinodiwa kuti mhuri irarame nokuigovera hazviiti kuti zvive nyore kuti baba kana kuti mai vanoshanda vapedze nguva yakawanda nemhuri. Vakawanda vane mamiriro ezvinhu anoda kuti vabve pamba vanokurukura nguva dzose nekuridza runhare kana kuti kunyora tsamba. Asi mungava muri mose pamba kana kuti kwete, kuedza kuita zvamunogona nokungwarira kunodiwa kuti murambe muchikurukura zvakanaka semhuri.
Vabereki vanoregeredza kukurukura nemhuri dzavo vanofanira kubhadhara kuregeredza kwavo. Vamwe baba vaipedza nguva shoma nemhuri yavo, vasingambodyi nayo, vakatarisana nemigumisiro yakaoma. Mwanakomana wavo akaita zvechisimba, uye mwanasikana wavo akabatwa achiba muchitoro. Baba vacho zvavakanga vava kugadzirira kuenda kunotambirwa gorufu mamwe mangwanani eSvondo, mwanakomana wacho akataura achipopota. “Mai ndivo voga mubereki here pamba pano?” akadanidzira kudaro. “Mai vanosarudza zvinhu zvose mumhuri. Baba, hamumbo . . . ,” mukomana wacho akachema achidaro.
Mashoko iwayo akaita kuti baba vacho vafunge. Pakupedzisira vakasarudza kuti vanofanira kubva vatanga nokudya chisvusvuro nemhuri. Pakutanga, vaingodya nomudzimai wavo chete. Zvishoma nezvishoma, vana vakakumbanira, uye tafura yokudyira chisvusvuro yakava nzvimbo yokukurukurirana. Izvi zvakaita kuti vadye chirariro pamwe chete semhuri. Nokudaro, murume wacho akanga ava kuedza kudzivirira mhuri yake kuti isaparara zvachose.
Kubetserwa neShoko raMwari
Bhaibheri rinokurudzira vabereki kuti vapedze nguva yakawanda vachikurukura nevana vavo. Nomuprofita Mosesi, vaIsraeri vakarayirwa kuti: “Chinzwa Israeri, Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete. Ude Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose. Zvino mashoko awa andinokurayira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.” (Dheuteronomio 6:4-7) Hungu, avo vedu vari vabereki tinofanira kutanga kupedza nguva yakawanda nemhuri yedu kana tichizoroverera mashoko aMwari mundangariro nemwoyo zvavana.
Zvinofadza kuti, kuongororwa kwomuna 1997 kwambotaurwa kwevayaruki vokuAmerica 12 000 kwakaratidza kuti “pakati pevanoda kusvika 88% . . . vevanhu vakati vane chitendero, kukosha kwechitendero nomunyengetero kunooneka kwakanga kuchidzivirira.” VaKristu vechokwadi vanoziva kuti murayiridzo wechitendero wakafanira pamba unodzivirira pwere pazvinhu zvakadai sekushandisa zvinodhaka, nhamo yendangariro, kuzviuraya, chisimba, zvichingodaro.
Vamwe vabereki vanofunga kuti zvakaoma kuwanira mhuri yavo nguva. Izvi zvakanyanya kudaro kune vanamai vasina varume, avo vangada kupedza nguva yakawanda navana vavo asi vanofanira kushanda basa rokunyika. Vangatsvikinyidza sei nguva inokosha yokuti vave nemhuri yavo? “Chengeta uchenjeri chaihwo nokungwara,” rinokurudzira kudaro Bhaibheri. (Zvirevo 3:21) Vabereki vanogona kushandisa “kungwara” kuti vawane nguva yakawanda yokupedza nemhuri yavo. Sei?
Kana uri mai vanoshanda vanonzwa vaneta pakupera kwezuva, zvakadini nokukumbira vana vako kuti mugadzire mose zvokudya? Nguva yakadaro inopedzwa muri pamwe chete inopa mikana yokuti munyatsowirirana. Pakutanga, kubatanidza vana vako kungatora nguva yakawanda. Zvisinei, nenguva isipi uchaona kuti zvinonakidza uye hazvipedzi nguva.
Ungava baba vane zvinhu zvakawanda zvokuita pakupera kwevhiki. Unodini kutarisira mamwe mabasa aya navana vako? Unogona kukurukura navo sezvamunoshanda mose uye panguva imwe cheteyo uchivarovedza zvinokosha. Zano reBhaibheri rokuroverera mashoko aMwari muvana vako rinokukurudzira kuti utaure navo ‘paunenge ugere mumba mako, uchifamba munzira’—zvechokwadi, pamukana wose. Kukurukura navana vako sezvamunoshanda mose kuratidzira “kungwara.”
Kupedza nguva yakawanda nemhuri yako kunounza mibayiro isingaperi. “Uchenjeri huri kuna vanotenda kurayirirwa,” chinodaro chirevo cheBhaibheri. (Zvirevo 13:10) Nokuwana nguva yokukurukura nemhuri yako, uchakwanisa kuvapa nhungamiro yokuchenjera mumatambudziko eupenyu hwemazuva ose. Nhungamiro yakadaro inopiwa zvino inogona kusapedza nguva ndokudzivisa kutambura munguva yemberi. Uyezve, inogona kubetsera kuti iwe navo muve nomufaro. Kuti upe nhungamiro yakadaro, unofanira kutora mudura rouchenjeri hunowanwa muShoko raMwari, Bhaibheri. Rishandise kudzidzisa vana vako uye kutungamirira nhano dzemhuri yako.—Pisarema 119:105.
[Mufananidzo uri papeji 4]
Pwere dzinonyatsowirirana navabereki vadzo hadziwanzonetseka mupfungwa
[Mufananidzo uri papeji 5]
Kukurukurirana zvakanaka kunounza mibayiro yakapfuma muupenyu hwemhuri
[Mufananidzo uri papeji 6]
Sezvaunoshanda pamwe chete nomwana wako, munogona kukurukura ndokumurovedza zvinokosha