RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 9/1 pp. 20-24
  • Kukurukurirana Mukati Memhuri Nomuungano

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukurukurirana Mukati Memhuri Nomuungano
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutarira, Kutaura, uye Kuteerera
  • Kurukurirano Pakati Pavabereki Navana
  • Kurukurirano Mukati Meungano
  • Zano Nekurudziro
  • Kurukurirano Muushumiri hwechiKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Jehovha naKristu—Vakurukurirani Vakurusa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kukurukurirana Zvakanaka—Chinhu Chinokosha Kuti Mhuri ive Yakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Vabereki Nevana, Kurukurai Zvine Rudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 9/1 pp. 20-24

Kukurukurirana Mukati Memhuri Nomuungano

“Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu.”—VAKOROSE 4:6.

1. Adhama akataurei apo Mwari akapa Evha kwaari?

HAKUNA munhu ari chitsuwa . . . Munhu ari wose chidimbu chenyika.” Akanyora kudaro mumwe murume anocherekedza akadzidza mazana amakore anoverengeka akapfuura. Mukutaura izvozvo, iye akanga achipupurira bedzi izvo Musiki akataura pamusoro paAdhama, kuti: “Hakuna kunaka kuti munhu agare ari oga.” Adhama akanga ane chipo chokutaura nomutauro, nokuti akanga apa mazita mhuka dzose. Asi Adhama akanga asina chimwe chisikwa chohunhu icho iye aigona kukurukura nacho. Hakushamisi kuti apo Mwari akasuma Evha akaisvonaka kwaari somudzimai wake, iye akati: “Uyu ipfupa ramapfupa angu, nenyama yenyama yangu”! Nokudaro, sezvo mhuri yokutanga yomunhu yakava namavambo ayo, Adhama akavamba kukurukurirana nomunhu biyake.—Genesi 2:18, 23.

2. Ikuvadzikoi inogona kubva mukutarira terevhizheni kusingadzorwi?

2 Boka remhuri inzvimbo yakanaka yekurukurirano. Zvamazvirokwazvo, budiriro imene youpenyu hwemhuri inotsamira pairi. Zvisinei, kukurukurirana kunoda nguva nenhamburiko. Nhasi, imwe yembavha hurusa yenguva iterevhizheni. Inogona kuva chishandiswa chekuvadziko mune dzinenge nzira mbiri. Pane rumwe rutivi, inogona kuva inonyengera kwazvo zvokuti mitezo yemhuri inopindwa muropa nayo, kuchiguma nokushaikwa kwekurukurirano. Pane rumwe rutivi, terevhizheni inogona kubatira senzira yokunzvenga nayo pakunenge kune kusanzwisisana kana kuti mirangariro yakakuvadzwa. Panzvimbo pokupedza zvinetso, vanyakuroorana vakasarudza kuramba kutaura ndokutarira terevhizheni. Naizvozvo TV inogona kusanoparira kukundikana kukurukurirana, iyo inotaurwa kuva chinoputsa roorano chikuru. Avo vari kuva nechinetso mukuchengeta kutarira terevhizheni kuri munzvimbo yakaderera vangasanorangarira kusava nayo.—Mateo 5:29; 18:9.

3. Vamwe vakabetserwa sei nokuganhurira kutarira TV?

3 Kutaura idi, mishumo inofadza yakagamuchirwa ichitaura nezvezvikomborero zvinovapo apo kushandiswa kweTV kwakaregwa kana kuti kunyange kwakaderedzwa. Imwe mhuri yakanyora, kuti: “Tinotaura kune mumwe nomumwe kakawanda . . . , kuita nzvero yeBhaibheri kakawanda . . . Tinotamba mitambo pamwe chete . . . Mativi ose ebasa redu romumunda akawedzera.” Imwe mhuri yakati pashure pokunge vatengesa TV yavo: “Hatisati tiri kuchengeta mari bedzi [vakanga vazvinyoresa kucable TV] asi tava pedyo zvikuru semhuri uye takawana zvimwe zvinhu zvakafanira zvokuita nenguva yedu. Hatitongofinhwi.”

Kutarira, Kutaura, uye Kuteerera

4. Vanyakuroorana vangakurukura sei kuonga kwavo nokuda kwomumwe nomumwe?

4 Kune zvimiro zvakasiana-siana zvekurukurirano mukati memhuri. Zvimwe hazvina mashoko. Apo vanhu vaviri vanongotarisana, chimiro chekurukurirano. Kuva pamwe chete kunogona kukurukura pfungwa yokuitira hanya. Vakwanyina vanofanira kudzivisa kuva kure nomumwe nomumwe kwenhambo dzakareba dzenguva kutoti pane chikonzero chisingadzivisiki. Vanyakuroorana vanogona kuchengeta mufaro mune mumwe nomumwe kupfurikidza nokufarikanywa kwesonganiro yapedyo yavanayo mukati mechisungo cheroorano. Kupfurikidza nenzira yechidakadaka asi yokuremekedza yavanozvibata nayo kune mumwe nomumwe, pangava pachena kana kuti pakavanda, kuratidza chiremera chakafanira muzvipfeko netsika, vanogona kukurukura chinyararire kuongwa kukuru kwomumwe nomumwe. Mambo akachenjera Soromoni akakutaura mumashoko aya: “Tsime rako ngariropafadzwe; ufarire mukadzi woujaya hwako.”—Zvirevo 5:18.

5, 6. Nei varume vachifanira kungwarira ukoshi hwokukurukurirana navadzimai vavo?

5 Kurukurirano inodawo kutaurirana, nyaya—kutaura nomumwe nomumwe, kwete kumumwe nomumwe. Nepo vamwe vakadzi vari nane kupfuura varume pakutaura kunzwa kwavo, ikoko hakusi pembedzo yokuti varume vave vakwanyina vakanyarara. Varume vechiKristu vanofanira kuziva kuti kushaikwa kwekurukurirano chinetso chikuru muroorano zhinji, uye naizvozvo vanofanira kushanda zvakaoma pakuchengeta nzira dzekurukurirano dzakazaruka. Zvamazvirokwazvo, vachaita ikoku kana ivo, pamwe chete navadzimai vavo, vakateerera zano rakaisvonaka iro muapostora Pauro anopa pana VaEfeso 5:25-33. Kuti murume ade mudzimai wake somuviri wake amene, anofanira kuva anoitira hanya garikano yake nomufarwa, kwete zvake amene bedzi. Nedonzo iroro, kurukurirano inokosha.

6 Murume haafaniri kuva nechimiro chokuti mudzimai wake anofanira kufembera kana kuti kufungidzira kuti anomuonga. Iye anofanira kuva nechokwadi chorudo rwake nokuda kwake. Iye anogona kuratidza kuonga kwake munzira zhinji—kupfurikidza namashoko orudo nezvipo zvisingakarirwi, pamwe chete nokumuchengeta achiziviswa zvizere nhau dzingamutapura. Panewo denho yokutaura kuonga nokuda kwenhamburiko dzomudzimai wake, dzingava mukuzvishongedza kwake kwomunhu oga, mubasa rake rakaoma nokuda kwemhuri, kana kuti mutsigiro yake yomwoyo wose yemibato yomudzimu. Mukuwedzera, kuti murume ateerere zano romuapostora Petro riri pana 1 Petro 3:7, roku‘gara nomudzimai wake mukuwirirana nezivo,’ anofanira kuva netsitsi, idzo dzinoratidzwa kupfurikidza nokukurukura naye munhau dzose dzeitiro hanya yomumwe nomumwe, achimupa rukudzo somudziyo usina simba.—Zvirevo 31:28, 29.

7. Musengwai une mudzimai wokukurukura nomurume wake?

7 Nenzira yakafanana, kuti mudzimai ateerere zano pamusoro pokuzviisa pasi riri pana VaEfeso 5:22-24, anofanira kuva anoitira hanya kuchengeta nzira dzekurukurirano nomurume wake dzakazaruka. Iye anofanira kupa murume wake “ruremekedzo rukuru,” kupfurikidza nezvose zviri zviviri kutaura kwake uye kupfurikidza nomufambiro wake. Haatongofaniri kuita nenzira yokuzvimirira kana kuti kufuratira zvido zvake. (VaEfeso 5:33, NW) Panguva dzose, panofanira kuva nokutaura kwakavanzika pakati pake nomurume wake.—Enzanisa naZvirevo 15:22.

8. Kuti vachengete nzira dzekurukurirano dzakazaruka, vadzimai vanofanira kuva vanodisa kuitei?

8 Uyezve, mudzimai anofanira kudzivisa kutambura akanyarara seratidziro yokuzvinzwira urombo. Kana pane kusanzwisisana, ngaatsvake nguva yakarurama yokutaura nhau yacho. Hungu, wana chidzidzo muna Mambokadzi Estere. Iye akanga ane nhau youpenyu norufu yokuunza kungwariro yomurume wake. Kuita chiito kwake kwokukurumidza nouchenjeri nokungwarira pakutaura kwakareva ruponeso nokuda kwavaJudha. Tine musengwa kwose kuri kuviri kuvakwanyina vedu nokwatiri timene wokukurukura kana takakuvadzwa kana kuti tiri kukuvadzwa. Kungwarira pakutaura nokusetsa kwoumwari zvinogona kubetsera kuita kuti kurukurirano ive iri nyore zvikuru.—Estere 4:15–5:8.

9. Kuteerera kunoita basai mukurukurirano?

9 Kuva womwoyo wose mukushandisa kutaura kuchengeta nzira dzekurukurirano dzakazaruka musengwa womumwe nomumwe kuteerera icho mumwe anofanira kutaura—uye kuita nhamburiko yokucherekedza chasara chisina kutaurwa. Ikoko kunoda kupa ngwariro kune uyo ari kutaura. Munhu haafaniri bedzi kunzwisisa mifungo chaiyoiyo inotaurwa asi munhu anofanirawo kupa ngwariro kukunzwa chaiko, nzira iyo chimwe chinhu chinotaurwa nayo. Kazhinji kazhinji murume anoperevedza muiyi nharaunda. Vadzimai vangatambura nemhaka yokuti varume vanokundikana kuteerera. Uye vadzimaiwo vanofanira kuteerera nokungwarira kuti vadzivise kusvetukira kumhedziso. “Munhu wakachenjera achateerera ndokupinza murairidzo muzhinji.”—Zvirevo 1:5, NW.

Kurukurirano Pakati Pavabereki Navana

10. Kuti vaite zvakanaka mukukurukura navana vavo, vabereki vanofanira kuva vanodisa kuitei?

10 Kunewo mugariro umo vabereki navana vavo vane chinetso mukukurukurirana. Ku“rovedza mukomana mukuwirirana nenzira yake” kunoda kutangwa kwenzira dzekurukurirano. Kuita kudaro kuchabetsera kuva nechokwadi chokuti “kunyange paanokwegura haasati achizotsauka mairi.” (Zvirevo 22:6, NW) Kuti vamwe vabereki vanorasikirwa navana vavo vachienda kunyika padzimwe nguva kune chokuita nomukaha wekurukurirano wakavamba mukati mokuyaruka. Musengwa wavabereki wokukurukura nenzira inopfuurira navana vavo unosimbiswa pana Dheuteronomio 6:6, 7: “Mashoko aya andinokuraira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.” Hungu, vabereki vanofanira kupedza nguva vane vana vavo! Vanofanira kuva vanodisa kurega zvimwe zvinhu nokuda kwavana vavo.

11. Ndezvipi zviri zvimwe zvinhu izvo vabereki vanofanira kukurukura kuvana vavo?

11 Vabereki, kurukurai kuvana venyu kuti Jehovha anovada uye kuti imiwo munovada. (Zvirevo 4:1-4) Varegei vaone kudisa kwenyu kurega zvinhu zvinonyaradza nemifarwa nokuda kwoukuru hwendangariro yavo, hwemirangariro, hwomuviri, uye hwomudzimu. Chinokosha muna ikoku itsitsi, ndiko kuti, mano avabereki okuona zvinhu nameso avana vavo. Kupfurikidza nokuratidzira rudo rusina udyire, imi vabereki munogona kuvaka chisungo chakasimba chohumwe navana venyu ndokuvakurudzira kuvimba nemi panzvimbo pokuvimba navaenzani vavo.—VaKorose 3:14.

12. Neiko pwere dzichifanira kukurukura dzakasununguka navabereki vadzo?

12 Pane rumwe rutivi, pwere, mune musengwa wokukurukurirana navabereki venyu. Kuonga zvavakakuitirai kuchakubetserai kuvimba navo. Munoda betsero yavo netsigiro, uye kuchava kuri nyore kuti vaipe kana mukakurukurirana navo nokusununguka. Kuitireiko vaenzani manyuko enyu makuru epangiro? Ivava sezvingabvira vakaita zvishomanene nokuda kwenyu mukuenzanisa navabereki venyu. Havana ruzivo rwokuzviwanira rukuru muupenyu kupfuura rwamunarwo, uye kana vasiri rutivi rweungano, havafariri chaizvoizvo garikano yenyu inogarisa.

Kurukurirano Mukati Meungano

13, 14. Inheyoi dzeBhaibheri dzinobatanidza kurukurirano pakati pamaKristu?

13 Imwe denho kuchengeta nzira dzekurukurirano dzakazaruka nehama dzako muungano. Tinopangirwa zvakasimba kusarega ‘kuungana kwedu timene pamwe chete.’ Tinoungana nokuda kwedonzoiko? “Kuti tikurudzire kuda namabasa akaisvonaka.” Ikoku kunoraira kurukurirano. (VaHebheru 10:24, 25, NW) Kana mumwe munhu akakugumbura, ichocho hachisati chichitongova chikonzero chokusauya kumisangano. Chengeta nzira dzekurukurirano dzakazaruka kupfurikidza nokutevera munheyo zano iro Jesu akatipa sezvakanyorwa pana Mateo 18:15-17. Taura nouyo waunofunga kuti ari kuparira kusafara kwako.

14 Paunenge une zvinetso neimwe yehama dzako, teerera zano rapaMagwaro rakadai serinowanika pana VaKorose 3:13, rinoti: “Muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe; Ishe sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemiwo.” Ikoko kunoreva kurukurirano panzvimbo pokuramba kutaura nomumwe munhu. Uye kana ukacherekedza kuti mumwe munhu anoratidzika kuva asina ushamwari kwauri, teerera zano rinowanika pana Mateo 5:23, 24. Kurukura, uye edza kuita rugare nehama yako. Ikoku kunoraira rudo nokuzvininipisa kwauri, asi une musengwa kwauri umene nokuhama yako wokuteerera zano raJesu.

Zano Nekurudziro

15. Neiko maKristu asingafaniri kukundikana kukurukura zano paanenge achikwanisa kuita kudaro?

15 Musengwa wokukurukura unobatanidzwawo mukuteerera zano raPauro riri pana VaGaratia 6:1, (NW): “Hama, kunyange zvazvo munhu akaita nhano yakaipa asati aziva nezvayo, imi mune zvikwaniriso zvomudzimu edzai kugadziridza munhu akadaro nomudzimu wounyoro, sezvo imi mumwe nomumwe muchizvingwarira mumene, muchityira kuti imiwo mungaedzwa.” Mwero unofanira kutiparira kugamuchira kuonesa kwomumwe munhu kwatiri patakaita chikanganiso mukutaura kwedu kana kuti mufambiro. Chaizvoizvo, tose zvedu tinofanira kuva nechimiro icho wezvamapisarema Dhavhidhi akanga anacho paakanyora, kuti: “Wakarurama ngaandirove netsitsi; ngaandituke, ave mafuta pamusoro wangu; musoro wangu haungaarambi.” (Pisarema 141:5) Vakuru vanofanira zvikurukuru kuva mienzaniso yakatanhamara mukuzvininipisa, kwete kuomerera pamurangariro womunhu oga asi kuva vakagadzirira kugamuchira gadziridzo, vachirangarira kuti ‘mavanga anotemwa neshamwari inodiwa akatendeka.’—Zvirevo 27:6.

16. Rudzii rwekurukurirano urwo vakurukuri pwere vanofanira kugamuchira?

16 Inzira youchenjeri nomwero kuti pwere dzitsvake zano nenhungamiro kumaKristu akakura mumudzimu, ayo sezvingabvira achava nechimwe chinhu chinovaka chokugovera. Kunyange vakuru vanogona kubetserwa neiyi nzira. Somuenzaniso, mumwe mukuru akataura muhurukuro kuti zvikomborero zvinodudzwa pana Zvakazarurwa 7:16, 17, pamusoro pokusavazve nenzara nenyota, zvakanga zviri zvinhu izvo mamwe makwai aigona kutarira mberi kwazviri munyika itsva. Zvisinei, kwakaoneswa kuti urwu rugwaro runoshanda zvikurukuru kunguva yazvino. (Ona Revelation—Its Grand Climax At Hand!, mapeji 126-8.) Mumwe mukuru muvateereri akanzwa kuti anofanira kududza nhau yacho, asi asati ava nebanza rokuita kudaro, mukurukuri amene akaridza runhare ndokukumbira zvikarakadzo zvipi nezvipi pakuvandudza hurukuro yake. Hungu, ngatikuitei kuti kuve nyore nokuda kwaavo vangada kutibetsera kupfurikidza nokukurukura zvishuvo zvedu nokuda kwezano. Ngatiregei kuva vanokurumidza kutsamwa kana kuti vanotapurika zvisina kufanira.

17. Kurukurirano inogona sei kubatira kuvaka hama dzedu?

17 Mambo Soromoni akataura nheyo iyo inogona kusanoshandiswa kukurukurirano yedu. Iye akati: “Munhu, wakafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita.” (Zvirevo 3:27) Tine musengwa worudo kuhama dzedu. Pauro akati: “Musava nechikwerete nomunhu, asi chokudana; nokuti unoda mumwe, wazadzisa murairo.” (VaRoma 13:8) Naizvozvo iva norupo namashoko ako ekurudziro. Mubatiri anoshumira muduku ari kupa hurukuro yake yavose yokutanga here? Murumbidze. Imwe hanzvadzi yakaedza zvakaoma kana kuti yakaita zvakanakisisa mumugove wayo womuChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari here? Iudze kuti wakafarikanya sei nhamburiko dzayo. Zvikurukuru, hama nehanzvadzi dzedu dziri kutamburira kuita unani hwadzo uye dzichakurudzirwa nokutaura kworudo kwokuonga.

18. Uko kunyanyova nechivimbo kunoratidzirwa, chii chingava mutsa kuita?

18 Mukupesana, mukurukuri muduku angava namano akawanda, asi nemhaka yokuva muduku, iye angaratidza kunyanyozvivimba kupfuura kwakafanira. Rudzii rwekurukurirano rwaizodikanwa pano? Kwaisazova mutsa here kudai mukuru akakura mumudzimu akamurumbidza nokuda kwamapfundo api naapi akaisvonaka mukukurukura kwake asi, panguva imwe cheteyo, akakarakadza nounyoro nzira umo iye angagona kusakurira namo mwero munguva yemberi? Kurukurirano yakadaro yaizoratidza rudo rwouhama ndokubetsera vaduku kubvisa zvimiro zvakashata pakuvamba, zvisati zvasimba.

19. Neiko vakuru nemisoro yemhuri vachifanira kuva vakurukurirani?

19 Vakuru vanokurukurirana nomumwe nomumwe uye neungano pamusoro pezvinhu zvinobetsera—vachidzivisa, chokwadika, kuzivisa nhau dzakavanzika, dzakadai seidzo dzine chokuita nezvinetso zvokutonga. Kunyanyova anochengeta zvakavanzika, zvisinei, kunoguma nokusavimba nokuodzwa mwoyo uye kunogona kukuvadza mudzimu woushamwari muungano—kana kuti mumhuri. Somuenzaniso, munhu ari wose anofarikanya kunzwa mushumo unovaka. Kungofanana nokushuva kwaiita muapostora Pauro kupa zvipo zvomudzimu, naizvozvo vakuru vanofanira kuva vanodisa kupa mashoko anovaka kuvamwe.—Zvirevo 15:30; 25:25; VaRoma 1:11, 12.

20. Nyaya inotevera ichabata norutivii rwekurukurirano?

20 Hungu, kurukurirano inokosha mose muri muviri muungano yechiKristu nomumhuri yechiKristu. Uyezve, inokosha mune imwezve nzvimbo. Kupiko? Muushumiri hwechiKristu. Munyaya inotevera, ticharangarira nzira dzokuvandudza nadzo unyanzvi hwedu hwekurukurirano muuyu mubato unokosha zvikuru.

Waizopindura Sei?

◻ Mhinganidzo yenguva dzose kukurukurirano yemhuri ingakurirwa sei?

◻ Varume navadzimai vanogona sei kusangana nedenho yekurukurirano?

◻ Vabereki navana vanogona sei kudzivisa mukaha wechizvarwa?

◻ Kurukurirano muungano nomumhuri dzingabvumikisa sei kuva dzinovaka?

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kurukurirano yakanaka inosimudzira garikano yemhuri nomufarwa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe