RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 5/15 pp. 10-15
  • Tinofara Kuti Jehovha Anotiratidza Nzira Yake

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinofara Kuti Jehovha Anotiratidza Nzira Yake
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Anoratidza Nzira
  • Vamwe Vakafamba Munzira yaJehovha
  • Nei Vamwe Vakasiya Nzira yaJehovha
  • Muenzaniso Wakashata waAhazi
  • VaJudha naJeremia muEgipita
  • Jehovha Anokomborera Vanofamba Munzira Yake
  • Kuvimba naJehovha Pasinei Nenhamo
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
  • Mhaka Yedare Yenyika Yose Iyo Inokubatanidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Zvapupu Zvinorwisana Navamwari Venhema
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Chirevo chaJehovha kuMarudzi
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 5/15 pp. 10-15

Tinofara Kuti Jehovha Anotiratidza Nzira Yake

“Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo; shoko raJehovha rakaidzwa.”—2 SAMUERI 22:31.

1, 2. (a) Vanhu vose vanotoda chii? (b) Tingaita zvakanaka kutevedzera muenzaniso waani?

VANHU vose vanotoda kutungamirirwa. Chokwadi, tinoda kubatsirwa kuti titungamirirwe muupenyu. Chokwadi, Jehovha akatipa mano akati nehana yokuti itibatsire kunzwisisa zvakanaka nezvakaipa. Asi hana yedu inoda kurovedzwa kuti igova mutungamiriri anovimbwa. (VaHebheru 5:14) Uye pfungwa dzedu dzinoda mashoko akarurama—pamwe nokurovedzwa kuti dziyere kukosha kwemashoko iwayo—kuti tiite zvisarudzo zvakanaka. (Zvirevo 2:1-5) Nyange ipapo, nemhaka yokusava nechokwadi kwoupenyu, zvatinosarudza zvingaramba kuita zvatinoda. (Muparidzi 9:11) Matiri, hatina nzira yakavimbika yokuziva nayo kuti nguva iri mberi inei.

2 Nokuda kwezvikonzero izvi nezvimwe zvakawanda, muprofita Jeremia akanyora kuti: “Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” Jesu Kristu, munhu mukurusa ati amborarama, akabvuma kutungamirirwa. Akati: “Mwanakomana haagoni kuita chinhu oga, kana asingaoni Baba vachichiita; nokuti zvose zvavanoita ivo, Mwanakomana unozviita saizvozvowo.” (Johane 5:19) Saka, kutevedzera Jesu ndokutarira kuna Jehovha kuti atibatsire kururamisa nhano dzedu kuchenjera sei! Mambo Dhavhidhi akaimba kuti: “Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo; shoko raJehovha rakaidzwa; ndiye nhovo yavose vanotenda kwaari.” (2 Samueri 22:31) Kana tikatsvaka kufamba munzira yaJehovha panzvimbo pokutevera uchenjeri hwedu pachedu, tichava nenhungamiro yakakwana. Kuramba nzira yaMwari kunoita kuti tiwane dambudziko.

Jehovha Anoratidza Nzira

3. Jehovha akatungamirira sei Adhama naEvha, achivapa tariro dzipi?

3 Funga zvakaitika kuna Adhama naEvha. Nyange zvazvo vakanga vasina zvivi, vaida kutungamirirwa. Jehovha haana kusiyira Adhama kuti azvirongere zvinhu zvose mubindu rakaisvonaka reEdheni. Asi, Mwari akamupa basa rokuti aite. Chokutanga, Adhama aifanira kutumidza mhuka mazita. Ipapo, Jehovha akapa Adhama naEvha vavariro dzenguva yakareba. Vaifanira kutarisira pasi, kurizadza nevana vavo, uye kutarisira mhuka dzapasi. (Genesi 1:28) Iri raizova basa guru, asi zvaizoguma neparadhiso yenyika yose yakazadzwa nedzinza revanhu vakakwana vanorarama vachiwirirana nemhuka. Itariro yakaisvonaka zvakadini! Uyezve, Adhama naEvha pavaifamba munzira yaJehovha nokutendeka, vaizokurukura naye. (Enzanisa naGenesi 3:8.) Iropafadzo inoshamisa zvakadini—kuva noukama hunopfuurira, hwomunhu oga noMusiki!

4. Adhama naEvha vakaratidza sei kusatendeka nokusavimbika, uye nemigumisiro ipi yakashata?

4 Jehovha akarambidza vanhu vaviri vokutanga kudya zvomuti wokuziva zvakanaka nezvakashata wakanga uri muEdheni, uye izvi zvakabva zvangovapa mukana wokuratidza kuteerera kwavo—chishuvo chavo chokufamba munzira yaJehovha. (Genesi 2:17) Zvisinei, nenguva isipi, kuteerera ikoko kwakaedzwa. Satani paakauya nemashoko ake anonyengera, Adhama naEvha vaifanira kuratidza kutendeka kwavo kuna Jehovha uye kuvimba nevimbiso Dzake kuti varambe vachiteerera. Nenzira isingafadzi, havana kutendeka nokuvimbika. Satani paakati Evha aizosununguka ndokupomera Jehovha kuti anoreva nhema, akanyengedzwa ndokurega kuteerera Mwari. Adhama akaitawo chivi saye. (Genesi 3:1-6; 1 Timotio 2:14) Kurasikirwa kwavakazoguma vaita kwakanga kwakakura. Kufamba munzira yaJehovha kungadai kwakavapa mufaro unoramba uchiwedzera zvavairamba vachiita zvaanoda. Asi, upenyu hwavo hwakanga hwazadzwa nokuodzwa mwoyo nemarwadzo kusvikira vafa.—Genesi 3:16-19; 5:1-5.

5. Chinangwa chaJehovha chaagara anacho ndechipi, uye anobatsira sei vanhu vakatendeka kuti vaone kuzadzika kwacho?

5 Zvisinei, Jehovha haana kuchinja chinangwa chake chokuti rimwe zuva pasi richava musha weparadhiso wevanhu vakakwana, vasina chivi. (Pisarema 37:11, 29) Uye haana kumbotadza kutungamirira zvakakwana vaya vanofamba munzira yake vachitarisira kuona kuzadzikwa kwevimbiso iyoyo. Kunesu tose tine nzeve dzokunzwa, inzwi raJehovha riri shure kwedu, richiti: “Heyi nzira, fambai nayo!”—Isaya 30:21.

Vamwe Vakafamba Munzira yaJehovha

6. Vanhu vapi vaviri vomunguva dzokutanga vakafamba munzira yaJehovha, uye zvakaguma nei?

6 Maererano nezvakanyorwa muBhaibheri, vana vashomanene chete vaAdhama naEvha vakafamba munzira yaJehovha. Abheri akanga ari wokutanga waivava. Nyange zvazvo akakurumidza kufa, akafa Jehovha achimuda saka ane tariro yechokwadi yokuti achavawo pa“kumuka . . . kwavakarurama” kana nguva yaMwari yakwana. (Mabasa 24:15) Achaona kuzadzika kuchapedzisira kwaita chinangwa chikuru chaJehovha nokuda kwepasi nevanhu. (VaHebheru 11:4) Mumwe akafamba munzira yaJehovha akanga ari Enoki, ane uprofita huri pamusoro pomugumo wokupedzisira wegadziriro ino yezvinhu hwakachengetwa mubhuku raJudhasi. (Judhasi 14, 15) Enokiwo haana kurarama upenyu hwake hwaangadai akava nahwo. (Genesi 5:21-24) Nyange zvakadaro, “wakapupurirwa kuti wakanga achifadza Mwari.” Paakafa, iye, saAbheri, wakanga ane tariro yechokwadi yorumuko, uye achava pane avo vachaona zvinangwa zvaJehovha zvichizadzika.

7. Noa nemhuri yake vakaratidza sei kutendeka kuna Jehovha nokuvimba naye?

7 Nyika yakatangira Mafashamo zvayakanyanyisa kuipa, kuteerera Jehovha kwakaramba kuchiva muedzo wokutendeka. Nyika iyoyo yava kuda kuguma, boka rimwe chete duku rakawanikwa richifamba munzira yaJehovha. Noa nemhuri yake vakateerera Mwari ndokuvimba nezvaakataura. Vakaita nokutendeka mabasa avakanga vapiwa uye vakaramba kuedzwa nezviito zvakaipa zvenyika yamazuva iwayo. (Genesi 6:5-7, 13-16; VaHebheru 11:7; 2 Petro 2:5) Tinogona kufarira kuteerera kwavo kwokutendeka uye kwokuvimba. Nemhaka yakwo, vakapukunyuka Mafashamo ndokuva vanatateguru vedu.—Genesi 6:22; 1 Petro 3:20.

8. Kurudzi rwaIsraeri, chii chaibatanidzwa pakufamba munzira yaMwari?

8 Pashure penguva yakati, Jehovha akaita sungano nevazukuru vaJakobho wakanga akatendeka, uye vakava rudzi rwake chairwo. (Eksodho 19:5, 6) Jehovha akatungamirira vanhu vake vesungano achishandisa Mutemo wakanyorwa, vapristi, uye nhungamiro yechiprofita yaipfuurira. Asi zvakanga zviri kuvaIsraeri vacho kuti vateerere nhungamiro iyoyo. Jehovha akaita kuti vaprofita vake vataurire vaIsraeri kuti: “Tarirai, nhasi ndinoisa pamberi penyu kuropafadzwa nokutukwa; kuropafadzwa, kana mukateerera mirayiro yaJehovha Mwari wenyu, yandinokurayirai nhasi; nokutukwa, kana musingateereri mirayiro yaJehovha Mwari wenyu, asi muchitsauka panzira yandinokurayirai nhasi, mukatevera vamwe vamwari vamusina kuziva.”—Dheuteronomio 11:26-28.

Nei Vamwe Vakasiya Nzira yaJehovha

9, 10. VaIsraeri vaifanira kuvimba naJehovha ndokushandira kuti vavimbike kwaari nemhaka yemamiriro api ezvinhu?

9 Kufanana naAdhama naEvha, vaIsraeri vaifanira kuvimba naJehovha uye kutendeka kwaari kuti varambe vachiteerera. Israeri rwaiva rudzi ruduku rwakanga rwakapoteredzwa nevavakidzani vaidenha. Kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kwaiva neEgipita uye Etiopia. Kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kwakanga kune Siria neAsiria. Pedyo pedyo pakanga pane Firistia, Amoni, Moabhi, neEdhomi. Vose ivava vakambova vavengi vaIsraeri pane imwe nguva. Uyezve, vose zvavo vainamata chitendero chenhema, chainamata vanamwari vemifananidzo, kuongorora nyeredzi, uye mune zvimwe zviitiko tsika dzokurara nevanhu dzakaipisisa uye kubayirwa kwoutsinye kwevana. Vavakidzani vaIsraeri vaitarisira kuti vanamwari vavo vavape mhuri dzakakura, goho rakakura, uye rukundo muhondo.

10 VaIsraeri voga ndivo vainamata Mwari mumwe, Jehovha. Akavavimbisa kuvakomborera nemhuri dzakakura, goho rakakura, uye kudzivirirwa pavavengi vavo kana vaizoteerera mitemo yake. (Dheuteronomio 28:1-14) Nenzira isingafadzi, vakawanda vaiva muIsraeri vakatadza kuita izvi. Pane avo vakafamba munzira yaJehovha, vakawanda vakatamburira kutendeka kwavo. Vamwe vakatotambudzwa, vakasekwa, vakarohwa, vakaiswa mujeri, vakatakwa nemabwe, uye vakaurayiwa nevamwe vavo vaIsraeri. (Mabasa 7:51, 52; VaHebheru 11:35-38) Iwoyo unofanira kuva wakanga uri muedzo wakadini kune vakanga vakatendeka! Zvisinei, nei vakawanda zvikuru vakatsauka panzira yaJehovha? Mienzaniso miviri yomunhau yevaIsraeri inotibatsira kuona kufunga kwavo kwakanga kusina kururama.

Muenzaniso Wakashata waAhazi

11, 12. (a) Paakatyisidzirwa neSiria, Ahazi wakaramba kuitei? (b) Ahazi wakatarisira kudzivirirwa nezvinhu zvipi zviviri?

11 Ahazi wakatonga muumambo hwokumaodzanyemba hwaJudha muzana remakore rechisere B.C.E. Kutonga kwake kwakanga kusiri kworugare. Pane imwe nguva, Siria noumambo hwokuchamhembe hwaIsraeri vakabatana vachirwisana naye, uye “mwoyo wake nemwoyo yavanhu vake ikazununguswa.” (Isaya 7:1, 2) Zvisinei, Jehovha paakati aida kutsigira ndokuudza Ahazi kuti amuidze, Ahazi akaramba kuti tana! (Isaya 7:10-12) Saka, Judha yakakundwa muhondo yacho uye yakava nevakawanda vakaurayiwa.—2 Makoronike 28:1-8.

12 Nepo Ahazi akaramba kuidza Jehovha, haana kuzeza kukumbira kubatsirwa namambo weAsiria. Nyange zvakadaro, Judha yakaramba ichitambudzwa nevavakidzani vayo. Asiria payakauyawo kuzorwa naAhazi i“kamumanikidza,” mambo wacho “wakabayira vamwari veDhamasko, vakanga vamukunda, akati: Vamwari vamadzimambo aSiria zvavanovabatsira, ini ndichavabayirawo, kuti vandibatsirewo.”—2 Makoronike 28:20, 23.

13. Ahazi akaratidzei nokuenda kune vanamwari veSiria?

13 Pane imwe nguva yakazotevera, Jehovha akazoti kuna Israeri: “Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo. Haiwa! dai wakateerera hako mirayiro yangu! Rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, nokururama kwako samafungu egungwa!” (Isaya 48:17, 18) Pakuenda kune vanamwari veSiria, Ahazi akaratidza kuti aiva kure sei no‘kufamba munzira yaaifanira kufamba nayo.’ Akanga atsauswa zvachose nokufunga kwemarudzi, achitarira kune zvinhu zvenhema zvaivadzivirira panzvimbo pokudzivirirwa naJehovha.

14. Nei Ahazi akanga asina chokuzvipembedza nacho paakaenda kune vanamwari venhema?

14 Vanamwari vemarudzi, kubatanidza vaya veSiria, vakanga vanguve varatidzwa kuva “vanamwari vasingakoshi.” (Isaya 2:8, NW) Izvi zvisati zvaitika, paitonga Mambo Dhavhidhi, simba raJehovha pane ravanamwari veSiria rakaoneka zvakajeka vaSiria pavakava varanda vaDhavhidhi. (1 Makoronike 18:5, 6) Jehovha oga, “Mwari wavamwari, naShe wamadzishe, Mwari mukuru, unotyisa,” ndiye anogona kunyatsodzivirira. (Dheuteronomio 10:17) Nyange zvakadaro, Ahazi akapira Jehovha gotsi rake ndokutarisira kuti vanamwari vemarudzi vamudzivirire. Zvakazoitika zvacho zvakanga zvakashatira Judha.—2 Makoronike 28:24, 25.

VaJudha naJeremia muEgipita

15. VaJudha vaiva muEgipita muzuva raJeremia vakatadza munzira ipi?

15 Nemhaka yokusavimbika kwakanyanyisa kwevanhu vake muna 607 B.C.E., Jehovha akabvumira vaBhabhironi kuti vaparadze Jerusarema netemberi yaro. Vakawanda vorudzi rwacho vakatapwa kuBhabhironi. Zvisinei, vamwe vakasiyiwa, mumwe wacho ari muprofita Jeremia. Gavhuna Gedharia paakaurayiwa, boka iri rakatizira kuEgipita ndokuenda naJeremia. (2 Madzimambo 25:22-26; Jeremia 43:5-7) Ikoko, vakatanga kubayira vanamwari venhema. Jeremia akatsiura vaJudha vacho vakanga vasina kutendeka nomutsa, asi vakanga vakasindimara. Vakaramba kuenda kuna Jehovha ndokuomerera pakuti vaizoramba vachipisira zvinonhuwira kune “vahosi vokudenga.” Nei? Nemhaka yokuti ndizvo zvavakanga vaita ivo nemadzibaba avo ‘mumaguta aJudha nomumigwagwa yomuJerusarema, pavaiwanzoguta nechingwa uye vakapfuma, uye havana kana kumboona njodzi.’ (Jeremia 44:16, 17) VaJudha vakaitawo nharo vachiti: “Kubvira panguva yatakarega kupisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, takashayiwa zvose, tikapedzwa nomunondo nenzara.”—Jeremia 44:18.

16. Nei vaJudha vaiva muEgipita vakanga vasina kururama zvachose pakufunga kwavo?

16 Inga wani ndangariro dzinosarudza zvadzinoda! Chii chakanga chaitika? Chokwadi vaJudha vakanga vabayira vanamwari venhema munyika yavakanga vapiwa naJehovha. Dzimwe nguva, sapanguva yaAhazi, vakatambura nemhaka yokuramba kutenda ikoko. Zvisinei, Jehovha ai“nonoka kutsamw[ir]a” vanhu vake vesungano. (Eksodho 34:6; Pisarema 86:15) Akatuma vaprofita vake kuti vavakurudzire kuti vatendeuke. Dzimwe nguva, mambo paakanga akatendeka, Jehovha aimukomborera, uye vanhu vaibatsirwa nechikomborero ichocho, nyange zvazvo vakawanda vavo vakanga vasina kutendeka. (2 Makoronike 20:29-33; 27:1-6) VaJudha ivavo vaiva muEgipita vakanga vasina kururama sei kutaura kuti kubudirira chero kupi zvako kwavakava nako kunyika yokumusha kwavo kwakanga kwabva kune vanamwari vavo venhema!

17. Nei Judha yakarasikirwa nenyika yayo netemberi?

17 Gore ra607 B.C.E. risati rasvika, Jehovha akanga akurudzira vanhu vaJudha kuti: “Teererai inzwi rangu, ndigova Mwari wenyu, nemi muchava vanhu vangu; mufambe nenzira yose yandichakurayirai, mugova nomufaro.” (Jeremia 7:23) VaJudha vakarasikirwa netemberi yavo nenyika yavo kunyanya nemhaka yokuti vakaramba kufamba ‘munzira yavakanga varayirwa naJehovha.’ Ngativei nechokwadi chokuti tinodzivisa chikanganiso ichocho chakakomba.

Jehovha Anokomborera Vanofamba Munzira Yake

18. Avo vanofamba munzira yaJehovha vanofanira kuitei?

18 Nhasi, kufanana nomunguva yakapfuura, kufamba munzira yaJehovha kunoda kutendeka—kusimba kumunamata iye oga. Kunoda kuvimba—kutenda zvakakwana kuti vimbiso dzaJehovha ndedzechokwadi uye dzichaitika. Kufamba munzira yaJehovha kunoda kuteerera—kutevera mitemo yake pasina kutsauka nokuchengeta zvaanoda zvakakwirira. “Jehovha wakarurama; unoda zvakarurama.”—Pisarema 11:7.

19. Vakawanda vanonamata vanamwari vapi nhasi, uye zvinoguma nei?

19 Ahazi akatarisira kuti vanamwari veSiria vamudzivirire. VaIsraeri vaiva kuEgipita vaitarisira kuti “vahosi vokudenga,” mwarikadzi ainamatwa kwose kwose muMiddle East yekare, aizoita kuti vabudirire kunyama. Nhasi, vanamwari vakawanda havasi mifananidzo chaiyo. Jesu akanyevera nezvekushumira “Pfuma” panzvimbo paJehovha. (Mateo 6:24) Muapostora Pauro akataura nezve“kuchiva, ndiko kunamata zvifananidzo.” (VaKorose 3:5) Akataurawo nezvevaya avo “mwari wavo [riri] dumbu ravo.” (VaFiripi 3:19) Hungu, mari nezvinhu zvokunyama ndevamwe vanamwari vanonyanya kunamatwa nhasi. Chaizvoizvo, vakawanda—kubatanidza vakawanda vezvechitendero—‘vanovimba nepfuma isingagari.’ (1 Timotio 6:17) Vakawanda vanoshanda zvakaoma vachishumira vanamwari ivava, uye vamwe vanowana mibayiro—kugara mudzimba dzakanakisisa, kuva nezvinhu zvinodhura, uye kudya zvokudya zvoumbozha. Zvisinei, havazi vose vanowana zvakawanda kudaro. Uye nyange vanozviwana vacho vanopedzisira vaona zvinhu izvozvi zvisingavagutsi. Hazvivimbiki, ndezvenguva pfupi, uye hazvigutsi zvinodiwa zvomudzimu.—Mateo 5:3.

20. Tinofanira kuramba tiri pakati nepakati sei?

20 Chokwadi, tinofanira kuita zvinoshanda zvatinorarama nomumazuva okupedzisira egadziriro ino yezvinhu. Tinofanira kutora matanho ane musoro kuti titarisire mhuri dzedu kunyama. Asi kana tikanyanya kukoshesa upenyu hwepamusoro, kurondwa kwemari, kana zvinhu zvakafanana neizvozvo pane kushumira Mwari, tawira mune rumwe rudzi rwokunamata mifananidzo uye hatisisiri kufamba munzira yaJehovha. (1 Timotio 6:9, 10) Zvisinei, zvakadini kana tikava nedambudziko routano, remari, kana mamwewo? Ngatiregei kuva sevaJudha vaya vaiva muEgipita vaiti kunamata Mwari ndiko kwakaita kuti vatambudzike. Asi, ngatiidzei Jehovha, zvakatadzwa naAhazi. Kumbira Jehovha Mwari nokutendeka kuti akutungamirire. Shandisa nhungamiro yake nokuvimba, uye nyengeterera simba nouchenjeri hwokubata nemamiriro ezvinhu ose. Ipapo, mirira chikomborero chaJehovha nechivimbo.

21. Zvikomborero zvipi zvinouya kune vanofamba munzira yaJehovha?

21 Munhau yose yavaIsraeri, Jehovha akakomborera chaizvo vaya vakafamba munzira yake. Mambo Dhavhidhi akaimba kuti: “Ndifambisei, Jehovha, mukururama kwenyu nokuda kwavavengi vangu.” (Pisarema 5:8) Kwaari, Jehovha akamuita kuti akunde marudzi akanga akavakidzana naye muhondo ayo akazonetsa Ahazi. Nyika yeIsraeri yakakomborerwa norugare nokubudirira payaitungamirwa naSoromoni, zvakazoshuviwa nevaJudha vaiva muEgipita. Kune mwanakomana waAhazi, Hezekia, Jehovha akatomuita kuti akunde Asiria yaiva nesimba. (Isaya 59:1) Hungu, ruoko rwaJehovha rwakanga rwusina kupfupika kuvakavimbika vake, vasina kumira “panzira yavatadzi” asi vaifarira mutemo waJehovha. (Pisarema 1:1, 2) Zvichakangodaro. Zvisinei, nhasi tingava sei nechokwadi chokuti tiri kufamba munzira yaJehovha? Izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.

Unoyeuka Here?

◻ Zvinhu zvipi zvinokosha kuti tifambe munzira yaJehovha?

◻ Nei kufunga kwaAhazi kwaiva kwenhema?

◻ Chii chakanga chakashata nemafungiro evaJudha vaiva muEgipita?

◻ Tingasimbisa sei kutsunga kwedu kufamba munzira yaJehovha?

[Mufananidzo uri papeji 13]

Ahazi akatarira kune vanamwari veSiria panzvimbo paJehovha

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe