“Zvipo Zviri Varume” Kuti Zvitarisire Makwai aJehovha
“Paakakwira kumusoro akaenda nevatapwa; akapa zvipo zviri varume.”—VAEFESO 4:8, NW.
1. Imwe hanzvadzi yechiKristu yakataurei nezvevakuru vari muungano yayo?
“NDINOKUONGAI nokuva nehanya nesu zvikuru. Kunyemwerera kwenyu, ushamwari hwenyu, uye kuva nehanya kwenyu ndezvechokwadi chaizvo. Nguva dzose muripo kuti muteerere ndokutipawo mashoko anobva muBhaibheri anotikurudzira. Ndinonyengeterera kuti ndisafe ndakakurerutsai.” Ndiwo manyorere akaita imwe hanzvadzi yechiKristu kuvakuru vari muungano yayo. Zviri pachena kuti rudo runoratidzwa nevafudzi vechiKristu vane hanya rwakanga rwamubaya mwoyo.—1 Petro 5:2, 3.
2, 3. (a) Maererano naIsaya 32:1, 2, vakuru vane tsitsi vanotarisira sei makwai aJehovha? (b) Mukuru anganzi chipo rini?
2 Jehovha akapa vakuru kuti vatarisire makwai ake. (Ruka 12:32; Johane 10:16) Jehovha anoda makwai ake—kutaura chokwadi, anoada zvikuru zvokuti akaatenga neropa rinokosha raJesu. Saka, hazvishamisi kuti Jehovha anofara vakuru pavanobata boka rake nounyoro. (Mabasa 20:28, 29) Cherekedza kurondedzera kwouprofita kunoitwa ava vakuru, kana kuti “machinda”: “Munhu mumwe nomumwe uchava soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.” (Isaya 32:1, 2) Hungu, vanofanira kudzivirira, kuzorodza, uye kunyaradza makwai ake. Vakuru vanofudza boka netsitsi nenzira iyoyo vari kuedza kurarama maererano nezvavanotarisirwa naMwari kuti vaite.
3 Vakuru vakadaro vanotaurwa muBhaibheri se“zvipo zviri varume.” (VaEfeso 4:8, NW) Paunofunga nezvechipo, unofunga nezvechimwe chinhu chinopiwa kuzadzisa chinodiwa kana kuti chinounza mufaro kune anogamuchira. Mukuru anganzi chipo paanoshandisa mano ake kuti ape ruyamuro rwunodiwa uye kuti aitewo kuti boka rifare. Izvi angazviita sei? Mhinduro yacho, inowanika mumashoko aPauro ari pana VaEfeso 4:7-16, inonyatsoratidza kuva nehanya kune rudo kunoita Jehovha makwai ake.
“Zvipo Zviri Varume”—Zvinobva Kupi?
4. Mukuzadzika kwaPisarema 68:18, Jehovha aka‘kwira sei kumusoro,’ uye ndivanaani vakanga vari “zvipo zviri varume”?
4 Pauro paakashandisa shoko rokuti “zvipo zviri varume,” akanga achidzokorora mashoko aMambo Dhavhidhi, akanga amboti nezvaJehovha: “Makakwira kumusoro; makaenda nevatapwa; makatora zvipo zviri varume.” (Pisarema 68:18, NW) VaIsraeri pavakanga vagara muNyika Yakapikirwa kwemakore akati wandei, Jehovha aka“kwira” Gomo reZioni zvokufananidzira ndokuita Jerusarema guta guru roumambo hwaIsraeri, Dhavhidhi ari mambo waro. Asi ndivanaani vakanga vari “zvipo zviri varume”? Vakanga vari varume vakatapwa pakakurirwa nyika yacho. Vamwe vevatapwa ava vakazonzi vabatsire vaRevhi basa repatabhenakeri.—Ezra 8:20.
5. (a) Pauro anoratidza sei kuti Pisarema 68:18 rinozadzika muungano yechiKristu? (b) Jesu aka‘kwira kumusoro’ munzira ipi?
5 Mutsamba yake yaienda kuvaEfeso, Pauro anoratidza kuti mashoko omunyori wepisarema ane kuzadzika kwakakura muungano yechiKristu. Achinyora mashoko ePisarema 68:18, neimwe nzira, Pauro anonyora kuti: “Zvino mumwe nomumwe wedu akapiwa mutsa usina kufanirwa maererano nokuyera kwakaita Kristu chipo chepachena. Saka anoti: Paakakwira kumusoro akaenda nevatapwa; akapa zvipo zviri varume.” (VaEfeso 4:7, 8) Pano, Pauro anoshandisa pisarema iri kuna Jesu somumiririri waMwari. Jesu “akakunda nyika” nokutendeka kwake. (Johane 16:33) Akakundawo rufu uye Satani nechikonzero chokumutswa kwaakaitwa naMwari kune vakafa. (Mabasa 2:24; VaHebheru 2:14) Muna 33 C.E., Jesu akamutswa akakwira “kumusoro-soro kwedenga rose”—kumusoro kwezvimwe zvisikwa zvose zvokudenga. (VaEfeso 4:9, 10; VaFiripi 2:9-11) Somunhu akanga akunda, Jesu akatora “vatapwa” kubva kumuvengi. Zvinodaro sei?
6. Kutangira paPendekosti ya33 C.E., Jesu paakakwira kudenga akatanga sei kupamba imba yaSatani, uye akaita sei ne“vatapwa”?
6 Paakanga ari pasi, Jesu akaratidza simba rake rinopfuura raSatani nokununura vakanga vakasungwa nemadhimoni. Zvakanga zvakaita sokuti Jesu akapinda nechisimba mumba maSatani, akamusunga, ndokutora zvinhu zvake. (Mateo 12:22-29) Imbofunga, angomutswa uye apiwa ‘simba rose kudenga napanyika,’ Jesu aigona kupamba zvakadini! (Mateo 28:18) Kutangira paPendekosti ya33 C.E., Jesu akanga akwira kudenga akatanga kupamba imba yaSatani, somumiririri waMwari, kuburikidza noku‘enda nevatapwa’—vanhu vakanga vanguve vari muuranda hwechivi norufu mukudzora kwaSatani. “Vatapwa” ava vakava “varanda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari nomwoyo wose” vachida. (VaEfeso 6:6) Chaizvoizvo, Jesu akavasunungura pakudzora kwaSatani uye, achiitira Jehovha, akavapa kuungano se“zvipo zviri varume.” Fungidzira hasha dzaSatani dzisina zvadzaigona kuita zvavakabvutwa pakudzora kwake achiona!
7. (a) “Zvipo zviri varume” zvinoshanda munzvimbo dzipi muungano? (b) Jehovha akapa murume oga oga anobatira somukuru mukana wei?
7 Tinoona “zvipo zviri varume” zvakadaro muungano here nhasi? Chokwadi, tinodaro! Tinovaona vachishanda sevakuru, vachishanda zvakaoma se‘vaevhangeri, vafudzi, uye vadzidzisi’ muungano dzinopfuura 87 000 dzevanhu vaMwari munyika yose. (VaEfeso 4:11) Chinongodiwa naSatani chete kuti vabate boka zvisina kufanira. Asi handizvo izvo Mwari akavapira kuungano achishandisa Kristu. Asi, Jehovha akaita kuti varume ava vavepo kuti ungano igare zvakanaka, uye ndivo vachazozvidavirira kwaari nokuda kwamakwai avakaronzeswa. (VaHebheru 13:17) Kana uchishanda somukuru, Jehovha akakupa mukana wakanaka wokuzviratidza kuti uri chipo, kana kuti chikomborero, kuhama dzako. Ungaita izvi nokuita mabasa mana anokosha.
Kana Pane Anofanira ‘Kururamiswa’
8. Munzira dzipi idzo tose zvedu tinoda kururamiswa dzimwe nguva?
8 Chokutanga, izvi “zvipo zviri varume” zvinopiwa “kuti vatsvene varuramiswe,” anodaro Pauro. (VaEfeso 4:12, NW) Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kururamiswa” rinoreva ku“nyatsowiriranisa” chimwe chinhu. Sevanhu vasina kukwana, tose tinoda kururamiswa nguva nenguva—kuita kuti kufunga kwedu, maonere, kana kuti mufambiro zvi“nyatsowiriraniswa” nokufunga nokuda kwaMwari. Jehovha akagovera norudo “zvipo zviri varume” kuti zvitibatsire kuti tigadziridze panodiwa. Zvinoita sei izvi?
9. Mukuru angabatsira sei kururamisa gwai rinenge ratadza?
9 Dzimwe nguva, mukuru angadanwa kuti abatsire gwai ratadza, zvimwe ra‘darika risati razviziva.’ Mukuru angabatsira sei? “Mudzose wakadai nomwoyo wounyoro,” inodaro VaGaratia 6:1. Saka, paanenge achipa zano, mukuru haazotuki munhu atadza, achishandisa mashoko ehasha. Zano rinofanira kukurudzira, kwete “kutyisa,” anenge achirigamuchira. (2 VaKorinte 10:9; enzanisa naJobho 33:7.) Munhu wacho angave ari kutonyara, saka mukuru ane rudo anodzivisa kukuvadza manzwire omunhu iyeye. Zano, nyange kutsiura zvakasimba, kana zviri pachena kuti zviri kupiwa nemhaka yorudo, sezvingabvira zvichawiriranisa kufunga kana mufambiro womunhu atadza, nokudaro zvichimudzora.—2 Timotio 4:2.
10. Kururamisa vamwe kunobatanidzei?
10 Pakupa “zvipo zviri varume” kuti tiruramiswe, Jehovha aifunga nezvokuti vakuru vazorodze mumudzimu uye vave vakakodzera kutevedzerwa nevanhu vake. (1 VaKorinte 16:17, 18; VaFiripi 3:17) Kururamisa vamwe kunobatanidza kwete chete kururamisa vanenge vatsauka asiwo kubatsira vakatendeka kuomerera panzira yakarurama.a Nhasi, nemhaka yezvinetso zvakawanda kudai zvinoodza mwoyo, vakawanda vanoda kukurudzirwa kuti varambe vakaomerera. Vamwe vanoda kubatsirwa nounyoro kuti vawiriranise kufunga kwavo nokwaMwari. Somuenzaniso, vamwe vaKristu vakatendeka vanotambura nokunzwa vachiperevedza kana kuti vasingakoshi. “Vanopera mwoyo” vakadaro vanganzwa kuti Jehovha haazofi akavada uye kuti nyange zvavanofirira kuita kuti vanamate Mwari hazvizombofi zvakagamuchirwa naye. (1 VaTesaronika 5:14) Asi mafungire aya haawirirani nemanzwire anonyatsoita Mwari pamusoro pevanomunamata.
11. Vakuru vangaitei kuti vabatsire vaya vanotambura nokunzwa vasingakoshi?
11 Vakuru, chii chamungaita kuti mubatsire vakadaro? Vapeiwo nomutsa uchapupu hwomuMagwaro hwokuti Jehovha ane hanya nemushumiri wake woga woga uye vavimbisei kuti magwaro eBhaibheri aya anoshanda kwavari somunhu oga. (Ruka 12:6, 7, 24) Vabatsirei kuti vaone kuti Jehovha akava‘kweva’ kuti vamunamate, saka chokwadi anofanira kuona kukosha kwavo. (Johane 6:44) Itai kuti vave nechokwadi chokuti havasi voga—vashumiri vaJehovha vakawanda vakambonzwawo zvakafanana. Muprofita Eria akamboorawo mwoyo zvikuru zvokuti akada kufa. (1 Madzimambo 19:1-4) Vamwe vaKristu vakazodzwa vomuzana rokutanga remakore vakanzwa ‘vachipiwa mhaka’ nemwoyo yavo. (1 Johane 3:20) Tinonyaradzwa kana tikaziva kuti vanhu vakanga vakatendeka vomunguva dzeBhaibheri vakanga va“kaita sesu.” (Jakobho 5:17) Mungadzokororawo nevakaora mwoyo nyaya dzinokurudzira dziri muNharireyomurindi neMukai! Kuedza kwenyu kwerudo kwamunoita kudzorera chivimbo chavanhu vakadaro hakuzoregi kucherekedzwa naMwari akakupai se“zvipo zviri varume.”—VaHebheru 6:10.
“Kuvaka” Boka
12. Chii chinoratidzwa nokutaura kwokuti “kuvaka muviri waKristu,” uye chii chinokosha kuti boka rivakwe?
12 Chechipiri, “zvipo zviri varume” zvinopiwa pachifungwa nezve“kuvaka muviri waKristu.” (VaEfeso 4:12) Pauro pano anoshandisa kutaura kwokufananidzira. “Kuvaka” kunoita kuti tifunge nezvekuvaka chaiko, uye “muviri waKristu” unoreva vanhu—mitezo yeungano yevaKristu vakazodzwa. (1 VaKorinte 12:27; VaEfeso 5:23, 29, 30) Vakuru vanofanira kubatsira hama dzavo kuti dzikure mumudzimu. Chavanenge vachida ku‘vaka kwete kuputsa’ boka. (2 VaKorinte 10:8) Chinokosha kuti boka rivakwe rudo, nokuti “rudo runovaka.”—1 VaKorinte 8:1, NW.
13. Kunzwisisa manzwire anoita vamwe kunorevei, uye nei zvichikosha kuti vakuru vanzwisise manzwire anoita vamwe?
13 Chimwe chinhu chinoumba rudo chinobatsira vakuru kuti vavake boka kunzwisisa manzwire anoita vamwe. Kunzwisisa manzwire anoita vamwe zvinoreva kuvanzwira urombo—kuziva mafungire avo nemanzwire avo, tichifunga zvavasingagoni kuita. (1 Petro 3:8) Nei zvichikosha kuti vakuru vanzwisise manzwire anoita vamwe? Kupfuura zvose nemhaka yokuti Jehovha—uyo anopa “zvipo zviri varume—ndiMwari anonzwisisa manzwire anoita vamwe. Vashumiri vake pavanenge vachitambura kana kuti vachirwadziwa, anovanzwira urombo. (Eksodho 3:7; Isaya 63:9) Anoziva zvavasingagoni kuita. (Pisarema 103:14) Saka, vakuru vangaratidza sei kuti vanonzwisisa manzwire anoita vamwe?
14. Vakuru vanganzwisisa manzwire anoita vamwe nenzira dzipi?
14 Mumwe munhu akaora mwoyo paanouya kwavari, vanoteerera, vachibvuma manzwire omunhu iyeye. Vanoedza kunzwisisa upenyu hwekare, unhu, uye migariro yehama dzavo. Vakuru pavanozopa rubatsiro rwomuMagwaro runovaka, makwai acharwuwana rwuri nyore kugamuchira nemhaka yokuti rwunobva kuvafudzi vanonyatsovanzwisisa uye vane hanya navo. (Zvirevo 16:23) Kunzwisisa manzwire anoita vamwe kunoitawo kuti vakuru vafunge nezvezvisingagoni kuitwa nevamwe nemanzwire angazoparirwa nazvo. Somuenzaniso, vamwe vaKristu vane hana yakanaka vanganzwa vane mhaka pamusana pokuti havakwanisi kuita zvakawanda pakushumira Mwari, zvimwe pamusana pokukwegura kana utano hwakashata. Ukuwo, vamwe vangada kukurudzirwa kuti vavandudze ushumiri hwavo. (VaHebheru 5:12; 6:1) Kunzwisisa manzwire avanoita kunoita kuti vakuru vatsvake “mashoko anofadza” anovaka vamwe. (Muparidzi 12:10) Makwai aJehovha paanovakwa uye paanokurudzirwa, kuda kwavo Mwari kuchavaita kuti vaite zvose zvavanogona kuti vamunamate!
Varume Vanokurudzira Kubatana
15. Chii chinorehwa nokutaura kwokuti “humwe hwokutenda”?
15 Chechitatu, “zvipo zviri varume” zvinopiwa kuitira kuti “isu tose tisvike pahumwe hwokutenda nokuziva Mwanakomana waMwari.” (VaEfeso 4:13) Chitsama chemashoko chokuti “humwe hwokutenda” chinoratidza kubatana kwete chete kwezvinotendwa asiwo kwevanotenda. Saka, ichi chimwe chikonzero nei Mwari akatipa “zvipo zviri varume”—kuti akurudzire kubatana pavanhu vake. Izvi vanozviita sei?
16. Nei zvichikosha kuti ivo vakuru varambe vakabatana?
16 Chokutanga, ivo vanofanira kuramba vakabatana. Kana vafudzi vasina kubatana, makwai angaregeredzwa. Nguva inokosha ingapedzwa pakufudza boka ingaperera zvisina musoro mumisangano yakareba nenharo dzezvinhu zvinenge zvaitika. (1 Timotio 2:8) Vakuru vangasaerekana vabvumirana panhau yoga yoga yavanokurukura, nokuti varume vane unhu hungasiyana chaizvo. Kubatana hakudzivisi pfungwa dzakasiyana nyange kudziratidza zvakafanira pakukurukurirana vachibudirana pachena. Vakuru vanodzivirira kubatana kwavo nokuteererana noruremekedzo pasina kufanofungira. Uye chero bedzi pasina nheyo yeBhaibheri iri kuputswa, mumwe nomumwe anofanira kubvuma ndokutsigira chisarudzo chokupedzisira chedare revakuru. Kubvuma kunoratidza kuti vanodzorwa no“kuchenjera kunobva kumusoro,” kune “rugare, k[unonzwisisa, NW].”—Jakobho 3:17, 18.
17. Vakuru vangabatsira sei kuti vachengetedze kubatana muungano?
17 Vakuru vakangwaririrawo kukurudzira kubatana muungano. Pesvedzero dzinoparadzanisa—dzakadai seguhwa rinokuvadza, kungoda kufungira vamwe zvisizvo, kana kukakavara—pazvinotyisidzira rugare, vanobva vapa zano rinobatsira. (VaFiripi 2:2, 3) Somuenzaniso, vakuru vangaziva nezvevanhu vanoshora zvakanyanyisa kana kuti vanongoda zvokupindira munhau dzevamwe, nokudaro vachiva vanhu vasingasiyani nezvevamwe. (1 Timotio 5:13; 1 Petro 4:15) Vakuru vachaedza kubatsira vakadaro kuti vazive kuti nzira iyi inopesana nezvatakadzidziswa naMwari uye kuti munhu oga oga anofanira “kutakura mutoro wake.” (VaGaratia 6:5, 7; 1 VaTesaronika 4:9-12) Vachishandisa Magwaro, vachatsanangura kuti Jehovha anotisiyira zvinhu zvakawanda kuti tizvisarudzire, uye hapana nomumwe wedu anofanira kutonga vamwe panhau dzakadaro. (Mateo 7:1, 2; Jakobho 4:10-12) Kuti tishande tose takabatana, muungano munofanira kuva nomugariro wokuvimbana nokuremekedzana. Nokupa zano remuMagwaro parinenge richidiwa, “zvipo zviri varume” zvinotibatsira kuchengetedza rugare rwedu nokubatana.—VaRoma 14:19.
Kudzivirira Boka
18, 19. (a) “Zvipo zviri varume” zvinotidzivirira pana ani? (b) Makwai anoda kudzivirirwa pane imwe ngozi ipi, uye vakuru vanoita sei kuti vadzivirire makwai?
18 Chechina, Jehovha anopa “zvipo zviri varume” kuti zvitidzivirire pakupesvedzerwa “nemhepo ipi neipi yokudzidzisa nokunyengera kwavanhu, namano, kuti vatsause nokunyengera.” (VaEfeso 4:14) Shoko rinoshandurwa kuti “kunyengera” rinonzi rinoreva “kushandisa dhaisi uchiita zvokubiridzira” kana kuti “unyanzvi hwokushandisa dhaisi.” Izvozvo hazvitiyeuchidzi here kuti vakaramba kutenda vanoshanda sei? Vachishandisa nharo dzounyanzvi, vanoshandisa Magwaro vachiedza kukwezva vaKristu vechokwadi kubva pakutenda kwavo. Vakuru vanofanira kuchenjerera “mapere anoparadza” akadaro!—Mabasa 20:29, 30.
19 Makwai aJehovha anofanira kudzivirirwa pane dzimwe ngozi zvakare. Mufudzi wekare Dhavhidhi akadzivirira makwai ababa vake pazvikara asingatyi. (1 Samueri 17:34-36) Nhasiwo, pangava nenguva apo vafudzi vechiKristu vane hanya vanofanira kuratidza kushinga kuitira kuti vadzivirire boka pane vose vangada kubata zvisina kufanira kana kuti kudzvinyirira makwai aJehovha, kunyanya anonyanyotya. Vakuru vachakurumidza kubvisa muungano vatadzi voune vanoshandisa unyengeri, nzira dzenhema, uye kuronga vachiziva havo kuitira kuti vaparire zvakaipa.b—1 VaKorinte 5:9-13; enzanisa naPisarema 101:7.
20. Nei tinganzwa takachengeteka pakutarisirwa ne“zvipo zviri varume”?
20 Tinoonga sei “zvipo zviri varume”! Mukutarisira kwavo kworudo, tinogona kunzwa takachengeteka, nokuti vanotiruramisa nounyoro, vanotivaka norudo, vanoda kuchengetedza kubatana kwedu, nokutidzivirira noushingi. Asi “zvipo zviri varume” zvinofanira kuona sei basa razvo muungano? Uye tingaratidza sei kuti tinozvionga? Mibvunzo iyi ichakurukurwa munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Mushanduro yechiGiriki yeSeptuagint, chiito ichi chakafanana chinoshandurwa kuti “ruramisa” chakashandiswa pana Pisarema 17[16]:5, Dhavhidhi akatendeka paakanyengetera kuti arambe achingotsika panzira dzaJehovha.
b Somuenzaniso, ona “Mibvunzo Inobva Kuvaravi” iri mumagazini yeNharireyomurindi yechiNgezi yaNovember 15, 1979, mapeji 31-2, uye “Ngativengei Zvakaipa” iri mumagazini yaJanuary 1, 1997, mapeji 26-9.
Unoyeuka Here?
◻ “Zvipo zviri varume” ndivanaani, uye nei Mwari akazvipa kuungano achishandisa Kristu?
◻ Vakuru vanoita sei basa ravo rokururamisa boka?
◻ Vakuru vangaita sei kuti vavake vavanotenda navo?
◻ Vakuru vangachengetedza sei kubatana kweungano?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Kunzwisisa manzwire anoita vamwe kunobatsira vakuru kuti vakurudzire avo vanenge vakaora mwoyo
[Mufananidzo uri papeji 10]
Kubatana kwevakuru kunokurudzira kubatana muungano