RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 6/1 pp. 24-27
  • Farai Muna Jehovha uye Mufarisise

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Farai Muna Jehovha uye Mufarisise
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kukurudzirwa Kuti Varambe Vachifara
  • Zviitiko Zvinofadza Nokubvunza
  • Mwoyo Unoda Ndiwo Unounza Vanhu kuGiriyedhi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kubva Kuvadzidzi Vanobudirira Kukuva Vafundisi Vanobudirira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Kukurudzirwa Kushumira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Chikoro cheGiriyedhi—Makore 60 Okudzidzisa Basa Roumishinari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 6/1 pp. 24-27

Farai Muna Jehovha uye Mufarisise

KUPEDZWA kunobudirira kwebasa chero ripi zvaro rinokosha inguva yokufara nguva dzose. Kupedza kudzidza kwakaitika musi wa13 March 1999, paWatchtower Educational Center kuPatterson, New York, zvechokwadi kwakanga kuri nguva yakadaro kuvadzidzi 48 vekirasi yechi106 yeWatchtower Bible School of Gilead.

Mashoko okuvhura akataurwa naTheodore Jaracz, nhengo yeDare Rinodzora, akapedza kudzidza mukirasi yechinomwe yeGilead, uye sachigaro wepurogiramu yokupedza kudzidza, akasimbisa mashoko ePisarema 32:11 anoti: “Farai muna Jehovha, mufarisise, imi makarurama.” Achitsanangura kuti nei zvakanga zvakafanira kuti vose vafare panguva ino, akati: “Tinofara panguva dzakaita seino nemhaka yezviri kuitwa naJehovha achishandisa vane mwoyo yakarurama, kubatanidza vadzidzi vedu veGilead.” Nepo vadzidzi vakanga varonga kuuya kuChikoro cheGilead uye vakanga vazvishandisa nokushingaira kuti vakwanise basa roufundisi, Jehovha ndiye akaita kuti zvibvire kuti zvinhu zvose zvigume nokubudirira. (Zvirevo 21:5; 27:1) Ichi ndicho chikonzero choku‘fara muna Jehovha,’ vakasimbisa kudaro Hama Jaracz.

Pane vaiva muhoro yokuPatterson paiva nemitezo yemhuri nevaenzi vevadzidzi vakanga vabva kunyika 12 kuzopupurira chiitiko ichi chinofadza. Sezvo 5 198 vakanga varipo—kubatanidza nhengo dzemhuri yeBheteri muBrooklyn, Patterson, uye Wallkill, vakanga vachiteerera purogiramu uye vachiona pavhidhiyo—vakatarisira purogiramu yakanga ichizotevera, zvakanga zviri pachena kuti mufaro wakanga uripo.

Kukurudzirwa Kuti Varambe Vachifara

Sezvo Hama Jaracz vakagumisa mashoko avo okuvhura, vakasuma wokutanga wevakurukuri vashanu, vakanga vagadzirira zano romuMagwaro rinokurudzira kwete chete vakanga vapedza kudzidza kuGilead asiwo vose vakanga varipo.

Akatanga kutaura akanga ari William Malenfant, akapedza kudzidza mukirasi yechi34 yeGilead, zvino ava kushanda somubetseri weDare Rokudzidzisa reDare Rinodzora. Maererano nomusoro wake wokuti “‘Zvose’ Zvine Maturo!” waakatora pana Muparidzi 1:2, akabvunza mubvunzo wokuti: “Soromoni aireva here kuti zvinhu zvose, mupfungwa chaiyoiyo yeshoko racho, hazvina maturo?” Mhinduro yacho: “Aiwa. Akanga achireva kuti zvinhu zvinoitwa navanhu zvisinei nezvinodiwa naMwari, mabasa asinei nezvinodiwa naMwari—zvinhu zvose izvozvo hazvina maturo.” Kusiyana neizvozvo, kunamata Mwari wechokwadi, Jehovha, uyewo kudzidza Shoko raMwari, Bhaibheri, nokuridzidzisa vamwe hakusi kusina maturo. Mwari haakanganwi kuedza kwakadaro kunoitwa navanamati vake. (VaHebheru 6:10) Chokwadi, kunyange kana nhamo ikaitika kune vaya vakawana nyasha dzaMwari, vacha“ratidza kuti vakasungirwa muchikwama choupenyu naJehovha.” (1 Samueri 25:29, NW) Ipfungwa inofadza zvakadini! Kuyeuka zvinhu izvi kunogona kubetsera vose vanonamata Jehovha kuti varambe vachifara.

John Barr, imwe nhengo yeDare Rinodzora, akakurudzira kirasi yakanga yapedza kudzidza nehurukuro yake yaiti “Wana Mufaro Mubasa Rako Roufundisi.” Akaratidza kuti basa roufundisi ndechimwe chinhu chave chiri pedyo nomwoyo waJehovha Mwari nguva dzose. “Chakanga chiri chimwe chinhu chakanyatsobatana nokuratidza kwaJehovha rudo kunyika. Akatumira Mwanakomana wake akaberekwa mumwe woga pasi pano. Jesu akanga ari mufundisi mukurusa, mufundisi wokutangisisa.” Nepo vakapedza kudzidza vangagona kufunga nezvokuchinja kwaifanira kuita Jesu kuti abudirire mubasa rake pasi pano, zvakanakira basa raJesu roufundisi zvichiri kuwanika kune vose vachazvishandisa. Izvi imhaka yokuti, sokutaura kwakaita Hama Barr, Jesu aifarira kuita basa raMwari, uye aidawo vanakomana vavanhu. (Zvirevo 8:30, 31) Hama Barr vakakurudzira vakapedza kudzidza kuti varambe vari kumigove yavo, kwete kungoitira kutsungirira chete, asi nemhaka yokuti vanofarira kuita izvozvo. “Vimbai naJehovha, haazokurasiyi,” akakumbira kirasi yacho kudaro.—Pisarema 55:22.

“Kufamba Muzita raJehovha Nokusingaperi” wakanga uri musoro wakasarudzwa nomukurukuri akatevera, Lloyd Barry, imwe nhengo yeDare Rinodzora. Zvavakamboshanda somufundisi kwamakore anopfuura 25 muJapan pashure pokunge vapedza kirasi yechi11 yeGilead, Hama Barry vakarondedzera zvimwe zvakaitika zvavafundisi vokutanga uye vakarondedzera matambudziko avakanga vachifanira kutarisana nawo. Akanga ane zano ripi rinoshanda nokuda kwekirasi yakanga yapedza kudzidza? “Kupfuura zvose, rambai makakura mumudzimu. Uyewo, dzidzai mutauro wacho netsika. Rambai muchifara. Uye namatirai kubasa racho; musaneta kana kuti kupera simba.” Hama Barry vakaudza vaiva vapedza kudzidza kuti mumigove yavo yokumwe, vachasangana navanhu vakawanda vanofamba muzita ravanamwari vakasiyana-siyana, uye akavayeuchidza mashoko aMika okuti: “Marudzi ose avanhu anofamba, rumwe norumwe nezita ramwari warwo; asi isu tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingaperi-peri.” (Mika 4:5) Muenzaniso wevaimbova vafundisi zvechokwadi unokurudzira zvakasimba vanamati vaMwari vose kuti varambe vachifamba muzita raJehovha nokumunamata vakatendeka.

Akatevera papurogiramu yacho akanga ari murayiridzi weGilead Lawrence Bowen. Musoro wehurukuro yake waimutsa mubvunzo wokuti, “Mucharatidza Kuti Muri Chii?” Akaratidza kuti kubudirira mubasa raMwari kunotsamira pakutenda nokuvimba naJehovha. Kuvimba naJehovha zvakakwana kwakaita kuti Mambo Asa akunde uto ravavengi revarume vane miriyoni. Asi akayeuchidzwa nomuprofita Azaria nezvokukosha kwokuramba achivimba naMwari: “Jehovha unemi, kana imi munaye.” (2 Makoronike 14:9-12; 15:1, 2) Sezvo zita raMwari, Jehovha, richitaura pfungwa yokuti anova chero chipi zvacho chinodiwa kuti aite chinangwa chake—nyange zvichireva kuva Mugoveri, Mudziviriri, kana kuti kunyange Muurayi—vafundisi vanovimba naJehovha uye vanoshanda maererano nechinangwa chake vachabudirira mumabasa avo. (Eksodho 3:14) “Musambofa makakanganwa,” vakagumisa vachidaro Hama Bowen, “kuti mukangoita kuti chinangwa chaJehovha chive chinangwa chenyu, achakuitai kuti muve chero chipi zvacho chinodiwa kuti muite basa renyu.”

Mukurukuri wokupedzisira pachikamu ichi chepurogiramu akanga ari Wallace Liverance, aimbova mufundisi uye zvino ava munyori wechikoro. Hurukuro yake, yakanga ine musoro waiti “Itai Kuti Shoko raMwari Rirambe Riri Benyu uye Richishanda Mamuri,” yakasimbisa shoko risingakundikani, kana kuti vimbiso, yaMwari iri kuramba ichifambira mberi yakananga kunopera. (VaHebheru 4:12) Rinokurudzira upenyu hwaavo vanoribvumira kuti ridaro. (1 VaTesaronika 2:13) Shoko iroro ringaitwa sei kuti rirambe riri benyu uye richishanda muupenyu hwedu? Kuburikidza nokushingaira kudzidza Bhaibheri. Hama Liverance vakayeuchidza vakapedza kudzidza nezvemitoo yokudzidza Bhaibheri yakadzidzwa paGilead yaibatanidza kurava uye kuiswa pachena kwepfungwa nokushandiswa kweShoko raMwari. Vakataura mashoko aAlbert Schroeder, nhengo yeDare Rinodzora yakashanda sasachigaro wedare rakatanga Chikoro cheGilead makore 50 akapfuura: “Nokushandisa mashoko akapoteredza, munhu anokwanisa kuwana simba romudzimu rakazara, rakarurama, rinoitwa kuti riwanike naMwari muShoko rake.” Mafundiro aya eBhaibheri anoita kuti Shoko raMwari rirambe riri benyu uye richishanda.

Zviitiko Zvinofadza Nokubvunza

Hurukuro dzapera, vateereri vakanzwa zvimwe zviitiko zvinofadza kubva kuvadzidzi. Boka ravadzidzi rakarondedzera nokuenzanisira kuti rakaedza sei kupupura mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, richitungamirirwa naMark Noumair, aimbova mufundisi uye zvino ava murayiridzi weGilead. Vamwe vakakwanisa kutanga ndokuitisa fundo dzeBhaibheri navanhu vari mundima nokucherekedza mamiriro avo ezvinhu nezvavanotaura uye nokuratidza kuvafarira somunhu oga. Saka vadzidzi vakanga vari ‘kuzvichenjerera ivo nokudzidzisa kwavo’ uye vakanga vachinyatsofarira kubetsera vamwe kuti vaponeswe.—1 Timotio 4:16.

Mazano akawanda anoshanda akapiwa, uye mufaro webasa roufundisi wakaiswawo pachena nehama dzakati wandei dzava nenguva dzichinamata dzakanga dziri kurovedzwa muchikoro chemitezo yedare rebazu chaiitirwa paWatchtower Educational Center. Hama Samuel Herd naRobert Johnson vanoshanda padzimbahwe vakabvunza zvainakidza vamiririri vemapazu eSosaiti muBolivia, Zimbabwe, Nicaragua, Central African Republic, Dominican Republic, Papua New Guinea, neCameroon.

Zvakaitika nekubvunzurudza zvapera, Gerrit Lösch, akapedza kudzidza mukirasi yechi41 yeGilead uye zvino ava nhengo yeDare Rinodzora, akapa hurukuro yokupedzisira yaiva nomusoro waiita kuti ufunge waiti “Uri ‘Munhu Anodiwa’ Here?” Hama Lösch vakatanga vayeuchidza vakanga vapedza kudzidza kuti Jesu, Mwanakomana wakakwana waMwari, haana kuonekwa seaidiwa navanhu, asi “wakazvidzwa, nokurashwa navanhu.” (Isaya 53:3) Saka hazvishamisi kuti nhasi mumativi akawanda enyika, vafundisi vanoonekwa savanhu vasingafarirwi, vasingagamuchiriki uye vasingadiwi. Asiwo, munguva yebasa raDhanieri ramakore akawanda muBhabhironi, achishandisa ngirozi Musiki akadana Dhanieri kuti “unodikanwa kwazvo” katatu. (Dhanieri 9:23; 10:11, 19) Chii chakaita kuti Dhanieri ave akadaro? Haana kumbofa arega mitemo yeBhaibheri paaigadziridza kuti aite maererano netsika muBhabhironi; akanga akatendeseka munzira dzose, asingamboshandisi nzvimbo yake kuti azvibetsere iye; uye akanga ari mudzidzi weShoko raMwari anoshingaira. (Dhanieri 1:8, 9; 6:4; 9:2) Ainyengeterawo kuna Jehovha nguva dzose uye aikurumidza kupa Mwari mbiri yezvaaiita. (Dhanieri 2:20) Nokutevera muenzaniso waDhanieri, vanamati vaMwari vanogona kuva vanodiwa, kwete hazvo nenyika, asi naJehovha Mwari.

Kuti agumise purogiramu inokurudzira mumudzimu, sachigaro akarava dzimwe tenigiramu nemashoko akanga abva munyika yose. Zvadaro, mumwe nomumwe weidzi hama 24 pamwe nevadzimai vadzo vakagamuchira zvitupa zvavo, uye nyika dzavaizoenda dzakaziviswa. Pakupedzisira, aimiririra kirasi yacho akarava tsamba yakanyorerwa Dare Rinodzora nemhuri yeBheteri, yairatidza kuonga kwaiitwa nekirasi yacho nokuda kwokurovedzwa nokugadzirirwa kwavakanga vaitwa mumwedzi mishanu yakanga yapfuura.

Purogiramu zvayakasvika pakuguma, “mufaro, nokuonga” zvaigona kunzwiwa paboka rakanga rava kuenda.—Nehemia 12:27.

[Bhokisi riri papeji 27]

Mamiriro Akaita Kirasi Yacho

Nhamba dzenyika dzaimirirwa: 10

Nhamba dzenyika dzavakatumirwa: 19

Nhamba yavadzidzi: 48

Nhamba yevakaroorana: 24

Avhareji yezera: 33

Avhareji yemakore muchokwadi: 16

Avhareji yamakore muushumiri hwenguva yakazara: 13

[Mufananidzo uri papeji 25]

Kirasi yechi106 Inopedza Kudzidza yeWatchtower Bible School of Gilead

Pandaza iri pasi apa, mitsetse yakarongwa ichibva mberi kuenda shure, uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe zvichienda kurudyi mumutsetse woga woga.

(1) Deakin, D.; Puopolo, M.; Laguna, M.; Davault, S.; Dominguez, E.; Burke, J. (2) Gauter, S.; Vazquez, W.; Seabrook, A.; Mosca, A.; Helly, L.; Breward, L. (3) Brandon, T.; Olivares, N.; Coleman, D.; Scott, V.; Petersen, L.; McLeod, K. (4) McLeod, J.; Thompson, J.; Luberisse, F.; Speta, B.; Lehtimäki, M.; Laguna, J. (5) Gauter, U.; Dominguez, R.; Helly, F.; Smith, M.; Beyer, D.; Mosca, A. (6) Scott, K.; Seabrook, V.; Speta, R.; Coleman, R.; Breward, L.; Davault, W. (7) Smith, D.; Lehtimäki, T.; Petersen, P.; Thompson, G.; Vazquez, R.; Beyer, A. (8) Luberisse, M.; Deakin, C.; Brandon, D.; Puopolo, D.; Olivares, O.; Burke, S.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe