RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 12/1 pp. 21-24
  • Kubva Kuvadzidzi Vanobudirira Kukuva Vafundisi Vanobudirira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubva Kuvadzidzi Vanobudirira Kukuva Vafundisi Vanobudirira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vadzidzi Vanoshingaira Vanowana Mufaro Muushumiri
  • Vafundisi Venguva Refu Vanogoverana Zvakavanzika Zvokubudirira
  • Mwoyo Unoda Ndiwo Unounza Vanhu kuGiriyedhi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Farai Muna Jehovha uye Mufarisise
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Kukurudzirwa Kushumira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Nyanzvi Dzinopedza Kufunda dzeShoko raMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 12/1 pp. 21-24

Kubva Kuvadzidzi Vanobudirira Kukuva Vafundisi Vanobudirira

“NANHASI handigoni kudavira kuti takava neropafadzo iyi!” akataura kudaro Will, achitaura nezverovedzo iyo iye nomudzimai wake Patsy, vakanga vachangobva kupedza savadzidzi vekirasi yechi103 yeWatchtower Bible School of Gilead. Zahid naJeni vakabvumirana navo. “Tinonzwa kuti takaropafadzwa kuva pano,” vakadaro. Vadzidzi vose vakanga vaita basa rakanaka pachikoro chacho. Zvino vakanga vachidisa kutanga basa ravo savafundisi. Asi kutanga, papurogiramu yokupedza kufunda yakaitwa musi waSeptember 6, 1997, vakagamuchira zano rorudo raizovabetsera kubudirira mumigove yavo youfundisi.

Sachigaro wepurogiramu yacho akanga ari Theodore Jaracz, mutezo weMutumbi Unodzora. Akataura kuti—pamwe chete nemhuri yeBheteri uye vamiriri 48 vemapazu eWatch Tower Society—hama neshamwari dzaibva kuCanada, Europe, Puerto Rico, uye United States dzakanga dziripo kuti dzivimbise vadzidzi nezvetsigiro yadzo uye rudo rwadzo. Hama Jaracz vakatsinhira kuti vafundisi vanotumwa nechechi dzechiKristudhomu vanowanzotsauswa mubasa roufundisi uye vanovamba kuronda vavariro dzokufunda kana kuti vakatobatanidzwa mune zvematongerwe enyika. Mukupesana, vakapedza kufunda veGilead vanoita zvavakarovedzwa kuita. Vanofundisa vanhu Bhaibheri.

Ipapo Robert Butler anobva kuhofisi yeSosaiti muBrooklyn akataura pamusoro unoti “Ita Kuti Nzira Yako Ibudirire.” Akatsanangura kuti nepo vanhu vachiyera kubudirira nemari kana kuti kuwana zvimwe zvinhu zvomunhu oga, zvinokosha chaizvoizvo inzira iyo Mwari anoyera nayo kubudirira. Ushumiri hwaJesu hwakabudirira, kwete nemhaka yokuti akatendeutsa vanhu vakawanda, asi nemhaka yokuti akanga akatendeka mumugove wake. Jesu akaunza rumbidzo kuna Jehovha, uye akaramba asina kusvibiswa nenyika. (Johane 16:33; 17:4) Izvi zvinhu izvo muKristu wose anogona kuita.

“Ivai Varanda Kuvanhu Vose,” akarayira kudaro Robert Pevy, aimbova mufundisi kuMabvazuva. Muapostora Pauro akanga ari mufundisi anobudirira. Chii chakaita kuti abudirire? Akazviita muranda kune vose. (1 VaKorinte 9:19-23) Mukurukuri wacho akatsanangura kuti: “Akapedza kudzidza weGilead ane chimiro ichocho chendangariro haazorangariri basa roufundisi sokukwidziridzwa mubasa, nhanho yokuenda kunzvimbo dzinokosha zvikuru musangano. Mufundisi anoenda kumugove wake nechinangwa chimwe bedzi—kubatira, nokuti ndizvo zvinoita varanda.”

Achivakira zano rake zvikurukuru pana 2 VaKorinte maganhuro 3 ne4, Gerrit Lösch woMutumbi Unodzora akakurudzira vadzidzi ku“Ratidzira Mbiri yaJehovha Sechionioni.” Akavayeuchidza kuti kuziva Mwari kwakafanana nechiedza chinojekesa muKristu paanovhura mwoyo wake kuti achigamuchire. Tinoratidza chiedza ichocho kupfurikidza nokuparidza mashoko akanaka uye kupfurikidza nokuchengeta mufambiro wakanaka. “Pane dzimwe nguva unganzwa usina kukwana,” akabvuma kudaro. “Mirangariro yakadaro painomuka, vimba naJehovha, ‘kuti simba rinopfuura renguva dzose rive raMwari.’” (2 VaKorinte 4:7) Vachitaura mashoko aPauro akanyorwa pana 2 VaKorinte 4:1, Hama Lösch vakakumbira vadzidzi kuti: “Musarega mugove wenyu woufundisi. Rambai muchipenyesa chionioni chenyu!”

Karl Adams, mutezo wechikoro cheGilead, akataura pamusoro pemusoro unonakidza wokuti “Jehovha Ari Kupi?” Mubvunzo wacho unonongedzera, kwete kunzvimbo yaMwari muchisiko, asi kukudikanwa kwekurangarira murangariro waJehovha uye kuratidzirwa kwenhungamiro yake. “Adzvinyirirwa,” vakadaro, “kunyange munhu ane chinyorwa chirefu mubasa raJehovha angarasikirwa nacho.” (Jobho 35:10) Zvakadini nezuva redu ranhasi? Muna 1942, vanhu vaMwari vakanga vachida kutungamirirwa. Basa rokuparidza rakanga riri kupera, kana kuti pakanga pane rimwe basa raifanira kuitwa here? Jehovha akanga achidei kuvanhu vake? Sezvavakafunda Shoko raMwari, mhinduro yakajeka. “December wegore ra1942 asati apera,” vakazivisa kudaro Hama Adams, “rongedzero dzakanga dzaitwa nokuda kweWatchtower Bible School of Gilead.” Zvirokwazvo Jehovha akakomborera basa ravafundisi vakatumirwa nechikoro ichocho.

Mark Noumair akanga ari murayiridzi wechipiri akataura. Muhurukuro yake, yaiva nemusoro unoti “Uchashandisa Sei Tarenda Rako?,” akakurudzira vadzidzi kuti vashandise rovedzo yavakanga vagamuchira paGilead nokukurumidza pavanosvika mumigove yavo mitsva. “Farira vamwe,” akadaro. “Farira tsika dzavo. Iva anodisa kuziva tsika dzavo, nhau, majee omunyika macho. Ukakurumidza kudzidza mutauro, uchakurumidza kuchinjika.”

Vadzidzi Vanoshingaira Vanowana Mufaro Muushumiri

Mukuwedzera pakuzvishandisa kufundo dzavo pavanenge vari kuGilead, vadzidzi vakagoverwa kuungano dzomunzvimbomo 11. Pakupera kwemavhiki, vaigoverana nokushingaira mumubato wokuparidza. Wallace Liverance wechikoro cheGilead akakumbira vakawanda vavo kuti vagoverane zvinoverengeka zvezvakaitika zvavo nevateereri. Mufaro wavo wakava pachena sezvavakarondedzera zvakaitika zvavakanga vava nazvo pakupupura munzvimbo dzokutenga, mokupaka motokari, mundima dzebhizimisi, mumigwagwa, uye paimba neimba. Vamwe vavo vakatsvaka nzira dzokukurukura nevanhu vanotaura mutauro wokumwe vaigara uye vaishanda mundima yeungano yavo. Dzinenge fundo dzeBhaibheri gumi dzakatangwa uye dzakaitiswa nemitezo yekirasi yechi103 mukati memwedzi mishanu yokurovedzwa kwayo.

Vafundisi Venguva Refu Vanogoverana Zvakavanzika Zvokubudirira

Pashure porutivi urwu rwunonakidza rwepurogiramu, Patrick Lafranca naWilliam Van de Wall vakakumbira mitezo minomwe yeDare Rebazu kuti irondedzere zvidzidzo zvayakadzidza mumabasa ayo oufundisi kuti kirasi yacho ibetserwe. Vakarayira vakanga vapedza kufunda kuti varangarire mugove wavo woufundisi sounobva kuna Jehovha uye kuti vasarudze kuomerera kumugove wacho. Vakataura nezvetapuro dzakanaka idzo vafundisi vakarovedzwa neGilead vakava nadzo pabasa mune dzimwe nyika.

Chii chakabetsera iyi mitezo yeDare Rebazu kuti ishande kwamakore sevafundisi vanofara, vanobudirira? Vakashanda vakabatana nehama dzomunzvimbomo ndokudzidza kwadziri. Vakazvishandisa kuti vadzidze mutauro wacho nokukurumidza pavakasvika mumigove yavo. Vakadzidza kuva vanochinjika uye kuchinjira kutsika dzomunzvimbomo. Charles Eisenhower, akapedza kudzidza wekirasi yokutanga yeGilead uye mufundisi kwamakore 54, akagoverana “zvakavanzika” zvishanu zvakadzidzwa nevafundisi vanobudirira: (1) Funda Bhaibheri nguva dzose, (2) funga mutauro wacho, (3) shingaira muushumiri, (4) shandira kuti musha woufundisi uve norugare, uye (5) nyengetera kuna Jehovha nguva dzose. Vadzidzi vakafadzwa kwete bedzi nezano rinoshanda ravakagamuchira asiwo nomufaro unooneka une ava vafundisi vane ruzivo rwokuzviwanira mubasa raJehovha. Sekutaura kwakaita Armando naLupe, “vanofara pavanenge vachitaura nezveupenyu hwavo.”

Pashure pokubvunzurudza, kwakanga kwasara hurukuro imwe. Albert Schroeder, mumwe mutezo weMutumbi Unodzora, akasarudza musoro wake waiti “Kuva Mutariri Akatendeka weShoko raMwari Kunozivisa Chokwadi Chinokosha.” Sezvo Bhaibheri riri bhuku guru rinofundwa reChikoro cheGilead, vadzidzi vaifarira zvaakataura. Hama Schroeder vakatsanangura kuti apo basa rekushandura New World Translation of the Holy Scriptures rakavamba makore 50 akapfuura, mitezo yakazodzwa yeDare Reshanduro yeBhaibheri yeNyika Itsva haina kutsvaka tendero yevanhu asi rakatsamira panhungamiro yemudzimu mutsvene. (Jeremia 17:5-8) Nguva pfupi yapfuura, zvisinei, zvimwe zviremera zvakabvuma mupimo wakakwirira wakagadzwa neNew World Translation. Mutsamba yaienda kuSosaiti, imwe nyanzvi yakanyora kuti: “Ndinoziva chinyorwa chakanaka pandinochiona, uye ‘Dare [renyu] Reshanduro yeBhaibheri yeNyika Itsva’ rakaita basa raro zvakanaka.”

Pashure pehurukuro iyi, vadzidzi vakagamuchira magwaro avo, uye migove yavo yakaziviswa kuvateereri. Yakanga iri nguva inonzwisa tsitsi kumitezo yekirasi yacho. Sezvo mumiriri wekirasi akarava tsamba yekuonga, vakawanda vakaonga uye vakaburitsa misodzi. Vamwe vevadzidzi vakanga vave vachigadzirira nokuda kwebasa roufundisi kwemakore. Vachiziva kuti kosi yeGilead yaizoitiswa muchiNgezi, vashoma vakanga vatamira kuungano dzinotaura chiNgezi kuti vavandudze kushandisa kwavo mutauro wacho. Vamwe vakanga vatamira kwakanga kune kudikanwa kukuru kwemapiyona, munyika yavo chaiyo kana kuti kune dzimwe. Vamwezve vakanga vagadzirira kupfurikidza nokurava zvakaitika, kunzvera, kana kuti kuona vaonazve vhidhiyo yeSosaiti inonzi To the Ends of the Earth.

Will naPatsy, vadudzwa pakutanga, vakaororwa nokufarirwa kwemunhu oga kwakaratidzwa vadzidzi. “Vanhu vakanga vasingatombotizivi vaitimbundira uye kutora mifananidzo yedu. Mumwe mutezo weMutumbi Unodzora wakabata maoko edu ndokuti, ‘Tinodada nemi!’” Hapana mubvunzo pamusoro pako, vadzidzi vekirasi yechi103 inodiwa zvikuru. Vakarovedzwa zvakaisvonaka. Kudzidza kwavakagamuchira paGilead kuchavabvumira kuita chinjo kubva kuvadzidzi vanobudirira kukuva vafundisi vanobudirira.

[Bhokisi riri papeji 22]

Nhamba Dzekirasi

Nhamba yenyika dzakamirirwa: 9

Nhamba yenyika dzakagoverwa: 18

Nhamba yevadzidzi: 48

Nhamba yevaroorani: 24

Avhareji yezera: 33

Avhareji yemakore muchokwadi: 16

Avhareji yemakore mubasa renguva yakazara: 12

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kirasi Inopedza Kufunda yechi103 yeWatchtower Bible School of Gilead

Mundaza iri pasi apa, mitsetse inorongwa kubva kumberi kuenda kumashure, uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe kuenda kurudyi mumutsara mumwe nomumwe.

(1) Bunn, A.; Dahlstedt, M.; Campaña, Z.; Boyacioglu, R.; Ogando, G.; Nikonchuk, T.; Melvin, S. (2) May, M.; Mapula, M.; Lwin, J.; Hietamaa, D.; Hernandez, C.; Boyacioglu, N.; Sturm, A.; Melvin, K. (3) Thom, J.; Mapula, E.; Nault, M.; Teasdale, P.; Wright, P.; Pérez, L.; Shenefelt, M.; Pak, H. (4) Murphy, M.; Campaña, J.; Stewart, S.; Cereda, M.; Reed, M.; Pérez, A.; Teasdale, W.; Pak, J. (5) Stewart, D.; Wright, A.; Cereda, P.; Nikonchuk, F.; Reed, J.; Hietamaa, K.; Ogando, C.; Shenefelt, R. (6) Murphy, T.; Hernandez, J.; Nault, M.; Bunn, B.; Thom, R.; Dahlstedt, T.; Lwin, Z.; May, R.; Sturm, A.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Tiri kuenda kupi?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe