Musiki Wedu Mukuru Ane Hanya Nesu!
1 Achiedza kutaurirana naIsraeri asingateereri, Jehovha akabvunza kuti: “Hauna kuziva here? Hauna kunzwa here? Mwari usingaperi, Jehovha, Musiki wamativi ose enyika.” (Isa. 40:28) Tinoziva Musiki wedu Mukuru, uye tinoona kuva nehanya nesu kwake kworudo. Zvisinei, mamiriyoni evanhu haana chokwadi kuti ariko kana kuti ane mafungire avanomuita asingawirirani nezviri muBhaibheri. Tingavabatsira sei?
2 Bhuku raIs There a Creator Who Cares About You? rakagadzirirwa kubatsira vanhu vakadaro. Rinoita kuti vanhu vanofunga vafungisise pamusoro pezvinhu zvechokwadi. Mashoko acho anoita kuti unyure mariri uye pfungwa dzinonyengetedza dziri mubhuku iri dzinofanira kukwezva vanorirava.
3 Ziva Bhuku raCreator: Yeuka zvinhu zvinokosha zvinoumba bhuku racho. Maganhuro 2 kusvika ku5 anotaura kuti chisiko chose, upenyu, uye munhu zvakavapo sei uye chakakonzera zvose. Maganhuro 6 kusvika ku9 anoongorora Bhaibheri noMunyori waro uye, kunyanya, kana nhoroondo yaGenesi yokusika yakavimbika. Ganhuro 10 rinopa mhinduro inogutsa yemumwe wemibvunzo inonetsa zvikurusa inobvunzwa nemunhu: “Kana Musiki ane hanya nesu, nei kune kutambura kwakanyanya kwazvo?”
4 Edza Kutaurirana Nevasina Chokwadi Nazvo: Mapeji 78-9 mubhuku raCreator anopa mafungiro aunogona kushandisa kubatsira vamwe kusvika pamhinduro yakarurama pamusoro paMwari. Vabvunze kuti: “Chisiko chose chine pachakatangira here?” Vakawanda vachabvuma kuti chinapo. Kana zvakadaro, bvunza kuti: “Pane chakaita kuti mavambo iwayo avepo here kana kuti hapana?” Vakawanda vanoona kuti chiripo. Izvi zvinotungamirira kumubvunzo wokupedzisira wokuti: “Mavambo echisiko chose akaitwa kuti avepo nechimwe chinhu chisina magumo here kana kuti nemumwe Munhu asina magumo?” Mataurire aya anogona kuita kuti vakawanda vaone kuti panofanira kuva neMusiki.
5 Bhuku raCreator ndicho chinhu chaicho chinodiwa nevamwe vanhu. Taura nezvaro nehama dzako, vaunoshanda navo, vaunodzidza navo, uye vamwe vaunoziva. Ritakure muushumiri kuitira kuti urigovere vaunosangana navo vasina chokwadi kuti Mwari ariko. Patinowedzera kuziva bhuku iri, ndipo panobva panyanya kusimba rudo rwedu nokuda kweMusiki, zvichitiita kuti tirambe tichirarama maerererano nemitemo yake yakakwirira.—VaEf. 5:1; Zvak. 4:11.