RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 7/1 pp. 4-7
  • Jesu Angachinja Upenyu Hwako Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Angachinja Upenyu Hwako Sei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dzidziso Dzake
  • Zviito Zvake
  • Chibayiro Chake
  • Jesu Kristu—Iye Ndiani?
    Jesu Kristu—Iye Ndiani?
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Aida Vanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 7/1 pp. 4-7

Jesu Angachinja Upenyu Hwako Sei?

JESU KRISTU akanga ari Mudzidzisi Mukuru uyo akararama muParestina anenge makore 2 000 apfuura. Zvishoma-shoma zvinozivikanwa nezvouduku hwake. Zvisinei, zvinopupurirwa zvakanaka kuti paakanga aine anenge makore 30, akatanga ushumiri hwake hweku“pupur[a] zvokwadi.” (Johane 18:37; Ruka 3:21-23) Vadzidzi vana avo vakanyora nhau dzeupenyu hwake vakaisa pfungwa dzavo pamakore matatu nehafu ayo akatevera.

Mukati meushumiri hwake, Jesu Kristu akapa vadzidzi vake murayiro uyo waigona kuva mushonga kuzvinetso zvizhinji zvenyika. Wakanga uri chii? Jesu akati: “Ndinokupai murayiro mutsva, wokuti mudane; sezvandakakudai imi, nemi mudanewo saizvozvo.” (Johane 13:34) Hungu, mhinduro kuzvinetso zvizhinji zvavanhu rudo. Apo, pane imwe nguva, Jesu akabvunzwa kuti ndeupi uri murayiro mukuru, akapindura kuti: “Ida Ishe, Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose. Ndiwo murayiro mukuru nowokutanga. Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu: Ida wokwako, sezvaunozvida iwe.”—Mateo 22:37-40.

Jesu akatiratidza nemashoko nezviito kuti tinogona sei kuda Mwari uye vamwe vanhu. Ngatifungei nezvemienzaniso mishomanene ndokuona zvatingadzidza kwaari.

Dzidziso Dzake

Mune imwe yemharidzo dzinozivikanwa kwazvo munhau, Jesu Kristu akaudza vateveri vake kuti: “Hapana munhu angabatira vatenzi vaviri; nokuti achavenga mumwe, akada mumwe; kana achanamatira mumwe, akazvidza mumwe. Hamungabatiri Mwari nePfuma.” (Mateo 6:24) Dzidziso dzaJesu pamusoro pekuisa Mwari pakutanga muupenyu hwedu dzichiri kushanda nanhasi here, apo vanhu vazhinji kwazvo vanofunga kuti mari ndiyo inopedza zvinetso zvose? Chokwadi, tinoda mari kuti tirarame. (Muparidzi 7:12) Asi, kana tikabvumira “Pfuma” kuva tenzi wedu, “kuda mari” kuchatitonga, kuchidzora upenyu hwedu hwose. (1 Timotio 6:9, 10) Vazhinji avo vakawira mumusungo uyu vakapedzisira varasikirwa nemhuri dzavo, utano hwavo, kunyange upenyu hwavo.

Neimwe nzira, kutarira kuna Mwari saTenzi wedu kunoreva chimwe chinhu muupenyu. SeMusiki, ndiye Anopa upenyu, ndosaka, iye oga akafanirwa nokuti timunamate. (Pisarema 36:9; Zvakazarurwa 4:11) Avo vanodzidza nezvekunaka kwake uye vobva vamuda vanonzwa vachida kuchengeta mirayiro yake. (Muparidzi 12:13; 1 Johane 5:3) Nokuita izvi, tinozvibatsira.—Isaya 48:17.

Mumharidzo yapaGomo, Jesu akadzidzisawo vadzidzi vake maratidzirwe erudo kuna vamwe vanhu. Akati: “Saka zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemiwo saizvozvo.” (Mateo 7:12) Shoko rokuti “vanhu” iro Jesu akashandisa pano rinobatanidza kunyange muvengi wako. Mumharidzo iyoyo, akati: “Idai vavengi venyu, munyengeterere vanokutambudzai.” (Mateo 5:43, 44) Rudo rwakadaro harungapedzi zvizhinji zvezvinetso zvatinotarisana nazvo nhasi here? Mutungamiriri wechiHindu Mohandas Gandhi akafunga saizvozvo. Anonzi akati: “Apo [isu] tichabatana padzidziso dzaKristu muiyi Mharidzo yapaGomo, tichave tapedza zvinetso . . . zvenyika yose.” Dzidziso dzaJesu pamusoro perudo, kana dzikashandiswa, dzinogona kupedza zvizhinji zvezvinetso zvavanhu.

Zviito Zvake

Jesu haana kungodzidzisa chokwadi chakakura pamusoro pokuti rudo runoratidzwa sei asi akaitawo zvaakadzidzisa. Somuenzaniso, akaisa zvaidiwa nevamwe pakutanga. Rimwe zuva Jesu nevadzidzi vake vakanga vakabatika kwazvo vachibetsera vanhu zvokuti vakanga vasina nguva kunyange yokudya zvokudya. Jesu akaona kudikanwa kwekuti vadzidzi vake vazorore zvishoma, uye akaenda navo kunzvimbo iri yoga. Asi pavakasvika ikoko, vakawana rimwe boka rakavamirira. Waizodai wakaita sei nokuona boka raikutarisira kushanda apo wainzwa kuti waida kumboti zororei? Zvisinei, Jesu “akavanzwira tsitsi” uye “akatanga kuvadzidzisa zvizhinji.” (Marko 6:34) Uku kuva nehanya nevamwe nguva dzose kwakaita kuti Jesu avabetsere.

Jesu akaitira vanhu zvinopfuura kuvadzidzisa. Akavabetserawo zvinoshanda. Somuenzaniso, pane imwe nguva akadyisa vanhu vanopfuura 5 000 avo vakanga vakamuteerera kusvikira ava manheru. Nokukurumidza pashure paizvozvo, akadyisa rimwe boka guru—nguva ino vanopfuura 4 000—avo vakanga vave vachimuteerera kwamazuva matatu uye vakanga vasisina zvokudya. Panguva yokutanga, akashandisa zvingwa zvishanu nehove mbiri, uye kechipiri, zvingwa zvinomwe nehove duku shomanana. (Mateo 14:14-22; 15:32-38) Zvishamiso? Hungu, akanga ari muiti wechishamiso.

Jesu akaporesawo vazhinji vairwara. Akarapa mapofu, vaikamhina, vaiva nemaperembudzi, uye matsi. Inga wani akatomutsa vakafa! (Ruka 7:22; Johane 11:30-45) Mumwe munhu aiva nemaperembudzi akambomuteterera achiti: “Kana muchida, munogona kundinatsa.” Jesu akapindura sei? “Akamunzwira ngoni, akatambanudza ruoko rwake, akamubata, akati kwaari: Ndinoda, chinatswa.” (Marko 1:40, 41) Nezvishamiso zvakadaro, Jesu akaratidza rudo rwake nokuda kwevanotambudzika.

Unoona zvakakuomera kutenda zvishamiso zvaJesu here? Vamwe zvakavaomera. Kunyange zvakadaro, yeuka kuti Jesu akaita zvishamiso zvake pane vanhu. Kunyange vashori vake, avo vakaedza kumuwanira mhaka nguva nenguva, havana kugona kuramba kuti akanga ari muiti wezvishamiso. (Johane 9:1-34) Uyezve, zvishamiso zvake zvaiva nechinangwa. Zvakabetsera vanhu kumuziva seUyo akatumwa naMwari.—Johane 6:14.

Nokuita zvishamiso Jesu akanga asingazvitsvakiri mbiri. Asi, akarumbidza Mwari, Aimupa simba. MuKapernaume akambova mumba makazara nevanhu. Mumwe murume akaoma rutivi rwomuviri aida kuporeswa asi aisagona kupinda mukati. Saka shamwari dzake dzakadzikisa mubhedha wake napadenga. Paakaona kutenda kwavo, Jesu akaporesa akaoma rutivi rwomuviri. Saka vanhu “vakarumbidza Mwari” vakati: “Hatina kumboona zvakadai.” (Marko 2:1-4, 11, 12) Zvishamiso zvaJesu zvakaunza rumbidzo kuna Jehovha, Mwari wake, uye zvakabetsera avo vaida kubetserwa.

Zvisinei, kuporeswa kunoshamisa kwevairwara, kwakanga kusiri chinangwa chikuru cheushumiri hwaJesu. Mumwe akanyora nhau yeupenyu hwaJesu akatsanangura kuti: “Izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari; uye kuti, muchitenda, muve noupenyu muzita rake.” (Johane 20:31) Hungu, Jesu akauya pasi kuitira kuti vanhu vanotenda vawane upenyu.

Chibayiro Chake

‘Jesu akauya pasi here?’ ungabvunza kudaro. ‘Akabva kupi?’ Jesu pachake akati: “Handina kuburuka kudenga, kuti ndiite kuda kwangu, asi kuda kwowakandituma.” (Johane 6:38) Aimbovapo asati ava munhu seMwanakomana akaberekwa mumwe oga waMwari. Chii zvino chakanga chiri kuda kwoUyo akamutuma panyika? “Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa mumwe oga,” anodaro Johane, mumwe wevanyori veEvhangeri, “kuti ani nani anotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.” (Johane 3:16) Izvi zvaibvira sei?

Bhaibheri rinozivisa kuti rufu rwakava sei chinhu chisingadzivisiki kuvanhu. Vanhu vaviri vokutanga vakagamuchira upenyu kubva kuna Mwari vachitarisira kurarama nokusingaperi. Zvisinei, vakasarudza kupandukira Muiti wavo. (Genesi 3:1-19) Somugumisiro wechiito ichi, chivi chokutanga kuitwa nomunhu, vana vaAdhama naEvha vakagara nhaka isina kufanira yokufa. (VaRoma 5:12) Kuti vanhu vawane upenyu chaihwo, chivi norufu zvinofanira kubviswa.

Hapana musayendisiti anogona kubvisa rufu nemarudzi egenetic engineering. Asi Musiki wevanhu ane nzira dzokusvitsa vanhu vanoteerera pakukwana kuitira kuti vagorarama nokusingaperi. MuBhaibheri gadziriro iyi inonzi rudzikinuro. Vanhu vaviri vokutanga vakazvitengesa nevana vavo muuranda kuchivi nerufu. Vakachinjanisa upenyu sevanhu vakakwana vanoteerera Mwari neupenyu hwakasununguka pana Mwari, hwokuzvisarudzira zvakanaka nezvakaipa. Kuti vatenge zvakare upenyu hwakakwana, mutengo waifanira kuripirwa waiva wakaenzanirana noupenyu hwakaraswa navabereki vedu vokutanga. Vagara nhaka kusakwana, vanhu havana kukwanisa kupa mutengo iwoyo.—Pisarema 49:7.

Saka Jehovha akapindira kuti abetsere. Akatamisira upenyu hwakakwana hweMwanakomana wake akaberekwa mumwe oga mudumbu remhandara, iyo yakabereka Jesu. Makumi amakore akapfuura, ungave wakaramba pfungwa yokuti mhandara inobereka. Zvisinei, nhasi, vasayendisiti vakagadzira mhuka nokubatanidza magene emhuka dzakasiyana. Zvino, ndiani anganzwa ane kodzero yokutaura kuti Musiki haagoni kushandisa gadziriro yekuberekana yatinoziva?

Nekuvapo kweupenyu hwevanhu hwakakwana, mutengo wekudzikinura vanhu kubva muchivi nerufu wakavapo. Asi, mwana akazvarwa panyika saJesu aifanira kukura kuva “chiremba” anokwanisa kupa “mushonga” unorapa zvinetso zvavanhu. Akazviita nokurarama upenyu hwakakwana, husina chivi. Jesu haana kungoona kushushikana kwavanhu nokuda kwechivi asi akaona zvavaitadza nokuti vanhu. Izvi zvakamuita kuti atonyanya kuva chiremba ane ngoni. (VaHebheru 4:15) Kuporesa nenzira yenenji kwaaiita muupenyu hwake pasi pano kwakaratidza kuti ane chido uye ane simba rokurapa vanorwara.—Mateo 4:23.

Pashure peushumiri hwake hwemakore matatu nehafu pasi pano, Jesu akaurayiwa nevashori vake. Akaratidza kuti munhu akakwana anogona kuteerera Musiki pasinei zvapo nemiedzo mikuru kwazvo. (1 Petro 2:22) Upenyu hwake hwakakwana hwaakabayira hwakava mutengo werudzikinuro, unokwanisa kudzikinura vanhu kubva muchivi nerufu. Jesu Kristu akati: “Hakuna munhu ane rudo rukuru kune urwu, kuti munhu arashire hama dzake upenyu hwake.” (Johane 15:13) Zuva rechitatu pashure porufu rwake, Jesu akamutsirwa kuupenyu hwemudzimu, uye mavhiki akati gare gare akakwira kudenga kunopa mutengo werudzikinuro kuna Jehovha Mwari. (1 VaKorinte 15:3, 4; VaHebheru 9:11-14) Nokuita izvi, Jesu akakwanisa kushandisa ukoshi hwechibayiro cherudzikinuro rwake kuna avo vanomutevera.

Ungada kubetserwa nenzira iyi yokuporesa zvirwere zvemudzimu, zvepfungwa, nezvemuviri here? Kuita kudaro zvinoda kutenda muna Jesu Kristu. Huregererei kuuya kuna Chiremba iwe pachako? Ungazviita nokudzidza pamusoro paJesu Kristu nebasa rake mukuponesa vanhu vakatendeka. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubetsera.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Jesu anoda uye ane simba rokurapa vanorwara

[Mufananidzo uri papeji 7]

Rufu rwaJesu runokutapura sei?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe