RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 7/15 pp. 2-4
  • Kutsvaka Kufanotaurirwa Zvichazoitika Zvinovimbika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsvaka Kufanotaurirwa Zvichazoitika Zvinovimbika
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinodiwa Navanhu Nomusikirwo
  • Chikonzero Chokuti Uvimbe Nouprofita hweBhaibheri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Girisi—Simba Renyika Guru Rechishanu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Ndiani Achatonga Nyika?
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Bhuku Raunogona Kuvimba Naro—Chikamu 5
    Mukai!—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 7/15 pp. 2-4

Kutsvaka Kufanotaurirwa Zvichazoitika Zvinovimbika

MAMBO weMakedhonia akazozivikanwa saAlexander Mukuru achangobva kugara pachigaro muna 336 B.C.E., akashanyira muzinda wesvikiro wokuDelphi, pakati peGreece. Zvirongwa zvake zveramangwana zvaaivavarira kuti zviitike zvakanga zviri zvokukunda chikamu chakakura chenyika panguva iyoyo. Asi akanga achida kuvimbiswa namwari kuti basa rake guru raizobudirira. Maererano nengano, musi waakashanyira Delphi, zvakanga zvisingabvumidzwi kutaura nesvikiro racho. Asingadi kubva asina mhinduro, Alexander akaramba achinetsa, achimanikidza svikiro racho kuti rimutaurire zvaizoitika. Rakadanidzira rashatirwa kuti: “Haiwa, mwana, haukundiki!” Mambo wacho muduku akaona izvozvo seshura rakanaka—raivimbisa kukunda muhondo.

Zvisinei, Alexander angadai akaziva zvaizoguma zvaita hondo yake zviri nani kudai akanga aongorora uprofita hunowanwa mubhuku reBhaibheri raDhanieri. Nokururama kunoshamisa, hwakafanotaura nezvekukunda kwake kwokukurumidza. Maererano negamuchidzanwa Alexander akaguma awana mukana wokuona zvakanga zvanyorwa naDhanieri nezvake. Maererano nemunyori wenhau wechiJudha Josephus, mambo weMakedhonia paakapinda muJerusarema, akaratidzwa uprofita hwaDhanieri—zvinofungidzirwa kuti chitsauko 8 chebhuku iroro. (Dhanieri 8:5-8, 20, 21) Zvinonzi, nemhaka yeizvi, guta harina kuparadzwa namauto anoparadza aAlexander.

Zvinodiwa Navanhu Nomusikirwo

Mambo kana kuti munhuwo zvake, wakare kana kuti wemazuva ano—munhu akanzwa achida kufanotaurirwa zvakavimbika nezveramangwana. Sezvisikwa zvakangwara, isu vanhu tinodzidza nezvenguva yakapfuura, tinoziva nezvenguva ino, uye tinonyanya kufarira ramangwana. Chimwe chirevo chechiChina chinotaura zvakakodzera kuti: “Uyo aigona kuona zvinhu mazuva matatu zvisati zvaitika aizova akapfuma kwezviuru zvamakore.”

Mumazera ose, mamiriyoni akaedza kudongorera mune ramangwana nokubvunza vavaiona savanamwari. Somuenzaniso, funga nezvevaGiriki vakare. Vakanga vane mizinda yemasvikiro yakawanda, yakadai seyeDelphi, Delos, neDodona, kwavaienda kunobvunza vanamwari vavo maererano nezvaiitika zvematongerwe enyika kana kuti zvehondo pamwe chete nezvinhu zvomunhu oga zvakadai sekufamba, kuroora kana kuroorwa, uye vana. Madzimambo nevatungamiriri vehondo havasivo chete vaitsvaka kutungamirirwa nenzvimbo yomudzimu vachishandisa izvi zvaitaurwa nemasvikiro asi madzinza ose nemaguta aizvitonga.

Maererano nomumwe purofesa, zvino pane “masangano akazvipira kudzidza nezveramangwana ari kuwanda nenguva duku duku.” Asi, akawanda anosarudza kusateerera chinhu choga chakarurama chine uprofita—Bhaibheri. Vanoramba namaune kubvira chero kupi zvakwo kwokuti uprofita hweBhaibheri hune mashoko avari kutsvaka chaiwo. Dzimwe nyanzvi dzinotosvika pakuenzanisa uprofita hweBhaibheri nezvakafanotaurwa nemasvikiro ekare. Uye vakawanda vasina chokwadi vemazuva ano vanowanzovhiringidzwa kuti vasabvuma uprofita hweBhaibheri.

Tinokukumbira kuti uongorore zvakanyorwa zvacho pachako. Kuenzanisa zvakafanotaurwa neBhaibheri nezvinotaura masvikiro evanhu kunoratidzei? Ungavimba nouprofita hweBhaibheri kupfuura nezvakataurwa namasvikiro akare here? Uye ungaita kuti uprofita hweBhaibheri huve chinhu chinokosha muupenyu hwako here?

[Mufananidzo uri papeji 3]

Bhaibheri rakafanotaura nezvokukunda kwokukurumidza kwaAlexander

[Kwazvakatorwa]

Cortesía del Museo del Prado, Madrid, Spain

[Mufananidzo uri papeji 4]

Alexander Mukuru

[Kwazvakatorwa]

Musei Capitolini, Roma

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]

BUTIRO: General Titus and Alexander the Great: Musei Capitolini, Roma

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe