RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 7/15 pp. 21-23
  • Kukurukurirana Zvakanaka—Chinhu Chinokosha Kuti Mhuri ive Yakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukurukurirana Zvakanaka—Chinhu Chinokosha Kuti Mhuri ive Yakanaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chinobatanidzwa Mukukurukurirana Zvakanaka
  • Zvinovhiringidza Kukurukurirana Zvakanaka
  • Nzira Yokutsigira Nayo Kukurukurirana Zvakanaka
  • Kukurukurirana Mukati Memhuri Nomuungano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Simbisai Imba Yenyu Nokukurukurirana Zvakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Itai Kuti Roorano Yenyu Ive Mubatanidzwa Usingagumi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Zvinhu Zvinokosha Zvinokubatsira Kukurukurirana Nowawakaroorana Naye
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 7/15 pp. 21-23

Kukurukurirana Zvakanaka—Chinhu Chinokosha Kuti Mhuri ive Yakanaka

Muna 1778, Robert Barron ndiye akatanga kugadzira chimai chekiyi chine tusimbi twuviri tunovhurika kuti chikiyinuke, panova ndipo pakatangira zvimai zvekiyi zvamazuva ano. Chaakagadzira chaida kuti ushandise kiyi imwe yaikwanisa kusimudza tusimbi twuviri twechimai chacho pamwe chete.

KUFANANA naizvozvo, imba inobudirira inotsamira pakushanda pamwe chete kwomurume nomudzimai vakabatana. Kuti tivhure ndokuwana mufaro unokosha weimba yakanaka, chimwe chinokosha kukurukurirana zvakanaka.

Chinobatanidzwa Mukukurukurirana Zvakanaka

Kukurukurirana zvakanaka kunobatanidzei? Rimwe duramashoko rinorondedzera kukurukurirana se“kupa kana kuti kuchinjana pfungwa, maonero, kana kuti mashoko anotaurwa, kunyorwa, kana kuti masaini.” Saka kukurukurirana kunobatanidza kutaurirana maonero nepfungwa. Uye kukurukurirana zvakanaka kunobatanidza zvinhu zvinovaka, zvinozorodza, zvakanaka, zvinorumbidzwa, uye zvinonyaradza.—VaEfeso 4:29-32; VaFiripi 4:8.

Chivimbo nokunzwisisana zvinoita kuti pave nokukurukurirana zvakanaka. Zvinhu izvi zvinozovapo apo muchato unoonekwa seukama hwoupenyu hwose uye pane kutsunga kwomwoyo wose kuti muite kuti ubudirire. Achitsinhira nezvoukama hwakadaro, mumwe munyori werondedzero womuzana ramakore rechi18 Joseph Addison akanyora kuti: “Vanhu vaviri vakasarudzana pane vamwe vanhu vose, vane chinangwa chokuti vanyaradzane nokufadzana, pakuita izvozvo, vakazvibatanidza kuti vave vakafaranuka, vane nyasha, vakangwara, vanokanganwira, vanoshivirira, uye vanofara, tichitaura nezveundonda nezvakanaka zvavo vose, kusvikira pakuguma kwoupenyu hwavo.” Kubatana kwakadaro kunofadza zvakadini! Uye unhu uhwu hwakafanana namabwe anokosha hunogona kushongedza imba yenyu, nokuti hunogona kuva hwenyu kuburikidza nokukurukurirana zvakanaka.

Zvinovhiringidza Kukurukurirana Zvakanaka

Vakaroorana vakawanda vanoroora kana kuroorwa vane tariro, kunyange kutofarisa. Zvisinei, kune vakawanda, kufarisa kwacho kunokurumidza kunyangarika, uye kuva netariro kunopera. Chivimbo chingatsiviwa nemusanganiswa wekuvhiringika, hasha, kuvenga, nyange kusada kwakasimba. Imba yacho inozova magariro ekungotsungirira “kusvikira taparadzaniswa norufu.” Saka, kuti tivandudze kana kuti kutsigira kukurukurirana zvakanaka kunodikanwa nokuda kweimba yakanaka, pane zvimhingamupinyi zvakawanda zvinofanira kukundwa.

Chinhu chinonyatsovhiringidza kukurukurirana zvakanaka chinogona kuva kutya kuti wawakaroorana naye achatora sei mashoko kana kuti kutaura zvaunoshuva. Somuenzaniso, kutya kurambwa kungavapo pashure pokunge munhu ava kuziva kuti acharemara zvakakomba. Munhu anotsanangurira sei mumwe wake kuti chinhu chichaitwa chichabva chachinja kutarisika kwomunhu kana kuti kukwanisa kwake kushanda? Munhau dzakadaro, kukurukurirana nomwoyo wose nokufanorongera ramangwana ndipo pakunotodiwa kupfuura kare. Kutaurirwa uchivimbiswa nezvokuti ucharamba uchidiwa, pamwe nezviito zvenguva nenguva zvounyoro, zvingataura zvaunofarira somunhu oga zvingabetsera kutsigira imba inonyatsogutsa. Mumba chirevo ichi chinofanira kugara chichitaurwa: “Shamwari inoda nguva dzose; hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika.”—Zvirevo 17:17.

Mafi ndechimwe chimhingamupinyi chokukurukurirana zvakanaka. Zvave zvichitaurwa zvakakodzera kuti imba inofadza kubatanidzwa kwevaviri vanokanganwirana. Kuti vaite zvarondedzerwa, vaviri vakaroorana vangaita zvose zvavanogona kuti vatevere zano rinoshanda raPauro: “Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa.” (VaEfeso 4:26) Kushandisa zano iri panzvimbo pokuramba takatsamwa zvechokwadi kunoda kuti tikurukure nokuzvininipisa. Vaviri vari muimba yakanaka havarambi vachitsamwa, kuitirana nharo, uye kuchengeterana chigumbu. (Zvirevo 30:33) Vanoedza kutevedzera Mwari, asingachengeti mafi. (Jeremia 3:12) Zvechokwadi, vanokanganwirana zvinobva pamwoyo.—Mateo 18:35.

Chimhingamupinyi chaicho chinovhiringidza kukurukurirana chero kupi zvakwo kunyararirana. Izvi zvingabatanidza kutaura wakafundumwara, kutura mafemo zvikuru, kuita zvinhu usingadi, uye kusona muromo. Mumwe wevakaroorana anoita nenzira iyi ari kuratidza kusafara. Asi kutaura zvaunofunga somunhu oga nenzira yakajeka uye inofadza kunoita zvakawanda zvikuru kuti imba ivandudzike kupfuura kungoramba wakanyarara uye wakafundumwara.

Kukundikana kunyatsoteerera kana kuti kusatomboteerera mumwe wako paanenge achitaura ndechimwe chinovhiringidza chinofanira kukundwa kuti mukurukurirane zvakanaka mumba. Zvichida tanyanyoneta kana kuti kunyanyobatikana kuti tiwane simba repfungwa nendangariro dzokuteererana zvakanaka. Nharo dzingamuka pamusoro pedzimwe gadziriro dzisina kunzwisiswa idzo mumwe aifunga kuti dzakataurwa zvakajeka asi mumwe wacho achiomerera kuti ari kutotanga kuzvinzwa. Zviri pachena kuti, kusakurukura zvakanaka ndiko kunoparira matambudziko akadaro.

Nzira Yokutsigira Nayo Kukurukurirana Zvakanaka

Zvinokosha zvakadini kuwana nguva yokukurukurirana norudo, zvakanaka! Vamwe vanopedza nguva yakawanda kwazvo vari mberi kweTV vachiona upenyu hwavamwe vanhu zvokuti havana nguva yehwavo ivo. Nokudaro, kudzima terevhizheni kunowanzova danho rinokosha kuti mukurukurirane zvakanaka.

Zvisinei, sezvapane nguva yakarurama yokutaura, pane nguva yokunyarara. Murume akachenjera akati: “Chinhu chimwe nechimwe chine musi wacho, . . . nguva yokunyarara, nenguva yokutaura.” Zvechokwadi, panewo mashoko akafanira okutaura. “Shoko, rinotaurwa nenguva yakafanira, rakanaka sei!” chinodaro chimwe chirevo. (Muparidzi 3:1, 7; Zvirevo 15:23) Saka sarudza kuti ndeipi nguva yakanakisisa yokutaura zvinokosha kana kuti kutaura zviri kukunetsa pamwoyo. Zvibvunze kuti: ‘Mumwe wangu aneta kana kuti pfungwa dzake dzakasununguka uye dzakazorora here? Nhau yandinoda kutanga ingangokonzera nharo here? Mashoko api akarambwa nomumwe wangu patakapedzisira kutaura nezvenhau iyi?’

Zvakanaka kuti tiyeuke kuti vanhu vanopindura zvakanakisisa pavanogona kuona kuti kuwirirana kana kuti kubvumirana nechikumbiro kungavabetsera ivo. Kana vaviri vacho vagumburisana, mumwe wavo anganzwa achida kutaura kuti, “Pane chinhu chave chichindinetsa, uye tiri kuzochigadzirisa iko zvino!” Chokwadi, mashoko chaiwoiwo angatsamira pakumira kwakaita zvinhu, asi zvingava nani kutaura chinhu chakafanana neichi, “Mudiwa, ndave ndichifunga nezvenhau yatakambokurukura uye kuti zvinhu zvingagadziriswa sei.” Mumwe wako anganzwisisa kutaura kupi?

Hungu, mataurirwe anoitwa chimwe chinhu anokosha zvikuru. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu.” (VaKorose 4:6) Edza kuva nenyasha mumatauriro ako nemashoko aunosarudza. Yeuka kuti “mashoko, anofadza, akaita somusvi wouchi, zvinotapira kumweya zvichiporesa mapfupa.”—Zvirevo 16:24.

Kune vamwe vakaroorana, kushanda pamwe chete mabasa epamba kungapa mukana wakaisvonaka wokukurukurirana. Kushandira pamwe kwakadaro kunogona kutsigira pfungwa yokugovana nepo kuchipa nguva yokukurukurirana zvakanaka. Kune vamwe vakaroorana, nguva yokunyarara vari voga pasina kuedza kuita rimwe basa iri nani uye inoita kuti vanyanye kuda kukurukurirana zvakanaka.

Kakawanda zvakawanda zvinodzidzwa nokucherekedza kuti vakaroorana vanowirirana vanokurukurirana sei. Chii chakavaita kuti vave vakadaro? Zvingangodaro kuri kuti, kuwirirana kwavo nekukurukurirana zviri nyore kwavanoita kwakabva mukutamburira somunhu oga, kushivirira, uye kufunga nezvomumwe norudo. Zviri pachena kuti ivo pachavo vakanga vane zvakawanda zvavaifanira kudzidza, nokuti dzimba dzakanaka hadzingoerekani dzaitika. Saka, zvinokosha zvakadini, kuti ufunge nezvemaonere anoita mumwe wako, kunzwisisa zvaanoda, uye kudzivisa mamiriro ezvinhu angangova achinetsa neshoko rokuchenjera. (Zvirevo 16:23) Saka, kana wakaroora kana kuroorwa, shandira kuti uve munhu anofadza kugara naye nokuva nyore kuti ukumbirwe ruregerero. Izvozvo zvichatobetsera chete kuita kuti imba yenyu ive yakanaka.

Jehovha Mwari anoda kuti vanhu vave nedzimba dzinofadza, dzinogara. (Genesi 2:18, 21) Asi zviri kune avo vakabatanidzwa mumuchato. Zvinoda vanhu vaviri vanonyatsoshanda pamwe chete kuti vavhure suo remhuri inofara nokugona unyanzvi hwokukurukurirana zvakanaka.

[Mufananidzo uri papeji 22]

Kudzima TV kunoita kuti muve nenguva yakawanda yokukurukurirana

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kukurukurirana zvakanaka kunobetsera kubatanidza mwoyo murudo runogarisa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe