RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 8/1 pp. 26-31
  • Kubvuma Kutungamirirwa naJehovha Nomufaro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubvuma Kutungamirirwa naJehovha Nomufaro
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuchinja Zvandaifunga Muupenyu
  • Kurovedzwa Kunokosha Samapiyona
  • Kuzvipira Kushanda Kune Imwe Nyika
  • Pakati peWashington neGilead
  • Kushanda paDzimbahwe Renyika Yose
  • PaGilead Nguva Dzose
  • Kushanda Nevadzidzi
  • Kutarira Kune Ramangwana
  • Musha Mutsva Wechikoro Chavafundisi cheGilead
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Chikoro cheGilead Chava Namakore 50 uye Chiri Kupfuurira Chakasimba!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Vafundisi Vanokurumidzisa Kukura Munyika Yose
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Vafundisi Vakawanda Nokuda Kwokucheka Munyika Yose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 8/1 pp. 26-31

Kubvuma Kutungamirirwa naJehovha Nomufaro

Yakataurwa Naulysses V. Glass

Chaiva chiitiko chinoshamisa. Mukirasi yakanga yapedza kudzidza maingova navadzidzi 127 chete, asi vanhu vaifara vaivapo vaiva 126 387, vakanga vauya vachibva kumarudzi akawanda. Kwaiva kupedza kudzidza kwekirasi yechi21 yeWatchtower Bible School of Gilead, kwakaitirwa muYankee Stadium yomuNew York City musi wa19 July 1953. Nei ichocho chaiva chiitiko chinokosha zvikuru muupenyu hwangu? Regai nditaure zvishoma makuriro andakaita.

NDAKABEREKERWA muVincennes, Indiana, U.S.A., musi wa17 February 1912, anenge makore maviri Umambo hwaMesiya husati hwazvarwa, sezvinorondedzerwa pana Zvakazarurwa 12:1-5. Gore raiva rapera racho vabereki vangu vaiva vatanga kudzidza Bhaibheri pamwe nemavhoriyamu eStudies in the Scriptures. Mangwanani eSvondo oga oga, Baba vairavira mhuri rimwe ramabhuku iwayo, uye taizotaura nezvazvo.

Mai vaishandisa zvavakanga vachidzidza kuti vabetsere kuumba mafungiro avana vavo. Vaiva munhu akazonaka—vaiva nemutsa zvokuti, vaida kubetsera zvokuti. Isu vana taiva vana, asi rudo rwaMai rwaitambanuka kubatanidza vamwe vana vomunharaunda yacho. Vaipedza nguva yakawanda vanesu. Vainakidzwa nokutiudza nhau dzeBhaibheri nokuimba nesu.

Vaikokawo vakasiyana-siyana vakanga vachishanda muushumiri hwenguva yakazara kumba kwedu. Vaigara nesu zuva rimwe chete kana kuti maviri, vachiwanzoita misangano nokupa hurukuro pamba pedu. Tainyanya kufarira vaya vaishandisa mienzaniso ndokutiudza nhau. Pane chimwe chiitiko muna 1919, rinenge gore rimwe pashure pokupera kwehondo yenyika yokutanga, hama yakanga yashanya yakanyanya kutaura nezvedu isu vana. Yakataura nezvekuzvipira—kwatava kudana zvakarurama sekuzvitsaurira—ndokutibetsera kuti tinzwisise kuti kwaikwanisa sei kuchinja upenyu hwedu. Pava paya manheru iwayo pandakanorara, ndakanyengetera kuna Baba vangu vokudenga ndokuvaudza kuti ndakanga ndichida kugara ndichivanamata.

Zvisinei, 1922 apfuura zvimwe zvinonetsa muupenyu zvakada kuita kuti zvandakanga ndasarudza izvozvo zvive zvisingakoshi. Takatama kubva panzvimbo tichienda pane imwe uye hatina kuwadzana neungano yevanhu vaJehovha. Baba vaiva vasipo nemhaka yebasa ravo romunjanji. Takanga tisingachagari tichidzidza Bhaibheri. Ndakasarudza makosi echikoro ndichifunga nezvokuti ndiite zvokudhirowa zvokutengesa uye ndakanga ndiri kuronga kuenda kuyunivhesiti inoshamisira.

Kuchinja Zvandaifunga Muupenyu

Pakati pema1930, nyika yakavambazve kuda kurwa hondo yenyika yose. Taiva tichigara kuCleveland, Ohio, apo chimwe Chapupu chaJehovha chakatishanyira pasuo redu. Takatanga kunyatsofungisisa nezvezvatakanga tadzidza pataiva vana. Mukoma wangu Russell, ndiye aiva munhu ainyanya kufungisisa, uye ndiye akatanga kubhabhatidzwa. Ini ndaiva munhu akati siyanei, asi musi wa3 February 1936, ndakabhabhatidzwawo. Ndakaramba ndichinzwisisa zvaibatanidza kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha, uye ndakanga ndichidzidza kubvuma kutungamirirwa naJehovha. Gore rakare iroro hanzvadzi dzangu mbiri, Kathryn naGertrude, dzakabhabhatidzwawo. Tose takatanga basa renguva yakazara semapiyona.

Zvisinei, izvozvo hazvina kureva kuti hatina kumbofunga nezvechimwe chinhu chipi nechipi. Nzeve dzangu dzakanyatsomira maiguru vangu pavakandiudza nezvomumwe musikana aiva akazonaka ainzi Ann aiva “achishingaira chaizvo” kubvira paakanga anzwa nezvechokwadi uye akanga ari kuzouya kumisangano pamba pedu. Panguva iyoyo Ann akanga achishanda somunyori mune imwe hofisi yezvemutemo, uye mugore rimwe akabhabhatidzwa. Ndakanga ndisina kuronga zvokuroora, asi zvakanga zviri pachena kuti Ann aida chokwadi nomwoyo wose. Aida kubatanidzwa mubasa raJehovha zvakazara. Akanga asiri munhu aimboti, “Ndingazviita here?” Panzvimbo pezvo, aibvunza kuti, “Ndeipi nzira yakanakisisa yokuti nditange kuzviita?” Uye akanga akatsunga kuramba achizviita. Maitiro iwayo akanaka akandifadza. Kunze kwezvo, akanga akazonaka, uye achakanaka. Akava mudzimai wangu, uye nenguva isipi akava mumwe wangu mubasa roupiyona.

Kurovedzwa Kunokosha Samapiyona

Semapiyona takadzidza chinhu chinokosha chokuti tingagutsikana sei patinenge tine zvishoma nepatinenge tine zvakawanda. (VaFiripi 4:11-13) Zuva rakanga rava kunonyura rimwe zuva, uye taiva tisina kumbodya. Taingova nemasendi mashanu. Takaenda mubhucha, uye ndakabvunza kuti, “Mungatipawo here masochisi anoita masendi mashanu?” Akatitarisa ndokubva acheka zvimedu zvina. Ndine chokwadi chokuti aipfuura masendi mashanu, uye zvakatiwanisa zvokudya.

Zvakanga zvakajairika kuti tishorwe zvakasimba sezvataiita ushumiri hwedu. Mune rimwe taundi raiva pedyo neSyracuse, New York, taiva mumugwagwa tichigovera mahendibhiri uye takapfeka makadhi kuti tikoke vanhu kumusangano wavose waikosha. Vamwe varume vaviri vakasimba vakandibata ndokundiitira utsinye. Mumwe wacho aiva mupurisa, asi akanga asina kupfeka yunifomu yake, uye akaita seasina kunzwa chikumbiro changu chokuti ndione bheji rake. Ipapo, Grant Suiter wokuBheteri rokuBrooklyn akauya ndokuti taizoenda kukamba yamapurisa kunogadzirisa nhau yacho. Akabva achaya runhare kumahofisi eSosaiti muBrooklyn, uye isu tiri vaviri takarayirwa kuti tiendezve zuva iroro nemabheji nemahendibhiri kuti tipe chikonzero chokuongororwa. Sezvaitarisirwa, takasungwa. Zvisinei, patakaudza mapurisa kuti aizova nemhaka yokutisunga zvisiri pamutemo, akatisunungura.

Zuva rakatevera racho chikwata chepwere dzaiva noutsinye chakavhozhokera panzvimbo yegungano redu dzakurudzirwa nomupristi, uye hapana mapurisa akauya. Vapengo ava vakarovera zvinotambiswa baseball pauriri hwematanda, vakawisira pasi vamwe vaiva vakateerera vari pamabhenji, uye vakakwira pachikuva, pavakasimudza mureza wokuAmerica ndokudanidzira kuti, “Ukwazisei! Ukwazisei!” Zvadaro vakatanga kuimba rwiyo rwainzi “Beer Barrel Polka.” Vakanyatsoita kuti musangano wacho ugume. Takanga tava kunyatsoona zvairehwa naJesu paakati: “Zvamusati muri venyika, asi ini ndakakusanangurai panyika, saka nyika inokuvengai.”—Johane 15:19.

Hurukuro yavose akanga ari mashoko ehurukuro yakanga yambopiwa naJ. F. Rutherford, akanga ari purezidhendi weWatch Tower Society panguva iyoyo. Ini naAnn takagara mutaundi iroro kwemazuva mashomanene ndokushanyira vanhu kuti tivaudze nezvomukana wokunzwa hurukuro yacho mumisha yavo. Vashomanene vakabvuma izvozvo.

Kuzvipira Kushanda Kune Imwe Nyika

Kwapera nguva yakati, mabasa matsva akamuka. Mukoma wangu, Russell, nomudzimai wake, Dorothy, vakakokwa semurume nomudzimai kuti vapinde kirasi yokutanga yeChikoro cheGilead, muna 1943, uye vakazotumirwa kuCuba savafundisi. Hanzvadzi yangu Kathryn yaiva mukirasi yechina. Iyewo akanzi aende kuCuba. Pava paya akazonzi aende kuDominican Republic uye kuPuerto Rico. Zvakadini neni naAnn?

Patakanzwa nezveChikoro cheGilead uye kuti Sosaiti yaida kutumira vafundisi kune dzimwe nyika, takafunga kuti tingada kuzvipira kuti tishande kune imwe nyika. Pakutanga, takafunga kuzviendera toga, zvichida kuMexico. Asi takazofunga kuti zvingava nani kuti timirire ndokurega Sosaiti ichitipa kwokuenda kana tapinda Chikoro cheGilead. Takaona kuti iyi igadziriro yakanga ichishandiswa naJehovha.

Takakokwa kuti tipinde kirasi yechina yeChikoro cheGilead. Asi chikoro chava kuda kutozotanga, N. H. Knorr, aiva purezidhendi weWatch Tower Society panguva iyoyo, akaziva kuganhurirwa kwakanga kwakaita Ann nemhaka yokurwara kwaaiva aita poriyo achiri muduku. Akataura neni nezvazvo uye akafunga kuti kwaizova kusiri kuchenjera kutitumira kuti tinoshanda mune imwe nyika.

Kwapera makore anenge maviri, pandakanga ndiri kuita basa rinoitwa kokorodzano isati yatanga, Hama Knorr vakandionazve ndokundibvunza kana takanga tichiri kuda kupinda Gilead. Vakandiudza kuti takanga tisiri kuzoenda kune imwe nyika; pane zvimwe zvavaiva vari kufunga. Saka kirasi yechipfumbamwe payakanyoresa musi wa26 February 1947, takabatanidzwa muboka ravadzidzi.

Mazuva iwayo paGilead ndiwo asingambofaniri kukanganwika. Zvidzidzo zvacho zvakanga zvakapfuma mumudzimu. Ushamwari hweupenyu hwose hwakaitwa. Asi kubatanidzwa kwangu nechikoro kwakapfuura ipapo nokure.

Pakati peWashington neGilead

Chikoro cheGilead chakanga chichiri chitsva. Hurumende yeUnited States yakanga isingazivi zvinangwa zvechikoro chacho zvakakwana, saka mibvunzo yakawanda yakanga ichibvunzwa. Sosaiti yaida kuva nomumiriri muWashington, D.C. Ndiko kwatakatumirwa mwedzi mishomanene pashure pokunge tapedza kudzidza paGilead. Ndaifanira kubatsira vaya vaiva vakokwa kuti vauye kuGilead vachibva kune dzimwe nyika kuti vawane mavhiza uye kuti vawane mapepa epamutemo kuitira kuti vakapedza kudzidza vagotumirwa kune dzimwe nyika kuti vaite basa roufundisi. Vamwe vakuru vakuru vacho vakanga vasina rusarura uye vaibetsera zvikuru. Vamwe vakanga vasingambodi Zvapupu zvachose. Vashomenene vaiva nepfungwa dzezvematongerwe enyika dzakasimba vakataura kuti taiva nechokuita nemapoka avaiva vasingadi.

Mumwe murume ane hofisi yandakaenda kwairi akatitsoropodza nemhaka yokuti hatikwazisi mureza kana kuti kuenda kuhondo. Apopota nezvazvo kwechinguva, ndakazoti: “Ndinoda kuti uzive, uye unoziva, kuti Zvapupu zvaJehovha hazvibatanidzwi muhondo nomunhu chero upi zvake munyika. Hatibatanidzwi munhau dzenyika. Hatibatanidzwi muhondo dzavo, zvematongerwe enyika zvavo. Hatina kwatakarerekera zvachose. Takatokunda matambudziko amuri kuona; takabatana musangano redu. . . . Saka, munoda kuti tiite sei? Munoda kuti tidzokere kumaitiro amunoita zvinhu torega edu here?” Haana kuzombotaura chinhu pashure peizvozvo.

Mazuva maviri akazara pavhiki akanga akatsaurirwa kushanda nemahofisi ehurumende. Kuwedzera kune izvozvo, taishanda semapiyona chaiwo. Kare ikako, izvi zvaibatanidza kupedza maawa 175 muushumiri hwomumunda mwedzi woga woga (pava paya akachinjwa kuva maawa 140), saka kakawanda tainge tiri mubasa kusvikira usiku. Tainakidzwa. Taiitisa fundo dzakawanda dzakanaka kwazvo dzevanhu vose vomumhuri, uye dzakafambira mberi zvakanaka. Ini naAnn takanga tafunga zvokusava nevana, asi tichitaura mumudzimu, hatina vana chete asiwo tine vazukuru nevazukuru chibvi. Vanofadza mwoyo yedu zvakadini!

Gore ra1948 rava kuda kuzopera, ndakapiwa rimwezve basa. Hama Knorr vakatsanangura kuti Hama Schroeder, munyori uye mumwe wevarayiridzi weChikoro cheGilead, vaizova vakabatikana nerimwe basa rinokosha, saka ndakakumbirwa kuti ndidzidzise makirasi eGilead pazvaida kudaro. Hana yangu ichibika manhanga, ndakadzoka kuGilead, muSouth Lansing, New York, ndina Ann musi wa18 December. Pakutanga, takanga tichigara kuGilead kwevhiki shomanene panguva, uye taizodzokera kuWashington. Zvisinei, pakupedzisira ndakanga ndava kupedza nguva yakawanda paGilead kupfuura zvandaiva ndava kuita kuWashington.

Sezvandambotaura pakutanga, nguva ino ndiyo yakapedza kudzidza kirasi yechi21 paYankee Stadium muNew York. Saka somumwe wevarayiridzi, ndakava neropafadzo yokuvawo papurogiramu iyoyo yokupedza kudzidza.

Kushanda paDzimbahwe Renyika Yose

Musi wa12 February 1955, takatanga rimwe basa. Takava nhengo dzemhuri yeBheteri padzimbahwe renyika yose resangano raJehovha rinooneka. Asi zvaizobatanidzei? Kunyanya, kuda kuita chero chatainzi tiite, kushanda mabasa aida kushandira pamwe nevamwe. Chokwadi, takanga tambozviita, asi zvino taizova vamwe veboka rakakura zvikuru—mhuri yeBheteri yepadzimbahwe. Takabvuma basa iri nomufaro seuchapupu hwokutungamirirwa naJehovha.

Basa guru randaiita raibatanidza nhau dzaiva nechokuita nezvinobudisa nhau. Nemhaka yokushuva nhau dzinonakidza uye nemhaka yokuwana mashoko kubva kune vanhu vanofungira, zvinobudisa nhau zvaiva zvanyora zvimwe zvinhu zvakashata zvikuru pamusoro peZvapupu zvaJehovha. Takaedza kunatsa mamiriro ezvinhu iwayo.

Hama Knorr vaida kuva nechokwadi chokuti tose taiva nezvakawanda zvokuita, saka paiva nemamwe mabasazve. Mamwe aiwaya aida unyanzvi hwandakanga ndawana semunhu anodhirowa zvokutengesa. Mamwe aibatanidza nhepfenyuro yeredhiyo yeSosaiti, WBBR. Paiva nebasa rokuita maererano nemafirimu aibudiswa neSosaiti. Chokwadi, nhau yokutonga kwaMwari yaiva chikamu chekosi yeGilead, asi zvino mabasa akasiyana-siyana akaitwa kuti vanhu vaJehovha vajairane nemashoko enhau iyoyo yesangano ramazuva ano rokutonga kwaMwari uye kuti izvi zvizikanwe navanhu vosewo. Chimwe chikamu chekurovedza kweGilead chaibatanidza kutaura pane vanhu vakawanda, uye basa raifanira kuitwa kuitira kuti zvakawanda zvinokosha zvine chokuita nokutaura pane vanhu vakawanda zvizivikanwe nehama dziri muungano. Saka paiva nezvakawanda zvokuita.

PaGilead Nguva Dzose

Muna 1961, sezvo kurovedzwa kwevatariri vanofambira nevanoshanda pabazu kwakanga kwava kuda kutanga, Chikoro cheGilead chakatamisirwa kuBrooklyn, kune mahofisi makuru eWatch Tower Society. Ndakadzokera zvakare mukirasi—nguva ino kwete somurayiridzi anotsiva mumwe kana asipo asi senhengo yenguva dzose yechikoro chacho. Iropafadzo yakadini! Ndinobvuma zvakasimba kuti Chikoro cheGilead chipo chinobva kuna Jehovha, chipo chakabetsera sangano rake rose rinooneka.

KuBrooklyn makirasi eGilead akava nemikana isina kuva nevadzidzi vaiva mumakirasi akanga apfuura. Paiva nehurukuro dzakawanda dzaipiwa nevaeni uye paiva noruwadzano neDare Rinodzora nokushamwaridzana zvikuru nemhuri yeBheteri yepadzimbahwe. Zvaiitawo kuti vadzidzi varovedzwe kushanda kunoitwa mumahofisi, mumashandire emusha weBheteri, uye mumativi akasiyana-siyana ebasa remufekitari.

Mumakore ose aya nhamba yavadzidzi yaisiyana-siyana, uye ndozvaiitawo nhamba yavarayiridzi. Nzvimbo yaiitirwa chikoro yakachinja kanoverengekawo. Zvino chava munzvimbo yakazonaka muPatterson, New York.

Kushanda Nevadzidzi

Zvave zvichifadza zvikuru kudzidzisa makirasi aya! Hevano vanhu vaduku vasingafariri zvinhu zvegadziriro ino yekare. Vanosiya mhuri dzavo, shamwari dzavo, misha yavo, uye vanhu vanotaura mutauro wavo. Mamiriro okunze, zvokudya—zvose zvichava zvakasiyana. Havatombozivi kuti vachaenda kunyika ipi, asi chinangwa chavo ndechokuva vafundisi. Haufaniri hako kukurudzira vanhu verudzi irworwo.

Pandaipinda mukirasi, nguva dzose chinangwa changu chaiva chokuti ndiite kuti vadzidzi vanzwe vakasununguka. Hapana munhu anodzidza zvakanaka kana asina kusununguka uye achinetseka. Chokwadi, ndaiva murayiridzi, asi ndaiziva zvazvaiva zvakaita kuva mudzidzi. Pane imwe nguva ndakambogara muzvigaro izvozvo. Chokwadi, vakadzidza zvakaoma uye vakadzidza zvakawanda paGilead, asi ndaidawo kuti vanakidzwe.

Ndaiziva kuti pavaienda kumabasa avo, pane zvinhu zvakati zvavaifanira kuva nazvo kuti vabudirire. Vaifanira kuva nokutenda kwakasimba. Vaifanira kuzvininipisa—zvikuru. Vaifanira kudzidza kuwirirana navamwe vanhu, kugamuchira mamiriro ezvinhu, kukanganwira vakasununguka. Vaifanira kuramba vachiita kuti vave nezvibereko zvomudzimu. Vaifanirawo kuda vanhu nokuda basa ravakanga vatumwa kuti vaite. Izvozvo ndizvo zvinhu zvandairamba ndichiedza kusimbisa kuvadzidzi pavaiva vachiri paGilead.

Handinyatsozivi kuti vadzidzi vangani vandakadzidzisa. Asi ndinoziva manzwire andinoita nezvavo. Ndapedza mwedzi mishanu ndinavo mukirasi, hapana zvandaigona kuita kunze kwokuvada. Zvadaro pandaizovatarisa vachifamba pachikuva ndokugamuchira zvitupa zvavo musi wokupedza kudzidza, ndaiziva kuti vakanga vabudirira kupedza kosi uye kuti nenguva isipi vaizova vava kuenda. Zvaiita sokuti vamwe vemhuri yangu vaiva vari kuenda. Ungazviita sei kuti usada vanhu vakanga vachida kuzvipira ndokuita basa raizova riri kuitwa navanhu ava vaduku?

Kwapera makore akawanda, pavanodzoka kuzoshanya, ndinovanzwa vachitaura nezvokufara kwavo mubasa, uye ndinoziva kuti vachiri kumabasa avo, vachiita zvavakarovedzwa kuti vaite. Izvozvo zvinondiita kuti ndinzwe sei? Imika imi, zvinoita kuti ndinzwe zvakazonaka.

Kutarira Kune Ramangwana

Maziso angu haachanyatsooni iko zvino, uye ndinotambura nokushungurudzika kunoparirwa neizvi. Handichakwanisi kudzidzisa mukirasi yeGilead. Pakutanga, zvakanga zvakaoma kuchinja, asi muupenyu hwangu hwose ndakadzidza kugamuchira mamiriro ezvinhu ndokurarama nawo. Ndinowanzofunga nezvomuapostora Pauro ne“munzwa munyama” wake. Pauro akanyengetera katatu kuti abvisirwe nhamo iyoyo, asi Ishe akamuudza kuti: “Nyasha dzangu dzinokuringana; nokuti simba rangu rinozadziswa pautera hwako.” (2 VaKorinte 12:7-10) Pauro akaramba achirarama nawo. Kana aigona kuzviita, ini ndinofanira kuedza. Kunyange zvazvo ndisingachadzidzisi mukirasi, ndinoonga kuti ndichiri kugona kuona vadzidzi vachiuya nokuenda zuva roga roga. Dzimwe nguva ndinokwanisa kutaura navo, uye kufunga nezvechimiro chakaisvonaka chavanoratidza kunofadza mwoyo wangu.

Zviri mune ramangwana zvinhu zvakaisvonaka kufunga nezvazvo. Pane hwaro huri kuvakwa zvino. Gilead yakava nerutivi rwunokosha pahuri. Pashure pekutambudzika kukuru, kana mipumburu inotaurwa nezvayo pana Zvakazarurwa 20:12 yavhurwa, pachava nechuru chamakore chokumwe kudzidziswazve nzira dzaJehovha kwakakura. (Isaya 11:9) Asi kunyange iwayo haasiri magumo. Zvechokwadi anongova hawo mavambo. Nokusingagumi, pachava nezvakawanda zvokudzidza nezvaJehovha nezvakawanda zvokuita sezvatinoona zvinangwa zvake zvichiitika. Ndinovimba zvakazara kuti Jehovha achazadzikisa zvose zvakaisvonaka zvaakavimbisa, uye ndinoda kuvapo kuti ndibvumewo kutungamirirwa kwatichaitwa naJehovha panguva iyoyo.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Kupedza kudzidza kweveGilead muYankee Stadium yokuNew York muna 1953

[Mufananidzo uri papeji 26]

Gertrude, ini, Kathryn, naRussell

[Mufananidzo uri papeji 26]

Ndichishanda naN. H. Knorr (kuruboshwe) uye M. G. Henschel mukuronga kokorodzano

[Mufananidzo uri papeji 26]

Ndiri muimba yenhepfenyuro yeWBBR

[Mufananidzo uri papeji 29]

Ndiri mukirasi yeGilead

[Mufananidzo uri papeji 31]

Ndina Ann, manje manje

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe