Vafundisi Vakawanda Nokuda Kwokucheka Munyika Yose
SEPTEMBER mwedzi wokucheka nokuda kwavarimi, asi basa rokucheka rinokosha zvikuru kwazvo rakakwevera boka guru kuJersey City Assembly Hall yeZvapupu zvaJehovha, pamhiri chaipo poRwizi rwaHudson kubva kuNew York City, pana September 8, 1991. Kirasi yechi 91 yeWatchtower Bible School of Gilead yaipedza kufunda. Mitezo 4 263 yemhuri yeBheteri navashanyi vakakokwa vaivamo, navamwe vane 1 151 vakabatanidzwa netambo dzorunhare nedzimbahwe reBrooklyn namapurazi kuWallkill nePatterson.
Purezidhendi weGilead School, Frederick W. Franz, ane makore okukura anodokusvika 98, akazarura purogiramu yacho nomunyengetero munyoro nowokuremekedza zvikuru. Albert D. Schroeder, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora neaichimbova munyori nomuraidzi wechikoro chacho, akabatira sasachigaro wepurogiramu yokupedza kufunda. Iye akayeuchidza vateereri nezvePisarema 2:1, 2 namamwe mauporofita anodeya kutaura nguva ino yokuzununguka nenyongano pakati pamarudzi. Uyu mugariro wevhiringidziko wakareva kuzarurwa kweminda mitsva yakawanda nokuda kwebasa rokucheka.
Hurukuro yokutanga yezuva racho yakakurukurwa naGeorge M. Couch, mumwe mutezo weDare reBheteri. Musoro wake waiva “Verenga Zvikomborero Zvako.” Iye akayeuchidza vadzidzi veGilead kuti hakusati kuchitongova kunyanyokurumidza kuvamba uyu muitiro. Iye akataura kuti vadzidzi vamene vakakomborerwa zvamazvirokwazvo asi kuti izvi zvikomborero zvakanga zvangouya bedzi pashure pebasa rakaoma rakawanda. Nenzira yakafanana, Jakobho aiva namakore 97 okukura akaita matsimba usiku hwose nengirozi—zvose nokuda kwokugamuchira chikomborero. (Genesi 32:24-32) Hama Couch akakurudzira vadzidzi kusafunga zvakanyanya mifungo yakaipa asi kuva chikomborero kuvamwe kupfurikidza nokusakurira rugare rwendangariro kupfurikidza nomunyengetero norusimbiriro.
John E. Barr woMutumbi Unodzora akatevera kutaura pamusoro unoti “Ivai Norudo Pakati Penyu Mumene.” Vateveri vaJesu vakanga vachidisa kufirana. “Munonzwa rudzi urwu rworudo ruchibuda mumwoyo menyu here?” iye akabvunza vadzidzi kudaro. ‘Tisina rudo urwu,’ iye akadaro, ‘hatisi chinhu. Kwakapfava zvakadaro.’ (1 VaKorinte 13:3) Hama Barr akaronga nzira dzinoshanda dzokuratidza nadzo rudo. Iye akakurudzira vadzidzi kubata vafundisi biyavo noruremekedzo, nguva dzose muchitsvaka nzira yokungwarira pakutaura yokutaura nayo zvinhu. ‘Kanganwai nhau duku,’ akavapa zano achidaro, achidudza 1 Petro 4:8. Iye akataura kuti kunyange mazuva okubika avafundisi aiva nhambo apo ivo vaigona kuratidza rudo kupfurikidza nokurangarira basa racho serinopfuura janawo zvaro. Iye akayeuchidza vadzidzi, kuti: “Hatitongoregi kuva nomungava worudo kuhama nehanzvadzi dzedu.”—VaRoma 13:8.
“Une Chivimbo Sei?” wakanga uri musoro unofadza wakakudziridzwa naDavid A. Olson weDare reBato reBasa. Iye akasimbisa nzvimbo mbiri dzechivimbo: muna Jehovha nesangano rake, kwatine zvikonzero zvisingaverengeki nokuda kwako (Zvirevo 14:6; Jeremia 17:8); uye mauri umene. Vafundisi vane chikonzero chomwero wakati wokuzvivimba, zvakadai somugariro wavo wekare savashumiri nechivimbo icho Jehovha nesangano rake vakaisa mavari. Muapostora Pauro akaratidza chivimbo chakadaro nokuda kwezvikonzero zvakafanana. (1 VaKorinte 16:13; VaFiripi 4:13) Hama Olson akanyevera, kunyanguvezvo, pamusoro pokunyanyozvivimba uko nyika inosimudzira, sezvakaratidzirwa nomunyori akakurumbira uyo sezvinoshumwa akati: “Ndinowanzozvinokora mashoko. Kunowedzera kunaka kukurukurirano yangu.” Zvisinei, chivimbo chakadzikamiswa nokuzvininipisa chinogona kukurudzira chivimbo muvamwe. Ikoku kwakanga kuri kwechokwadi zvamazvirokwazvo muchinoitika chaPauro.—VaFiripi 1:12-14.
Lyman A. Swingle woMutumbi Unodzora akatevera kupa zano vadzidzi, achiti: “Kuminda Inofanira Kuchekwa, Imi Vanopedza Kufunda veGilead!” Iye akataura kuti iri rakanga riri zuva rokucheka nokuda kweGilead School uye nokuda kwouhama hwenyika yose, sezvo vanopedza kufunda vaizoenda ndokukumbanira zviuru zvavakapedza kufunda vekare vachiri mubasa roufundisi—vamwe vakabva mukirasi yokutanga, yechipiri, uye yechitatu dzama 1940! Hama Swingle akataura kuti shure panguva iyeyo hakuna munhu aiziva kuti basa roufundisi raizopfuurira kwamamwe makore 50, kana kuti kuti chiNazi, chiFascist, uye dzimwe mhinganidzo dzehurumende kubasa rokuparidzira dzaizokoromoka. “Kana tichityiswa neizvo Jehovha akaita munguva yakapfuura,” iye akabvunza kudaro, “zvakadini nenguva yemberi?” Iye akagumisa nedanidzo inonyandura kuvadzidzi: “Kumunda!”
Varaidzi vakuru vaviri veGilead School ipapo vakataura kukirasi yechi 91 kwenguva yokupedzisira. Jack D. Redford akataura pamusoro unoti “Wana Uchenjeri.” Gilead School, iye akaudza vadzidzi, inodzidzisa zivo nenzwisiso, asi ivo vanofanira kuwana uchenjeri, mano okushandisa zivo yavo nenzira yakarurama. Iye akakurudzira vadzidzi kuramba ngano yokuti vakanga vadzidza zvose paGilead. “Ndicho unodzidza pashure pechikoro chinokosha.” Pakati pezvinhu vachafanirazve kudzidza: kubata nenzira ine rugare navanhu, kukwanisa kuti “Ndine urombo” kumukwanyina, kuvafundisi biyenyu, uye kuhama nehanzvadzi dzomunzvimbomo; kungwarira kuvimba mirangariro yokutanga uye kuziva kuti chinetso chiri chose chakaoma, kuda nzwisiswo huru yemigariro pamberi pokupa zano rokuchenjera; uye kuremekedza hama dzomunzvimbomo nokuda kwamano adzo okugona kurarama mumigariro yakaoma.—Zvirevo 15:28; 16:23; Jakobho 1:19.
Ulysses V. Glass, munyori weGilead School, akaita VaFiripi 3:16 musoro wehurukuro yake. Iye akarumbidza kirasi nokuda kwefambiro mberi yavakanga vaita ndokuvapa zano rokupfuurira mutsinhirano norugwaro irworwo. Nepo vadzidzi vachifanira kupfuurira kuwana zivo yakarurama, iye akadaro, havasati vaizotongoziva chinhu chiri chose. Iye akaenzanisira pfundo racho newachi inoratidzira nguva nenhamba. Mwene wayo angaziva nzira yokuiita nayo kuti ishande asingazivi kuti inoshanda sei zvomenemene. Nenzira yakafanana, vafundisi havafaniri kuzvidza avo, nepo vangasawirirana noukuru hwavo hwezivo, vanoziva chinokosha—nzira yokutya nayo Jehovha. (Zvirevo 1:7) Iye akayeuchidza kirasi nezvoukoshi hwokuchengeta ‘ziso rakapfava.’ (Mateo 6:22) Ziso romudzimu rinogona kudziviswa sezvinongoita ziso chairoiro. Vamwe, somuenzaniso, vane chiono chakaganhurirwa—chakanyanyonangidzirwa paudzame hushomanene zvokusagona kuona nhau yose—nepo vamwe, nenzira yakapesana, vachiona bedzi nhau dzapamusoro uye vanotsauswa nguva dzose panhau huru dzavanofanira kubata.
Hurukuro yokupedzisira yamangwanani yaiva nomusoro unoti “Kuziva Nokushanda Nesangano raJehovha,” yakakurukurwa naTheodore Jaracz woMutumbi Unodzora. Hama Jaracz akataura kuti nepo kune zviuru zvamasangano nezvaunga munyika, rimwe bedzi raiwawa ose harisati richibva munyika. Ndeipi iri nzira yokuziva nayo rinomirira Jehovha? Shoko raMwari rinogovera zviratidzo zvinozivisa. Bhaibheri rinoratidza kuti chisiko chake chokudenga chakarongwa zvikuru. (Pisarema 103:20, 21; Isaya 40:26) Sangano rapasi raJehovha rinozivikanwawo nokuva kwaro nenhevedzano pamwe chete nokupfurikidza nokuparadzana kwaro nenyika, namatiro yaro chaiyo kunheyo dzeBhaibheri, mwero waro wakakwirira worucheno rwetsika, uye rudo pakati pemitezo yaro. Hama Jaracz akakurudzira vadzidzi veGilead kubatsira vazhinji savanobvira mumigove yavo kuziva sangano raJehovha paMagwaro. Muna ikoko, iye akaita ziviso inofadza, inoti: Gilead School ichakurumidza kupetwa ruviri muukuru, kusvikira kuvanenge vadzidzi 50 mukirasi yechi 93! Uyewo, kirasi dzeGilead Extension School muGermany dzichavamba panenge panguva imwe cheteyo. Kuombera maoko kwakanga kuri kurefu uye kwainzwika!
Somugumo wamangwanani, vadzidzi vose 24 veGilead vakagamuchira magwaro. Nokukurumidza vaizova vachienda kunyika 12 dzakasiana-siana kupota nyika. Kirasi yacho yakapa chisarudzo chomwoyo wose, vachionga Mutumbi Unodzora nemhuri yeBheteri. Pashure pezvokudya zvamasikati, Hama Charles J. Rice weDare reWatchtower Farms akaitisa Fundo yeNharireyomurindi yakapfupikiswa. Ipapo vakapedza kufunda vakaratidzira purogiramu mhenyu, inoratidzira zvimwe zvezvinoitika zvavaiva nazvo mubasa romumunda mukati mekosi yavo yemwedzi mishanu paWallkill, New York. Pashure paikoko, vaparidzi vanomirira ungano dzinoverengeka dzomunzvimbomo vakaratidzira chinoitika chine musoro unoti Pwere Dzinoyeuka Musiki Wadzo Zvino.
Kupfiga purogiramu yacho, Hama George Gangas, mumwe mutezo une makore 95 okukura woMutumbi Unodzora, akapa munyengetero wakakodzera hunhu hwake wembavarira kuna Jehovha. Vateereri vakaenda vachifara, mumwe nomumwe pasina panikiro asundwa kuva negoverano huru zvikuru mubasa rokucheka romunyika yose.
[Bhokisi riri papeji 22]
Mashoko Ekirasi
Chiverengero chenyika dzakamirirwa: 6
Chiverengero chenyika dzavakagoverwa kwadziri: 12
Chiverengero chavadzidzi: 24
Chiverengero chavakaroorana: 12
Avhareji yezera: 33,4
Avhareji yamakore muzvokwadi: 16,13
Avhareji yamakore muushumiri hwenguva yakazara: 11,3
[Mufananidzo uri papeji 23]
Kirasi Inopedza Kufunda yechi 91 yeWatchtower Bible School of Gilead
Mundaza iri pasi apa, mitsetse inoiswa nhamba kuvambira mberi kudzokera shure uye mazita akarongwa kuvambira kuruboshwe kuenda kurudyi mumutsetse mumwe nomumwe.
(1) McDowell, A.; Youngquist, L.; Skokan, B.; Wargnier, N.; Miller, Y.; Muñoz, M. (2) Bales, M.; Perez, D.; Attick, E.; Vainikainen, A.; Mostberg, K. (3) DePriest, D.; DePriest, T.; Perez, R.; Wargnier, J.; Muñoz, J.; Miller, J. (4) McDowell, S.; Bales, D.; Skokan, M.; Attick, C.; Youngquist, W.; Vainikainen, J.; Mostberg, S.