RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 8/15 pp. 8-9
  • Usarega Kutsamwa Kuchikugumbusa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Usarega Kutsamwa Kuchikugumbusa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Rinotii Nezvehasha?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kushatirwa Kwakaipa Here Nguva Dzose?
    Mukai!—1994
  • Chazvakaipira Kuva Nehasha
    Mukai!—2012
  • Ndinogona Sei Kudzora Kutsamwa Kwangu?
    Mukai!—1988
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 8/15 pp. 8-9

Usarega Kutsamwa Kuchikugumbusa

“TURA mafemo!” “Usakurumidza kumedza kutsenga kuchada!” “Sona muromo!” Kutaura uku wakakujaira here? Zvichida unokudzokorora kuti unyaradze shungu dzako. Vamwe vanhu vanofamba-famba, kuti vaedze kudzivisa kuputika nehasha. Idzi inzira dziri nyore dzokukurira kutsamwa ndokuchengetedza ukama nevamwe.

Zvisinei, makore mashoma apfuura, zano rinopesana rinobva kunyanzvi pamusoro pekuti kutsamwa kunofanira kudzorwa kana kuti kuvharirwa mumwoyo here rinosiya vakawanda vavhiringidzika. Somuenzaniso, dzimwe nyanzvi dzezvokushanda kwepfungwa dzakasimudzira pfungwa yokuti “kana zvichikuita kuti unzwe zviri nani,” tsamwa. Dzimwe dzinonyevera kuti kugaroputika nehasha “chiratidzo chakasimba zvikuru chinofanozivisa kuti uchafa uri muduku kukunda dzimwe ngozi dzakadai sokusvuta, BP, uye cholesterol zvakakwira.” Shoko raMwari rinotaura zvakajeka kuti: “Rega kutsamwa, urashe hasha; usava neshungu, zvinongotadzisa munhu.” (Pisarema 37:8) Nei Bhaibheri richipa zano rakananga kudaro?

Mwoyo usingadzorwi unotungamirira kuzviito zvisingadzorwi. Izvi zvakava pachena pakutanga-tanga munhau yavanhu. Tinorava kuti: “Kaini akatsamwa kwazvo, chiso chake chikawunyana.” Izvi zvakamutungamirira kuitei? Kutsamwa kwake kwakamubata zvakasimba ndokumudzora, zvokuti kwakaomesa mwoyo wake zvokusateerera kurayira kwaJehovha kwekuita zvakanaka. Kutsamwa kusingadzorwi kwaKaini kwakamutungamirira kuita chivi chakakomba—kuponda munun’una wake.—Genesi 4:3-8.

Saizvozvowo, Sauro, mambo wekutanga weIsraeri, akatsamwa paakanzwa kuti Dhavhidhi arumbidzwa zvikuru. “Vakadzi vakaimba vachibvumirana pakuridza kwavo, vakati: Sauro wakauraya zviuru zvamazana ake, asi Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana ake. Sauro akatsamwa kwazvo, shoko iri rikasamufadza.” Kutsamwa kwakadzora kufunga kwaSauro zvokuti kwakamuita kuti aedze kakawanda kuuraya Dhavhidhi. Kunyange zvazvo Dhavhidhi akatanga ushamwari, Sauro aisada kuita rugare uye kuwadzana. Pakupedzisira, akarasikirwa nenyasha dzaJehovha zvachose.—1 Samueri 18:6-11; 19:9, 10; 24:1-21; Zvirevo 6:34, 35.

Nenzira isingadzivisiki, mumwe paanobvumidza kutsamwa kusingadzorwi, achataura uye achaita zvinhu zvicharwadzisa vose vanobatanidzwa. (Zvirevo 29:22) Kaini naSauro vakatsamwa nokuti mumwe nemumwe, munzira yake pachake, aiva neshanje negodo. Zvisinei, kutsamwa kungaitika nokuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana. Kutsoropodza kusina kururama, kunyomba, kusanzwisisana, kana kuti kubatwa zvisina kufanira ndizvo zvingakonzera kuputika nehasha.

Mienzaniso yaKaini naSauro inoratidza kuti vose vaishaya kwazvo chimwe chinhu. Zviri pachena kuti chibayiro chaKaini chakanga chisina kutenda. (VaHebheru 11:4) Kutadza kwaSauro kuteerera mirayiro yaJehovha yakajeka uye kuedza kwake gare gare kuzviruramisa kwakatungamirira kuti arasikirwe nenyasha nemudzimu zvaMwari. Zviri pachena kuti, varume vaviri ava vakaputsa ukama hwavo naJehovha.

Enzanisa unhu hwakadaro nehwaDhavhidhi, uyo aiva nechikonzero chokutsamwa pamusoro pokubatwa kwaaiitwa naSauro. Dhavhidhi akadzora mafungiro ake. Nemhaka yei? Akati: “Jehovha ngaandidzivise, ndirege kuitira ishe wangu, muzodzwa waJehovha, chinhu chakadai.” Zviri pachena kuti Dhavhidhi ainyatsofunga nezveukama hwake naJehovha, uye izvi zvakatapura kubata kwake naSauro. Nokuzvininipisa akasiyira nhau dzacho kuna Jehovha.—1 Samueri 24:6, 15.

Zvechokwadi, zvinorehwa nekutsamwa kusingadzorwi zvakakomba. Muapostora Pauro akanyevera kuti: “Tsamwai, musingatadzi.” (VaEfeso 4:26) Nepo hasha dzakarurama dzine nzvimbo yadzo, pane ngozi inongogara iripo yokuti kutsamwa kungava chigumbuso chedu. Saka, hazvishamisi kuti tinotarisana nedambudziko rokudzora kutsamwa kwedu. Tingazviita sei?

Chinhu chinokosha ndechokutanga ukama hwakasimba naJehovha. Anokukurudzira kumuzarurira mwoyo wako nepfungwa dzako. Muudze zvinokunetsa nezvaunoda, uye kumbira mwoyo wakadzikama kuti ukurire kutsamwa. (Zvirevo 14:30) Iva nechokwadi chokuti “meso aShe ari pamusoro pavakarurama, nenzeve dzake pakukumbira kwavo.”—1 Petro 3:12.

Munyengetero ungakuumba nokukutungamirira. Munzirai? Ungava nemugumisiro wakadzama pakubata kwako nevamwe. Yeuka mabatirwe awakaitwa naJehovha. Sezvinotaura Magwaro, Jehovha “haana kutiitira sezvakafanira zvivi zvedu.” (Pisarema 103:10) Kuregerera kunokosha kuitira kuti “tirege kunyengerwa naSatani.” (2 VaKorinte 2:10, 11) Uyezve, munyengetero unoshanda kuzarurira mwoyo wako nhungamiro yomudzimu mutsvene, uyo ungachinja miitiro yakadzika midzi muupenyu. Nomufaro Jehovha anopa ‘rugare runopfuura kufunga kwose,’ urwo rwunogona kukusunungura pakubatwa nesimba rokutsamwa.—VaFiripi 4:7.

Zvisinei, munyengetero unofanira kubatanidzwa nekunzvera Magwaro nguva dzose kuitira kuti isu ti“zive kuda kwaShe.” (VaEfeso 5:17; Jakobho 3:17) Kana iwe pachako uchiomerwa nokudzora kutsamwa kwako, edza kuwana kufunga kwaJehovha panhau yacho. Hwirudzura magwaro anobatanidzwa zvakananga nekudzorwa kwekutsamwa.

Muapostora Pauro anopa chiyeuchidzo ichi chinokosha achiti: “Ngatiitire vose zvakanaka, zvikuru kune veimba yokutenda.” (VaGaratia 6:10) Isa pfungwa dzako nezviito zvako pakuitira vamwe zvakanaka. Chiito chakanaka chakadaro, nechakajeka chichakurudzira kunzwira urombo nekuvimba uye chichanyaradza kusanzwisisana uko kungangogumisira nokutsamwa.

Munyori wepisarema akati: “Simbisirai kutsika kwangu mushoko renyu; zvakaipa ngazvirege kutonga vane simba pamusoro pangu. Vanoda murau wenyu vane rugare rukuru; hapana chinovagumbusa.” (Pisarema 119:133, 165) Izvozvo zvingava zvechokwadi kwauriwo.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 9]

NHANHO DZOKUDZORA KUTSAMWA

□ Nyengetera kuna Jehovha.—Pisarema 145:18.

□ Nzvera Magwaro zuva nezuva.—Pisarema 119:133, 165.

□ Ramba wakabatikana mumabasa akafanira.—VaGaratia 6:9, 10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe