RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 9/1 p. 3
  • Kusanzwisisika Kwokurwara

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusanzwisisika Kwokurwara
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutanga Kusanzwisisika Kwacho
  • Dhiyabhorosi Anotirwarisa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Midzimu Isingaoneki—Inotibetsera Here? Kana Kuti Inotikuvadza Here?
    Midzimu Isingaoneki—Inotibetsera Here? Kana Kuti Inotikuvadza Here?
  • Zvidzivirire Pamidzimu Yakaipa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Kuporesa Nokutenda Kunotenderwa naMwari Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 9/1 p. 3

Kusanzwisisika Kwokurwara

OWMADJI MUDUKU ARI KURWARA NEMANYOKA. Hawa, mai vake, vari kunetseka kuti achapera mvura mumuviri; vakanzwa kuti vakoma vavo vari kumusha vakanga vachangobva kufirwa nemucheche nenzira iyoyo. Ambuya vaOwmadji, vamwene vaHawa, vanoda kuenda naOwmadji kun’nga. “Mudzimu wakaipa ndiwo uri kurwarisa mwana,” vanodaro. “Makaramba kumupa zango rokupfeka kuti adzivirirwe, uye zvino matambudziko ava kutanga!”

ZVINHU izvi zvinozivikanwa munzvimbo dzakawanda dzenyika. Mazana emamiriyoni anofunga kuti midzimu yakaipa ndiyo chinhu chisingazivikanwi chinorwarisa. Ndezvechokwadi here?

Kutanga Kusanzwisisika Kwacho

Iwe pachako ungasadavira kuti midzimu isingaoneki inokonzera hosha. Chokwadi, ungashamisika kuti nei munhu chero upi zvake angafunga kudaro, nokuti masayendisiti akaratidza kuti hosha dzakawanda dzinokonzerwa nemavhairasi neutachiona. Kunyange zvakadaro, yeuka kuti vanhu vaiva vasingazivi pamusoro peutachiona huduku-duku ihwohwo nguva dzose. Zvinhu zvisingaonekwi nemaziso evanhu zvakatozotanga kuoneka pakagadzirwa maikorosikopo naAntonie van Leeuwenhoek muzana remakore rechi17. Kunyange panguva iyoyo, zvakawanwa naLouis Pasteur muzana ramakore rechi19 zvakabatsira kuti sayenzi itange kunzwisisa ukama huri pakati peutachiona nehosha.

Sezvo zvikonzero zvokurwara zvakanga zvisingazivikanwi kwenguva yakareba munhau yevanhu, pfungwa dzokutenda mashura dzakawanda dzakatanga, kusanganisira kutaura kwokuti kurwara kwose kunokonzerwa nemidzimu yakaipa. The New Encyclopædia Britannica inotaura imwe nzira yaingadai yakatanga nayo. Inotaura kuti varapi vokutanga vakaedza kurapa varwere nemidzi yemarudzi akasiyana-siyana, mashizha, uye chipi nechipi chavaigona kushandisa. Dzimwe nguva, zvimwe zvacho zvaishanda. Ipapo murapi aizowedzera pakurapa kwacho tsika dzakawanda dzokudavira mashura nemiitiro, dzaibetsera kuvanza mushonga wacho chaiwo. Saka murapi aiva nechokwadi chokuti vanhu vaizofanira kuramba vachiuya kuzobatsirwa naye. Nenzira iyi, mushonga wakava wakavanzwa muzvisinganzwisisiki, uye vanhu vakakurudzirwa kutarira kuzvinhu zvisiri zvomuzvarirwo kuti vabetserwe.

Mitoo iyi yokurapa kwetsika ichiri kushandiswa munyika dzakawanda. Vakawanda vanoti kurwara kunokonzerwa nemidzimu yemadziteteguru akafa. Vamwe vanoti Mwari anotirwarisa uye kuti kurwara chirango chezvivi zvedu. Kunyange vanhu vakadzidza pavanonzwisisa rudzi rweurwere hwacho, vangangoramba vachitya kupesvedzera kusiri kwomuzvarirwo.

Varoyi nen’anga vanoshandisa kutya ikoku kutyisidzira vanhu. Saka, chii chatinofanira kutenda? Zvinobetsera here kutarisira kuti midzimu idzivirire utano hwedu? Bhaibheri rinotii?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe