RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 9/1 pp. 4-7
  • Dhiyabhorosi Anotirwarisa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dhiyabhorosi Anotirwarisa Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Basa raSatani
  • Satani Anoshanda Sei?
  • Zvikonzero Zvakasiyana-siyana Zvokurwara
  • Mushonga Wenguva Refu
  • Kusanzwisisika Kwokurwara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Apo Mumwe Mutezo Wemhuri Unenge Uchirwara
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Jobho Anotendeka Kuna Mwari
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Kurarama Nenzira Inofadza Mwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 9/1 pp. 4-7

Dhiyabhorosi Anotirwarisa Here?

KURWARA KWAISAMBOFANIRA KUVAPO. Mwari akatisika kuti tirarame nokusingaperi tine utano hwakakwana. Chaiva chisikwa chomudzimu, Satani, chakaita kuti kurwara, marwadzo, uye kufa zvitambudze mhuri yevanhu pachakaita kuti vabereki vedu vokutanga, Adhama naEvha, vatadze.—GENESI 3:1-5, 17-19; VAROMA 5:12.

IZVI zvinoreva here kuti kurwara kwose mugumisiro wakananga wekupindira kwemidzimu? Sezvataurwa munhanganyaya, vakawanda nhasi vanofunga kudaro. Ambuya vaOwmadji muduku vaifunga kudaro. Asi manyoka aOwmadji—hosha inombouraya vana vaduku munyika dzinopisa zvakanyanya—anokonzerwa chaizvoizvo nemidzimu isingaoneki here?

Basa raSatani

Bhaibheri rinopindura mubvunzo uyu zvakanyatsojeka. Chokutanga, rinoratidza kuti midzimu yemadziteteguru edu haigoni kutapura vapenyu. Vanhu pavanofa, “havana chavanoziva.” Havana midzimu inopukunyuka rufu. Vakavata kumakuva, uko kusina “basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri.” (Muparidzi 9:5, 10) Vakafa havagoni kumborwarisa vapenyu zvachose!

Zvisinei, Bhaibheri rinozivisa kuti midzimu yakaipa iriko. Chisikwa chomudzimu chava kuzivikanwa saSatani ndicho chakatanga kupanduka pazvinhu zvose zvakasikwa. Zvimwe zvakamutevedzera ndokubva zvanzi madhimoni. Satani nemadhimoni vangakonzera kurwara here? Zvakaitika. Zvimwe zvezvishamiso zvaJesu zvokuporesa zvaisanganisira kudzinga madhimoni. (Ruka 9:37-43; 13:10-16) Zvisinei, kurapa kwakawanda kwakaitwa naJesu kwaiva kwezvirwere zvisingakonzerwi zvakananga nemadhimoni. (Mateo 12:15; 14:14; 19:2) Nenzira yakafanana nhasi, tinoziva kuti, kurwara kunobva muzvikonzero zvomusikirwo, kwete zvinopfuura zvomusikirwo.

Zvakadini neuroyi? Zvirevo 18:10 inotivimbisa kuti: “Zita raJehovha inhare yakasimba; wakarurama unovangiramo ndokuchengetwa.” Jakobho 4:7 inoti: “Dzivisai Dhiyabhorosi, agokutizai.” Hungu, Mwari anogona kudzivirira vakatendeka vake pauroyi uye pasimba ripi neripi remashiripiti. Ndicho chimwe chezvinoreva mashoko aJesu okuti: “Zvokwadi ichakusunungurai.”—Johane 8:32.

‘Zvakadini naJobho?’ vamwe vangabvunza kudaro. ‘Mudzimu wakaipa handiwo wakamurwarisa here?’ Hungu, Bhaibheri rinotaura kuti kurwara kwaJobho kwakakonzerwa naSatani. Asi chinoitika chaJobho chakanga chakasiyana. Jobho akanga agara achichengetwa naMwari pakurwisa kwakananga kwemadhimoni. Saka Satani akati Jehovha arove Jobho, uye nemhaka yokuti nhau dzakawanda dzaibatanidzwa, Jehovha akamboti regei kudzivirira munamati wake muchiitiko chimwe ichi.

Zvisinei, Mwari akaisa miganhu. Paakabvumidza Satani kutambudza Jobho, Satani aizorwarisa Jobho kwechinguva, asi aisagona kumuuraya. (Jobho 2:5, 6) Pakupedzisira, kutambura kwaJobho kwakapera, uye Jehovha akamupa mubayiro mukuru wekutendeseka kwake. (Jobho 42:10-17) Nheyo dzakaratidzwa nekutendeseka kwaJobho dzakasonyorwa kare muBhaibheri uye dziri pachena kwatiri tose. Hapana kudikanwazve kwemumwe muedzo wakadaro.

Satani Anoshanda Sei?

Mune zvinenge zviitiko zvose, Satani paane chokuita nekurwara kwevanhu bedzi ndepokuti akaedza vanhu vaviri vokutanga, vakabva vaita chivi. Iye nemadhimoni ake handivo vanokonzera zvakananga kurwara kwose. Zvisinei, Satani haasiyiwi pakuedza kutipesvedzera kuita zvisarudzo zvisiri zvokuchenjera tobvumirana zvinopesana nokutenda kwedu, zvingaguma nokukuvadzwa kwoutano hwedu. Haana kuroya, kuuraya, kana kuti kurova Adhama naEvha nechirwere. Akanyengetedza Evha kuti asateerera Mwari, uye Adhama akatevera nzira yake yokusateerera. Kurwara nekufa zvaiva zvimwe zvemigumisiro yacho.—VaRoma 5:19.

Mumwe muprofita aiva asina kutendeka ainzi Bharami akambokumbirwa namambo weMoabhi kuti atuke rudzi rwaIsraeri, rwakanga rwakadzika misasa rwakakomba zvinotyisa pamiganhu yeMoabhi. Bharami akaedza kutuka vaIsraeri, asi akatadza nokuti rudzi rwacho rwakanga rwuchidzivirirwa naJehovha. VaMoabhi vakabva varonga kukwezva vaIsraeri kuti vanamate zvidhori nekuita unzenza. Unyanzvi uhwu hwakabudirira, uye vaIsraeri vakarasikirwa nokudzivirira kwaJehovha.—Numeri 22:5, 6, 12, 35; 24:10; 25:1-9; Zvakazarurwa 2:14.

Tinogona kudzidza chidzidzo chinokosha mune chiitiko ichocho chekare. Kubetsera kwaMwari kunochengeta vanamati vaMwari vakatendeka pakurwisa kwakananga kwemidzimu yakaipa. Zvisinei, Satani angaedza kuita kuti vanhu vabvumirane zvinopesana nekutenda kwavo. Angaedza kuvakwezva kuti vaite unzenza. Kana kuti, seshumba inodzvova, angaedza kuvatyisidzira kuti vaite nenzira inovashayisa kudzivirira kwaMwari. (1 Petro 5:8) Ndokusaka muapostora Pauro achidaidza Satani kuti “uyo une simba rorufu.”—VaHebheru 2:14.

Ambuya vaOwmadji vakaedza kunyengetedza Hawa kuti ashandise mazango nematumwa kudzivirira kurwara. Chii chaizodai chakaitika kudai Hawa akabvuma? Aizodai akaratidza kushaya kuvimba kwakazara naJehovha Mwari, uye aisazogona kuvimbazve nedziviriro yake.—Eksodho 20:5; Mateo 4:10; 1 VaKorinte 10:21.

Satani akaedza kunyengetedzawo Jobho. Kumutorera mhuri yake, pfuma yake, uye utano hwake zvakanga zvisina kukwana. Jobho akapiwawo zano rakaipa zvikuru nemukadzi wake paakati: “Shora Mwari, ufe hako.” (Jobho 2:9) Ipapo akashanyirwa ne“shamwari” nhatu dzakaedza zvadzakabvumirana kuti dzimutendise kuti ndiye aiva nemhaka yokurwara kwake. (Jobho 19:1-3) Nenzira iyi Satani akashandisa mugariro wokusava nesimba waJobho kuedza kumuodza mwoyo ndokuzunungusa kuvimba kwake nokururama kwaJehovha. Asi, Jobho akapfuurira kuvimba naJehovha setariro yake bedzi.—Enzanisa naPisarema 55:22.

Patinorwara, nesuwo tingaora mwoyo. Mumamiriro ezvinhu akadaro, Satani anokurumidza kuedza kutiita kuti tiite neimwe nzira iyo ichaita kuti tibvumirane zvinopesana nekutenda kwedu. Saka, kurwara kukatanga, zvinokosha kuyeuka kuti chikonzero chikuru chokutambura kwedu chingangova kusakwana kwatakaberekwa nakwo, panzvimbo pemashiripitiwo zvawo. Yeuka, Isaka akatendeka akava bofu kwamakore akawanda asati afa. (Genesi 27:1) Chikonzero chacho chaiva chisiri midzimu yakaipa asi kukwegura. Rakeri akafa paaisununguka mwana, kwete nokuda kwaSatani, asi nokuda kweutera hwavanhu. (Genesi 35:17-19) Pakupedzisira, vakatendeka vose vekare vakafa—kwete nokuda kwezvitsinga kana kuti munyama asi nokuda kwekusakwana kwatakaberekwa nakwo.

Kufungidzira kuti midzimu isingaoneki inopesvedzera zvakananga pachirwere chiri chose chinotiwira musungo. Kungaparira kutya midzimu kwakaipa. Saka, patinorwara, tingaedza kupfupa madhimoni panzvimbo pokuramba tiri kure nawo. Kana Satani akatityisidzira kuti tiite zvemidzimu, ikoko kungava kunyengedza Mwari wechokwadi, Jehovha. (2 VaKorinte 6:15) Tinofanira kutungamirirwa nekutya kwekuremekedza Mwari, kwete nekutya Muvengi wake mukuru kwemashura.—Zvakazarurwa 14:7.

Owmadji muduku akatenge achidzivirirwa zvakanakisisa pamidzimu yakaipa. Maererano nemuapostora Pauro, Mwari anomuona semu“tsvene” nokuti ana mai vanotenda, uye mai vake vanogona kunyengetera kuti Mwari ave nemwanasikana wavo kuburikidza nemudzimu mutsvene. (1 VaKorinte 7:14) Akomborerwa nezivo yakarurama yakadaro, Hawa akakwanisa kutsvaka kurapwa kunobudirira nokuda kwaOwmadji pane kuvimba nemazango.

Zvikonzero Zvakasiyana-siyana Zvokurwara

Vanhu vakawanda havatendi mumidzimu. Pavanorwara, vanoenda kwachiremba—kana vachikwanisa. Chokwadi, munhu anorwara angaenda kwachiremba ndokusapora. Vanachiremba havagoni kuita zvishamiso. Asi vanhu vanodavira mashura vakawanda avo vaigona kurapwa vanoenda kwachiremba vatonyanyononoka. Vanoedza nzira dzemidzimu dzokuporesa pakutanga, uye padzinokundikana ndipo pavanozoenda kwachiremba. Vakawanda vanofa nepo vaisafanira kufa.

Vamwe vanotarisana nerufu rusingatarisirwi nemhaka yokusaziva. Havazivi zviratidzo uye havazivi zvokuita zvinobetsera kuti vadzivirire kurwara. Zivo inobetsera kudzivirira kutambura kusina kufanira. Zvinoonekwa kuti vanamai vakadzidza vanorasikirwa nevana vashoma nekurwara pane zvinoita vasina kudzidza. Hungu, kusaziva kunogona kuuraya.

Kuregeredza ndechimwe chikonzero chokurwara. Somuenzaniso, vakawanda vanorwara nokuti vanorega tumbuyu tuchifamba pane zvokudya zvisati zvadyiwa kana kuti nokuti avo vanogadzira zvokudya havatangi vageza maoko avo. Kurara musina mambure eutunga munzvimbo dzine marariya kune ngoziwo.a Munhau dzeutano, zvinowanzova zvechokwadi kuti “kudzivirira kunokosha kupinda kurapa.”

Mararamiro asiri okuchenjera akakonzera mamiriyoni kurwara ndokukurumidza kufa. Kudhakwa, unzenza, kushandiswa zvisina kufanira kwezvinodhaka, uye kushandiswa kwefodya kwakakuvadza utano hwevakawanda. Kana mumwe munhu akaita zvinhu izvi zvakaipa obva arwara, imhaka yokuti mumwe munhu amutsinga kana kuti mudzimu wamurwisa here? Kwete. Imhosva yake. Kupomera midzimu kungava kuramba mutoro nokuda kwemararamiro asiri okuchenjera.

Chokwadi, zvimwe zvinhu hatigoni kuzvidzora. Somuenzaniso, tingarwara nokuda kweutachiona kana kuti kusvibiswa kwezvinhu. Ndizvo zvakaitika kuna Owmadji. Mai vake havana kuziva chaikonzera manyoka acho. Vana vake havawanzorwari sezvinoita vamwe vana nokuti anochengeta imba yake nechivanze zvakachena uye anogarogeza maoko ake asati agadzira zvokudya. Asi vana vose vanorwara pane imwe nguva. Marudzi 25 eutachiona akasiyana-siyana angakonzera manyoka. Zvimwe, hapana achazomboziva kuti ndohupi hwacho hwakakonzera chinetso chaOwmadji.

Mushonga Wenguva Refu

Kurwara hakusi mhaka yaMwari. “Mwari haangaidzwi nezvakaipa, naiye amene haangaidzi munhu.” (Jakobho 1:13) Kana mumwe wevanamati vake akarwara, Jehovha anomutsigira mumudzimu. “Jehovha uchamutsigira panhovo yourwere; munoshandura nhovo dzake dzose pakurwara kwake.” (Pisarema 41:3) Hungu, Mwari ane tsitsi. Anoda kutibetsera, kwete kutikuvadza.

Zvechokwadi, Jehovha ane mushonga wenguva refu wokurwara—kufa nekumuka kwaJesu. Vachishandisa chibayiro chorudzikinuro chaJesu, vanhu vane mwoyo yakarurama vanodzikinurwa kubva pamugariro wavo wechivi uye pakupedzisira vachawana utano hwakakwana neupenyu husingagumi muparadhiso yapasi. (Mateo 5:5; Johane 3:16) Zvishamiso zvaJesu zvaifanoratidzira kuporesa kwechokwadi kuchaunzwa neUmambo hwaMwari. Mwari achabvisawo Satani nemadhimoni ake. (VaRoma 16:20) Zvechokwadi, Jehovha ane zvinhu zvinoshamisa zvaakachengetera avo vanotenda maari. Tinongoda kushivirira nekutsungirira.

Panguva ino, Mwari anogovera uchenjeri hunoshanda nenhungamiro yomudzimu kuburikidza neBhaibheri uye hama dzenyika yose dzevanamati vakatendeka. Anotiratidza madzivisire atingaita zvakaipa zvinokonzera zvinetso zvoutano. Uye anotigovera shamwari dzechokwadi idzo dzichabetsera panomuka zvinetso.

Fungai zvakare nezvaJobho. Kuenda kun’anga kwaizodai kwakava chinhu chakaipisisa icho Jobho angadai akaita! Kwaizodai kwakamushayisa kudzivirira kwaMwari, uye aizodai akarasikirwa nezvikomborero zvose zvakanga zvakamumirira pashure pemuedzo wake wakaipa zvikuru. Mwari haana kukanganwa Jobho, uye haazotikanganwi. “Makanzwa zvokutsungirira kwaJobho, makaona [zvaakaitirwa pakupedzisira naJehovha, NW],” anodaro mudzidzi Jakobho. (Jakobho 5:11) Kana tisingamboneti, nesuwo tichawana zvikomborero zvinoshamisa munguva yaMwari yakafanira.

Chii chakaitika kuna Owmadji muduku? Mai vake vakayeuka imwe nyaya iri mune imwe magazini yakafanana neNharireyomurindi, Mukai!, pamusoro pekuwedzera mvura yomumuviri.b Akatevedzera mirayiridzo yayo ndokugadzira mushonga wacho kuti Owmadji anwe. Zvino musikana muduku wacho ava kunzwa zvakanaka uye akasimba.

[Mashoko Omuzasi]

a Vanhu vanoda kusvika hafu yebhiriyoni vanobatwa nemarariya. Anenge mamiriyoni maviri pagore anofa nehosha yacho, zvikurukuru muAfrica.

b Onai Mukai! yechiNgezi yaSeptember 22, 1985, mapeji 24-5, musoro unoti “Mvura Ine Munyu Inoponesa Upenyu!”

[Mifananidzo iri papeji 7]

Jehovha akaronga mushonga wechigarire wechinetso chekurwara

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe