RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 9/1 pp. 8-13
  • Pwere—Dzivisai Mudzimu Wenyika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pwere—Dzivisai Mudzimu Wenyika
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuziva Mudzimu Wenyika
  • Kuratidzwa Kwemudzimu Wenyika
  • Kuramba Mudzimu Wenyika
  • Kuratidza ‘Mudzimu Wakasiyana’
  • Uri Kudzivisa Mudzimu Wenyika Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Pwere—Muri Kurondei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Dzivisa Nziyo Dzisina Kunaka!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Tungamirirwa Nomudzimu waMwari Kwete Wenyika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 9/1 pp. 8-13

Pwere—Dzivisai Mudzimu Wenyika

‘Zvino isu hatina kugamuchira mudzimu wenyika, asi mudzimu unobva kuna Mwari.’—1 VAKORINTE 2:12.

1, 2. (a) Musiyano upi unogona kuonekwa pakati pevechiduku vari munyika nevechiduku vari muungano dzeZvapupu zvaJehovha? (b) Pwere dzakawanda dziri Zvapupu dzingarumbidzwa sei noushamwari?

“CHIZVARWA chevechiduku vedu hachina mufaro, chiri kunzwa chisingadiwi uye chiri kupandukira.” Rakazivisa kudaro pepanhau rokuAustralia rinonzi The Sun-Herald. Rakawedzera kuti: “Zvakanyorwa mumatare zvinoratidza kuwedzera kwenhamba yevana vanotongwa nemhosva dzokurova vanhu chaizvo ne22 muzana [kupfuura gore rakapera] . . . Vana vari kuzviuraya nouwandu hwakapetwa katatu kubvira pakati pema1960 . . . Musiyano mukuru wemafungiro echizvarwa chacho wazova mugero mukuru chaiwo uri kutsvedzera vechiduku neuwandu hunoramba huchiwedzera zvokukanganwika nemhosva yezvinodhaka, doro nokuzviparadza.” Zvisinei, izvi hazvisi kungoitika munyika imwe chete. Munyika yose, vabereki, vadzidzisi, uye vashandi vezvoutano hwepfungwa vari kuchema mamiriro ezvinhu evechiduku.

2 Musiyano unoshamisa zvakadini uri pakati pevechiduku vakawanda vanhasi nevechiduku vakachena vanowanikwa muungano dzeZvapupu zvaJehovha! Hakusi kuti vakakwana. Ivowo vari kurwisana no“kuchiva kwoujaya.” (2 Timotio 2:22) Asi seboka, vechiduku ava vakatsigira chakarurama vakashinga uye havana kubvuma kumanikidzwa kuita zvinhu nenyika. Tinorumbidza nemwoyo wose imi vechiduku muri kukunda muhondo yamuri kurwa ne“manomano” aSatani! (VaEfeso 6:11, NW, mashoko omuzasi) Kufanana nomuapostora Johane, tinonzwa tichida kutaura kuti: “Ndakunyorerai, majaya [nemhandara], nokuti mune simba, neshoko raMwari rinogara mamuri, makakunda wakaipa.”—1 Johane 2:14.

3. Shoko rokuti “mudzimu” ringareva chii?

3 Zvisinei, kuti murambe muchikunda muhondo yamuri kurwa nowakaipa, munofanira kudzivisa nesimba kwazvo chinonzi neBhaibheri “mudzimu wenyika.” (1 VaKorinte 2:12, NW) Maererano nerimwe bhuku rinotaura nezvechiGiriki, “mudzimu” ungareva “mafungiro kana kuti kupesvedzera kunozadza ndokudzora mweya womunhu chero upi zvake.” Somuenzaniso, kana ukaona kuti mumwe munhu akashatirwa, ungati ane “mudzimu” wakaipa. “Mudzimu” wako, mafungiro, kana kuti zvinoda kuitwa nepfungwa dzako zvinopesvedzera zvaunosarudza; zvinopesvedzera zvaunoita nezvaunotaura. Zvinofadza kuti, munhu oga oga uye mapoka anogona kuratidza “mudzimu” wakati. Muapostora Pauro akanyorera rimwe boka rechiKristu kuti: “Nyasha dzaShe Jesu Kristu ngadzive no[mudzimu, NW] wenyu.” (Firemoni 25) Saka nyika ino inomboratidza mudzimu upi chaizvo? Sezvo “nyika yose igere muna iye wakaipa,” Satani Dhiyabhorosi, mudzimu wenyika haugoni kuva wakachena, unogona here?—1 Johane 5:19.

Kuziva Mudzimu Wenyika

4, 5. (a) Mudzimu upi wakanga wapesvedzera avo vaiva muungano yokuEfeso vasati vava vaKristu? (b) “Muchinda wesimba remhepo” ndiani, uye “mhepo” yacho chii?

4 Pauro akanyora kuti: “Wakakuraramisai imi, makanga makafa nokudarika kwenyu nezvivi zvenyu, izvo zvamaifamba mukati mazvo kare, netsika dzenyika ino, nenzira dzomuchinda wesimba re[mhepo, mudzimu, NW] unobata zvino muvana vokusateerera; vataifamba tose pakati pavo kare, mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nokwokufunga kwedu, napakuzvarwa kwedu isu navamwe vose taiva vana vokutsamwirwa.”—VaEfeso 2:1-3.

5 Vasati vadzidza nzira yechiKristu, vaKristu vaiva muEfeso vaiva vateveri vasingazivi ve“muchinda wesimba re[mhepo, NW],” Satani Dhiyabhorosi. “Mhepo” haisi nzvimbo chaiyo kunogara Satani nemadhimoni ake. Pauro paakanyora mashoko aya, Satani Dhiyabhorosi nemadhimoni ake vakanga vachiri kukwanisa kupinda mudenga. (Enzanisa naJobho 1:6; Zvakazarurwa 12:7-12.) Shoko rokuti “mhepo” rinoreva mudzimu, kana kuti mafungiro, akazara munyika yaSatani. (Enzanisa naZvakazarurwa 16:17-21.) Kufanana nemhepo yakatipoteredza, mudzimu uyu uri kwose kwose.

6. “Simba remhepo” chii, uye rinoshandiswa sei kune vechiduku vakawanda?

6 Asi ‘simba remhepo’ chii? Zvimwe, izvi zvinoreva kuchinja kwakakura kunoita iyi “mhepo” vanhu. Pauro akati mudzimu uyu “unobata . . . muvana vokusateerera.” Saka mudzimu wenyika unokonzera mudzimu wokusateerera nokupandukira, uye kunzwa uchida kuita zvinoitwa nevezera rako ndeimwe nzira inoratidzwa nayo simba iri. “Paunenge uchiri pachikoro,” anodaro mumwe musikana muduku Chapupu, “munhu wose anenge achikukurudzira kuti uti pandukirei. Vaduku vanokuremekedza chaizvo kana ukaita chimwe chinhu chakarerekera ikoko.”

Kuratidzwa Kwemudzimu Wenyika

7-9. (a) Dudza dzimwe nzira dziri kuratidzwa nadzo mudzimu wenyika nevechiduku nhasi. (b) Wati waona zvipi nezvipi zvezvinhu izvi munharaunda yenyu here?

7 Vechiduku vanoratidza sei mudzimu wenyika nhasi? Kusatendeseka nokupandukira. Mushumo weimwe magazini unoti inopfuura 70 muzana yevanenge vasarirwa negore rimwe kuti vapedze kudzidza kuchikoro nevanenge vava mugore rokupedzisira yakataura kuti yakanga yambobiridzira kusekondari. Kusanyatsoremekedza, kutsvinya, uye mutauro usina kuchena zvazarawo. Chokwadi, dzimwe nguva Jobho naPauro vaishandisa kunganzi nevamwe kutsvinya kuti varatidze kutsamwa kwavo kwakarurama. (Jobho 12:2; 2 VaKorinte 12:13) Zvisinei, kutsvinya kwoutsinye kunonzwiwa pamiromo yevechiduku vakawanda kunowanzofanana nokutuka nemashoko.

8 Kunyanyisa kuita nhandaro kuratidzwawo kwemudzimu wenyika. Manightclub epwere, madhindindi,a nemamwe marudzi okutamba kwakaipa ava maitiro evechiduku. Kunyanyisa muzvipfeko norutsvindo kwapararirawo. Kutanga nezvipfeko zvihombe zvomumugwagwa touya kuzvitaera zvinotyisa, zvakadai sokunyora-nyora muviri, pwere dzakawanda dzanhasi dzinozvibatanidza nomudzimu wenyika wokupandukira. (Enzanisa naVaRoma 6:16.) Kunyanyofunga nezvezvinhu zvokunyama ndokumwezve kuratidzwa kwawo. Maererano neimwe magazini yezvedzidzo, “vatengesi vari kuramba vachitutira pavana unyanzvi hwokushambadzira nehwedzidzo hwakawanda hunotyisa nezvigadzirwa zvose [zvakawanda].” Panozosvika nguva inopedza pwere dziri muUnited States kudzidza kusekondari, dzinenge dzaona kushambadzira kwepaTV 360 000. Vezera rako vangakumanikidzirawo kuti utenge. Mumwe musikana ane makore 14 anoti: “Munhu wose anogarobvunza kuti, ‘Juzi rako, bhachi rako, kana kuti jini rako rakagadzirwa kupi?’”

9 Kubvira munguva dzeBhaibheri, mimhanzi isina kunaka yave ichishandiswa naSatani kuti atange muitiro usina kuchena. (Enzanisa naEksodho 32:17-19; Pisarema 69:12; Isaya 23:16.) Saka, hazvishamisi kuti mimhanzi ine mashoko anenge anotaura—kana asingatauri zvakananga—nezvekurara pamwe kwevanhu, kutuka, uye mitinhimira yakaipa, inonyandura yazara kwose kwose. Kumwezve kuratidzwa kwemudzimu wenyika ino usina kuchena unzenza. (1 VaKorinte 6:9-11) The New York Times inoshuma kuti: “Kurara pamwe kwevechiduku kwazova inenge tsika yokuti vagamuchirwe nevezera ravo . . . Vanopfuura zvikamu zviviri pazvitatu zvevava kuda kupedza kudzidza kusekondari vakarara nomumwe munhu.” Imwe nyaya iri muThe Wall Street Journal yakadudza uchapupu hwokuti vana vari pakati pezera remakore 8 ne12 vari “kurara nevanhu zvakanyanya.” Mumwe waipa mazano kuchikoro achangobva kurega basa anoti: “Tave kutanga kuona vana vashomanana vegiredhi rechitanhatu vane pamuviri.”b

Kuramba Mudzimu Wenyika

10. Dzimwe pwere dzomumhuri dzechiKristu dzakabvuma sei kukurirwa nomudzimu wenyika?

10 Zvinorwadza kuti dzimwe pwere dzechiKristu dzakabvuma kukurirwa nemudzimu wenyika. “Ndaizvibata zvakanaka pamberi pevabereki vangu nevamwe vaKristu vandainamata navo,” anobvuma kudaro mumwe musikana wechiJapan. “Asi ndairaramawo humwe upenyu.” Imwe pwere yokuKenya inoti: “Kwenguva yakati ndairarama upenyu huviri, hwaibatanidza mapati, mimhanzi yerock, nokuva neshamwari dzisina kururama. Ndaiziva kuti izvi zvakanga zvakaipa, asi ndakaedza kuita sendisingazvizivi, ndichiti pamwe zvaizopera. Asi hazvina. Zvinhu zvakatoipa.” Imwezve pwere yokuGermany, inoti: “Zvakangotanga nokuva neshamwari dzisina kururama. Zvadaro ndakatanga kusvuta. Ndaida kurwadzisa vabereki vangu, asi ndakangozvirwadzisa ini pachangu.”

11. Karebhi akakwanisa sei kudzivisa kubvumirana neboka apo tsori gumi dzakadzoka nemushumo wakashata?

11 Asi zvinoita kudzivisa, hungu kuramba, mudzimu wenyika. Funga nezvemuenzaniso wekare waKarebhi. Apo tsori gumi dzaitya dzakaunza mushumo usina kunaka pamusoro peNyika Yakavimbiswa, iye, pamwe naJoshua, vakaramba kutyisidzirwa kuti vabvumirane neboka racho. Vakazivisa vakashinga kuti: “Nyika yatakapfuura napakati payo kuishora, inyika yakanaka kwazvo kwazvo. Kana Jehovha achifara nesu, uchatiisa kunyika iyo, nokutipa iyo; inyika inoyerera mukaka nouchi.” (Numeri 14:7, 8) Chii chakaita kuti Karebhi asatyisidzirwe? Jehovha akati nezvaKarebhi: “Wakanga ane mu[dzimu wakasiyana, NW] mukati make.”—Numeri 14:24.

Kuratidza ‘Mudzimu Wakasiyana’

12. Nei zvichikosha kuratidza ‘mudzimu wakasiyana’ kana totaura nezvekutaura kwemunhu?

12 Nhasi, zvinoda kushinga nesimba kuti uratidze ‘mudzimu wakasiyana,’ kana kuti mafungiro—akasiyana neenyika. Imwe nzira yaunogona nayo kuita kudaro kudzivisa kutaura kwokutsvinya, kwokusaremekedza. Sezvineiwo shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kutsvinya’ muchiShona rinoreva chaizvoizvo kuti “kubvambura nyama sembwa.” (Enzanisa naVaGaratia 5:15.) Mazino eimbwa zvaanobvambura nyama papfupa, “kutaura zvinosekesa” kwokutsvinya kunogona kubvisira munhu chiremera chake. Asi VaKorose 3:8 inokukurudzirai ku‘bvisa izvi zvose, zvinoti: hasha, nokutsamwa, nokuvenga, nokutuka, nokutaura zvinonyadzisa nomuromo wenyu.’ Uye Zvirevo 10:19 inoti: “Kudarika hakungakoni pamunhu une mashoko mazhinji; asi unodzora miromo yake, une uchenjeri.” Kana mumwe munhu akakurova, zvidzore kuti ‘umurinzire rimwe dama,’ zvimwe uchitaura nemunhu akurova wacho zvakadzikama zvine rugare muri moga.—Mateo 5:39; Zvirevo 15:1.

13. Pwere dzingaratidza sei kuona zvinhu zvokunyama nenzira iri pakati nepakati?

13 Imwe nzira yokuratidza nayo ‘mudzimu wakasiyana’ ndeyokuratidza kuva pakati nepakati pazvinhu zvokunyama. Chokwadi, takangozvarwa takadaro kuti tide kuva nezvinhu zvakanaka. Jesu Kristu pachake aiva nenguvo inenge imwe yakanaka. (Johane 19:23, 24) Zvisinei, kana kuva nezvinhu kwava chinhu chinogara chichikunetsa uye wava kuramba uchikumbira vabereki vako kuti vakutengere zvinhu zvavasingambokwanisi kutenga, kana kuti paunenge uchida kungotevedzera hako dzimwe pwere, saka mudzimu wenyika ungadaro uri kukudzora kupfuura zvaunoziva. Bhaibheri rinoti: “Zvose zviri munyika, zvinoti, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwameso, nokuzvikudza kwoupenyu, hazvibvi kuna Baba, asi panyika.” Hungu, usabvume kukurirwa nesimba remudzimu wenyika ino wokunyanyoda zvenyika! Dzidza kugutsikana nezvaunazvo.—1 Johane 2:16; 1 Timotio 6:8-10.

14. (a) Vanhu vaMwari mumazuva aIsaya vakaratidza sei kusaona nhandaro nenzira iri pakati nepakati? (b) Dzimwe pwere dzechiKristu dzakava nengozi dzipi kumanightclub nemapati akaipa?

14 Kuita nhandaro panguva yayakakodzera kunokoshawo. Muprofita Isaya akazivisa kuti: “Vane nhamo vanomuka mangwanani kundotsvaka doro rinobata, vanoswerera kusvikira usiku, kusvikira vapengeswa naro. Rudimbwa, nembira, nengoma, nenyere, newaini zviripo pamitambo yavo; asi havana hanya nebasa raJehovha, havarangariri zvakaitwa namaoko ake.” (Isaya 5:11, 12) Zvinosuruvarisa kutaura kuti, dzimwe pwere dzechiKristu dzakaitawo mapati akadaro akaipa. Rimwe boka repwere dzechiKristu parakanzi ritsanangure chinoitika kumanightclub epwere, imwe hanzvadzi yechiduku yakati: “Kunogara kuchirwiwa. Ndinombozviwana ndiri pakati pavo.” Imwe hama yechiduku yakawedzera kuti: “Kunwa, kusvuta, zvinhu zvakadaro.” Imwezve hama yechiduku yakabvuma kuti: “Vanhu vanodhakwa. Vanoita semafuza! Uye kune zvinodhaka. Zvinhu zvakawanda zvakashata zvinoitika. Kana ukaenda ikoko uchifunga kuti hapana chinoitika kwauri, uri kunyepa.” Saka nokuda kwechikonzero chakanaka, Bhaibheri rinoronga mitambo yakaipa, kana kuti “mapati akaipa,” serimwe re“mabasa enyama.”—VaGaratia 5:19-21; Byington; VaRoma 13:13.

15. Bhaibheri rinopa maoneroi ari pakati nepakati enhandaro?

15 Kudzivisa nhandaro inokuvadza hakuzokuiti kuti uve noupenyu husingafadzi. Tinonamata “Mwari womufaro,” anoda kuti unakidzwe noupwere hwako! (1 Timotio 1:11; Muparidzi 11:9) Asi Bhaibheri rinonyevera kuti: “Unofarira zvinofadza [“varaidzo,” Lamsa] uchava murombo.” (Zvirevo 21:17) Hungu, kana ukaita kuti varaidzo ive chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwako, uchava murombo mumudzimu. Saka tevera zvinotaura Bhaibheri pakusarudza kwako varaidzo. Kune nzira dzakawanda dzokuti uzvifadze dzichakuvaka dzisingakuparadzi.c—Muparidzi 11:10.

16. Pwere dzechiKristu dzingaratidza sei kuti dzakasiyana?

16 Kuratidza mwero pazvipfeko zvako nerutsvindo, uchiramba mafashoni enyika, kuchakuita kuti uve wakasiyana. (VaRoma 12:2; 1 Timotio 2:9) Ndizvo zvichaitawo kusarudza kwako mimhanzi. (VaFiripi 4:8, 9) “Ndine mimhanzi yandinoziva kuti ndinofanira kurasa,” anoreurura kudaro mumwe muKristu wechiduku, “asi inonakidza kwazvo!” Mumwezve mukomana akabvumawo zvakafanana kuti: “Kwandiri mimhanzi muedzo nokuti ndinoida. Kana ndikaona kuti pane chimwe chinhu chakashata pairi, kana kuti kana vabereki vangu vakandiratidza, ndinotofanira kumanikidza pfungwa dzangu kuti dzidzore mwoyo wangu nokuti mumwoyo mangu ndinenge ndichida mimhanzi iyoyo.” Pwere, ‘zivai mazano aSatani’! (2 VaKorinte 2:11) Ari kushandisa mimhanzi kuti aedze kutsausa vaKristu vechiduku kubva kuna Jehovha! Nyaya dzakabuda mumabhuku eWatch Tower dzichitaura nezvemimhanzi yerap, heavy metal, nealternative rock.d Zvisinei, mabhuku eWatch Tower angasataura nezvemarudzi matsva nezvitaera zvose zvemimhanzi zvingauya. Saka, unofanira kushandisa “kungwara” ne“njere” paunosarudza mimhanzi.—Zvirevo 2:11.

17. (a) Por·neiʹa chii, uye inobatanidza kuitei? (b) Mwari anodei kana totaura nezvenhau dzetsika?

17 Pakupedzisira, unofanira kuzvichengeta wakachena mutsika. Bhaibheri rinokurudzira kuti: “Tizai upombwe.” (1 VaKorinte 6:18) Shoko rokutanga rechiGiriki rinoshandurwa kuti ufeve, por·neiʹa, rinotaura nezvekurara nomunhu zvisingatenderwi kunobatanidza kushandisa nhengo dzokubereka nadzo kunoitwa kunze kwemuchato. Zvingabatanidza kushandisa muromo uye nokubata-bata nhengo dzokubereka nadzo noune. Pwere dzakati kuti dzechiKristu dzakaita miitiro yakadaro, dzichifungidzira kuti chaizvoizvo dzakanga dzisiri kuita ufeve. Zvisinei, Shoko raMwari rinotaura zvakajeka kuti: “Kuda kwaMwari ndihwo utsvene hwenyu, murege upombwe; kuti mumwe nomumwe wenyu azive kuzviwanira mudziyo wake noutsvene nokukudzwa.”—1 VaTesaronika 4:3, 4.

18. (a) Pwere ingadzivisa sei kusvibiswa nemudzimu wenyika? (b) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

18 Hungu, nokubatsira kwaJehovha, unogona kudzivisa kusvibiswa nomudzimu wenyika! (1 Petro 5:10) Nyange zvakadaro, Satani anowanzovanza misungo yake inouraya, uye dzimwe nguva zvingada kunzwisisa chaiko kuti uone ngozi. Nyaya yedu inotevera yakagadzirirwa kubatsira pwere kukudziridza masimba adzo okunzwisisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Mapati okutamba anowanzopedza usiku hwose. Nokuda kwemamwe mashoko ona “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Ko Madhindindi Kunakidzwa Kusingakuvadzi Here?” mumagazini yeMukai! yaJanuary 8, 1998.

b Vana vane makore anenge 11.

c Nokuda kwemazano, ona mapeji 296-303 ebhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda.

d Ona magazini yeNharireyomurindi yaApril 15, 1993.

Mibvunzo Yokuhwirudzura

◻ ‘Mudzimu wenyika’ chii, uye une “simba” sei pavanhu?

◻ Pwere dzinoratidza sei mudzimu wenyika nhasi?

◻ Pwere dzechiKristu dzingaratidza sei ‘mudzimu wakasiyana’ kana totaura nezvemutauro nenhandaro?

◻ Pwere dzechiKristu dzingaratidza sei ‘mudzimu wakasiyana’ kana totaura nezvetsika nemimhanzi?

[Mufananidzo uri papeji 9]

Pwere dzakawanda dzinoratidza nomufambiro wadzo kuti dziri pasi pe“simba” romudzimu wenyika

[Mufananidzo uri papeji 10]

Sarudza mimhanzi yaunofarira

[Mufananidzo uri papeji 11]

Zvinoda kushinga kuti udzivise mudzimu wenyika

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe