Akabetsera Kuparadzira Chiedza “Kusvikira Kumugumo Wenyika”
MUAPOSTORA Pauro akashandiswa kuparadzira chiedza chomudzimu “kusvikira kumugumo wenyika.” Somugumisiro, vakawanda vaka“tarirwa upenyu husingaperi vakatenda.”—Mabasa 13:47, 48; Isaya 49:6.
Chido chikuru chokuparadzira chiedza chomudzimu chaivawo pachena muupenyu hwokuzvipira uye mabasa echiKristu aWilliam Lloyd Barry, aiva nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha. Hama Barry vakafa musi wa2 July 1999, pavaiva nemugove vachitokurukura pakokorodzano yeruwa muHawaii.
Lloyd Barry akazvarwa muNew Zealand musi wa20 December 1916. Mai nababa vake pakutanga vakanga vafarira zvikuru chokwadi cheBhaibheri chaiva mumabhuku aC. T. Russell, sezvaaibudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society. Saka, Hama Barry vakakurira mumhuri yechiKristu yakanga yakazvipira.
Kunyange vaifarira mitambo nedzidzo, uye vakatowana dhigirii musayenzi, Hama Barry vakaramba vachifarira zvikuru zvinhu zvomudzimu. Saka, musi wa1 January 1939, vakatanga ushumiri hwenguva yakazara, vachiva nhengo yemhuri yeBheteri kuhofisi yeSosaiti muAustralia. Hurumende payakabhana Sosaiti muna 1941, Hama Barry vakaramba vakabatikana mubasa romuhofisi, dzimwe nguva vachipiwa basa rekunyora mashoko okukurudzira vavaitenda navo. Vakagadzawo muenzaniso wekutungamirira ushumiri hwapachena.
Muna February 1942, Hama Barry vakaroora mumwe mushumiri aiva mubasa renguva yakazara. Mudzimai wavo wavaida, Melba, akashanda navo akatendeseka makore ose iwaya munzvimbo zhinji dzenyika. Vakaita imwe nhanho huru yokuita basa munyika dzokumwe nokupinda kirasi yechi11 yeWatchtower Bible School of Gilead muUnited States. Kwavakanzi vanoshanda ndeuko vakawanda vaizoona se“kumugumo wenyika”—Japan. Pashure pekusvika muna November 1949, vakatanga kushanda sevafundisi muguta rechiteshi chengarava cheKobe. Panguva iyoyo, vanhu 12 chete ndivo vaiparidza mashoko akanaka muJapan. Hama Barry vakadzidza mutauro netsika zvemusha wavo mutsva uye vakada zvikuru vanhu vekuJapan, vavakashanda navo kwemakore 25 akatevera. Kuda kwavo vaka“tarirwa upenyu husingaperi” kwaiva pachena kuukama hwechiKristu hwaiwedzera muJapan, kuchivabetsera kubudirira kutarisira bazi kwemakumi emakore.
Pakati pa1975, muJapan pamakanga mava neZvapupu 30 000, mhuri yaHama Barry yakachinjirwa kuBrooklyn, New York. SemuKristu akazodzwa, Hama Barry vakanga vakokwa kuti vashande senhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha. (VaRoma 8:16, 17) Ruzivo rwavo rwokunyora rwakashanda zvikuru mubasa ravo idzva muDhipatimendi Rokunyora. Ruzivo rwavo rwakakura rwebazi uye rwekune dzimwe nyika rwakavashongedzera kushanda zvakanaka senhengo yeDare Rinobudisa reDare Rinodzora.
Mumakore ose iwayo, Hama Barry vakaramba vachida vanhu vekuMabvazuva. Vadzidzi Muchikoro cheGilead uyewo nhengo dzemhuri yeBheteri vaigona kuva nechokwadi chokuti hurukuro netsinhiro dzavo zvaizosimbisa nyaya dzinonyevenutsa mwoyo pamusoro pevakawanda vakanga vashanda mubasa roufundisi. Mabasa okuparidza Umambo ‘kumagumo enyika’ zvechokwadi akajeka sezvo Hama Barry vakarondedzera zvine upenyu zviitiko zvavo pachavo. Zvimwe zveizvi zvakataurwa munhau yavo pachavo yakabudiswa muNharireyomurindi yechiNgezi yaSeptember 15, 1960.
Tinovimba kuti se‘mugari wenhaka pamwe naKristu,’ kufarira kwaiita Hama Barry avo vaka“tarirwa upenyu husingaperi” kuchapfuurira. Chokwadi, vachasuwiwa zvikuru navose vaivaziva nevaivada semunhu wemudzimu, akanyatsozvipira kuna Jehovha uye aive nerudo rukuru nevanhu vaMwari. Asi, tinofara kuti Hama Barry vakatsungirira nokutendeka kusvikira kumugumo weupenyu hwavo hwapasi.—Zvakazarurwa 2:10.
[Mufananidzo uri papeji 16]
Lloyd Barry naJohn Barr pakabudiswa “Insight on the Scriptures” muna 1988
[Mufananidzo uri papeji 16]
Vakapedza kudzidza vekirasi yechi11 yeGilead, vachisangana muJapan pashure pemakore 40