Kutsvaka Upenyu Hurefu Kunogona Sei Kubudirira?
VAMWE vane tariro yokuti muchiuru chemakore chitsva kuedza kwemunhu kurebesa upenyu kuchabudirira. Dr. Ronald Klatz ndemumwe wavo. Ivo ndipurezidhendi weAmerican Academy of Anti-Aging Medicine, sangano ravanachiremba uye vasayendisiti vakazvipira kuti varebese upenyu hwavanhu. Ivo neshamwari dzavo vanoronga kurarama nguva refu zvikuru. “Ndiri kutarisira kurarama makore asiri pasi pe130,” vanodaro Dr. Klatz. “Tinodavira kuti kukwegura kunogona kudziviswa. Ruzivo rwekugadzira zvinhu rwavapo zvino rwunogona kuderedza, kumisa uye zvichida kunyange kuchinja zvinooneka kuderera kwemuviri uye chirwere zviri kudanwa kuti kukwegura panguva ino.” Dr. Klatz pachavo vanonwa mapiritsi anenge 60 zuva rimwe nerimwe mukuedza kwavo kurebesa upenyu.
Kurapa Nemvura Yomumuviri uye Zvatinoberekwa Takaita—Zvikonzero Zvetariro Here?
Kurapa nemvura yomumuviri ndiyo imwe nhau inotipa tariro. Kushandisa kwekuedza mvura yomumuviri inonzi DHEA kunoita sekunoderedza kukwegura kwemhuka dzinenge dziri mumarabhoritari.
Nezvemvura yomuzvirimwa inonzi kinetin, pepanhau rezuva nezuva rekuSweden rinonzi Aftonbladet rakatapa mashoko Dr. Suresh Rattan, purofesa paAarhus University, kuDenmark, sevaiti: “Kuongorora kwakaitwa murabhoritari medu kunoratidza kuti masero eganda remunhu anogadzirwa mukinetin haachinji sezvinoita anokwegura nenzira yemuzvarirwo. Anoramba ari matsva kweupenyu hwawo hwose.” Zvipembenene zvinorapwa nemvura yacho zvinonzi zvinorarama kubva pa30 kusvika ku40 muzana kupfuura zvemuzvarirwo.
Kurapwa nemelatonin kunonzi kwakawedzera urefu hwoupenyu hwembeva nekane 25 muzana. Uyezve, mbeva dzacho dzairatidzika kuva duku, dzine utano, uye dzakasimba.
Vatsigiri vemvura yomumuviri inoita kuti vanhu vakure (human growth hormone [hGH]) vanoti inobatsira pakuva neganda rinotsvedza, kurema kwetsandanyama kwakawedzera, chido chakasimba chokurara nomunhu, kufara, pfungwa dzakapinza, uye kugaya zvokudya kwakafanana nekwemunhu achiri kuyaruka.
Vakawandawo vanotarira kuzvatinoberekwa takaita. Vasayendisiti vakagumisa kuti nokushandisa magene (zvinhu zvokuberekwa nazvo), vanogona kudzora urefu hwoupenyu hwehonye, kana kuti nyongorosi. Kutaura chokwadi, vakabudirira kuita kuti dzimwe dzacho dzirambe dziri mhenyu nekanopfuura upenyu hwadzo hwemuzvarirwo kakapetwa katanhatu. Izvi zvakasimbisa tariro yokuwana uye kushandisa zviri muropa revanhu zvakafanana. Magazini inonzi Time yakatapa mashoko Dr. Siegfried Hekimi vepaMcGill University, Montreal, sevaiti: “Kana tikawana zviri muropa zvose zvinosarudza urefu hwoupenyu hwevanhu, tinogona zvichida kuderedza zvishoma mashandire azvinoita, kuti tigone kurebesa upenyu.”
Vasayendisiti vezvinhu zvipenyu vakaziva kare kuti kwekupedzisira kwezviri musero zvine mashoko okutodza, kunonzi telomere, kunoitwa kupfupi nguva imwe neimwe apo sero rinobereka rimwe. Apo telomere inorasikirwa neinenge 20 muzana yeurefu hwayo, kukwanisa kwesero kubereka kunobva kwagumiswa uye rinofa. Imwe purotini chaiyo inonzi telomerase inogona kudzorera telomere kuurefu hwakakwana, nokudaro ichibvumidza sero kuramba richipatsanuka. Mumasero mazhinji iyi purotini inodzvinyirirwa uye haishandi, asi telomerase inoshanda yakaiswa nenzira inobudirira mumamwe masero, ichiaita kuti akure uye apatsanurane kupfuura nhamba yemuzvarirwo zvikuru.
Maererano nevanonzvera, izvi zvinovhura mikana yakakura zvikuru yokurwisa zvirwere zvinoparirwa nokukwegura. Zvakadini nokutsiva masero omuviri (masero anoita kuti kugadzirwa kwenyama yomuviri kukwanisike) nemasero anenge aitwa kuti “asafe” netelomerase inoshanda? Dr. William A. Haseltine vanoti: “Iyi ipfungwa yakanyatsojeka yokusafa kwomunhu ichatangwa zvishoma nezvishoma mumakore 50 ari kutevera.”—The New York Times.
Ko Ruzivo Rwokugadzira Zvinhu Zviduku-duku uye Kuomesa Zvitunha Nechando Ndizvo Zvine Mhinduro Here?
Ruzivo rwokugadzira zvinhu zviduku-duku, sayenzi yokugadzira pachidimbu chimwe mubhiriyoni chemita, iri kupawo tariro. Vatsigiri vakuru venyaya iyi vanoti michina inoshanda nekombiyuta, midiki zvikuru kukunda masero, mune ramangwana ingangoitwa kuti ishande pamwero weatomu duku zvikuru kuti igadziridze ndokupa simba idzva kumasero, nyama yomuviri, uye nhengo, zvava kukwegura. Pamusangano wokudzivisa kukwegura, mumwe munzveri akati vanachiremba vomuzana remakore rechi21 vangashandisa ruzivo rwokugadzira zvinhu zviduku-duku kuti vagone kuita kuti munhu asafa.
Kuomesa zvitunha zvevanhu nechando muitiro wokuomesa miviri yevanhu netarisiro yokuti sayenzi ichakwanisa kumutsa masero akafa, zvichivaita vapenyu zvakare. Muviri wose, kana kuti pfungwa bedzi, zvinogona kuomeswa nechando. Mumwe murume akatoita kuti shiti repamubhedha riomeswe nechando. Shiti nemhaka yei? Raiva reshamwari yakanga isiri kuonekwa uye rakanga rine masero mashoma eganda uye bvudzi shomanene. Aida kuti zviomeswe nechando kuti ape shamwari yake mukana wokuraramazve kana sayenzi yava kukwanisa kugadzira vanhu ichishandisa masero mashomanene kana kuti rimwe chete ramasero avo.
Tinofanira Kuvimba Nechii?
Munhu akasikwa aine chido chokurarama, kwete kufa. Naizvozvo, kufambira mberi kwesayenzi munyaya iyi kunorumbidzwa nyore nyore uye kunobatanidzwa netariro huru. Asi kusvika pari zvino hapana uchapupu hwakasimba hwokuti DHEA, kinetin, melatonin, hGH, kana kuti chimwe chinhu chipi nechipi chinogona chaizvoizvo kumisa kukwegura kwevanhu. Vamwe vasina chokwadi vanotyira kuti kushandisa telomerase iri mumasero kungaparira masero anogona kukonzera kenza. Uye kushandiswa kweruzivo rwokugadzira zvinhu zviduku-duku uye kuomesa zvitunha nechando kuchingori ngano yesayenzi pane kuva chokwadi.
Sayenzi yakabatsira, uye ingangobatsira, kuti vamwe vave noupenyu hurefu uye hune utano, asi haimbofi yakapa munhu upi noupi upenyu husingagumi. Zvokona nei? Kutaura zviri nyore, imhaka yokuti chikonzero chaicho chokukwegura norufu hachizivikanwi nesayenzi yevanhu.
Chinhu Chaicho Chinokonzera Kukwegura Norufu
Vasayendisiti vazhinji vanobvuma kuti kukwegura norufu zvinoita sokunge kuti tinoberekwa tinazvo. Mubvunzo ndeuyu: Zvakapinda rini, sei, uye nei mune zvatinoberekwa tinazvo, sekunge zvakadaro?
Bhaibheri rinotipa mhinduro iri nyore—kunyange zvazvo risingatauri nemashoko ezvatinoberekwa takaita kana kuti DNA. VaRoma 5:12 inorava kuti: “Saka, zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nezvivi; saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza.”
Munhu wokutanga, Adhama, aiva netarisiro yokurarama nokusingaperi. Muviri wake wakagadzirwa uine zvinodiwa kuti urarame uye kufadzwa noupenyu husingagumi. Kunyange zvakadaro, upenyu husingagumi hwaienderana nechimwe chinhu. Adhama aifanira kuwirirana uye kuteerera Tsime roupenyu, Musiki wake, kuti arambe aine upenyu hwake kusvika rini narini.—Genesi 1:31; 2:15-17.
Adhama akasarudza kusateerera Musiki. Chaizvoizvo, Adhama akati zviri nani kuti munhu azvitonge akazvimirira pana Mwari. Nokudaro akaita chivi. Kubvira ipapo, zvakaita sokuti ropa rake rakanga rachinjwa. Pane kupa upenyu husingaperi senhaka kuvana vake, Adhama akapfuudzira chivi norufu.—Genesi 3:6, 19; VaRoma 6:23.
Tariro Yechokwadi
Zvisinei, mamirire ezvinhu iwayo akanga asingazovi echigarire. VaRoma 8:20 inoti: “Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pezvisingagari, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye wakazviisa pasi pazvo [“nokuda kwetariro,” NW].” Musiki wevanhu, Jehovha Mwari, akaita kuti vanhu vafe nokuti vakamutadzira, asi paaiita izvi akatangawo hwaro hwetariro.
Hwaro uhwu hwakanyatsoziviswa pakauya Jesu Kristu kupasi. Johane 3:16 inoti: “Nokuti Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti ani nani anotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.” Zvisinei, kutenda muna Jesu Kristu kunogona sei kutiponesa murufu?
Kana chivi chiri icho chinokonzera rufu, chivi chinofanira kubviswa rufu rusati rwabviswa. Mukuvamba kweushumiri hwaJesu saKristu, Johane Mubhabhatidzi akati: “Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa zvivi zvenyika.” (Johane 1:29) Jesu Kristu akanga asina chivi zvachose. Saka, akanga asingafaniri kufa, uri mubayiro wechivi. Kunyange zvakadaro, akabvuma kuti vamwe vamuuraye. Neiko? Nokuti nokuita kudaro, akabhadhara mubayiro wezvivi zvedu.—Mateo 20:28; 1 Petro 3:18.
Mubayiro iwowo wabhadharwa, vose vanotenda muna Jesu vakawana mukana wokukwanisa kurarama vasingambofi. Sayenzi ingabatsira kurebesa upenyu hwedu zvishoma zvikuru, asi kutenda muna Jesu ndiyo nzira chaiyoiyo yokuwana nayo upenyu husingaperi. Jesu akawana upenyu hwakadaro mudenga, uye vaapostora vake vakatendeka nevamwe vachadarowo. Asi, isu voruzhinji tinotenda muna Jesu, upenyu husingaperi huchava pasi pano, Jehovha Mwari paanenge adzorera Paradhiso yapasi.—Isaya 25:8; 1 VaKorinte 15:48, 49; 2 VaKorinte 5:1.
Upenyu Husingaperi muParadhiso Yapasi
Mumwe murume akabvunza kuti: “Vanhu vangani vachawana zvakafanira kurarama kana vasingachafaniri kufa?” Upenyu pasina kufa huchava hunofinha here? Bhaibheri rinotivimbisa kuti huchava husingafinhi. “Chinhu chimwe nechimwe wakachiita chakanaka panguva yacho; wakaisawo zvisingaperi mumwoyo mavo, kunyange zvakadaro munhu haagoni kunzwisisa zvakabatwa naMwari kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira.” (Muparidzi 3:11) Zvakasikwa naJehovha Mwari zvakawanda uye zvakaoma kunzwisisa zvokuti zvicharamba zvichitishamisa, zvichitinakidza, uye zvichitiita kuti tifare chero bedzi tiri vapenyu—kunyange nokusingaperi.
Mumwe murume akadzidza nezveshiri inonzi Siberian Jay akaidana kuti “shamwari isiri yenguva dzose, inonakidza” uye akati kuongorora shiri yacho chaiva chimwe chezvinhu zvakamunakidza zvikuru muupenyu hwake. Paaidzidza zvakawanda nezveshiri iyi, ndipo paainyanya kushamiswa. Akati kunyange mushure memakore 18, kudzidza kwake kwakanga kusati kwapera. Kana rudzi rumwe chete rweshiri rwuchigona kushamisa, kunakidza, uye kuita kuti murume akachenjera arambe achifara kwemakore 18 ekudzidza zvakaoma, ingofungidzira mufaro nekugutsikana zvingangovapo mukudzidza zvinhu zvose zvakasikwa mupasi rose.
Fungidzira marudzi ose anofadza esayenzi achazarukira mumwe munhu asina nguva shoma. Fungidzira nzvimbo dzose dzinonakidza dzichavapo dzokushanyira uye vanhu vanofadza vekuzosangana navo. Edza kunzwisisa mikana isingaperi yekufungidzira, kugadzira, uye kuvaka zvinhu. Mikana yokuti tikudziridze uye tishandise mano edu haizoperi. Patinofunga nezvekuwanda kwezvakasikwa, zviri pachena kuti nguva isingagumi ndiyo chete yakaringana yakakodzera zvinhu zvinogona kuitwa muupenyu.
Bhaibheri rinoratidza kuti nokumuka, vakafa vachaitwawo kuti vararame nokusingaperi. (Johane 5:28, 29) Zvizhinji zvezvinhu zvisingazivikanwi zvemunguva yakapfuura zvingazotijekera apo vakazviita vacho vanotiudza zvose zvakaitika ndokupindura mibvunzo yedu. Funga nezvekunzwisisa kwose nguva dzakasiyana-siyana dzenhau kuchapiwa nevanenge vamutswa.—Mabasa 24:15.
Paunenge uchifungisisa nezvenguva iyoyo, unganzwisisa kuti Jobho anenge amutswa angazoda kugadzirisa mashoko ari pana Jobho 14:1. Pane aakambotaura, zvichida achati: ‘Munhu wakazvarwa nemukadzi, zvino anorarama nokusingaperi uye anogutsikana.’
Kune avo vanovimba naJehovha uye vanotenda muna Jesu, kurebesa upenyu pasina kuguma kwenguva hachisi chiroto chisingawaniki. Nenguva isipi chichava chinhu chaicho. Kukwegura norufu zvichapera. Izvi zvinowirirana naPisarema 68:20 inoti: “Jehovha Ishe ndiye une nzira dzokubuda murufu.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.
[Mifananidzo iri papeji 4, 5]
Kufambira mberi kwesayenzi kwaunza tariro yokukwanisa kurarama nguva refu
[Mufananidzo uri papeji 7]
Nguva isingagumi ndiyo chete yakaringana inokwana zvinhu zvinogona kuitwa muupenyu