Nei Tichikwegura?
“Munhu akaberekwa nomukadzi, ana mazuva mashoma, azere nokutambudzika.”—JOBHO 14:1, BHAIBHERI RINOERA.
UNGAVE wakambofunga kuti zvinhu zvose zvipenyu zvinongozofanira kukwegura. Motokari nemichini yokusonesa zvinoshandiswa zuva nezuva zvinongozorega kushanda. Zviri nyore kudavira kuti mhuka dzinofanira kukwegura dzofa sezvinongoita zvinhu izvi. Asi Steven Austad mumwe purofesa wemhuka anotsanangura kuti: “Zvinhu zvipenyu zvakasiyana chaizvo nemichini. Kutaura zvazviri, zvinonyanya kuita kuti mhuka dzisiyane nemichini ndezvokuti muviri wadzo unokwanisa kuzvivandudza.”
Kuzvivandudza kunoita muviri wako pashure pokunge wakuvara kunoshamisa, asi kuzvivandudza kwaunogara uchiita mune zvimwewo, kunotonyanya kushamisa. Somuenzaniso, chimbofunga nezvemapfupa ako. “Nechokunze, mapfupa anoita seasina upenyu, asi ane masero mapenyu anoramba achizviparadza uye achizviumbiridza- zve panenge pachikura munhu,” inotsanangura kudaro magazini inonzi Scientific American. “Kuzvivandudza uku chaizvoizvo kunotsiva mapfupa ose omunhu mumakore 10 oga oga.” Dzimwe nhengo dzomuviri wako dzinovandudzwa kakawanda. Mamwe masero ari muganda rako, chiropa, uye mumatumbu angatsiviwa rinenge zuva roga roga. Sekondi imwe neimwe muviri wako unogadzira masero matsva anenge mamiriyoni 25 okutsiva mamwe. Kudai izvi zvanga zvisingaitiki uye nhengo dzose dzomuviri wako dzisingagari dzichivandudzwa kana kutsiviwa, ungadai wakakwegura uchiri muduku.
Kusaparara kunoita masero mapenyu ndiko kwakatonyanya kushamisa nyanzvi dzezvinhu zvipenyu padzakatanga kuongorora kuumbwa nokushanda kwawo. Masero ako paanotsiviwa nematsva, sero idzva roga roga rinofanira kunge rine kopi yeDNA yako, kemikari ine mashoko akawanda anodiwa kuti muviri wako wose uumbwezve. Chimbofungidzira kuti DNA yakagadzirwa kakawanda sei, kwete chete muupenyu hwako nomumuviri wako asi kubvira pakatanga vanhu kurarama! Kuti uone kuti izvi zvinoshamisa sei, chimbofunga zvaizoitika kudai waizoshandisa muchini wokufotokopa kuti ufotokope rimwe pepa wobva washandisa pepa riya rinenge rafotokopwa kufotokopazve imwe kopi. Ukaramba uchidzokorora izvi, mapepa aya aunenge uchifotokopa haazoiti seokutanga uye pakupedzisira haazoverengeki. Zvinofadza kuti DNA yedu inoramba yakadaro uye haisakari masero edu paanenge achiita mamwe. Nei? Nokuti masero edu anoshandisa nzira dzakawanda kugadzirisa zvinenge zvakanganiswa neDNA pakukopa. Dai zvisingadaro, vanhu vangadai vakarega kuvapo kare kare!
Sezvo nhengo dzose dzomuviri wedu—kubvira pahuru dzacho kusvika kumakemikari madukuduku—dzichigara dzichitsiviwa kana kuvandudzwa, kukuvara kunoita masero hakunyatsotsananguri chinokonzera kukwegura. Zvinhu zvakawandawanda zviri mumuviri zvinozvivandudza kana kuti zvinozvitsiva kwemakore akawanda, zvichiita kudaro nenzira yakasiyana uye pamwero yakasiyana. Saka kana zvakadaro nei zvose zvichizorega kushanda panguva inenge imwe chete?
Kukwegura Kwakafanorongwa Here?
Nei katsi ichirarama makore 20, asi imwe mhuka inonzi opossum ichirarama makore matatu chete?a Nei kamuremwaremwa kachigara makore 20 kana 30, asi mbeva ichingorarama makore matatu chete? Nei kamba hombe ichirarama makore 150, asi nzou ichingorarama 70? Zvinhu zvakadai sezvokudya, uremu hwomuviri, kukura kwouropi, kana kuti kugaya kunoita muviri wedu zvokudya kuti uve nesimba hazvitsananguri kuti nei mhuka dzichirarama makore akasiyana-siyana kudaro. Encyclopædia Britannica inoti: “Mumasero okutodza mune mirayiridzo inosarudza makore anoraramwa nemhuka.” Uwandu hwemakore anoraramwa hunenge huri mumasero okutodza. Asi upenyu pahunenge hwoda kuguma, chii chinoita kuti muviri ubve watadza kuita sezvawaisiita?
Imwe nyanzvi yokushanda nokuumbwa kwemakemikari ezvinhu zvipenyu inonzi Dr. John Medina inonyora kuti: “Zvinoita sokuti pane zviratidzo zvinoshamisa zvinongoerekana zvavapo pane dzimwe nguva zvobva zvarayira masero kuti achirega kuita basa rawo raanofanira kuita.” Anotiwo: “Pane masero okutodza anoudza masero, uye chokwadi anoudza muviri wose, kuti uchikwegura uye ufe.”
Muviri wedu ungaenzaniswa nekambani yave ichiita bhizimisi ichibudirira kwemakore akawanda. Nenguva isipi mamaneja anongorega kupinza basa nokurovedza vashandi vatsva, vanorega kugadzirisa uye kutsiva michini, uye vanorega kunatsiridza uye kuvakazve zvivako. Nokukurumidza bhizimisi racho rinotanga kuderera. Asi nei mamaneja ose aya akachinja mitemo yaaishandisa zvinobudirira? Mubvunzo wakafanana ndiwo uri kunetsa nyanzvi dzezvinhu zvipenyu dziri kudzidza zvokukwegura. Bhuku rinonzi The Clock of Ages rinoti: “Pakutsvakurudza zvokukwegura, chinhu chinonyanya kunetsa ndechokuedza kunzwisisa kuti nei masero achirega kuzvitsiva obva atanga kufa.”
Kukwegura Kungapedzwa Here?
Kukwegura kwave kuchinzi “idambudziko rakaoma kwazvo pazvinhu zvose zvipenyu.” Pashure pemakore akawanda okuedza, masayendisiti anotsvakurudza haana kuratidza chinokonzera kukwegura, uye haana kuwana mushonga. Muna 2004 imwe magazini inonzi Scientific American yakabudisa nyevero yakataurwa nemasayendisiti 51 anoongorora zvokukwegura. Yakati: “Pari zvino hakuna mushonga upi noupi unotengeswa—wakanonotsa, kana kumisa kukwegura kwevanhu.” Kunyange zvazvo kudya zvakanaka uye kurovedza muviri kungavandudza utano nokuderedza njodzi yokukurumidza kufa nezvirwere, hakuna chakawanwa chinononotsa kukwegura. Mashoko aya anoita kuti tiyeuke mashoko aJesu ari muBhaibheri anoti: “Ndiani wenyu anogona kuwedzera kubhiti rimwe chete paurefu hwoupenyu hwake nokuzvidya mwoyo?”—Mateu 6:27.
Achitaura zvose zvakaedzwa kuitwa kuti pawanwe mushonga wokukwegura, Medina, ambotaurwa, anonyora kuti: “Hatinyatsozivi kuti nei tichikwegura. . . . Takambotaura nezvokuda kupedza kenza makumi emakore apfuura, nanhasi hatisati tawana mushonga wayo. Uye zvinoita kuti munhu azokwegura zvakatooma kunzwisisa chaizvo pane kunzwisisa zvinhu zvinokonzera kenza.”
Kutsvakurudza Kunoita Kuti Pave Nomugumisiro Unokosha
Vanotsvakurudza zvine chokuita nokurarama kwezvinhu zvipenyu uye kuti nei zvichikwegura havana kukanda mapfumo pasi pakutarisira kwavo kurarama upenyu hurefu. Vamwe vakawana kuti kuongorora kwavo kwakaita kuti vagume vabvuma kuti zvinokosha kunzwisisa kuti nei vanhu vachikwegura. Imwe nyanzvi yezvinhu zvipenyu inonzi Michael Behe inonyora kuti: “Kwemakore makumi mana apfuura nyanzvi dzemazuva ano dzezvinhu zvipenyu dzakawana zvimwe zvakanga zvisingazivikanwi nezvesero. . . . Zvakabuda pane zvose zvakaitwa nevakawanda pakuongorora sero—kuongorora upenyu nokutarisa makemikari omuviri—zvinonyatsoratidza pachena kuti pane mumwe munhu ‘akazvigadzira!’” Mumwe munhu akachenjera akagadzira zvinhu zvipenyu. Zvechokwadi, Behe haasi wokutanga kutaura mashoko iwayo. Afungisisa maumbirwo akaitwa muviri womunhu, mumwe munyori wepisarema wekare akanyora kuti: “Ndakaitwa nenzira inoshamisa, inotyisa.”—Pisarema 139:14.
Kana zvinhu zvipenyu zvose zvakasikwa, saka mubvunzo unotokonya pfungwa ndewokuti, Mwari, Mugadziri Mukuru, akasika vanhu vachingofanira kurarama makore akangofanana neemhuka dzakawanda here, kana kuti aida kuti tirarame makore akawanda kudarika mhuka?
[Mashoko Omuzasi]
a Mhuka inonzi opossum imhuka duku yakada kuita sekangaroo inowanika kuNorth America.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]
‘Takaitwa nenzira inoshamisa’
[Mufananidzo uri papeji 20, 21]
Kukwegura kunokonzerwa nokukuvara kwemasero here?
[Vakatipa/Mufananidzo uri papeji 22]
DNA: Photo: www.comstock.com