Gadzirira Chiuru Chemakore Chinokosha!
KUTONGA kwaMakore Ane Chiuru kwaKristu kuchaunza zvikomborero zvisingatauriki kumhuri yevanhu. Mukutungamirira kwaJesu kworudo, vanhu vachabviswa mumugariro unonzwisa urombo uripo zvino kusvika pakukwana. Funga kuti izvi zvingarevei kwauri. Utano hwakanaka! Fungidzira uchimuka mangwanani oga oga uchinzwa zviri nani kupfuura nezuro. Mamiriyoni avarume, vakadzi, uye vana anotarisira mberi kuzorarama munguva iyoyo inofadza. Vanovimba nayo, vanoinyengeterera. Kudzidza kwavo Bhaibheri kwakavaita kuti vatende kuti zvikomborero izvi zvinogona kuva zvavo kuti vave nazvo.
Zvisinei, asati avamba Kutonga kweMakore Ane Chiuru kwake, Jesu Kristu anofanira kubvisa papasi vose vanopikisa kutonga kwake. Achaita izvi pakurwa kunonzi Amagedhoni muBhaibheri. (Zvakazarurwa 16:16) MaKristu echokwadi ari pasi pano haazorwi muhondo iyoyo. Ihondo yaMwari. Uye haizorwiwi munzvimbo imwe chete bedzi. Bhabheri rinoti ichasvika kwakaperera nyika. Vavengi vokutonga kwaKristu vachaurawa. Hapana nomumwe wavo achapukunyuka!—Jeremia 25:33.
Ipapo Jesu achananga Satani Dhiyabhorosi nemadhimoni ake. Fungidzira chichaitika chacho, seizvo munyori webhuku raZvakazarurwa akaona: “Ndakaona ngirozi [Jesu Kristu] ichiburuka kudenga iine kiyi yegomba rakadzika-dzika uye ngetani huru iri muruoko rwayo. Uye yakabata dhiragoni, nyoka yepakutanga, ari Dhiyabhorosi naSatani, ikamusunga kwemakore ane chiuru.” (Zvakazarurwa 20:1, 2) Gare gare, Satani nemadhimoni ake vachaparadzwa nokusingaperi.—Mateu 25:41.
“Boka guru revanhu, . . . vasina munhu a[no]kwanisa kuverenga,” richapukunyuka Amagedhoni. (Zvakazarurwa 7:9) Kristu achatungamirira ava kuti vabatsirwe zvakakwana ne“zvitubu zvemvura youpenyu,” sezvinoita mufudzi anotungamirira makwai ake kumvura inoponesa upenyu. (Zvakazarurwa 7:17) Vasingachadzongonyedzwi mukukura kwavo mumudzimu naSatani nemadhimoni ake, vapukunyuki veAmagedhoni vachabatsirwa zvishoma nezvishoma kuti vakunde kuda kutadza kwavo kusvika vakwana pakupedzisira!
Mukutonga kwaKristu kworudo, mararamire achaita nani zvishoma nezvishoma. Jehovha Mwari, achishandisa Jesu Kristu, achabvisa zvose zvinoparira kurwadziwa uye kusuruvara. “Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo.” (Zvakazarurwa 21:4) Muprofita Isaya anopeta nhau yacho, achiti: “Ipapo meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa. Ipapo unokamhina uchakwakuka senondo, rurimi rwembeveve rwuchaimba.” (Isaya 35:5, 6) Uye vakafa, “vakuru nevaduku,” vachadzoka kuupenyu vaine tarisiro yekusazombofa zvakare!—Zvakazarurwa 20:12.
Kunyange iye zvino, “boka guru” richapukunyuka Amagedhoni riri kuunganidzwa. Riri kugadzirira kusvika kweKutonga kweMakore Ane Chiuru kwaKristu. Kunyange risingazivi kuti kutonga uku kuchavamba rini, rinovimba kuti munguva yaMwari yakatarwa, kuchaunzwa. Unogona kuva pakati paro, asi iwewo unofanira kugadzirira—kwete nokutengesa zvinhu zvako uye kuenda kune imwe nzvimbo, asi nokuwana zivo yakarurama yaJehovha Mwari nezvinangwa zvake nokudzidza Bhaibheri. Pasina mutengo kana kuti kumanikidzwa, Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukuratidza kuti kudzidza Bhaibheri kunogona sei kukubatsira iwe nemhuri yako. Vabudisi vemagazini ino vachafara kukupa mamwezve mashoko.
[Bhokisi riri papeji 7]
Makore Ane Chiuru—Ndeechokwadi Kana Kuti Ndeekufananidzira?
Sezvo zvizhinji zviri mubhuku reBhaibheri raZvakazarurwa zvakanyorwa mumutauro wokufananidzira, mubvunzo unomuka. Zvakadini neKutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaKristu kunotaurwa muna Zvakazarurwa? Inguva chaiyoiyo kana kuti yekufananidzira here?
Pane zvinhu zvose zvinoratidza kuti nguva yemakore ane chiuru chaiyoiyo iri kurehwa. Funga nezveizvi: Muapostora Pauro anotaura nezveKutonga kweMakore Ane Chiuru kwaKristu, munguva ichatongwa vanhu, sezuva. (Mabasa 17:31; Zvakazarurwa 20:4) Muapostora Petro akanyora kuti zuva rimwe (maawa 24) kuna Jehovha rakaita “semakore ane chiuru.” (2 Petro 3:8) Izvi zvinobva zvaita kuti “zuva” rokutonga rakareba makore ane chiuru chaizvoizvo. Uyezve, pana Zvakazarurwa 20:3, 5-7, tinorava nguva ina dzakasiyana-siyana, kwete “makore ane chiuru,” asi nezve“makore ane chiuru [acho].” Izvi zvingabva zvaratidza nguva chaiyo ine urefu hwakatemwa.