Apo Rupo Runowanda
KUDAI waiva nemukana wokupa mumwe mambo chipo, waizomupei? Zvakadini kudai akanga ariye mutongi akapfuma uye akangwara kupfuura vose munyika? Ungafunga nezvechipo chipi nechipi chingamufadza here? Makore anenge zviuru zvitatu akapfuura, mambokadzi weShebha aifanira kufungisisa mibvunzo iyoyo paaigadzirira kushanyira mutongi akadaro chaiye—Mambo Soromoni weIsraeri.
Bhaibheri rinotiudza kuti, chipo chake chaisanganisira matarenda 120 endarama “nezvinonhuwira zvizhinji kwazvo, nezvibwe zvinokosha.” Pamitengo yanhasi, ndarama yoga yaikosha $1 520 000 000. Zvinonhuwira, mafuta anonhuwira zvakanaka uye okurapa, zvaiverengerwa pamwe nendarama sezvinhu zvinokosha. Nepo Bhaibheri risingatiudzi kuti mambokadzi akapa Soromoni mafuta akawanda sei, rinotiudza kuti chipo chake chakaramba chisina chakaenzana nacho.—1 Madzimambo 10:10.
Zviri pachena kuti Mambokadzi weSheba akanga ari mukadzi akapfuma uye ane rupo. Uyezve, rupo rwake rwakatsiviwa. Bhaibheri rinoti “Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; zvimwe zvaakauya nazvo kuna mambo zvisingaverengwi.” (Tisu tatsveyamisa mabhii; 2 Makoronike 9:12.) Chokwadi, ingadaro yaiva tsika yokuti madzimambo achinjane zvipo; asi, Bhaibheri rinodudza zvakananga nezve“rupo” rwaSoromoni. (1 Madzimambo 10:13) Soromoni pachake akanyora kuti: “Chipavhurire uchakodzwa; uye unodiridza uchadiridzwawo.”—Zvirevo 11:25.
Chokwadi, mambokadzi weShebha akashandisawo nguva yakawanda uye kushingaira zvikuru kuti ashanyire Soromoni. Zvimwe Shebha yaiva munharaunda yeRepublic yeYemen yemazuva ano; saka mambokadzi nemudungwe wake wengamera akafamba makiromita anopfuura 1 600 kuenda kuJerusarema. Sezvakataura Jesu, “akabva kumigumo yepasi.” Nei mambokadzi weShebha akatamburira kudaro? Akanyanyouyira ku“zonzwa uchenjeri hwaSoromoni.”—Ruka 11:31.
Madzimambo Wokutanga 10:1, 2 inotaura kuti mambokadzi weShebha “akauya kuzomuidza [Soromoni] nemibvunzo mikukutu. . . . Akataurirana naye pamusoro pezvose zvaiva mumwoyo make.” Soromoni akapindura sei? “Soromoni akapindura mibvunzo yake yose; hakuna chinhu chakanga chakavanzirwa mambo, chaakanga asingagoni kumuudza.”—1 Madzimambo 10:3.
Ashamiswa nezvaakanzwa nezvaakaona, mambokadzi akapindura nokuzvininipisa kuti: “Varanda venyu ava vane mufarwa, vanomira pamberi penyu nguva dzose vachinzwa kungwara kwenyu.” (1 Madzimambo 10:4-8) Haana kuti varanda vaSoromoni vaifara nokuti vakanga vakapoteredzwa nepfuma—kunyange vakanga vakadaro. Asi, varanda vaSoromoni vakanga vakakomborerwa nokuti vaigona kugara vachiteerera uchenjeri hwaSoromoni hwaakapiwa naMwari. Mambokadzi weShebha muenzaniso wakaisvonaka zvakadini kuvanhu vaJehovha nhasi, vanonakidzwa nouchenjeri hwoMusiki pachake nehweMwanakomana wake, Jesu Kristu!
Chakakoshawo mamwe mashoko akazotaurwa namambokadzi kuna Soromoni okuti: “Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe.” (1 Madzimambo 10:9) Zviri pachena kuti akaona ruoko rwaJehovha muuchenjeri hwaSoromoni uye kubudirira kwake. Izvi zvinoenderana neizvo Jehovha akanga avimbisa Israeri. ‘Kuchengeta zvakatemwa,’ akadaro, “ndiko kuchenjera kwenyu nokungwara kwenyu pamberi pavanhu vachanzwa zvose izvi zvakatemwa, vachiti: Zvirokwazvo, rudzi urwu rukuru ndivanhu vakachenjera vakangwara.”—Dheuteronomio 4:5-7.
Kuuya kuMupi Weuchenjeri
Mazuva ano, mamiriyoni akakweverwawo kusangano raJehovha nokuti akaziva kuti “Israeri waMwari” “vanhu vakachenjera vakangwara,” kwete zvokuberekwa nazvo, asi nokuti mitemo yaMwari nenheyo zvakakwana kuvatungamirira. (VaGaratiya 6:16) Nhamba dzevanobhabhatidzwa dzinoratidza kuti mumakore achangobva kupfuura mazana ezviuru evadzidzi vatsva gore roga roga chaizvoizvo akati kuna Israeri womudzimu: “Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari unemi.” (Zekaria 8:23) Vatsva ava vanoshamiswa sei pavanoona mutambo wezvokudya zvomudzimu izvo Jehovha akagadzirira vanhu vake! Vakanga vasina kumboona mumwe wakafanana nawo mune zvaimbova zvitendero zvavo.—Isaya 25:6.
Kupa Mupi Mukuru Zvikuru
Vagamuchira zvakawanda kudaro, vanhu vanoonga vanongonetseka kuti vangapawo chii kuna Mambo uye Mupi mukuru zvikuru, Jehovha Mwari. Bhaibheri rinozivisa kuti chipo chakanakisisa chatinogona kupa Jehovha “chibayiro chokurumbidza.” (VaHebheru 13:15) Nei? Nokuti chibayiro ichi chine chokuita zvakananga nokuponesa upenyu, chinhu chinonyanya kudiwa naJehovha munguva ino yomugumo. (Ezekieri 18:23) Uyezve, kupa kwomunhu simba rake nenguva kuti abatsire vanorwara, vakaora mwoyo, uye vamwe chibayiro chinogamuchirwa.—1 VaTesaronika 5:14; VaHebheru 13:16; Jakobho 1:27.
Mipiro yemari inoita basa rinokosha. Inoita kuti kubudiswa kwemaBhaibheri, mabhuku anotaura nezveBhaibheri, uye kuwanwa kwenzvimbo dzinogona kuunganira vaKristu kubvire. (VaHebheru 10:24, 25) Mipiro inogoverawo mari yokubatsira vanowirwa nehondo nenhamo dzinongoitika dzoga.
Kuti rititungamirire munhau yokupa, Shoko raMwari rinoronga nheyo dzakaisvonaka. Somuenzaniso, rinodzidzisa kuti vaKristu vanopa, kwete mari yakatemwa, asi zvavanogona kupa zvinonzwisisika, vachiita kudaro vachida, zvinobva mumwoyo unofara. (2 VaKorinde 9:7) Vamwe vanogona kupa zvakawanda; vamwe, kufanana nechirikadzi yaishayiwa yomunguva yaJesu, vangakwanisa kungopa zvishoma chete. (Ruka 21:2-4) Hazvishamisi here kuti Jehovha—Muridzi wezvinhu zvose zvakasikwa—anokoshesa chipo chose chinopiwa nevavariro yakanaka uye chibayiro chinoitwa muzita rake?—VaHebheru 6:10.
Kuitira kuti vape vachifara, vanhu vaJehovha vanogara vachiudzwa nezvezvinodiwa zvakasiyana-siyana uye nezvenzira dzinoshanda dzinogona kutarisirwa nadzo zvinodiwa izvozvo. Mudzimu waJehovha unobva waitawo kuti mwoyo inoda iite chimwe chinhu. MuIsraeri yekare mutoo uyu wakashandiswa pakuvaka tabhernakeri uye, pava paya, temberi. (Eksodho 25:2; 35:5, 21, 29; 36:5-7; 39:32; 1 Makoronike 29:1-19) Muzana remakore rokutanga C.E., mutoo iwowo wakaita kuti vaKristu vakwanise kuva nezvinhu zvavaida kuti vaendese mashoko akanaka oUmambo kumamwe marudzi uye kuti vatsigire hama dzaiva muIsraeri munguva yenzara.—1 VaKorinde 16:2-4; 2 VaKorinde 8:4, 15; VaKorose 1:23.
Nhasiwo, Jehovha akakomborera vanhu vake, uye acharamba achivakomborera, nokuvapa zvavanoda kuti vapedze basa guru zvikuru rokuparidza nokudzidzisa rati ramboonekwa nenyika.—Mateu 24:14; 28:19, 20.
Zvii Zvinodiwa Panguva Ino?
Mumakore achangobva kupfuura Zvapupu zvaJehovha zvakanyoreswa munyika dzakawanda kwairambidzwa basa razvo kare. Somugumisiro, dzakawanda dzenyika idzi dzakawana kuwedzera kukuru kwenhamba yevaparidzi. Zvinonzwisisika kuti maBhaibheri nemabhuku anotaura nezveBhaibheri ari kudiwa zvokuti.
Ndizvo zvimwe neHoro dzoUmambo. Horo dzoUmambo dzinenge 9 000 dziri kudiwa munyika yose izvozvi. Kudai Horo yoUmambo imwe yaizovakwa zuva roga roga, zvaizoda makore 24 kuti dziri kudiwa panguva ino dzipere! Kutaura kuno, ungano itsva dzinenge nomwe dziri kuumbwa zuva roga roga, dzakawanda dzacho munzvimbo dzenyika dzisina mari yakawanda. Ukuwo, dzakawanda dzenzvimbo idzi hadzidi zvivako zvinodhura. Mune dzimwe nzvimbo, Horo yoUmambo inokwana vanhu uye ichishanda souchapupu hwakanaka munharaunda inogona kupedzwa nemari shoma yakadai se$228 000.
Muzana remakore rokutanga, vamwe vaKristu vakanga vari nani mune zvemari pane vamwe, saka muapostora Pauro akanyora kuti: “Kuti nokuenzanisa muraudzo wenyu iko zvino upedze perevedzo yavo, kuti muraudzo wavo usvikewo pakupedza perevedzo yenyu, kuti pave nokuenzanisa.” (2 VaKorinde 8:14) Nhasi, “kuenzanisa” kwakafanana kuri kugovera mari inodiwa kuti pave nemaBhaibheri, mabhuku anotaura nezveBhaibheri, Horo dzoUmambo, kuyamura munguva yenhamo, nezvimwe zvinhu munzvimbo dzakawanda dzenyika. Kupa kwakadaro chikomborero chakadini—kune anopa wacho neanogamuchira!—Mabasa 20:35.
Sezvinoratidzwa netsamba dzinogamuchirwa neSosaiti kubva kune vanhu vane rupo, varavi vakawanda vemagazini ino vanoda kubatsira asi havazivi nzira dzakasiyana-siyana dzinogona kuitwa nadzo mipiro. Hapana mubvunzo kuti bhokisi rabatanidzwa richabatsira kupindura mibvunzo yavo.
Mukutonga kwaSoromoni kwaiva nembiri, “madzimambo ose enyika” akanzwa nezvake akauya kuzomushanyira. Asi, Bhaibheri rinodudza mutongi mumwe chete—mambokadzi weShebha. (2 Makoronike 9:23) Chibayiro chakadini chaakaita! Asi akakomborerwa zvikuru—zviya zvokuti pakasvika nguva yokuti achidzokera, akasiyiwa “asisina mweya uye ashamiswa.”—2 Makoronike 9:4, Today’s English Version.
Munguva iri mberi, Jehovha, Mambo uye Mupi mukuru zvikuru, achaita zvakawanda zvikuru pane zvaigona kuitwa naSoromoni nokuda kweavo vanomuitira zvibayiro. Ivowo, vachamira “[va]sisina mweya uye vashamiswa,” nokuti Jehovha haazongovadziviriri chete muzuva rake rinotyisa rokutonga asi pashure paizvozvo acha‘pfumbanura ruoko rwake ndokugutsa zvinodiwa nechinhu chose chinorarama.’—Pisarema 145:16.
[Bhokisi riri papeji 22]
Nzira Idzo Vamwe Vanosarudza Kupa Nadzo
MIPIRO YEBASA RENYIKA YOSE
VAKAWANDA vanotsaura, kana kuti kuronga, chitsama chemari chavanoisa mubhokisi romupiro rakanyorwa kuti “Mipiro Yebasa Renyika Yose reSosaiti—Mateu 24:14.” Mwedzi woga woga ungano dzinoendesa zvitsama izvi zvimwe kudzimbahwe renyika muBrooklyn, New York, kana kuti kuhofisi yebazi romunyika yacho.
Mipiro yemari yokuzvidira ingatumirwawo zvakananga kuThe Treasurer’s Office, Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, 25 Columbia Heights, Brooklyn, New York 11201-2483, kana kuti kuhofisi yeSosaiti inotarisira nyika yenyu. Zvishongo kana kuti zvimwe zvinhu zvinokosha zvingapirwawo. Mipiro iyi inofanira kuuya netsamba pfupi inotaura kuti mipiro iyi chipo chakananga.
CHIRONGWA CHOKUPA UCHIZOGONA KUDZORERWA
Mari ingapiwa kuWatch Tower Society negadziriro chaiyo yokuti kana mupi ave kuida, mari yacho inogona kudzoserwa kwaari. Nokuda kwemamwe mashoko, tapota nyorerai kuThe Treasurer’s Office pakero yakanyorwa pamusoro apa.
KURONGA KUBATSIRA VAMWE
Kuwedzera kuzvipo zvakananga zvemari nemipiro yemari yakarongwa, kune dzimwe nzira dzokupa nadzo dzokubatsira basa renyika yose roUmambo. Idzi dzinosanganisira:
Inishuwarenzi: Watch Tower Society inganzi ndiyo inozowana inishuwarenzi youpenyu kana kuti muchirongwa chokurega basa kana kuti mudyandigere.
Maakaundi Okubhangi: Maakaundi okubhangi, magwaro anoratidza mari yaiswa mubhangi, kana kuti maakaundi okurega basa omunhu anganzi atarisirwe kana kuti kuita kuti kana wafa azopiwa Watch Tower Society, maererano nezvinodiwa nebhangi romunzvimbo iyoyo.
Mari yeBhizimisi neMagwaro Anotaridza Mari iri Kumamwe Mabhizimisi: Mari dzebhizimisi nemagwaro anoratidza mari dziri kumamwe mabhizimisi zvingapiwa Watch Tower Society zvimwe sechipo chakananga kana kuti pasi pechirongwa chokuti mari inoberekwa inoramba ichibhadharwa mupi wacho.
Zvivako Nenzvimbo: Zvivako kana nzvimbo inotengeseka zvingapiwa Watch Tower Society zvimwe nokuita chipo chakananga kana kuti nokuchengetera mupi wacho chivako kana nzvimbo kwoupenyu hwose, uyo anogona kuramba achigarapo paanenge achiri mupenyu. Munhu anofanira kuzivisa Sosaiti asati apa Sosaiti chivako kana nzvimbo ipi neipi.
Zvido Zvenhaka Nekuchengetesa: Zvinhu kana kuti mari zvingapiwa kuWatch Tower Society pachishandiswa chido chenhaka chapamutemo, kana kuti Sosaiti inganzi ndiyo inowana chibvumirano chekuchengetesa. Kuchengetesa kunobatsira sangano rechitendero kungapa kubatsira kwakati kwomutero.
Sezvinoreva mashoko okuti “kuronga kubatsira vamwe,” mipiro yorudzi urwu inonyatsoda kuti mupi wacho aronge. Sosaiti yakagadzira bhurocha riri mumutauro wechiNgezi rine musoro unoti Planned Giving to Benefit Kingdom Service Worldwide (Kupa Kwakarongwa Kwekubatsira Basa remuNyika Yose) kuti ribatsire vanhu vanoda kubatsira Sosaiti norumwe rudzi rwokuronga kubatsira vamwe. Bhurocha racho rakanyorerwa kupindura mibvunzo yakawanda yakagamuchirwa neSosaiti pamusoro pezvipo, zvido zvenhaka, nekuchengetesa. Rinewo mashoko okuwedzera pamusoro pezvivako kana nzvimbo, mari, uye kuronga mutero. Uye rakagadzirirwa kubatsira vanhu vari muUnited States vari kuronga kupa chipo chaicho kuSosaiti zvino kana kuti kusiya chido chenhaka pakufa kuti vasarudze mutoo wakanakisisa uye unoshanda zvakanaka vachifunga nezvemhuri dzavo nemamiriro ezvinhu omunhu oga. Bhurocha iri ringawanikwa nokukumbira rimwe zvakananga kuHofisi Yokuronga Kubatsira Vamwe.
Vapedza kurava bhurocha racho nokutaurirana neHofisi Yokuronga Kubatsira Vamwe, vakawanda vakakwanisa kubatsira Sosaiti uye panguva iyoyowo, vakawana kukosha kwezvakanakira kuita kudaro. Hofisi Yokuronga Kwomutsa inofanira kuziviswa uye kugamuchira gwaro ripi neripi rinokosha rine chokuita negadziriro idzi. Kana ungada ipi neipi yegadziriro idzi dzokuronga kwomutsa, unofanira kutaura neHofisi Yokuronga Kubatsira Vamwe, zvimwe netsamba kana kuti norunhare, pakero yakarongwa pasi apa kana kuti pahofisi yeSosaiti inoshanda munyika yenyu.
CHARITABLE PLANNING OFFICE
Watch Tower Society
Private Bag A-6113, Avondale
Runhare: 332137/8
[Mifananidzo iri papeji 23]
Mabasa eZvapupu zvaJehovha anotsigirwa nemipiro yokuzvidira