Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Zvapupu zvaJehovha zvinoona sei kuvhota?
Pane nheyo dzakajeka dzakarongwa muBhaibheri dzinoita kuti vashumiri vaMwari vave nemaonero akarurama enhau iyi. Zvisinei, hazviratidziki kuti pane nheyo inorambidza kuvhota. Somuenzaniso, hapana chikonzero chingarambidza boka revatungamiriri kuvhota kuti risarudze zvinhu zvine chokuita nesangano raro. Ungano dzeZvapupu zvaJehovha dzinowanzosarudza nguva dzemisangano uye kushandiswa kwemari yeungano dzichivhota nokusimudza maoko.
Zvisinei, zvakadini nokuvhota musarudzo dzezvematongerwe enyika? Chokwadi, mune dzimwe nyika dzinozvisarudzira hurumende, vakawanda vanenge 50 muzana yevanhu vemunyika yacho havaendi kundovhota pazuva resarudzo. Kana zviri Zvapupu zvaJehovha, hazvidzongonyedzi kodzero dzavamwe dzokuvhota; uye izvo hazvina zvirongwa zvipi nezvipi zvinorwisana nesarudzo dzezvematongerwe enyika. Zvinoremekedza uye zvinoshandira pamwe nezviremera zvinenge zvasarudzwa zvakafanira musarudzo dzakadaro. (VaRoma 13:1-7) Kana kuri kuti izvo somunhu oga zvichavhotera mumwe munhu musarudzo here kana kuti kwete, mumwe nomumwe weZvapupu zvaJehovha anozvisarudzira maererano nehana yake yakarovedzwa neBhaibheri nokunzwisisa mutoro wake kuna Mwari nekuHurumende. (Mateu 22:21; 1 Petro 3:16) Pakuzvisarudzira uku, Zvapupu zvinofunga zvinhu zvakati wandei.
Chokutanga, Jesu Kristu akati nezvevateveri vake: “Havasi rutivi rwenyika, seni ndisiri rutivi rwenyika.” (Johani 17:14) Zvapupu zvaJehovha zvinokoshesa nheyo iyoyi. Zva‘zvisiri rutivi rwenyika,’ izvo hazvina kwazvakarerekera muzviitiko zvematongerwe enyika.—Johani 18:36.
Chechipiri, muapostora Pauro akati iye aive “mumiririri” aimiririra Kristu kuvanhu vomunguva yake. (VaEfeso 6:20; 2 VaKorinde 5:20) Zvapupu zvaJehovha zvinodavira kuti Kristu Jesu zvino ndiMambo akagadzwa pachigaro choUmambo hwaMwari hwokudenga, uye izvo, kufanana nevamiririri, zvinofanira kuzivisa nezvazvo kumarudzi. (Mateu 24:14; Zvakazarurwa 11:15) Vamiririri vanotarisirwa kusava nekwavakarerekera, uye kusapindira muzviitiko zvomunyika mavanotumwa. Sezvinomiririra Umambo hwaMwari hwokudenga, Zvapupu zvaJehovha zvinonzwa zvine musengwa wakafanana wokusapindira mune zvematongerwe enyika munyika mazvinogara.
Chikonzero chechitatu chokufunga ndechokuti vanenge vavhotera munhu munzvimbo yebasa vangangova nemutoro wezvaanoita. (Enzanisa na1 Timoti 5:22, The New English Bible.) VaKristu vanofanira kunyatsofunga kuti vanoda here kuva nemutoro iwoyo.
Chechina, Zvapupu zvaJehovha zvinokoshesa kwazvo kubatana kwazvo kwechiKristu. (VaKorose 3:14) Zvitendero pazvinopindira mune zvematongerwe enyika, nhengo dzazvo dzinowanzopesana. Zvichitevedzera Jesu Kristu, Zvapupu zvaJehovha zvinodzivisa kupindira mune zvematongerwe enyika kuitira kuti zvichengete chinzwano chazvo chechiKristu.—Mateu 12:25; Johani 6:15; 18:36, 37.
Chechishanu uye chokupedzisira, kusapindira kwazvo mune zvematongerwe enyika kunoita kuti Zvapupu zvaJehovha zvive norusununguko rwokutaura shoko rinokosha roUmambo nevanhu vemapato ose ezvematongerwe enyika.—VaHebheru 10:35.
Nemhaka yenheyo dzeMagwaro dzatsanangurwa pamusoro apa, Zvapupu zvaJehovha munyika dzakawanda zvinozvisarudzira kusavhota musarudzo dzezvematongerwe enyika, uye rusununguko rwazvo rwokusarudza izvozvo rwunotsigirwa nemutemo wenyika yacho. Zvisinei, zvakadini kana uri mutemo unoti vagari ngavavhote? Muchiitiko chakadaro, Chapupu chimwe nechimwe chine mutoro wokushandisa hana yacho kuzvisarudzira maererano nezviri muBhaibheri pamusoro pekubata nemamiriro ezvinhu acho. Kana munhu akasarudza kuti aende kunzvimbo yekuvhotera, ndozvaasarudza. Zvaanoita munzvimbo yekuvhotera yacho zviri pakati pake noMusiki wake.
Magazini yeNharireyomurindi yechiNgezi yaNovember 15, 1950, mapeji 445 ne446, yakati: “Uko Kesari anomanikidzira vagari kuti vavhote . . . [Zvapupu] zvinogona kuenda kunovhoterwa kwacho ndokupinda munzvimbo yekuvhotera. Muno ndimo mazvinotarisirwa kutara pepa rekuvhotesa kana kuti kunyora zvazvinomirira. Vanovhota vanoita zvavanoda nemapepa okuvhotesa. Saka muno pamberi paMwari zvapupu zvake ndimo mazvinotarisirwa kuita mutsinhirano nemirayiro yake uye maererano nokutenda kwazvo. Harisi basa redu rokuzvirayiridza zvokuita nepepa rokuvhotesa.”
Zvakadini kana murume asingatendi wemukadzi wechiKristu achiomerera kuti mudzimai wake anofanira kuenda kundovhota? Iye anozviisa pasi pomurume wake, vaKristu zvavanozviisa pasi pezviremera zvikuru. (VaEfeso 5:22; 1 Petro 2:13-17) Kana akateerera murume wake ndokuenda kunzvimbo dzinovhoterwa, ndozvaazvisarudzira. Hapana anofanira kumutsoropodza.—Enzanisa naVaRoma 14:4.
Zvakadini kana iri nyika isina mutemo unomanikidzira kuvhota asi vanhu vanogumbukira zvikuru vaya vasingaendi kunzvimbo yokuvhotera—zvimwe vanotyisidzirwa kuti vachakuvadzwa? Kana kuti zvakadini kana vanhu, nepo vasingamanikidzwi havo nomutemo kuti vavhote, vachirangwa zvakanyanya neimwe nzira yakati kana vakasaenda kunzvimbo yokuvhotera? Mumamiriro ezvinhu akadai neakafanana, muKristu anofanira kuzvisarudzira. “Mumwe nomumwe achatakura mutoro wake oga.”—VaGaratiya 6:5.
Pangave nevanhu vanogumbuka pavanoona kuti musarudzo yemunyika mavo, zvimwe Zvapupu zvaJehovha zvinoenda kunzvimbo yokuvhotera uye zvimwe hazviendi. Vangataura kuti, ‘Zvapupu zvaJehovha hazvina kufanana.’ Zvisinei, vanhu vanofanira kunzwisisa kuti, munhau dzehana yomunhu oga dzakadai seiyi, muKristu mumwe nomumwe anofanira kuzvisarudzira pamberi paJehovha Mwari.—VaRoma 14:12.
Kuzvisarudzira kupi nekupi uko Zvapupu zvaJehovha zvinoita mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, zvinongwarira kuchengetedza kusava nekwazvakarerekera kwazvo kwechiKristu uye rusununguko rwokutaura. Zvinovimba naJehovha Mwari muzvinhu zvose, kuti azvisimbise, azvipe uchenjeri, uye azvibatsire kuti zvidzivise kubvumiranisa kutenda kwazvo nezvisina kufanira munzira ipi neipi. Saka zvinoratidza kuvimba namashoko omunyori wepisarema anoti: “Ndimi dombo rangu nenhare yangu; naizvozvo nditungamirirei mundifambise nokuda kwezita renyu.”—Pisarema 31:3.