RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 11/15 pp. 4-7
  • Bhaibheri Rinopindura Mibvunzo Inokosha Yemuzuva Redu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinopindura Mibvunzo Inokosha Yemuzuva Redu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Mwari Achibvumira Kutambura?
  • Chinangwa Cheupenyu Chii?
  • Zvinotarisirwa naMwari Kwatiri
  • Chiedza Chinovimbika Kunzira Yedu
  • Donzo Chairoiro Roupenyu
    Mukai!—1992
  • Upenyu Hune Donzo Rakaisvonaka
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
  • Mwari Akatisika Aine Chinangwa Chei?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Kuna Mwari Anoitira Hanya Here?
    Kuna Mwari Anoitira Hanya?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 11/15 pp. 4-7

Bhaibheri Rinopindura Mibvunzo Inokosha Yemuzuva Redu

BHAIBHERI rinokosha here nhasi? Kuti mhinduro ive hungu, zvechokwadi iri bhuku rekare kare rinofanira kupa varavi varo nhungamiro panhau dziri kuitika mazuva ano uye dzinokosha. Bhaibheri rinogovera zano rinobatsira here munyaya dzinonyanya kukosha munyika nhasi?

Regai titarise nhau mbiri dziri kuitika mazuva ano. Mukuita izvi, tichaongorora zvinotaura Bhaibheri munhau idzi.

Nei Mwari Achibvumira Kutambura?

Tichiona zviri munyika nhasi, mumwe wemibvunzo inobvunzwa nevakawanda ndewekuti: Nei Mwari achibvumira kuti vanhu vasina mhaka vatambure? Uyu mubvunzo wakakodzera, sezvo vanhu vakawanda vari kuvhiringidzwa neutsotsi hwechisimba, uori, kuuraya vanhu vedzinza rimwe, nhamo yemunhu oga, zvichingodaro.

Somuenzaniso, muna June 1998 chitima chinotakura vanhu chakabondera pabhiriji kuchamhembe kweGermany, chichiuraya vanhu vaiva muchitima vanopfuura zana. Kunyange vanachiremba vagara nebasa nevanodzima moto vakauya kuzobatsira vakanga vakuvara uye vakanga vafa, vakashushikana netsaona yacho. Mumwe bhishopi weChechi yeEvangelical akabvunza kuti: “Nhai Mwari, Neiko izvi zvaitika?” Bhishopi pachake haana kupa mhinduro.

Zvakaitika zvinoratidza kuti apo vanhu vasina mhaka vanotambura zvakaipa vasingawani tsananguro yechinokonzera izvi, dzimwe nguva vanobva vashatiriswa. Bhaibheri ndipo parinogona kubva rabatsira, nokuti rinotsanangura kuti nei vanhu vasina mhaka vachiwirwa nezvakaipa uye vachitambura.

Apo Jehovha Mwari akasika pasi nezvose zviri mariri, kwakanga kusiri kuda kwake kuti vanhu vanetswe nezvakaipa uye vatambudzike. Tinogona sei kuva nechokwadi? Nokuti paakapedza kusika, “Mwari akaona zvose zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo.” (Genesi 1:31) Chimbozvibvunza kuti, ‘Kudai ndaizoona chimwe chinhu chakaipa, ndaizochiti “[ch]akanaka kwazvo” here?’ Chokwadika kwete! Zvakangofananawo, apo Mwari akati zvose “zvakanaka kwazvo,” pakanga pasina kana chinhu chimwe chete chakanga chakaipa pasi pano. Saka zvakaipa zvakavamba rini uye sei?

Vabereki vedu vaviri vokutanga, Adhama naEvha, vachangosikwa, chimwe chisikwa chomudzimu chine simba chakaenda kumukadzi uye chakapikisa chichiti Jehovha haatauri chokwadi uye haana kukodzera kuva changamire. (Genesi 3:1-5) Chisikwa ichi, Satani Dhiyabhorosi, gare gare chakazoti vanhu havagoni kuramba vakatendeka kuna Mwari kana vachitambudzika. (Jobho 2:1-5) Jehovha akaita sei nemamiriro ezvinhu akadai? Akabvumira kuti nguva ipfuure kuitira kuti zvive pachena kuti vanhu havagoni kururamisa nhanho dzavo zvinobudirira vakazvimirira voga. (Jeremia 10:23) Apo zvisikwa zvinoita zvakapesana nemitemo nenheyo zvaMwari, mugumisiro wacho chivi, chinoparira mamiriro ezvinhu anokuvadza. (Muparidzi 8:9; 1 Johani 3:4) Zvisinei, pasinei nemamiriro ezvinhu anotambudza aya, Jehovha aiziva kuti vamwe vanhu vaizoramba vakavimbika kwaari.

Kubva pakupandukira ikoko kwakaunza nhamo muEdheni, anenge makore 6 000 apfuura. Iyoyo inguva yakareba zvikuru here? Jehovha angadai akaparadza Satani nevatsigiri vake mazana emakore kake kare. Asi zvave zvisiri nani here kumirira kusvikira pasisina mubvunzo nezveuchangamire uye kuvimbika kwevanhu kwaari? Hazvisi zvechokwadi here nhasi kuti matare edzimhosva anogona kutora makore kuti aone kuti ndiani akarurama uye kuti ndiani ane mhosva?

Tichifunga nezvekukosha kwenhau dzakatarisana naJehovha nevanhu—uchangamire hwemunyika yose uye kuvimbika kwevanhu—kuchenjera sei kuti Mwari akabvumira kuti nguva ipfuure! Zvino tinoona zvakajeka zvinoitika kana vanhu vakasateerera mitemo yaMwari uye vakatanga kuzvitonga ivo pachavo. Mugumisiro wacho ndeweuipi hunopararira. Uye ndokusaka vanhu vakawanda vasina mhaka vari kutambura nhasi.

Kunyange zvakadaro, zvinofadza kuti Shoko raMwari rinoratidza kuti uipi hahuzogari nokusingaperi. Chokwadika, nenguva isipi Jehovha achagumisa uipi neavo vanohuparira. “Asi vakaipa,” inodaro Zvirevo 2:22, “vachaparadzwa panyika; vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.” Asiwo, avo vakatendeka kuna Mwari vanogona kutarisira nguva, zvino yatova pedyo, apo “rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo.”—Zvakazarurwa 21:4.

Saka, ipapoka, Bhaibheri rinotsanangura zvakajeka kuti nei vanhu vasina mhaka vachitambura. Uyezve rinotivimbisa kuti nenguva isipi uipi nekutambura zvichaguma. Zvisinei, sezvatinotambura muupenyu nhasi, tinoda mhinduro yemumwe mubvunzo unokosha.

Chinangwa Cheupenyu Chii?

Zvimwe iye zvino kupfuura imwe nguva munhau yevanhu, vanhu vari kuedza kuwana kuti upenyu hunorevei chaizvo. Vakawanda vanozvibvunza kuti: ‘Nei ndiri kurarama? Ndingawana sei zvinoreva upenyu hwangu?’ Mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana anovaita kuti vabvunze mibvunzo yakadaro.

Upenyu hwemunhu hunogona kukanganiswa nenhamo yemunhu oga. Somuenzaniso, mukuvamba kwa1998, mumwe musikana ane makore 12 aigara muBavaria, muGermany akabiwa uye akapondwa. Gore rimwe gare gare, amai vake vakabvuma kuti vanopedza nguva zuva nezuva vachitsvaka zvinoreva upenyu—vasingazviwani. Vamwe vechiduku vanoguma vashamisika nezvezvinoreva upenyu. Vanotsvaka kuchengeteka, kugutsikana, uye kunzwa kuti vanhuwo, asi vanongoguma vaora mwoyo nemhaka younyengeri uye uori hwakapararira. Vamwe vanhu vanoraramira basa ravo, asi vanowana kuti simba, mukurumbira, uye zvinhu zvinotadza kugutsa zvido zvavo zvemukati zvekuwana chikonzero chokurarama kwavo.

Chipi nechipi chinoita kuti munhu ade kutsvaka chinangwa cheupenyu, uyu mubvunzo unoda mhinduro yepachokwadi uye inogutsa. Zvekare, Bhaibheri rinogona kubatsira zvikuru. Rinozivisa Jehovha saMwari wechinangwa, uyo ane zvikonzero zvakanaka zvechinhu chose chaanoita. Tinobvunza kuti, Ungavaka imba usina chikonzero chakanaka here? Zvichida kwete, sezvo imba ichida mari yakawanda uye inogona kutora mwedzi kana kuti makore kuti ivakwe. Unovaka imba kuti iwe kana kuti mumwe munhu agare imomo. Pfungwa yakafanana inogona kushandiswa kuna Jehovha. Haana kunetseka kusika pasi uye zvinhu zvipenyu zviri pariri asina chikonzero, chinangwa. (Enzanisa naVaHebheru 3:4.) Chinangwa chake nokuda kwepasi ndechei?

Uprofita hwaIsaya hunozivisa Jehovha sa“Mwari, wakaumba nyika nokuiita.” Zvechokwadi, iye ndiye “Wakaisimbisa akasaisika kuti rive dongo, asi wakaiumba kuti igarwe.” (Isaya 45:18) Hungu, kubva zvakasikwa pasi, chave chiri chinangwa chaJehovha kuti rigarwe. Pisarema 115:16 rinoti: “Kudenga-denga ndiko kudenga-denga kwaJehovha; asi pasi wakapa vanakomana vavanhu.” Nokudaro Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha akasika pasi kuti rigarwe nevanhu vanoteerera, vaizoritarisira.—Genesi 1:27, 28.

Kupanduka kwaAdhama naEvha kwakaita kuti Jehovha achinje chinangwa chake here? Kwete. Tingava nechokwadi sei? Chimbofunga nezveizvi: Bhaibheri rakanyorwa zviuru zvemakore pashure pokupanduka kwomuEdheni. Kudai Mwari akanga asiya chinangwa chake chepakuvamba, nei izvi zvisingataurwi muBhaibheri? Kugumisa kuri pachena ndekwekuti chinangwa chake chepasi nevanhu chinoramba chisina kuchinja.

Uyezve, chinangwa chaJehovha hachimbokundikani. Achishandisa Isaya, Mwari anopa vimbiso iyi: “Nokuti mvura nechando sezvazvinoburuka zvichibva kudenga, zvisingazodzokeriko, asi zvinodiridza nyika, zvichiiberekesa nokuitungisa maruva, ichipa mudzvari mbeu, nomudyi zvokudya; ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.”—Isaya 55:10, 11.

Zvinotarisirwa naMwari Kwatiri

Zvakajeka kuti tinogona kuva nechivimbo mukuzadzika kwechinangwa chaMwari chokuti pasi rigarwe nokusingaperi navanhu vanoteerera. Kana tichizova pakati pevane ropafadzo iyoyo yokurarama nokusingaperi pasi pano, tinofanira kuita zvakataurwa naMambo Soromoni akachenjera kuti: “Itya Mwari, uchengete mirayiro yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.”—Muparidzi 12:13; Johani 17:3.

Kurarama maererano nechinangwa chaJehovha nokuda kwavanhu zvinoreva kusvika pakuziva Mwari wechokwadi uye kuchinjira kune zvaanoda zviri muMagwaro Matsvene. Kana tikaita izvi iye zvino, tinogona kuva netariro yokurarama nokusingaperi muparadhiso yapasi, umo tisati tichizorega kudzidza zvinhu zvitsva nezvaMwari uye zvaakasika zvinoshamisa. (Ruka 23:43) Itarisiro inofadza zvakadini!

Vakawanda vanotsvaka chinangwa muupenyu vanoenda muBhaibheri uye vanowana mufaro mukuru iye zvino. Somuenzaniso, rimwe jaya rinonzi Alfred raisawana chinangwa muupenyu. Kubatanidzwa kwechitendero muhondo kwairisemesa, uye raitsamwiswa nounyengeri uye uori huri mune zvamatongerwe enyika. Alfred akashanyira vaIndia vari kuNorth America aine tariro yokuti achawana chiedza muupenyu hwake nezvechinangwa choupenyu, asi akadzoka kuEurope aora mwoyo. Asisina tariro, akatanga kushandisa zvinodhaka uye kuteerera mimhanzi youpengo. Zvisinei, kunyatsoongorora Bhaibheri kwenguva dzose kwakabatsira Alfred kuona chinangwa chechokwadi cheupenyu uye kugutsikana.

Chiedza Chinovimbika Kunzira Yedu

Saka togumisa kuti chii nezveBhaibheri? Rinokosha here nhasi? Zvechokwadi rinokosha nokuti rinopa nhungamiro munhau dzemazuva ano. Bhaibheri rinotsanangura kuti uipi hahuna kuitwa naMwari uye rinotibatsira kuwana chinangwa chinogutsa muupenyu. Uyezve, Bhaibheri rinotaura zvakawanda pamusoro pedzimwe nhau dzinotifadza zvikuru nhasi. Nhau dzakadai sedzekuroora, kurera vana, kugarisana kwevanhu, uye tariro yevakafa zvinotaurwa muShoko raMwari.

Kana usati watoita izvi, tapota nyatsoongorora zviri muBhaibheri. Kana wangoona zvinhu zvinokosha zvinotungamirira muupenyu, unganzwa sezvakaita munyori wepisarema akatarira kuna Jehovha Mwari kuti atungamirirwe uye akaimba kuti: “Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.”—Pisarema 119:105.

[Mufananidzo uri papeji 6]

Unoziva kuti nei Mwari achibvumira vanhu vasina mhaka kuti vatambure here?

[Mufananidzo uri papeji 7]

Unogona kuva neupenyu hune chinangwa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe